Huyai, Munditevere 2024
Gumiguru 21–27: “Hakuna Vamwe Vanhu Vaifara Kupfuura Vanhu Ava.” 3 Nifai 27–4 Nifai


Gumiguru 21–27: ‘Hakuna Vamwe Vanhu Vaifara Kupfuura Vanhu Ava.’ 3 Nifai 27–4 Nifai,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Gumiguru 21–27. 3 Nifai 27–4 Nifai ,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Jesu Akamuka Kuvakafa achidzidzisa vanhu

Gumiguru 21–27: “Hakuna Vamwe Vanhu Vaifara Kupfuura Vanhu Ava”

3 Nifai 274 Nifai

Dzidziso dzaJesu Kristu dzinopfuura zvikuru kungova ruzivo rwakanaka rwokufungisisa. Dzakaitirwa kutikurudzira kuti tive saIye. Bhuku ra4 Nifai rinotaridza kuti vhangeri reMuponesi rinokwanisa kushandura sei vanhu zvakazara chaizvo. Mushure mehushumiri hupfupi hwaJesu, mazana amakore egakava pakati pavaNifai navaRamani akaguma. Marudzi maviri aizivikanwa nokuda kwehupanduki uye nerudado akava “mumwechete, vana vaKristu” (4 Nifai 1:17), uye vakatanga kuva “vakaenzana muzvinhu zvose pakati pavo” (4 Nifai 1:3). “Rudo rwaMwari … rwakagara mumwoyo yavanhu,” uye “hakuna vamwe vanhu vaifara kupfuura vanhu ava pakati pavanhu vose avo vakanga vakasikwa noruoko rwaMwari” (4 Nifai 1:15–16). Aya ndiwo mashandurirwo akaitwa vaNifai navaRamani nedzidziso dzoMuponesi. Dzirikukushandurai sei?

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

3 Nifai 27:1–12

Chechi yaJesu Kristu inodaidzwa nezita Rake.

Apo vadzidzi veMuponesi pavakatanga kumisa Chechi Yake nemunyika yose, mubvunzo wakauya uyo, kuna vamwe vanhu, ungangoratidzika sechinhu chidiki—zita reChechi rinofanira kunzii? (ona 3 Nifai 27:1–3). Chii chaunodzidza pamusoro pekukosha kwezita iri kubva kumhinduro yeMuponesi muna 3 Nifai 27:4–12?

Muponesi akaratidza zita reChechi Yavo nhasi muDzidziso neZvibvumirano 115:4. Fungisisa shoko roga roga ririmuzita iroro. Mashoko aya anotibatsira sei kuziva kuti tiri vanani, izvo zvatinotenda, uye maitiro atinofanira kuita zvinhu?

Onawo Russel M. Nelson, “Zita Kwaro reChechi,” Liahona, Mbudzi 2018, 87–89.

3 Nifai 27:10–22

Chechi yaJesu Kristu yakavakirwa pavhangeri Rake.

Mushure mokutsanangura kuti Chechi Yake inofanira “kuvakirwa pavhangeri [Rake]” (3 Nifai 27:10), Muponesi akatsanangura izvo vhangeri Rake zvariri. Unozopfupisa sei izvo zvaAkataura muna 3 Nifai 27:13–22? Maererano netsananguro iyi, zvinorevei kuChechi—uye kwauri—kuvakirwa pavhangeri Rake?

Nyora pasi izvo zvauri kudzidza. Cherechedza izvo Muponesi zvaakadzidzisa vadzidzi Vake muna 3 Nifai 27:23–26. Sei zvakakosha kuchengeta rondedzero yezviitiko zvepamweya? Chii chaunonzwa kufemerwa kunyora pasi apo pawaverenga hushumiri hweMuponesi muna 3 Nifai?

3 Nifai 28:1–11

“Chii icho iwe chaunoshuvira?”

Unozoti kudii kana Muponesi akakubvunza, sokubvunza kwaAkaita vadzidzi Vake, “Chiiko chamunoda kubva kwandiri?” (3 Nifai 28:1). Funga pamusoro pemubvunzo uyu apo paunoverenga 3 Nifai 28: 1–11. Chii chaunodzidza pamusoro pezvishuviro zvemwoyo yavadzidzi kubva mumhinduro dzavo kumubvunzo Wake? Zvishuviro zvako zviri kushanduka sei apo paunorarama vhangeri raJesu Kristu?

­ Funga pamusoro pokuwana rwiyo rwunoratidza zvishuviro zvake.

3 Nifai 29–30

Bhuku raMormoni chiratidzo chokuti basa ramazuva ekupedzisira raMwari riri kuzadzikiswa.

Funga pamusoro pezviratidzo izvo zvinoita kuti uzive kuti chimwe chinhu chinozoitika. Somuenzaniso, unoziva sei kuti mvura iri kuuya kana kuti mwaka iri kushanduka? Maererano 3 Nifai 29:1–3, unoziva sei kuti basa raMwari rokuunganidza vanhu Vavo “ravakutotanga kuzadzikiswa”? (onawo 3 Nifai 21:1–7). Ungangocherechedzawo, muna 3 Nifai 29:4–9, zvinhu izvo vanhu zvavanozoramba muzuva redu. Bhuku raMormoni rinosimbisa sei rutendo rwako mune zvinhu izvi?

