Huyai, Munditevere 2024
Chiwedzerwa D: CheMakirasi eZvikwata zveHupirisita hwaAroni, uye eVasikana veChidiki—Hurongwa hweMusangano


“Chiwedzerwa D: CheMakirasi eZvikwata zveHupirisita hwaAroni, uye eVasikana veChidiki—Hurongwa hweMusangano” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Chiwedzerwa D,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024

Chiwedzerwa D

CheZvikwata zveHupirisita hwaAroni, uye Makirasi eVasikana veChidiki—Hurongwa hweMusangano

Dheti reMusangano:

Kutungamira (nhengo yekirasi kana yehutungamiri hwechikwata):

Kuvhura

Rwiyo (kana muchida):

Munamato:

Dzokororai Dingindira reVasikana Vechidiki kana Dingindira reChikwata cheHupirisita hwaAroni.

Rairanai pamwechete

Zvichitungamirirwa nemunhu ari kutungamira musangano, kirasi kana chikwata chinopedza maminetsi mashanu kusvika kugumi vachirairana pamwechete pamusoro pemabasa avo mubasa reruponeso uye kusimudzirwa kumusoro-soro. Uyu mukana wekuti kirasi kana vatungamiri vechikwata vaongorore zvinhu zvakakurukurwa mumusangano wevatungamiri kana musangano wedare revechidiki wewadhi.

Munhu ari kutungamira anokwanisawo kushandisa mumwechete kana kupfuura wemibvunzo iyi:

Kurarama vhangeri

  • Ndezvipi zviitiko zvenguva ichangopfuura zvakasimbisa uchapupu hwedu hwaJesu Kristu nevhangeri Rake?

  • Chii chatiri kuita kuti tiswedere pedyo neMuponesi? Tiri kuedza sei kuti tive tinonyanya kuva saIye?

  • Takanzwa sei nhungamiro yaIshe muupenyu hwedu?

Kutaririra avo vanoshaiwa

  • Ndiani watakanzwa tichitungamirirwa kubatsira kana kushandira? Ndeapi mabasa atakagamuchira kubva kuhubhishopi ekuti tibatsire mumwe munhu anoshaya?

  • Tingakwanisa kutsigirana sei muzvinhu zvatiri kusangana nazvo?

  • Pane munhu here akatamira muwadhi medu kana akapinda Chechi nguva ichangopfuura? Tingakwanisa kuvabatsira sei kunzwa kugamuchirwa?

Kukoka vose kuti vagamuchire vhangeri

  • Chii chatingaita kubatsira vamwe kuti vanzwe rudo rwaMwari?

  • Zvii zviitwa zvirikuuya izvo zvatingakwanisa kukoka shamwari dzedu kuti dziuye?

  • Zvirongwa zvipi zvekugovera vhangeri zvakakurukurwa mumisangano yedare revechidiki yewadhi? Kirasi yedu kana chikwata vangakwanisa sei kutora chinhanho?

Kubatanidza mhuri nekusingaperi

  • Ndedzipi dzimwe nzira dzatingakwanisa kubatana zviri nani nenhengo dzemhuri, kusanganisira vanasekuru nanaambuya uye hama?

  • Chii chatiri kuita kutsvaka mazita emadziteteguru edu anoda zvisungo zvemutemberi? Chii chatingakwanisa kuita kubatsira vamwe kuwana mazita emadziteteguru avo?

  • Tingakwanisa sei kunyanya kutora chinhanho mubasa remutemberi—semunhu pachake uye sekirasi kana chikwata?

Dzidzai pamwechete

Mutungamiri wechikuru kana nhengo yechikwata kana yekirasi anotungamira rairo pamusoro pekuverenga kwevhiki rino kweHuyai, Munditevere. Anoshandisa mazano ekunzvera ari muna Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi. Zano rekunzvera rine mufananidzo uyu rakaiswa panzvimbo imwechete neseminari uye rakanyanya kukodzera kune vechidiki. Zvisinei, mamwe api zvawo mazano ekunzvera anogona kushandiswa. Chikamu ichi chemusangano wavose chinotora maminetsi angangoita makumi matatu nemashanu kusvika kumakumi mana.

Kuvhara

Munhu arikutungamira musangano:

  • Anopa uchapupu hwemisimboti yadzidziswa.

  • Anokurukura kuti kirasi kana koramu inozoita chimwe chinhu sei pane zvavadzidza—seboka kana semunhu pachake.

Munamato: