Huyai, Munditevere 2024
Gunyana 30–Gumiguru 6: “Ndini Mutemo, uye Chiedza.” 3 Nifai 12–16


“Gunyana 30–Gumiguru 6: ‘Ndimi Mutemo, uye Chiedza.’ 3 Nifai 12–16,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi:: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Gunyana 30–Gumiguru 6. 3 Nifai 12–16,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

Mufananidzo
Jesu achinongedzera vaApostora Vane Gumi neVaviri

Third Nephi: These Twelve Whom I Have Chosen [Nifai weChitatu: Vane Gumi naVaviri Ava Avo Vandakasarudza], naGary L. Kapp

Gunyana 30–Gumiguru 6: “Ndini Mutemo, uye Chiedza”

3 Nifai 12–16

Savateveri vaJesu avo vakaungana kuti vanzwe Mharidzo yepaGomo muGararia, vanhu avo vakaungana patemberi muNyika yaMaguta vakanga vararama mutemo waMosesi. Vakanga vautevera nokuda kwokuti wainongedzera mweya yavo kuna Kristu (ona Jakobo 4:5), uye iyezvino Kristu akamira pamberi pavo, achizivisa mutemo wapamusoro. Asi kunyangwe avo vedu vasina kumbobvira vararama mutemo waMosesi tinokwanisa kuziva kuti mwero wakamiswa naJesu kuVadzidzi vake ndewe pamusoro. “Ndinoda kuti imi muve vakarurama,” Akazivisa pachena (3 Nifai 12:48). Kana izvi zvichiita kuti unzwe kuti haukwanirani nazvo, yeuka kuti Jesu akatiwo, “Vakaropafadzwa varombo pamweya avo vanouya kwandiri, nokuti umambo hwokudenga ndohwavo” (3 Nifai 12:3). Mutemo wapamusoro uyu kukoka—imwe nzira yokuti “Huyai kwandiri uye imi muponeswe” (3 Nifai 12:20). Semutemo waMosesi, mutemo uyu unotinongedzera kuna Kristu—Uyo Mumwechete anokwanisa kutiponesa nokutiruramisa. “Tarisai,” Akadaro, “Ndini Mutemo, uye chiedza. Tarisai kwandiri, uye mushingirire kusvikira kumagumo, uye imi muchararama” (3 Nifai 15:9).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

3 Nifai 12–14

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Ndinokwanisa kuva mudzidzi wechokwadi waJesu Kristu.

Heino imwe nzira yekunzvera nayo uye nokushandisa nayo izvo Muponesi zvaakadzidzisa muna 3 Nifai 12–14: Sarudza boka rendima, uye ona kana uchikwanisa kudzipfupisa kuita mutsetse mumwechete unotanga nokuti “Vadzidzi vechokwadi vaJesu Kristu …” Semuenzaniso, pfupiso ya3 Nifai 13:1–8 inogona kuva “Vadzidzi vechokwadi vaJesu Kristu havatsvaki rumbidzo yeruzhinji nokuda kwokuita zvakanaka.” Zviedze nendima idzi:

Mushure mokunzvera ndima idzi, chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti utevere Jesu Kristu?

Mirairo iri muna 3 Nifai 12:48 inokwanisa kuratidzika seinorema—kunyangwe isingikwanisiki. ­ Maererano naMoronai 10:32–33, chii chinoita kuti zvive zvinokwanisika kuva wakarurama seMuponesi?

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri “Iva saJesu Kristu,” Raibhurari reVhangeri.

Shandisa zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatika. Muponesi akadzidzisa zvokwadi zvakakosha kuburikidza nokutaura zvinhu zvatinoziva. Unokwanisa kuita zvakafanana apo mhuri yako painenge ichiverenga 3 Nifai 12. Kutarisa kana kubata munyu, kenduru, kana jasi kunokwanisa kukudziridza hurukuro pamusoro pezvokwadi zvokusingaperi izvo Muponesi zvaAkadzidzisa.

3 Nifai 12:1–2; 15:23–24;16:1–6

Vakaropafadzwa avo vanotenda vasina kuona.

Vashomanana vevana vaMwari ndivo vakaona Muponesi uye nokunzwa inzwi Rake, sezvakaitwa navanhu paNyika yaMaguta. Vazhinji vedu takanyanya kufanana navanhu vakatsanangurwa muna 3 Nifai 12:2; 15:23; uye 16:4–6. Ndedzipi vimbiso dzinoitwa kuvanhu vakadaro mundima idzi? Vimbiso idzi dzakazadzikiswa sei muupenyu hwako?

Onawo Johane 20:26–29; 2 Nifai 26:12–13; Aruma 32:16–18.

3 Nifai 12:21–30; 13:1–8, 16–18; 14:21–23

Ndinokwanisa kuedza kuchenesa zvido zvemwoyo wangu.

Rimwe dingindira raunokwanisa kucherechedza muzvitsauko izvi ndere kukoka kweMuponesi kuti tirarame mutemo wapamusoro—kuti tive vakarurama kwete chete muzviito zvedu zvokunze asiwo mumwoyo yedu. Tsvaka dingindira iri apo Muponesi paanoutaura nezve gakava (3 Nifai 12:21–26), kusazvibata (3 Nifai 12:27–30), munamato (3 Nifai 13:5–8); uye kutsanya (3 Nifai 13:16–18). Ndeipi mimwe mienzaniso yaunokwanisa kuwana? Chii chaunokwanisa kuita kuchenesa zvido zvemwoyo wako?

