Huyai, Munditevere 2024
Gumiguru 7–13: “Tarisai, Mufaro Wangu Wakazara.” 3 Nifai 17–19


Gumiguru 7–13: ʻTarisai, Mufaro Wangu Wakazara.ʼ 3 Nifai 17–19,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Gumiguru 7–13. 3 Nifai 17–19,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Jesu achizviratidza kuvaNifai

The Light of His Countenance Did Shine upon Them [Chiedza cheChiso Chake Chakapenya Pavari], naGary L. Kapp

Gumiguru 7–13: “Tarisai, Mufaro Wangu Wakazara”

3 Nifai 17–19

Jesu Kristu akanga apedza zuva rose achishumira muNyika yeMaguta, achidzidzisa vhangeri Rake, achipa vanhu mukana wekuona uye kubata mavanga mumuviri Wake wakamuka kuvakafa, uye achipupura kuti Akanga ari iye Muponesi akavimbiswa. Zvino yakanga yava nguva yokuti Aende. “Nguva yangu yava pedyo,” Akadaro (3 Nifai 17:1). Aiva ava pedyo kudzokera kuna Baba Vake, uye Aiziva kuti vanhu vaida nguva yokufungisisa izvo zvaakanga adzidzisa. Naizvozvo, achivimbisa kudzoka zuva raitevera, akataurira mhomho yavanhu kuti vaende kudzimba dzavo. Asi hapana akabva. Havana kutaura zvavainzwa, asi Jesu aizviziva: vaitarisira kuti “Aizogara navo kwechinguva chakatirebei” (3 Nifai 17:5). Akanga aine zvimwe zvinhu zvakakosha zvokuita, asi kuratidza tsitsi kuvana vaMwari chinhu chakakosha zvikuru nguva dzose kwaAri. Saka Jesu akagara kwechinguva chakatirebei. Zvakazotevera waiva pamwe muenzaniso unobata mwoyo zvikurusa wekushumira wakanyorwa mumagwaro matsvene. Avo vaivapo vaingokwanisa kutaura chete kuti zvaiva zvisingatsananguriki (ona 3 Nifai 17:16–17). Jesu Pachake akapfupisa kudururwa kwemweya kusina kugadzirirwa uku nemashoko akareruka aya: “Zvino tarisai, mufaro wangu wakazara” (3 Nifai 17:20).

Mazano ekudzidza Kumba uye kuChechi

3 Nifai 17; 18:24–25, 30–32

Muponesi ndiye muenzaniso wangu wakanakisisa wekushumira.

Vanhu vangangosvika zviuru zviviri nemazana mashanu vaivapo apo Muponesi paakazviratidza, asi zvakadaro Akawana nzira yekushumira kwavari mumwechete nemumwechete. Chii chaunocherechedza pamusoro penzira yaAishumira nayo muna 3 Nifai 17; 18:24–25, 28–32? Zvidikanwi zvipi zvaAkashumira kwazviri? Hunhu hupi hwakaita kuti kushumira Kwake kubudirire? Ungangofungawo pamusoro pemashumiriro Aanoita kwauri. Ungakwanisa sei kutevera muenzaniso Wake? (Onawo 3 Nifai 18:24–25 uye 28–32.)

3 Nifai 17:13–22; 18:15–25; 19:6–9, 15–36

Muponesi akandidzidzisa manamatiro okuita.

Fungidzira zvazvingazova zvakaita kunzwa Muponesi achikunamatira. Chiitiko chakadai chingashandura sei manamatiro aunoita? Fungisisa izvi apo paunonzvera 3 Nifai 17:13–22; 18:15–25; uye 19:6–9, 15–36. Chii chaunodzidza kubva kumuenzaniso uye dzidziso dzaJesu Kristu pamusoro pemunamato? Funga pamusoro pekutsvaka nzwisiso pamusoro pekuti tinonamata sei, riinhi, kupi, tinonamatira ani, uye sei tichifanira kunamata. Ndedzipi dzimwe nzwisiso dzaunowana kubva mundima idzi?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 10:5.

3 Nifai 18:1–12

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Ndinokwanisa kuzadzwa neMweya apo pandinotora sakaramende.

Apo patinoita chimwe chinhu kakawanda, chinokwanisa kuva tsika yama zuva ose kana kurerutswa. Dzimwe nguva tinopedzisira tavakuchiita tisina kana kufunga. Ungakwanisa sei kuita kuti izvi zvisaitika kune chisungo chevhiki roga roga chesakaramende? Apo paunoverenga 3 Nifai 18:1–12, fungisisa kuti ungakwanisa sei “kuzadzwa” panezvepamweya nguva yoga yoga yaunotora sakaramende (onawo 3 Nifai 20:1–9). Maererano nendima 5–7, 11, ndezvipi zvimwe zvinhu zvaunofanira kuita “nguva dzose?” Ungangofungisisawo pamusoro pokuti sei Jesu akatipa chisungo chesakaramende—uye kana sakakaramende iri kuzadzikisa zvinangwa Zvake muupenyu hwako. Sei sakaramende ichiera kwauri?

­ ­ Chii chaungakwanisa kuita kunatsurudza kunamata kwako panguva yesakaramende uye nemuvhiki rose?

