Huyai, Munditevere 2024
Gunyana 23–29: “Simukai, uye Muuye Mberi Kwandiri.” 3 Nifai 8–11


Gunyana 23–29: ʻSimukai uye Muuye Mberi Kwandiri.’ 3 Nifai 8–11,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Gunyana 23–29. 3 Nifai 8–11,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Jesu achizviratidza kuvaNifai

I Am the Light of the World [Ndiri Chiedza cheNyika], naJames Fullmer

Gunyana 23–29: “Simukai, uye Muuye Mberi Kwandiri”

3 Nifai 8–11

“Tarisai, ndini Jesu Kristu uyo vaporofita wavakapupura kuti achauya panyika” (3 Nifai 11:10). Nemashoko aya, Muponesi akamuka kuvakafa Akazvisuma, achizadzikisa makore anodarika mazana matanhatu ehuporofita hweBhuku raMormoni. “Kuzviratidza ikoko uye nechiziviso ichocho,” Gosa Jeffrey R, Holland vakanyora, “zvakavamba nangiso yakakosha, nguva hurusa, munhoroondo yose yeBhuku raMormoni. Chaiva chiratidzo uye chiziviso chapamutemo Chakanga chazivisa uye nokukurudzira muporofita wose wechiNifai. … Munhu wose akanga ataura nezvake, aimba nezvake, arota nezvake, uye anamatira kuzviratidza kwake—asi aiva avapano zvechokwadi. Zuva ramazuva! Mwari vanoshandura usiku hutema hwose kuva chiedza chamangwanani vakanga vasvika” (Christ and the New Covenant [1997], 250–51).

­

Mazano ekudzidza Kumba uye kuChechi

3 Nifai 8–11

Jesu Kristu ndiye Chiedza cheNyika.

Ungangocherechedza kuti madingindira ari maererano nerima nechiedza anodzokororwa namose muna 3 Nifai 8–11. Chii chaunodzidza kubva muzvitsauko izvi pamusoro perima nechiedza zvepamweya? (ona, semuenzaniso, 3 Nifai 8:19–23; 9:18; 10:9–13). Chii chinounza rima muupenyu hwako? Chii chinounza chiedza? Unofunga kuti sei Muponesi akasarudza kuZvisuma “sechiedza neupenyu hwenyika”? (3 Nifai 9:18; 11:11).

Zviitiko zvinotsanangurwa muna 3 Nifai 9–11 zviri pakati peizvo zvinonyanya kuera muBhuku raMormoni. Zviverenge zvishoma nezvishoma, uye wonyatsozvifungisisa. Heino mimwe mibvunzo yekukubatsira. Funga pamusoro pekunyora pasi manzwiro anouya kwauri.

  • Ndaizonzwa sei dai ndaiva pakati pevanhu ava?

  • Chii chinondifadza pamusoro peMuponesi muzvitsauko izvi?

  • Ndinoziva sei kuti Jesu Kristu ndiye Muponesi wangu?

  • Ari chiedza sei muupenyu hwangu?

­

Nyora Pasi Manzwiro Ako. Apo paunonyora pasi manzwiro ezvepamweya aunogamuchira, zvinokwanisika kuti unozogamuchira zvimwe zvakawanda.

3 Nifai 9–10

Jesu Kristu ane chido chikuru chekuregerera.

Gosa Neil L. Andersen vakataura vachiti, “Ndinopupura kuti Muponesi anokwanisa uye ane chido chikuru chekuregerera zvivi zvedu” (“Repent … That I May Heal You,” Liahona, Mbudzi 2009, 40). Tsvaka muna 3 Nifai 9–10 kuti uwane umboo hwechido chikuru chaKristu chekuregerera. Chii chaunowana muna 3 Nifai 9:13–22; 10:1–6 chinokubatsira kunzwa rudo nengoni Zvake? Ndiriinhi pawakaMunzwa “achikuunganidza” uye “nokukuriritira” (ona 3 Nifai 10:4).

3 Nifai 9:19–22

Ishe vanoda “mwoyo wakatyoka nemweya unozvidemba.”

Muponesi asati auya, zvibairo zvemhuka zvaiva chiratidzo chechibairo chaJesu Kristu (ona Mosesi 5:5–8). Ndeupi murairo mutsva wakapuwa neMuponesi muna 3 Nifai 9:20–22? Unotinongedzera sei kwaAri uye nekuzvipira Kwake?

Zvinorevei kwauri kupa mupiro wemwoyo wakatyoka nemweya unozvidemba? Sei uchinzwa kuti Muponesi anoda mupiro uyu kubva kwauri?

3 Nifai 11:1–8

Mufananidzo
seminary icon
Ndinokwanisa kudzidza kunzwa uye kunzwisisisa inzwi raMwari.

Unoziva sei apo Mwari pavanenge vachitaura newe? Pamwe chiitiko chavanhu muna 3 Nifai 11:1–8 chinokwanisa kukubatsira kunzwisisa mimwe misimboti yekunzwa uye kunzwisisa inzwi raMwari. Ungangocherechedza hunhu hweinzwi raMwari iro rakanzwikwa navanhu uye zvavakaita kuti varinzwisise zvirinani.

Zvingangobatsirawo kuongorora zvimwe zvinyorwa zvitsvene zvinotsanangura inzwi raMwari kana shanduro yeMweya Wavo. Hezvino zvishoma. Pamwe, mushure mokuverenga izvi, unokwanisa kunyora nhungamidzo dzekucherechedza zvakazarurwa: 1 Madzimambo 19:11–12; VaGaratia 5:22–23; Aruma 32:27–28, 35; Hiramani 10:2–4; Eta 4:11–12; Dzidziso neZvibvumirano 9:7–9; 11:11–14.