3 Nifai 14:7–11

Baba Vokudenga vanozondipa zvinhu zvakanaka apo pandinokumbira, pandinotsvaka, uye pandinogogodza.

Apo paunoverenga kukoka kweMuponesi muna 3 Nifai 14:7–11 kukumbira, kutsvaka, nekugogodza, fungisisa izvo “zvinhu zvakanaka” zvaVangangoda kuti ukumbire. Ndima dzimwe dzemagwaro matsvene dzinotevera dzinokwanisa kukubatsira kunzwisisa kuti unokumbira, unotsvaka, uye unogogodza sei. Dzinokwanisa kutsanangura kuti sei mimwe minamato isingapindurwe nenzira yaunotarisira: Muporofita Isaya 55:8–9; Hiramani 10:4–5; Moronai 7:26–27, 33, 37; uye Dzidziso neZvibvumirano 9:7–9; 88:64. Ndima idzi dzingangoshandura sei nzira yaunokumbira, yaunotsvaka, uye yaunogogodza nayo?

Mazano eKudzidzisa Vana

3 Nifai 12:14–16

Ndinokwanisa kuva muenzaniso wakanaka nokutevera Jesu.

  • Dzimwe nguva vana vangangosaziva kuti mienzaniso yavo inoropafadza vamwe zvikuru sei. Shandisa 3 Nifai 12:14–16 kuvakurudzira kuti vaite kuti chiedza chavo chipenye. Semuenzaniso, apo paunoverenga “iwe” kana “chako” mundima idzi, kumbira vana vako kuti vanongedzere kwavari ivo. Taurira vana pamusoro pechiedza chaunoona mavari apo pavanotevera Jesu Kristu uye makurudziro achinokuita kuMuteverawo. Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo runokurudzira vana kupenya sechiedza..

  • Kukurudzira vana vako kuti vasavandisa chiedza chavo (ona 3 Nifai 12:15), ita kuti vatore majano kuvanza kana kufukidza rambi kana mumwe mwenje. Vanokwanisa kufugura mwenje nguva yoga yoga yavanotaura chimwe chinhu chavanokwanisa kuita kuti vave muenzaniso wakanaka kuna vamwe.

3 Nifai 13:19–21

“Zviunganidzirei pfuma kudenga.”

  • Kuverenga ndima idzi kunokwanisa kukurudzira hurukuro pamusoro pezvinhu zvatinokoshesa. Pamwe unokwanisa kusimbisa ndevo iyi nokutungamira mhuri pakutungamirira vana vako kunovhima pfuma kuti muwane zvinhu mumba menyu zvinovayeuchidza nezve pfuma ine ukoshi hwokusingaperi.

3 Nifai 14:7–11

Baba Vokudenga vanopindura minamato yangu.

  • Apo paunoverenga Nifai 14:7, vana vako vanokwanisa kuita zviito zvinomiririra kumwe nekumwe kwekukoka kweMuponesi mundima idzi. Somuenzaniso, vanokwanisa kusimudza maoko avo (kumbira), kuita mabhainokura nemaoko avo (tsvaka), kana kunyepedzera kugogodza pamukova (kugogodza). Batsira vana vako kufunga nezve zvinhu zvavanokwanisa kutaura uye nokukumbira muminamato yavo.

  • Vana vako vangangonakidzwa nemutambo umo mavanokumbira chimwe chinhu uye vogamuchira chimwe chinhu chakasiyana zvachose nechavakumbira. Muna 3 Nifai 14:7–11,chii icho Muponesi chaanoda kuti isu tizive pamusoro paBaba vedu vari Kudenga?

3 Nifai 14:21–27; 15:1

Muponesi anoda kuti ini ndinzwe uye ndiite izvo zvaAnodzidzisa.

  • Funga nezve nzira yaunokwanisa kubatsira nayo vana vako kufungidzira nyaya mufananidzo iri mundima idzi. Pamwe mhuri yako inokwanisa kudhirowa mifananidzo, kuita zviito, kana kuumba zvinhu pahwaro hwakasimba uye pahwaro hweivhu. Vanokwanisawo kutsivanisa mazita avo “nemurume akachenjera” apo pavanoverenga 3 Nifai 14:24–27. Kana kuti vanokwanisa kusimuka nguva yoga yoga yavanonzwa shoko rokuti “anoita” muna 3 Nifai 14:21–27 uye 15:1.

  • Hechino chidzidzo chinoshandisa zvinhu zvinobatika chaunokwanisa kuedza: kumbira vana vako kufungidzira kuti rimwe remakumbo avo rinomiririra kunzwa mashoko eMuponesi uye rimwe rinomiririra kuita izvo Muponesi zvaakadzidzisa. Koka vana vako kuti vaedze kumira pagumbo ravo chete “rokunzwa”. Chii chaizoitika dai mhepo yakasimba yaizovhuvhuta nemumupanda? Zvino iwe navana vako munokwanisa kutsvaka zvimwe zvinhu chaizvo izvo Muponesi zvaakatidzidzisa kuti tiite: ona 3 Nifai 12:3–12, 21–26; 13:5–8.

Mufananidzo
Jesu achidzidzisa vaNifai

The Savior’s Visit to the People in America [Kushanya kweMuponesi kuVanhu muAmerica], naGlen S. Hopkinson.