Huyai, Munditevere 2024
Chikunguru 15–21: “Simba reShoko raMwari.” Aruma 30–31


“Chikunguru 15–21: ‘Simba reShoko raMwari.’ Aruma 30–31,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Chikunguru 15–21. Aruma 30–31,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Aruma achidzidzisa Koriho

All Things Denote That There Is a God (Alma and Korihor) [Zvinhu Zvose Zvinoratidza Kuti Kuna Mwari (Aruma naKoriho)], naWalter Rane

Aruma 30–31: “Simba reShoko raMwari”

Aruma 30–31

Tsananguro dziri muna Aruma 30–31 dzinoratidza zvakajeka simba ramashoko—ezvakaipa uye ezvakanaka. “Mashoko anobata kumeso” uye “anotutumadza zvikuru” emudzidzisi wemanyepo ainzi Koriho aityisidzira kuunza “mweya yakawanda kuruparadzo” (Aruma 30:31, 47). Zvimwechetezvo, dzidziso dzemupanduki wechiNifai ainzi Zoramu dzakatungamirira boka rose revanhu kuti vawire “muzvikanganiso zvikuru” uye “mukutsveyamisa nzira dzaIshe” (Aruma 31:9, 11).

Mukusiyana, Aruma aiva norutendo rusingazunguziki rwokuti shoko raMwari raizova rine “shanduro inesimba gurusa papfungwa dzavanhu kupfuura munondo, kana chimwe chinhu zvacho” (Aruma 31:5). Mashoko aAruma akatsanangura chokwadi chokusingaperi uye akashandisa simba raJesu Kristu kunyararisa Koriho (ona Aruma 30:39–50), uye akakoka maropafadzo edenga pana avo vakaenda naye kunodzosera vaZoramu kuchokwadi zvakare (ona Aruma 31:31–38). Iyi mienzaniso yakakosha yevateveri vaKristu nhasi apo mashoko enhema paari kwese kwese. Asi tinokwanisa kuwana chokwadi nokuvimba, sezvakaitwa naAruma, “nesimba reshoko raMwari” (Aruma 31:5).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Aruma 30:6–31

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Muvengi anoedza kundinyengedza nedzidziso dzemanyepo.

Muna Aruma 30, Koriho anodaidzwa kunzi “Mupikisi waKristu” (ndima 6). Mupikisi waKristu ndiani zvake kana chinhu chipi zvacho chinopikisa zviripachena kana muchivande Jesu Kristu nevhangeri Rake. Ndedzipi ndima muna Aruma 30:6–31 dzinoratidza kuti Koriho anoenderana netsananguro iyi? Kunzvera dzidziso dzemanyepo dzaKoriho kunokwanisa kukubatsira kuziva uye kuramba dzidziso dzakafanana naidzodzo. Zviitwa zvinotevevera zvinokwanisa kukubatsira mukunzvera kwako:

  • Ndezvipi zvidzidzo zvinoshandiswa zvinobatika zvaunokwanisa kufunga nezvazvo kuitira kuti unzwisise zvirinani musiyano pakati pedzidziso dzeMuponesi uye nemanyepedzero enhema aSatani? Mimwe mienzaniso ndeye kwezvo inoshandisa pakuredza hove, mari yemanyepo, kana kushambadza kwemanyepo. Ungakwanisa kuziva sei kana chimwe chinhu chiri chemanyepo? Ungakwanisa sei kuziva chokwadi?

  • Funga kunyora mudorongodzwa wedzidziso dzemanyepo dzakadzidziswa naKoriho Aruma 30:6–31. Ndedzipi dzedzidziso dzake dzingangova dzinokwezva nhasi? (ona Aruma 30:12–18, 23–28). Ndedzipi njodzi dzinokwanisa kuuya kubva mukutambira pfungwa dzakadaro? Ndeapi mashoko emanyepo anoshandiswa nemuvengi kuedza kukunyengedza nhasi?

