Huyai, Munditevere 2024
Chiwedzerwa B: ChePuraimari—Kugadzirira Vana kuti Vave Mugwara reChibvumirano chaMwari kweUpenyu Hwose


“Chiwedzerwa B: ChePuraimari—Kugadzirira Vana kuti Vave Mugwara reChibvumirano chaMwari kweUpenyu Hwose,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Chiwedzerwa B,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024

Chiwedzerwa B

ChePuraimari—Kugadzirira Vana kuti Vave Mugwara reChibvumirano chaMwari kweUpenyu Hwose

Mumwedzi ine Svondo shanu, vadzidzisi vePuraimari vano kurudzirwa kutsiva chidzidzo chakarongwa chemuHuyai, Munditevere cheSvondo yechishanu nechimwechete kana kupfuura chezviitwa zvekudzidza izvi.

Misimboti uye Zvisungo zveVhangeri raJesu Kristu

Dzidziso dzaKristu dzinotidzidzisa madzokero okuita kuna Mwari.

Apo Jesu Kristu paakazviratidza kuvanhu munyika dzemaAmerica, Akavadzidzisa dzidziso Dzake. Akataura kuti tinokwanisa kupinda muumambo hwaMwari kana tiine rutendo, tikatendeuka, tikabhabhatidzwa, tikatambira Mweya Mutsvene, uye tikashingirira kusvika kumagumo (ona 3 Nifai 11:31–40; Dzidziso neZvibvumirano). Zviitwa zviri pazasi zvinokwanisa kukubatsira kudzidzisa vana kuti misimboti nezvisungo izvi zvinozotibatsira kuswedera pedyo neMuponesi nemuupenyu hwedu hwose.

Kuti udzidze zvakawanda pamusoro pedzidziso yaKristu, ona 2 Nifai 31.

Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa

  • Ipa vana mifananidzo inomiririra rutendo muna Jesu Kristu, rutendeuko, rubhabhatidzo, uye rusimbiso (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri nhamba 1, 111, 103 uye 105). Verenga kana kudzokorora nemusoro nevana musimboti wechitendero wechina, uye vakumbire kuti vasimudze mifananidzo yavo apo musimboti iwoyo kana chisungo ichocho pazvinotaurwa. Batsira vana kunzwisisa kuti mumwe nemumwe wemisimboti uye zvisungo izvi unotibatsira sei kuti tinyanye kuva saBaba Vokudenga naJesu Kristu.

  • Ungakwanisa kubatsira sei vana kunzwisisa kuti rutendo, rutendeuko, rubhabhatidzo, uye rusimbiso hazvisi zviitiko zvenguva imwechete asi zvinoshandura kukura kwezvepamweya kwedu nemuupenyu hwedu hwose? Semuenzaniso, unogona kuvaratidza mufananidzo wembeu nemuti mukuru (kana kudhirowa zvinhu izvi pabhodhi). Vabatsire kufunga nezvezvinhu zvinobatsira mbeu yacho kuti ikure kuva muti mukuru, sezvakaita mvura, ivhu, uye chiedza chezuva. Vabatsire kuona kuti izvi zvakafanana nezvinhu zvatinoita kuti tiswedere pedyo naMwari nemuupenyu hwedu hwose—kuvaka rutendo rwedu muna Jesu Kristu, kutendeuka zuva roga roga, kurarama zvibvumirano zvedu zverubhabhatidzo, uye nekuteerera kuMweya Mutsvene.

  • ­ Sei tichinzwa mufaro apo patinotendeuka? Goverana nevana mufaro nerudo rwawakanzwa pawakakumbira Baba Vokudenga kuti vakuregerere.

Rubhabhatidzo

Jesu Kristu akamisa muenzaniso kwandiri apo paakabhabhatidzwa.

Kunyangwe zvazvo Jesu akanga asina zvivi, Akabhabhatidzwa kuti amise muenzaniso wakarurama wekuteerera kuna Baba Vokudenga (ona 2 Nifai 31: 6–10).

Kuti udzidze zvimwe zvakawanda pamusoro perubhabhatidzo, ona Dzidziso neZvibvumirano 20:37; Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Rubhabhatidzo,” Raibhurari yeVhangeri.

Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa

  • Ratidza mufananidzo werubhabhatidzo rweMuponesi nerubhabhatidzo rwemumwe munhu (kana kuti ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 35 uye kana nhamba 103 kana kuti nhamba 104). Kumbira vana kuti vagovere izvo zvakasiyana uye izvo zvakafanana pakati pemifananidzo miviri yacho. Verengai pamwechete Mateo 3:13–17 kana “Chitsauko 10: Jesu Anobhabhatidzwa” mubhuku reNyaya dzeTestamende Itsva.

    Ita kuti vana vanongedzere kuzvinhu zviri mumifananidzo izvo zvinotaurwa muchiverengo. Taurira vana pamusoro perudo rwako kuMuponesi uye nechido chako chekuMutevera.

  • Teererai kana kuimba rumbo ruri pamusoro perubhabhatidzo. Chii chatinodzidza pamusoro perubhabhatidzo kubva murumbo rwacho? Verenga 2 Nifai 31:9–10, uye koka vana kuti vateerere mashoko anotaura kuti sei Jesu Kristu akabhabhatidzwa. Vakoke kuti vadhirowe mufananidzo waivo pachavo wepazuva ravo rerubhabhatidzo.

Ndinokwanisa kusarudza kuita chibvumirano naMwari uye ndobhabhatidzwa.

Kugadzirira rubhabhatidzo kunoreva zvakanyanya kuwanda kupfuura kugadzirira chiitiko. Zvinoreva kugadzirira kuita chibvumirano uye zvino nekuzochengeta chibvumirano ichocho kweupenyu hwose. Fungisisa makwanisiro aungaita kubatsira vana kunzwisisa chibvumirano chavanozoita naBaba Vokudenga apo pavanobhabhatidzwa, icho chinosanganisira vimbiso dzaVanoita kwavari uye vimbiso ivo dzavanoita kwaVari.

Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa

  • Tsanangura kuti chibvumirano ivimbiso pakati pemunhu naBaba Vokudenga. Apo patinoedza kuchengeta vimbiso dzedu kuna Mwari, Mwari vanovimbisa kutiropafadza. Nyora pabhodhi Vimbiso Dzangu kuna Mwari uye Vimbiso dzaMwari Kwandiri. Verengai pamwechete Mosaya 18:10, 13 uye Dzidziso neZvibvumirano 20:37, uye wobatsira vana kuita mudorongodzwa wevimbiso dzavanowana pasi pemisoro yenyaya yakakodzera. Govera maropafadzirwo awakaitwa naBaba Vokudenga apo paunoedza kuchengeta chibvumirano chako cherubhabhatidzo.

  • Ratidza vana mifananidzo yezvinhu zvakaitwa naJesu Kristu apo paAiva panyika (kuti uwane mimwe mienzaniso, ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 33–49). Ita kuti vana vataure pamusoro peizvo zviri kuitwa naJesu mumufananidzo woga woga. Verenga, Mosaya 18:8–10, 13 uye koka vana kuti vateerere kunzwa zvinhu zvavanovimbisa kuita apo pavanenge vabhabhatidzwa. Vimbiso idzi dzinozoshandura sei zviito zvedu zuva nezuva? Koka vana kuti vadhirowe mufananidzo waivo pachavo vachibatsira mumwe munhu nenzira yaizoitwa naJesu. Kana kuti unokwanisa kuitira vana bheji riri nyore rokupfeka rine zita reMuponesi pariri.

    Mufananidzo
    mukomana achibhabhatidzwa

    Apo patinobhabhatidzwa, tinoita vimbiso kuna Mwari uye Ivo vanoita vimbiso kwatiri.

Rusimbiso

Kana ndasimbiswa, ndinobva ndava nhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira.

Kuva nhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira kunounza maropafadzo mazhinji, kusanganisira mikana yekuti vana vave vatori vechinhanho vanoshingaira mubasa raMwari.

Kuti udzidze zvakawanda pamusoro perusimbiso uye chipo cheMweya Mutsvene ona Misoro yeNyaya yeVhangeri “Mweya Mutsvene,” Raibhurari yeVhangeri.

Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa

  • Koka mumwe munhu achangobva kubhabhatidzwa uye nokusimbiswa kuti auye kukirasi uye agovere manzwiro azvazvaiva zvakaita kusimbiswa. Zvinorevei kumunhu uyu kuva nhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira? Batsira vana kufunga nzira dzavanokwanisa kuchengeta nadzo chibvumirano chavo cherubhabhatidzo senhengo dzeChechi (sezvakaita kushandira vamwe, kukoka vamwe kuti vadzidze zvakawanda pamusoro paJesu, kuita minamato mumisangano, uye zvichingodaro). Govera kuti kuita zvinhu izvi kwakakubatsira sei kunzwa mufaro wekuva nhengo yeChechi yaKristu.

  • Ratidza mufananidzo wevanhu vari paMvura dzaMormoni (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 76), uye kumbira vana kuti vatsanangure zvavanoona mumufananidzo wacho. Taura nyaya yaAruma nevanhu vake vachibhabhatidzwa imomo Mosaya 18:1–17; “Chitsauko 15: Aruma Anodzidzisa uye Anobhabhatidza,” Nyaya dzeBhuku raMormoni, 43–44.

    Wongororai Mosaya 18:8–9 uye wokoka vana kuti vaite zviito zvinovabatsira kurangarira zvinhu izvo vanhu zvavaida kuita senhengo dzeChechi yaKristu. Govera chiitiko apo pawakaona nhengo dzeChechi dzichishandira nenzira idzi.

Apo pandinosimbiswa, ndinotambira chipo cheMweya Mutsvene?

Apo patinobhabhatidzwa uye nokusimbiswa, Baba Vokudenga vanovimbisa kuti “tinozova neMweya wavo nguva dzose [uinesu]” (Dzidziso neZvibvumirano 20:77). Chipo chinoshamisa ichi chinobva kuna Mwari chinonzi chipo cheMweya Mutsvene.

Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa

  • Verenga Dzidziso neZvibvumirano 33:15, uye kumbira vana kuti vateerere kuti vanzwe chipo chakakosha icho Baba Vokudenga chavanotipa apo patinobhabhatidzwa nekusimbiswa. Kuvabatsira kudzidza zvakawanda pamusoro pemabatsirirwo avanozoitwa nechipo cheMweya Mutsvene, wongororai pamwechete Johane 14:26; VaGaratia 5:22–23; 2 Nifai 32:5; 3 Nifai 27:20. ­

  • Kirasi isati yaitwa, kumbira vabereki vemwana mumwechete kana kupfuura kuti vagovere maropafadzirwo avakaitwa nokuda kwokuti vane chipo cheMweya Mutsvene. Unovabatsira sei? Vanonzwa sei inzwi raWo?

  • Imbai pamwechete rumbo rweMweya Mutsvene, rwakaita serwokuti “Mweya waMwari” (Nziyo neDzevana, 54). Batsira vana kunzwisisa izvo zvatinodzidziswa nerumbo rwacho pamusoro pekuti Mweya Mutsvene unokwanisa kutibatsira sei.

Mweya Mutsvene unokwanisa kutaura kwandiri nenzira dzakawanda.

Vana avo vanokwanisa kuziva inzwi reMweya vanozova vakagadzirira kutambira zvakazarurwa zvavo pachavo zvekuvatungamirira nemuupenyu hwavo hwose. Vadzidzisei kuti kune nzira dzakawanda idzo Mweya Mutsvene dzaunokwanisa kutaura nesu.

Zviitwa Zvingakwanisa Kuitwa

  • Batsira vana kufunga nzira dzakasiyana-siyana dzatingakwanisa kutaura nadzo kushamwari inogara kure, sezvakaita kunyora tsamba, kutumira imeiri, kana kutaura parunhare. Vadzidzise kuti Baba Vokudenga vanokwanisa kutaura kwatiri kuburikidza neMweya Mutsvene. ­

  • Govera chiitiko apo Mweya Mutsvene pawakataura newe, kuburikidza nendangariro mupfungwa dzako kana kuburikidza nemanzwiro mumwoyo wako (ona Dzidziso neZvibvumirano 6:22–23; 8:2–3). Pupura kuvana kuti Mweya Mutsvene unokwanisa kuvabatsira nenzira dzakafanana naidzodzo.