Ndezvipi zvimwe zvaungakwanisa kuita kuti unamate zvine musoro? Unokwanisa kuzvibvunza mibvunzo yakaita seiyi: “Kuzvipira kweMuponesi kuri kushandura sei upenyu hwangu hwezuva nezuva?” “Chii chandiri kuita zvakanaka semudzidzi Wake, uye chii chandinganatsurudza?”

Onawo Mateo 26:26–28.

Bvumira nguva yekufungisisa. Dzimwe nguva, kunzvera magwaro matsvene kunova musanganiswa wekuverenga, kunamata, nekufungisisa. Kana ukabvumira nguva yakanyarara yokufungisisa nekutaura naMwari pamusoro pezvauri kudzidza, unokwanisa kuwedzera simba reshoko Ravo muupenyu hwako.

3 Nifai 18:22–25

Ndinokwanisa “kusimudza” chiedza chaJesu Kristu.

Fungidzira kuti une shamwari isina chainoziva pamusoro paJesu Kristu kunze kwokuti uri mumwe wevateveri Vake. Shamwari inozoti kudii pamusoro Pake, maererano nezviito zvako? Zvinorevei kwauri “kusimudza chiedza chako kuti chivhenekere kunyika”? (3 Nifai 18:24). Ndekupi kumwe kukoka kwakapuwa neMuponesi muna 3 Nifai 18: 22–25 kunokubatsira kusumudza chiedza ichocho?

­

3 Nifai 18:36–37; 19:6–22

Vadzidzi vaJesu Kristu vanotsvaka chipo cheMweya Mutsvene.

Funga pamusoro peminamato yako ichangopfuura. Minamato yako inokudzidzisa chii pamusoro pezvido zvako zvakadzamisisa? Mushure mokupedza zuva vari pamberi peMuponesi, mhomho yavanhu “yakanamatira icho chavaidisisa zvikuru”—chipo cheMweya Mutsvene (3 Nifai 19:9). Sei chipo cheMweya Mutsvene chichidiwa zvakadaro? Apo paunoverenga ndima idzi, fungisisa chido chako pachako chekuva nehufambidzani hweMweya Mutsvene. Unokwanisa sei kutsvaka nemwoyo wose hufambidzani ihwohwo?

Mazano eKudzidzisa Vana

3 Nifai 17:7, 20–25

Muponesi anoda mwana woga woga waBaba Vokudenga.

  • Unokwanisa kushandisa mufananidzo wakaita seiyo iri muchidzidzo chino kubatsira vana vako kuona mupfungwa rondedzero iri muna 3 Nifai17. Funga pamusoro pekuverenga ndevo kana ndima kubva muna 3 Nifai 17 dzinosimbisa rudo rweMuponesi kuvanhu (sezvakaita ndima 7 uye 20–25). Vana vako vanokwanisa kuzodhirowa mufananidzo waivo pachavo vaina Jesu. Apo pavanenge vachidaro, vabatsire kufunga nezvenzira idzo Jesu dzaakaratidza rudo Rwake kwavari.

Mufananidzo
Jesu achiropafadza vana

Behold Your Little Ones [Tarirai Vaduku Venyu]naGary L. Kapp

3 Nifai 18:1–12

Ndinokwanisa kufunga nezvaJesu apo pandinotora sakaramende.

  • Pamwe unokwanisa kukoka vana vako kuti vakuudze zvinoitika panguva yesakaramende. Zvino unokwanisa kuverenga 3 Nifai 18:1–12 uye wokumbira vana vako kuti vasimudze ruoko apo pavanonzwa chimwe chinhu chakafanana nezvatinoita nhasi. Chii icho Jesu Kristu chaanoda kuti tirangarire kana kufunga pamusoro pacho panguva yesakaramende? (ona 3 Nifai 18:7, 11).

3 Nifai 18:15–24; 19: 6–9, 15–36

Jesu akandidzidzisa manamatiro okuita.

  • Kuimba pamwechete rumbo rwuri pamusoro pemunamato, sezvakaita “Munamato weMhuri” (Nziyo neDzevana Vadiki, 130–131), inzira yakanaka yekubatsira vana vako kufunga pamusoro pekuti sei tichinamata. Iwe nevana vako munokwanisa zvino kuverenga 3 Nifai 18:18–21 motaura pamusoro peizvo zvakadzidziswa naJesu pamusoro pemunamato. Kukoka vana vako kuti vakuudze manzwiro avanoita apo pavanonamata kunokwanisa kuvabatsira kugovera uchapupu hwavo hwemunamato.

  • Zvingave zvinonakidza kuti vana vaende kunotsvaka mamwe emaropafadzo anokosha emunamato. Unokwanisa kunyora majerero ezvinyorwa zvitsvene anotevera pazvidimbu zvemapepa uye wozviviga: 3 Nifai 18:15; 3 Nifai 18:20; 3 Nifai 18:21; 3 Nifai 19:9; uye 3 Nifai 19:23. Vana vako vanokwanisa zvino kuwana mapepa acho uye voverenga ndima dzakanyorwapo, vachitsvaka zvinhu zvakadzidziswa naJesu Kristu kana vadzidzi Vake pamusoro pemunamato.

Mufananidzo
ngirozi dzakakomberedza Jesu navana vechiNifai

Angels Ministered unto Them [Ngirozi Dzakashumira Kwavari]naWalter Rane.