Unokwanisawo kubatsirwa nekunzwa kubva kuvaporofita, vaapositora, uye navamwe vatungamiri veChechi vanhasi vane ruzivo rwokunzwa nekutevera inzwi raMwari. ­ ­

Unozoshandisa sei zvawadzidza kuti unzwe uye nokuziva inzwi raMwari zvakanyanya kujeka?

Onawo Russell M. Nelson, “Munzwe,” Liahona, Chivabvu 2020, 88–92.

Mufananidzo
Jesu achiratidza mavanga ari mumaoko Ake kuvaNifai

One by One [Mumwechete neMumwechete], naWalter Rane

3 Nifai 11:8–17

Jesu Kristu anondikoka kuti ndiwane uchapupu hwangu pachangu hwezvake Iye.

Paiva navanhu vangangosvika zviuru zviviri namazana mashanu vakaungana muNyika yeMaguta apo Jesu Kristu paakazviratidza (ona 3 Nifai 17:25). Zvisinei nehuwandu hukuru uhwu, Muponesi akavakoka mumwe nemumwe wavo “mumwechete nemumwechete” kuti vabate mavanga ezvipikiri mumaoko nemutsoka Dzake (3 Nifai 11:14–15). Apo paunoverenga, fungidzira kuti zvingava zvaiva zvakaita sei kuvapo. Muponesi anokukoka nenzira dzipi kuti “usimuke uye uuye mberi kwaAri”? (3 Nifai 11:14).

­

Mazano eKudzidzisa Vana

Nokuda kwekuti Svondo ino iSvondo yechishanu yemwedzi, vadzidzisi vePuraimari vanokurudzirwa kushandisa zviitwa zvekudzidza zviri “muChiwedzerwa B: Kugadzirira Vana Kuramba Vari Mugwara reChibvumirano raMwari kweUpenyu Hwose.”

3 Nifai 8–9

Apo pandinenge ndiri murima, Jesu Kristu anokwanisa kuva chiedza changu.

  • Kubatsira vana vako kuti vanzwisise zviitiko zvakatsanangurwa muna 3 Nifai 8–9, unokwanisa kutaurazve kana kuteerera kune zvakarekodhwa zvezvikamu zvezvitsauko izvi muri mumupanda une rima. Kurukurai zvazvingava zvaiva zvakaita kuva murima kwamazuva matatu. Zvino munokwanisa kutaura pamusoro pokuti sei Jesu Kristu Akazvidaidza kuti Chiedza cheNyika (ona 3 Nifai 9:18). Chii icho Jesu chaakakoka vanhu, uye nesu, kuti tiite kuitira kuti Agokwanisa kuva chiedza chedu? (ona 3 Nifai 9:20–22).

3 Nifai 10:4–6

Jesu anodzivirira vanhu Vake sekudzivirira kunoita nhunzvi nhiyo dzayo.

  • Mufananidzo wenhunzvi ichiunganidza nhiyo dzayo unokwanisa kuva chishandiso chekudzidzisa chine simba chekubatsira vana kunzwisisa hunhu uye nebasa zveMuponesi. Unokwanisa kuverenga 3 Nifai 10:4–6 apo mhuri yako painenge ichitarisa mufananidzo wenhunzvi nenhiyo. Sei nhunzvi ichifanira kuunganidza nhiyo dzayo? Sei Muponesi achida kutiunganidza pedyo Naye? Tinouya sei kwaAri kuitira ruchengeteko?

3 Nifai 11:1–15

Jesu Kristu anondikoka kuti ndiuye kwaAri.

  • Unozobatsira sei vana vako kunzwa Mweya apo pamunoverenga 3 Nifai 11:1–15 pamwechete? Pamwe unokwanisa kuvakumbira kuti vakuudze apo pavanowana chimwe chinhu mundima idzi chinovabatsira kuti vanzwe rudo rwaMwari. Unokwanisa kuita zvimwechetezvo nemifananidzo iri mudzidzo chino. Udza vana vako pamusoro pemanzwiro aunoita apo paunoverenga uye nekufungisisa zviitiko izvi. Ita kuti vagovere manzwiro avo.

3 Nifai 11:1–8

Mwari vanotaura kuneni neinzwi rakapfava, diki.

  • Pamwe ungakwanisa kuverenga dzimwe dzendima idzi “neinzwi diki,” rakapfava (3 Nifai 11:3). ­ Vanhu vaifanira kuita chii kuti vanzwisise inzwi raibva kudenga? (ona ndima 5–7). Chii chatinodzidza kubva kuchiitiko chavo?

3 Nifai 11:21–26

Jesu Kristu anoda kuti ndibhabhatidzwe.

  • Apo paunoverenga 3 Nifai 11:21–26, unokwanisa kukoka vana vako kuti vasimuke nguva yoga yoga yavanonzwa shoko rekuti bhabhatidza. Chii chakadzidziswa naJesu pamusoro perubhabhatidzo? Kana vana vako vakamboona rubhabhatidzo, vakumbire kuti vatsanangure zvavakaona. Sei Jesu achida kuti tibhabhatidzwe?

­

Mufananidzo
Jesu achizviratidza kuvaNifai

One Shepherd [Mufudzi Mumwechete], naHoward Lyon.