Huyai, Munditevere 2024
Chikunguru 8–14: “Havana ‘Kumbozofa Vakatsauka.ʼ” Aruma 23–29


Chikunguru 8–14: ʻHavana “Kumbozofa Vakatsauka.’’’ Aruma 23–29,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Chikunguru 8–14. Aruma 23–29,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
VaAndi-Nifai-Rihai vachiviga zvombo zvavo

Anti-Nephi-Lehies Bury Their Weapons of War [VaAndi-Nifai-Rihai Vanoviga Zvombo Zvavo zveHondo], naJody Livingston

Chikunguru 8–14: Havana “Kumbozofa Vakatsauka”

Aruma 23–29

Unombofunga here kana vanhu vachikwanisa kushanduka zvechokwi? Zvimwe unonetseka pamusoro pokuti ungakwanisa kukunda here sarudzo dzisina kunaka dzawakaita kana tsika dzakaipa dzawakakudziridza, kana kuti ungangova nezvinetso zvimwechetezvo pamusoro pevadikanwi. Kana zviri izvo, nyaya yavaAndi-Nifai-Rihai inokwanisa kukubatsira. Vanhu ava vaiva vasingadi vaNifai uye vaivavenga. Apo vanakomana vaMosaya pavakasarudza kuparidza vhangeri kwavari, vaNifai “vaka[va]seka nokuvazvidza.” Kuuraya vaRamani kwakaratidzika semhinduro ine musoro pane kuvatendeutsa. (Ona Aruma 26:23–25.)

Asi vaRamani vakashanduka—kuburikidza nesimba rerutendeutso raIshe. Pane imwe nguva vaimbozivikanwa “savanhu vakaoma mwoyo uye vaityisa” (Aruma 17:14), asi vakava “vanoremekedzwa nokuda kwoushingairi hukuru hwavo kuna Mwari” (Aruma 27:27). Chokwadi ndechokuti, “havana kumbozofa vakatsauka” (Aruma 23:6).

Zvimwe une dzimwe pfungwa kana zviito zvekushandura kana “zvombo … zveupanduki” zvokuisa pasi (Aruma 23:7). Kana kuti zvimwe unongofanira kuva nokuzvipira kwakatikurei kuna Mwari. Zvisinei kuti ishanduko dzipi dzaunoda, Aruma 23–29 inokwanisa kukupa tariro yokuti kuburikidza nesimba rerudzikinuro raJesu Kristu, shanduko inogara kwenguva refu inokwanisika.

Mazano ekudzidza Kumba uye kuChechi

Aruma 23–25; 27

Mufananidzo
seminary icon
Rutendeuko rwangu kuna Jesu Kristu nevhangeri Rake rwunozoshandura upenyu hwangu.

VaRamani vairatidzika savanhu vasingakwanisi kutendeutswa, asi zvakadaro vazhinji vavo vakava neshanduko dzinoshamisa nokuda kwaJesu Kristu. VaRamani vakatendeuka ava vakazvidaidza kuti vaAndi-Nifai-Rihai.

Kuverenga Aruma 23–25; 27 kungangokukurudzira kufungisisa nezverutendeuko rwako pachako. Tarisa mashandukiro akaita vaAndi-Nifai-Rihai—matendeukiro avakaita “kuna Ishe” (Aruma 23:6). Ndima dzinotevera dzinokwanisa kuita kuti utange:

Munzira dzipi idzo Jesu Kristu nevhangeri Rake dzaakakushandura? Ndiriinhi pawakanzwa uri pedyo Naye? Ungakwanisa kuziva sei kana uri kutendeukira kuna Jesu Kristu? Chii chinotevera icho Mweya chauri kukufemera kuti uite?

Aruma 24:7–19; 26:17–22

Nokuti Ishe vane ngoni, Vanondiregerera apo pandinotendeuka.

Shanduko yakava nevaAndi-Nifai-Rihai yaiva yakapfuura kungova shanduko mumaitiro avo—yaiva shanduko yemwoyo yakazvarwa kuburikidza norutendo muna Jesu Kristu uye rutendeuko rwemwoyo wose. Pamwe unokwanisa kuwana chokwadi pamusoro perutendeuko mundima imwe neimwe muna Aruma 24:7–19. Ndima idzi dzinodzidzisa chii pamusoro pengoni dzaMwari kune avo vanotendeuka? Ndezvipi zvimwezve zvokwadi zvaunodzidza kubva muna Aruma 26:17–22?

Fungisisa kuti Mwari vakaratidza sei ngoni Dzavo muupenyu hwako. Ungakwanisa kutaridza sei ruvongo rwako kwaVari?

Aruma 26; 29

Kugovera vhangeri kunondiunzira mufaro.

Shoko rekuti mufaro rinoratidzwa ka24 muna Aruma 23–29, zvichiita kuti zvitsauko izvi zvive nzvimbo yakanaka yekudzidza magamuchiriro okuita mufaro mukurarama—uye mukugovera—vhangeri reMuponesi. Funga pamusoro pekunzvera Aruma 26:12–22, 35–37; uye 29:1–17, uchitsvaka zvikonzero zvekuti sei Ammon, vanakomana vaMosaya, naAruma vakafara. Chii chaunodzidza kubva mundima idzi chinokwanisa kutungamirira kumufaro wakawedzerwa muupenyu hwako?

Gosa Marcus B. Nash vakadzidzisa kuti: “Kugovera vhangeri kunomutsiridza mufaro netariro mumweya yavose mupi nemugamuchiri. … Kugovera vhangeri mufaro pamusoro pemufaro, tariro pamusoro petariro” (“Hold Up Your Light,” Liahona, Mbudzi 2021, 71). Ndezvipi zviitiko zvawakava nazvo uchigoverana vangeri kune vamwe? Ndezvipi zvinetso zvaunosangana nazvo apo paunenge uchitsvaka kugovera vhangeri? Baba Vokudenga vangakwanisa sei kukubatsira kukunda zvinetso izvi?