  • Batsira vana kufunga nezvenguva dzavangange vakanzwa Mweya—semuenzaniso, pakuimba rumbo pamusoro peMuponesi kana pakuitira vamwe chimwe chinhu chine tsitsi. Vabatsire kuziva manzwiro ezvepamweya anounzwa neMweya Mutsvene. Unofunga kuti sei Mweya Mutsvene uchitipa manzwiro iwayo? Batsira vana kufunga nezvezvinhu zvatinofanira kuita kuti tinzwe Mweya Mutsvene uchitaura kwatiri. Taura pamusoro peizvo zvaunoita kuti unzwe Mweya zvakanyatsojeka.

Sakaramende

Apo pandinotora sakaramende, ndinorangarira kuzvipira kweMuponesi uye ndinovandudza zvibvumirano zvangu.

Muponesi akatipa sakaramende kuti itibatsire kurangarira kuzvipira Kwake kwatiri uye nokuvandudza zvibvumirano zvedu. Nokuda kwechisungo ichi chevhiki imwe neimwe, tinokwanisa kuenderera mberi nekunakidzwa nemaropafadzo erubhabhatidzo rwedu nemuupenyu hwedu hwose.

Kuti udzidze zvimwe zvakawanda, ona Mateo 26:26–30; 3 Nephi 18:1–12; Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79.

Zviitwa Zvingakwanisa Kuitwa

  • ­ ­ Verengera vana zvikamu zvemuna 3 Nifai 18:1–12 kana “Chitsauko 45: Jesu Kristu Anodzidzisa pamusoro peSakaramende neMunamato,” Nyaya dzeBhuku raMormoni 126–27.ChurchofJesusChrist.org Chii chatinokwanisa kuita kuti tirangarire Jesu Kristu panguva yesakaramende?

  • Kumbira vana kuti vakuudze zvimwe zvinhu zvavanofanira kurangarira kuita nguva dzose, sezvakaita kusunga shangu dzavo kana kugeza maoko avo vasati vadya. Sei zvakakosha kurangarira zvinhu izvi? Verenga Moronai 4:3 kuvana, uye vakoke kuti vateerere kuti vanzwe izvo zvatinovimbisa kurangarira nguva dzose apo patinotora sakaramende. Sei zvakakosha kurangarira Jesu Kristu? Batsira vana kunzwisisa kuti chingwa nemvura zvesakaramende zvinotibatsira sei kurangarira izvo zvatakaitirwa naJesu (ona Moronai 4:3; 5:2).

  • Nyora pabhodhi “Ndinovimbisa ku …” Verenga minamato yesakaramende kuvana (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 77). Pavanonzwa vimbiso yatinoita kuna Mwari, imbomira uye wovabatsira kupedzisa mutsetse uri pabhodhi nevimbiso yavanzwa. Vabatsire kunzwisisa kuti apo patinotora sakaramende, tirikuita vimbiso dzimwechetedzo dzatakaita parubhabhatidzo.

  • Zvinorevei kutora patiri zita raJesu Kristu? Kubatsira vana kupindura mubvunzo uyu, govera muenzaniso wechimwe chinhu chatinoisa mazita edu pachiri. Sei tichiisa mazita edu pazvinhu izvi? Sei Jesu Kristu achida kuisa zita Rake patiri? Funga kugovera tsananguro iyi inobva kuna Mutungamiri Russell M. Nelson inoti: “Kutora zita reMuponesi patiri kunosanganisira kuzivisa pachena uye kupupura kune vamwe—kuburikidza nezviito zvedu uye nemashoko edu—kuti Jesu ndiye Kristu” (“The Correct Name of the Church,” Liahona, Mbudzi 2018, 88).

Simba reHupirisita, Mvumo, uye Makiyi

Mwari vanoropafadza vana Vavo kuburikidza nesimba rehupirisita.