4 Nifai 1:1–18

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Kutevera dzidziso dzaJesu Kristu kunotungamirira kurubatano nemufaro.

Zvaizova zvakaita sei kurarama mumakore akatevera kushanya kweMuponesi? Apo paunonzvera 4 Nifai 1: 1–18, funga pamusoro pokudorongodza maropafadzo ayo akagamuchirwa navanhu. Ungangomakawo kana kunyora pasi sarudzo dzavakaita idzo dzakatungamirira kuupenyu hwakaropafadzwa uhwu. Chii icho Jesu chaakavadzidzisa chinokwanisa kunge chakakurudzira sarudzo dzakarurama dzavo? Heino mimwe mienzaniso, asi iwe ungangowana mimwe: 3 Nifai 11:28–30; 12:8–9, 21–24, 40–44; 13:19–21, 28–33; 14:12; 18:22–25.

Fungisisa zvaunokwanisa kuita kuti ubatsire mhuri yako, wadhi, kana nharaunda yako kugara murubatano rukurusa uye nemumufaro mukurusa. Chii chaunokwanisa kuita kuti ubatsire kukunda rupesano uye kuva zvirokwazvo “vamwechete” nevamwe vana vaMwari? Ndedzipi dzidziso dzaJesu Kristu dzinokubatsira kuzadzikisa chinangwa ichi?

Zvinosuwisa ndezvokuti, vanhu vemuZioni vakatsanangurwa muna 4 Nifai pokupedzisira vakawira muhunyangadzi. Apo paunoverenga 4 Nifai 1:19–49, tsvaka mafungiro nemaitiro akagumisa mufaro norubatano rwavo. Chii chaunokwanisa kuita kubatsira kubvisa mafungiro kana maitiro aya?

Onawo Mosesi 7:18; Misoro yeNyaya yeVhangeri,“Kuva Nhengo muChechi yaJesu Kristu,” Raibhurari yeVhangeri.

Mazano eKudzidzisa Vana

3 Nifai 27:3–8

Ndiri nhengo yeChechi yaJesu Kristu.

  • Kuti usume kukosha kwezita reChechi yaJesu, taura navana vako pamusoro pemazita avo. Sei mazita edu akakosha? Zvino munokwanisa kuverenga 3 Nifai 27: 3 pamwechete, muchitsvaka mubvunzo uyo vadzidzi vaJesu wavakanga vainawo. Batsira vana vako kuwana mhinduro muna 3 Nifai 27: 5–8. Sei zita reChechi rakakosha?

  • Unokwanisawo kubatsira vana vako kufunga nezve mapoka akasiyana siyana avari nhengo dzawo, sezvakaita mhuri kana kirasi yePuraimairi. Vabvunze kuti chii chavanoda pamusoro pokuva nhengo yeboka roga roga. ­

3 Nifai 27:13–16

Chechi yaJesu Kristu yakavakirwa pavhangeri Rake.

  • Muponesi akapfupisa vhangeri Rake muna 3 Nifai 27. Ungangotsanangura kuvana vako kuti shoko rokuti vhangeri rinovera kuti “mashoko akanaka.” Ndeapi mashoko akanaka aunowana muna 3 Nifai 27:13–16? Shandisa peji yechiitwa yevhiki rino kudzidzisa kuti Chechi yeMuponesi yakavakirwa pavhangeri Rake.

3 Nifai 27:30–31

Baba Vokudenga vanofara apo vana Vavo pavanodzoka kwaVari.

  • Funga pamusoro pokutamba mutambo umo mumwe munhu maanovanda uye vamwe voedza kumuwana. Izvi zvinokwanisa kutungamirira kuhurukuro pamusoro pemufaro watinonzwa apo mumwe munhu aiva akarashika paanowanikwa. Mushure mokuverenga 3 Nifai 27:30–31, munokwanisa kutaura pamusoro pokuti mungabatsirana sei kugara pedyo naBaba Vokudenga kuitira kuti “pasava … neanorashika.”

4 Nifai

Kutevera Jesu Kristu kunondiunzira mufaro.

  • Kuti ubatsire vana vako kudzidza pamusoro pemufaro wavanhu vakatsanangurwa muna 4 Nifai, unokwanisa kuvataridza mifananidzo yevanhu vanofara. Zvino, apo pamunoverenga pamwechete ndima 2–3 uye 15–17 (kana “Chitsauko 48: Runyararo muAmerica,” Nyaya dzeBhuku raMormoni, 136–37), vanokwanisa kunongedzera kumifananidzo yacho apo pamunosvika pane chimwe chinhu munyaya chinounza mufaro.

  • Kuti ubatsire vana vako kudzidzira izvo zvinodzidziswa muna 4 Nifai 1:15–16, unokwanisa kuvapa mamiriro ezvinhu umo vanhu mavakashatirirwana. Vakoke kuti vaite mutambo unotaridza mamiriro ezvinhu angavapo kana tiine “rudo rwaMwari” mumwoyo yedu.

Mufananidzo
Jesu achitaura nevadzidzi vatatu vechiNifai

Christ with Three Nephite Disciples [Kristu veVadzidzi Vatatu vechiNifai ], naGary L. Kapp.