Kuti uwane rairidzo yehuporofita pamusoro pemagovero okuita vhangeri—uye ugowana mufaro mukuzviita—funga pamusoro pekunzvera shoko raMutungamiri Dallin H. Oaks rekuti: “Sharing the Restored Gospel,” (Liahona, Mbudzi 2016, 57–60). Ipfungwa dzipi dzaunowana mushoko ravo?

Funga pamusoro pekuita mudorongodzwa wezvinhu zvaunozogoverana neshamwari pamusoro peBhuku raMormoni. Edza kugovera Bhuku raMormoni uchishandisa apu yeBhuku raMormoni.

Tsvaka mitoo nemadingindira. Apo patinonzvera magwaro matsvene, tinokwanisa kuwana zvokwadi zvakakosha nokutsvaka mashoko, ndevo, kana pfungwa dzakadzokororwa. Pfungwa dzakadzokororwa idzodzo dzinokwanisa kuiswa noti kana kuti kuiswa link mumagwaro matsvene ako kuti dzive nyore kuona.

Aruma 26:5–7

Ndinokwanisa kuwana dziviriro muna Jesu Kristu nevhangeri Rake.

Panguva yekukohwa, zviyo zvinowanzounganidzwa kuitwa mwanda zvinodaidzwa kunzi zvisote zvoiswa mutsapi, dzimwe nguva dzinodaidzwa kunzi matura Muna Aruma 26:5–7 fungisisa kuti zvisote, matura, uye dutu zvingamiririrei muupenyu hwako. Unowana sei dziviriro muna Jesu Kristu?

Mazano eKudzidzisa Vana

Aruma 24:6–24

Ishe vanondiropafadza apo pandinoedza kuchengeta vimbiso dzangu kwaVari.

  • Pamwe vana vako vanganakidzwa nekuviga “zvombo” zvavo sevaAndi-Nifai-Rihai. Unokwanisa kuverenga ndima shoma kubva muna Aruma 24:6–24 kuti udzidzise vana pamusoro pevimbiso dzakaitwa nevaAndi-Nifai-Rihai kutevera Muponesi. Vanokwanisa zvino kufunga nezvechimwe chinhu chavanozoshandura kuti vaMutevere, vochinyora papeji yechiitwa yevhiki rino, uye vonyepedzera kuchera gomba uye kuviga chombo chavo.

  • Vana vako vanokwanisa kuverenga Aruma 24:15–19, vachitsvaka zvakaitwa nemaAndi-Nifai-Rihai “seuchapupu kuna Mwari.” Zvino unokwanisa kutaura navo pamusoro pokuti zvibvumirano zvedu zvinokwanisa sei kuva “uchapupu kuna Mwari” (ndima 18). Ita kuti vana vako vataure pamusoro pemaratidziro avanozoita Mwari kuti vanoda kuMutevera. ­

Aruma 24:7–10; 26:23–34; 27:27–30

Ndinokwanisa kutendeuka.

  • Kuti ubatsire vana vako kuona kuti Jesu Kristu anokwanisa sei kutibatsira kushanduka apo patinotendeuka, unokwanisa kuvadzidzisa pamusoro pevaAndi-Nifai-Rahai. Kuti uite izvi, ungangonyora pambiya mbiri kuti “vasati” uye “mushure.” Zvino vana vako vanokwanisa kuverenga Aruma 17:14–15 uye 27:27–30, vonyora pasi zvakanga zvakaita vaRamani vasati vatendeuka uye mushure mokutendeuka, uye voisa mundiro kwayo. Maererano naAruma 24:7–10, chii chakavabatsira kushanduka? Tingakwanisa sei kuratidza ruvongo rwedu kuna Mwari nengoni Dzavo?

Aruma 26; 29

Jesu Kristu anondiunzira mufaro, uye ndinokwanisa kugovera mufaro uyu.

  • Pamwe iwe nevana vako munganakidzwa nekudhirowa mifananidzo yezvinhu zviri muvhangeri raJesu Kristu zvinokuunzirai mufaro. Govera mufananidzo wako nevana vako, uye vakurudzire kuti vagovere mufananidzo wavo nemumwe munhu kubatsira munhu iyeyo kuti anzwewo mufaro.

  • Batsira vana vako kuwana mashoko anoti mufaro uye fara muna Aruma 26 uye 29. Chii chakaunzira Amoni naAruma mufaro kana chakavaita kuti vafare? Mubvunzo uyu unokwanisa kutungamirira kunhaurirano pamusoro pemufaro unouya kubva mukurarama kana kugovera vhangeri raJesu Kristu.

Aruma 27:20–30

Ndinokwanisa kubatsira shamwari dzangu kurarama vhangeri raJesu Kristu.

  • Vana vako vanokwanisa kuverenga Aruma 27:22–23, vachitsvaka izvo zvakaitwa nevaNifai kubatsira vaAndi-Nifai-Rihai kuchengeta vimbiso yavo yekusazomborwa zvakare. Tingabatsira sei shamwari dzedu kuti vachengete vimbiso dzavo? Vana vako vanokwanisa kuita mitambo yemamiriro ezvinhu akadayi. Semuenzaniso, chii chatingataura kushamwari inoda kureva nhema kana kuita utsinye?

Mufananidzo
VaAndi-Nifai-Rihai vachiviga zvombo zvavo

Illustration of the Anti-Nephi-Lehies burying their weapons [Mufananidzo wevaAndi-Nifai-Rehi vachiviga zvombo zvavo], naDan Burr