Vose vana vaMwari—vakadzi nevarume, vaduku nevakuru—vanotambira simba raMwari apo pavanochengeta zvibvumirano zvavakaita Navo. Tinoita zvibvumirano izvi apo patinotambira zvisungo zvehupirisita sezvakaita rubhabhatidzo (ona General Handbook: Serving in The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints, 3.5, ChurchofJesusChrist.org). Kuti udzidze zvimwe zvakawanda, ona Russell M. Nelson, “Spiritual Treasures,” Liahona, Mbudzi 2019, 76–79; “Priesthood Principles,” chitsauko 3 muGeneral Handbook.

Zviitwa Zvingakwanisa Kuitwa

  • Batsira vana kuona maropafadzo avanogashira nokuda kwehupirisita. ­

  • Funga pamusoro pekudorongodza maropafadzo aya pabhodhi. Sei maropafadzo aya akakosha kwatiri? Pupura kuti maropafadzo aya anouya kwatiri nokuda kwaJesu Kristu nesimba Rake rehupirisita.

  • Nyora misoro yenyaya inotevera pabhodhi: simba raMwari uye simba raMwari uye mvumo yakapuwa vanhu panyika. Kumbira vana kuti vaise mifananidzo pasi pemusoro wenyaya wokutanga uyo unotibatsira kunzwisisa mashandisiro akaita Mwari simba Ravo kutiropafadza, sezvakaita kuburikidza nekusika nyika, nekutitungamirira uye kutirayira, kutiratidza kuti Vanotida uye Vanotiziva, uye kunzwa nekupindura minamato yedu (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 3, 68, 90, 111). Vakumbire kuti vaise mifananidzo pasi pemusoro wenyaya wechipiri uyo unotibatsira kunzwisisa mashandisiro anoita varume vakakodzera panyika simba raMwari kutiropafadza, sezvakaita kuburikidza nekuropafadza varwere, kubhabhatidza, kusimbisa, kuropafadza nokupa sakaramende, uye kusunganidza mhuri (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 46, 104, 105, 107, 120). Govera kuti sei uchivonga nehupirisita uye maropafadzo ahwunounza.

  • Imwe yenzira huru dzatinotambira nadzo maropafadzo esimba raMwari muupenyu hwedu kuburikidza nezvisungo zvehupirisita (ona Dzidziso neZvibvumirano 84:20). Kuti ubatsire vana kudzidza chokwadi ichi, unokwanisa kunyora zvinyorwa zvitsvene zvinotevera pabhodhi: 3 Nephi 11:21–26, 33 (rubhabhatidzo); Moronai 2 (rusimbiso); Moronai 4–5 (sakaramende). Vana vanokwanisa mumwe nemumwe kusarudza imwechete yendima idzi uye vodoma chisungo chainotsanangura. Koka vana kuti vagovere kuti vakaropafadzwa sei ivo pachezvavo kuburikidza nekutambira zvisungo zvehupirisita.

  • Batsira vana kunzwisisa kuti vanozotambira simba kubva kuna Mwari apo pavanobhabhatidzwa uye vachichengeta chibvumirano chavo cherubhabhatidzo. Bvunza vana kuti simba iri ringavabatsira sei.

Basa raMwari rinotungamirirwa kuburikidza nemakiyi ehupirisita uye rinozadzikiswa kuburikidza nemvumo yehupirisita.

Nhengo dzeChechi dzechirume dzakakodzera dzinokwanisa kugadzwa kuchinzvimbo muhupirisita. Pamusoro pazvo, papi nepapi apo munhu paanotsaurirwa daidzo kana kupuwa basa rekubatsira mubasa raMwari, anokwanisa kushandisa mvumo yehupirisita yaakapuhwa. Kushandiswa kwemvumo yose yehupirisita muChechi kunotungamirirwa nevanhu vane makiyi ehupirisita, sezvakaita mutungamiri wesiteki, bhishopi, nevatungamiri vechikwata. Makiyi ehupirisita imvumo yekutungamira kushandiswa kwehupirisita mukuita basa raIshe.

Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa

  • Verenga nevana Marko 3:14–15, uye varatidze mufananidzo wechiitiko chinotsanangurwa imomo (sezvakaita Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 38). Bvunza vana kana vakamboona mumwe munhu achigadzwa kuchigaro chehupirisita kana kuti achitsaurirwa daidzo (kana kuti vaudze pamusoro pezviitiko zvawakava nazvo). Izvozvo zvakafanana sei nezvakaitwa neMuponesi neVaapositora Vake? Batsira vana kunyora pabhodhi zvigaro zvehupirisita kana daidzo zvinokwanisa kupuwa kunhengo dzeChechi, sezvakaita mudzidzisi kana mutungamiri mubato. Parutivi pechinzvimbo kana daidzo yoga yoga, unokwanisa kunyora izvo mumwe munhu ane chinzvimbo ichocho kana daidzo iyoyo zvaaine mvumo yekuita. Taurira vana kuti kutsaurwa nemumwe munhu ari pasi penhungamiro yekiyi dzehupirisita kwakakubatsira sei mukushandira.

  • Koka vana kuti vafunge nezvechimwe chinhu chaunodiira kiyi, sezvakaita motokari kana gonhi. Chii chinoitika kana usina kiyi? Verengai pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 65:2, uye wogovera uchapupu hwako pamusoro pekukosha kwekuva nemakiyi ehupirisita panyika. ­ ­

  • Kumbira mumwe munhu muwadhi ane makiyi kuti auye kukirasi uye agoverane nevana zvazvinoreva kuva nemakiyi ehupirisita. Mukoke kuti atsanangure mabasa ake. Zvikamu zvipi zvebasa raIshe zvaanotungamirira? Muponesi anomubatsira sei?

Temberi uye Chirongwa cheRufaro

Temberi imba yaIshe.

Matemberi ari chikamu chechirongwa chaBaba Vokudenga chevana Vavo. Mumatemberi, tinoita zvibvumirano zvinoera Navo, tinopihwa simba rehupirisita, tinotambira zvakazarurwa, tinoitira madziteteguru edu akafa zvisungo, uye tinosunganidzwa kumhuri dzedu nokusingaperi. Zvose izvi zvinokwanisika nokuda kwaJesu Kristu nekuzvipira kwerudzikinuro Kwake.

Ungakwanisa kubatsira sei vana vaunodzidzisa kuziva kuera kweimba yaIshe uye vagozvigadzirira kuva vakakodzera kutora chinhano muzvisungo zvemutemberi? Funga pamusoro pekuwongorora zvinyorwa zvitsvene izvi: Dzidziso neZvibvumirano 97: 15–17).temples.ChurchofJesusChrist.org

Mufananidzo
vechidiki vari panze petemberi

Matemberi ari chikamu chechirongwa chaBaba Vokudenga chevana Vavo.

Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa

  • Ratidza mufananidzo mumwechete kana kupfuura wematemberi. Bvunza vana kuti chii chinoita kuti temberi ive nzvimbo yakakosha. Ratidza kuti patemberi imwe neimwe pane chinyorwa ichi: “Hutsvene kuna Ishe: Imba yaIshe.” Bvunza vana izvo zvavanofunga kuti “Hutsvene kuna Ishe” zvingarevei. Sei temberi ichidaidzwa kunzi imba yaIshe? Izvi zvinotidzidzisei pamusoro petemberi? Kana upi zvake wevana akambova kutemberi, vanokwanisawo kugovera manzwiro avakava nawo apo pavaivako. Kana wakambova kutemberi, govera manzwiro awakaita huvapo hwaIshe ikoko, uye taura pamusoro pekuti sei temberi iri nzvimbo inoera kwauri.

  • Verengai pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 97:15–17. Kumbira vana kuti vatsvake izvo zvinotarisirwa naIshe kune avo vanopinda muimba Yavo tsvene. Sei tichifanira kuva vakakodzera kuti tipinde mumba Mavo? Sechikamu chehurukuro iyi, taura nevana pamusoro pekodzereso dzekupinda mutemberi, kusanganisira matambirirwo ayo. Unokwanisa kukoka nhengo yehubhishopi kuti igoverane navo kuti bvunzurudzo yekodzereso yekupinda mutemberi uye mibvunzo inobvunzwa mairi yakaita sei.

Mutemberi, tinoita zvibvumirano naMwari.

Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti, “Jesu Kristu anotikoka kuti titore gwara rechibvumirano kudzokera kumusha kuVabereki vedu Vokudenga uye tigova neavo vatinoda” (“Come, Follow Me,” Liahona, Chivabvu 2019, 91). Batsira vana kunzwisisa kuti gwara rechibvumirano rinosanganisira rubhabhatidzo, rusimbiso, uye endaumendi yemutemberi nekusunganidzwa.

Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa

  • Kumbira vana kuti vakubatsire kuongorora chibvumirano chatinoita naMwari apo patinobhabhatidzwa uye chatinovandudza apo patinotora sakaramende (ona Mosaya 18:10; Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79). Ratidza mufananidzo wetemberi uye tsanangura kuti Baba Vokudenga vane maropafadzo akawanda avanoda kutipa mutemberi.

  • Dhirowa suwo rinonanga kugwara. Bvunza vana kuti sei vachifunga kuti zvinobatsira kuva negwara rekufamba pariri. Verengai pamwechete 2 Nifai 31:17–20, apo Nifai paanoenzanisa chibvumirano cherubhabhatidzo nesuwo uye achitikoka kuti tienderere mberi pagwara racho mushure merubhabhatidzo. Kune zvibvumirano zvakawanda zvekuita mushure merubhabhatidzo, kusanganisira zvibvumirano zvinoitwa mutemberi. Tsanangura kuti Mutungamiri Nelson vakadaidza gwara iri kuti “gwara rechibvumirano.”

Mutemberi, tinokwanisa kubhabhatidzwa nokusimbiswa kuitira madziteteguru akafa.

Vhangeri raJesu Kristu rinoita kuti zvikwanisike kuti vose vana vaMwari vadzoke kuzogara Navo, kunyange zvazvo vakafa vasingazive vhangeri. Mutemberi, tinokwanisa kubhabhatidzwa nokusimbiswa senhengo dzeChechi yaJesu Kristu pachinzvimbo chavo.

Zviitwa Zvinokwanisa Kuitwa

  • Taura pamusoro penguva apo mumwe munhu paakakuitira chimwe chinhu chawaisakwanisa kuzviitira iwe pachako. Koka vana kuti vagovere zviitiko zvakafanana naichochi. Tsanangura kuti patinoenda kutemberi, tinokwanisa kutambira zvisungo zvinoera sezvakaita rubhabhatidzo rwokuitira vamwe vakafa. Tiri kuva saJesu sei apo patinenge tichiita basa revakafa? Chii chaAkatiitira isu chataisakwanisa kuzviitira isu pachedu?

  • Koka wechidiki mumwechete kana kupfuura avo vakabhabhatidzirwa madziteteguru avo kuti vagovere zviitiko zvavo. Vabvunze izvo zvazvaiva zvakaita mutemberi. Vakurudzire kuti vagovere manzwiro avakava nawo vachiitira madziteteguru avo basa iri.

  • Dhirowa muti pabhodhi, kusanganisira midzi nemapazi. Kumbira vana kuti vafunge kuti mhuri yakaita semuti sei. Nyora pamidzi kuti Madziteteguru, nyora pamapazi kuti Zvizvarwa, uye nyora pahunde yemuti kuti Iwe. Verengai pamwechete mutsetse uyu kubva muDzidziso neZvibvumirano 128:18: “Nokuti isu tisinavo [madziteteguru edu] hatikwanisi kuitwa vakarurama; kana ivowo havakwanisi kuitwa vakarurama vasina isu.” Bvunza mibvunzo yakaita seinotevera: “Sei isu tichida madziteteguru edu? Sei zvizvarwa zvedu zvichida isu? Vabereki vedu, vanasekuru nanaambuya vedu, uye namamwe madziteteguru vakatibatsira sei?” Koka vana kuti vatsvage muneimwe yose ndima yeDzidziso neZvibvumirano 128:18 ndevo inotsanangura mabatsiriro atingaita madziteteguru edu.

  • Funga pamusoro pekushanda nevabereki vemwana woga woga kutsvaga zita remadziteteguru rekuti mwana aende naro kutemberi (ona FamilySearch.org).