  • Chii icho chakaitwa naAruma kuti apikise dzidziso dzaKoriho nechokwadi? (ona Aruma 30 31–54). Ungakwanisa sei kushandisa misimboti mimwecheteyo muupenyu hwako?

SaAruma, vaporofita nevaapositora vamazuva ano vanotibatsira kuziva musiyano pakati pechokwadi nenhema dzaSatani. ­

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Tsvaka Chokwadi uye Dzivirira Nyengedzo,” Raibhurari reVhangeri; “Taura, Chokwadi Chiyi,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 60.

Mufananidzo
Koriho anotaura naAruma

Korihor Confronts Alma [Koriho Anopikisana naAruma], naRobert T. Barrett

Aruma 30:39–46

Zvinhu zvose zvinopupura nezvaMwari.

Vanhu vakawanda nhasi vanotenda kuti hakuna Mwari. Chii chaunowana muna Aruma 30:39–46 chinokubatsira kuziva kuti Mwari variko zvechokwadi? Chii chinotidzivirira kubva mukuVaziva? Ndehupi humwe uchapupu Mwari hwavakakupa hwekuti Vanorarama?

Aruma 30:56–60

Muvengi haatsigiri vateveri vake.

Chii chaunodzidza kubva muna Aruma 31:56–60 pamusoro pamabatiro anoita dhiyabhorosi vateveri vake? Chii chaungakwanisa kuita kuti udzivirire imba yako kubva kurunziro yake?

Onawo Aruma 36:3.

Aruma 31

Shoko raMwari rine simba rekutungamira vanhu kuururami.

Dambudziko rokuparadzana kwavaZoramu kubva kuvaNifai ringangova rakaratidzika kuna vamwe seraida gadziriso yezvematongerwo enyika kana yemauto (ona Aruma 31:1–4). Asi Aruma akanga adzidza kuvimba “nesimba reshoko raMwari” (Aruma 31:5). Chaunodzidza kubva kuna Aruma 31:5 pamusoro pesimba reshoko raMwari? (onawo VaHeberu 4:12; 1 Nifai 15:23–24; 2 Nifai 31:20; Jakobo 2:8; Hiramani 3:29–30).

Apo paunonzvera Aruma 31, ndezvipi zvimwe zvokwadi zvevhangeri zvaunokwanisa kuwana zvinoenderana nezviitiko zveupenyu hwako? Semuenzaniso:

  • Wakaona sei shoko raMwari richitungamira vanhu kuita zvinhu zvakanaka? (ona ndima 5).

  • Enzanisa maitiro, manzwiro, uye zviito zvaAruma maererano navamwe (ona ndima 34–35) neizvo zvavaZoramu (ona ndima 17–28). Ungaita sei kuti unyanye kuva saAruma?

  • Chii chaunowana muna Aruma 31:30–38 chinokwanisa kubatsira vanhu vanosuwa nokuda kwezvivi zvavamwe?

Aruma 31:5–6

Nokuda kwaJesu Kristu, munhu upi zvake anokwanisa kushanduka.

Cherechedza boka revanhu rakatorwa naAruma naye kunodzidzisa vhangeri kuvaZoramu (ona Aruma 31:6). Chii chatinoziva pamusoro peupenyu hwevanhu ava muna Mosaya 27:8–37; 28:4; Aruma 10:1–6; 11:21–25; 15:3–12. Ishoko ripi ringavapo kwauri muzviitiko zvavo?

Mazano eKudzidzisa Vana

Aruma 30

Bhuku raMormoni rinondiyambira kubva kudzidziso dzemanyepo.

  • Funga kuisa zvimwe zvinhu pazvinoonekwa (sezvakaita mari kana zvokudya) uye matoyi okutambisa akafanana nezvinhu izvi. Izvi zvinokwanisa kutungamira kuhurukuro pamusoro pamaziviro okuita musiyano pakati pezvinhu zviri zvechokwadi uye zvinhu zviri zvemanyepo. Zvino unokwanisa kubatsira vana vako kudoma kubva muna Aruma 30:12–18 dzidziso dzenhema kana dzemanyepo idzo Koriho dzaakadzidzisa pamusoro paMwari. Muna Aruma 30:32–35, Aruma akadavira sei kunhema idzodzo? Chii chatinodzidza kubva kumuenzaniso wake?

Aruma 30:44

Zvinhu zvose zvinopupura nezvaMwari.

  • Aruma akataura pamusoro pokuti zvinhu zviri mudenga uye zviri pasi zvinopupura sei kuti Mwari vanorarama. Kana zvichibvira, famba panze nevana vako kana kumira pafafitera apo pamunoverenga Aruma 30:44. Vakumbire kunongedzera kuzvinhu zvavanoona izvo zvinovabatsira kuziva kuti Mwari variko zvechokwadi uye kuti Vanovada. Vanokwanisawo kudhirowa mifananidzo yezvinhu zvavanowana (ona peji yechiitwa yevhiki ino).

  • Apo iwe nevana vako pamunoimba “Ndinokutendai Baba” (Nziyo neDzevana Vadiki, 118, gamuchidzanai bhora kana chimwe chinhu. Nguva nenguva misa mumhanzi uye bvunza mwana akabata bhora kana chinhu kuti agovere chinhu chimwechete Baba Vokudenga chavakasika icho chaanovonga nezvacho.

Vana vanodzidza kuburikidza nezvinhu zvinoonekwa. Zvinhu zvinoonekwa zvinozobatsira vana vako kunzwisisa zvirinani uye kurangarira kwenguva refu izvo zvavakadzidziswa. Zviitwa zvizhinji zvevana zviri muchidzidzo chino zvinopa mazano ezvinhu zvinoonekwa zvokushandisa. Funga pamusoro pokuratidza zvakare zvinhu zvinoonekwa zvimwechetezvo mune ramangwana kubatsira vana vako kurangarira izvo zvavakadzidza.

Aruma 31:5

Shoko raMwari rine simba.

  • Ungakwanisa kubatsira sei vana vako kunzwisisa kuti shoko raMwari rine simba gurusa kupfuura “chimwe chinhu chipi zvacho”?. (Aruma 31:5). Funga pamusoro pokuvakumbira kufunga nezvechimwe chinhu kana mumwe munhu ane simba, kana kuti ratidza mifananidzo yezvinhu zvishoma zvine simba. Chii chinoita kuti zvive nesimba? Verengai Aruma 31:5 pamwechete, uye bvunza vana vako izvo zvavanofunga kuti ndima iyi inoreva. Govera chiitiko apo shoko raMwari parakava neshanduro ine simba pauri.

Aruma 31:8–35

Baba Vokudenga vanonzwa minamato yangu.

  • Muchidimbu rondedzera nyaya yaAruma navaZoramu, uchishandisa ndima kubva muna Aruma 31:8–35 (onawo “Chitsauko 28: VaZoramu neRameumbutomu,” Nyaya dzeBhuku raMormoni, 78–80). Batsira vana vako kudoma zvinhu izvo vaZoramu zvavakataura mumunamato wavo (ona Aruma 31:15–18) apo pavanokubatsira kuvaka shongwe yeRameumbutomu nezvidhinha kana matombo. Tsanangura kuti iyi haisiriyo nzira yatinofanira kunamata nayo. Apo iwe navana vako pamunotaura pamusoro pamanamatiro atinofanira kuita, ita kuti vabvise zvidhinha kana matombo rimwechete panguva. Pamwe vanokwanisa kuchengeta rimwe rematombo parutivi rwemubhedha wavo sechiyeuchidzo chokunamata mangwanani nemanheru oga oga. Vanogona kunakidzwa nokushongedza dombo ravo.

Mufananidzo
MuZoramu achinamata paRameumbutomu

Mwoyo yavaZoramu “yaitutumara mukuzvikudza kukuru, murudado rwavo” (Aruma 31:25).