Huyai, Munditevere 2024
Gumiguru 14–20: “Imi Muri Vana veChibvumirano.” 3 Nifai 20–26


Gumiguru 14–20: ‘Imi Muri Vana veChibvumirano.’ 3 Nifai 20–26,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Gumiguru 14–20. 3 Nifai 20–26,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Kristu achizviratidza kuvaNifai

Mufananidzo waKristu achizviratidza kuvaNifai, naAndrew Bosley

Gumiguru 14–20: “Imi Muri Vana veChibvumirano.”

3 Nifai 20–26

Apo paunonzwa vanhu vachishandisa mashoko akaita sokuti Imba yaIsraeri, unonzwa here sokunge vari kutaura pamusoro pako? VaNifai navaRamani vaiva zvizvarwa chaizvo zvaIsraeri, “bazi remuti waIsraeri,” asi zvakadaro vainzwa kuti “vakarasika kubva mumuviri wayo” (Aruma 26:36; onawo 1 Nifai 15:12). Asi Muponesi aida kuti vazive kuti vaiva vasina kurasika kwaAri. “Imi muri vemba yaIsraeri,” Akadaro, “uye imi muri vechibvumirano” (3 Nifai 20:25 Angangotaura zvimwe zvakafanana naizvozvo kwauri nhasi, nokuti ani nani zvake anobhabhatidzwa uye anoita zvibvumirano Naye iyewo ndewe Imba yaIsraeri, “ndewe chibvumirano”. Namamwe mashoko, apo Jesu paanotaura nezve Imba yaIsraeri, Arikutaura pamusoro pako. Rairo yokuropafadza “hama dzose dzapanyika” ndeyako (3 Nifai 20:27). Kukokwa kwokuti “muka zvakare, uye upfeke simba rako” ndekwako (3 Nifai 20:36). Uye vimbiso yakakosha Yake yokuti, “Ngoni dzangu hadzichazobvi pauri, uye kana chibvumirano cherunyararo rwangu hachichazobviswi,” ndeyako (3 Nifai 22:10).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

3 Nifai 20–22

Mumazuva ekupedzisira, Mwari vanozoita basa rinoshamisa.

Muna 3 Nifai 20–22, Muponesi akapa huporofita pamusoro peramangwana ravanhu vechibvumirano Vake (ona kunyanya 3 Nifai 20:30–32, 39–41; 21:9–11, 22–29). Paunoverenga ndima idzi, yeuka izvo zvakataurwa naMutangamiri Russell M. Nelson: “Tiri vanhu vechibvumirano chaIshe. Wedu isu mukana wekuti titore chinhanho isu pachezvedu mukuzadzikiswa kwevimbiso idzi. Inguva inonakidza zvakadii kurarama!” (“The Gathering of Scattered Israel,” Liahona, Mbudzi 2006, 79). Ndehwupi huporofita hwunonyanya kukufadza ? Chii chaunokwanisa kubatsira kuhwuzadzikisa?

Tsvaka mashoko nendevo zvinokuridzira. Ungangowana kuti mamwe mashoko nendevo zviri mumagwaro matsvene zvinokubata mwoyo, sokunge zvakanyorerwa iwe pachako. Funga pamusoro pekuzvimaka mumagwaro matsvene ako kana kuzvinyora mujenari rako raunonyora zvaunonzvera.

3 Nifai 22; 24

Mwari vane ngoni kuvanhu vanodzoka kwaVari.

Muna 3 Nifai 22 uye 24, Muponesi anotapa mashoko kubva kuna aIsaya naMaraki ayo azere nemifananidzo yakajeka uye enzaniso dzakajeka—marasha mumoto, sirivha yakanatswa, mahwindo ekudenga. (ona kunyanya 3 Nifai 22:7–8, 10–17; 24:10–12, 17–18). Chii chinodzidziswa neenzaniso idzi pamusoro pehukama hwaMwari navanhu Vavo—uye ukama Hwavo newe? Vimbiso dziri muzvitsauko izvi dzakazadziswa sei muupenyu hwako?

3 Nifai 23:6–13

Kunyora pasi zviitiko zvepamweya kunokwanisa kuropafadza mhuri yangu.

Chii chinokufadza pamusoro pekutaurirana kweMuponesi naNifai muna 3 Nifai 23: 6–13? Kana Muponesi aizowongorora rondedzero dzawakachengeta, mibvunzo ipi yaAngakubvunza? Ndezvipi zviitiko zvakakosha kana zviitiko zvepamweya zvatinofanira kunyora pasi? Sei zvakakosha kuita kudaro? (ona 3 Nifai 26:2).

3 Nifai 23; 26:1–12

Muponesi anoda kuti nditsvagurudze magwaro matsvene.

Apo paunoverenga 3 Nifai 20:10–12; 23; 26:1–12, fungisisa kuti Muponesi anonzwa sei pamusoro pamagwaro matsvene. Mutsauko upi uri pakati pekutsvagurudza magwaro matsvene nokungoaverenga? (ona 3 Nifai 23:1).

3 Nifai 24:7–12

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Kubhadhara chegumi kunozarura mahwindo ekudenga.

Vanhu vaMwari vakagara vachirairwa kuti vabhadhare chegumi (ona Genesi 14:17–20; Maraki 3:8–11). Apo paunonzvera 3 Nifai 24: 7–12, funga pamusoro pokuti sei Mwari vachikumbira vanhu vavo kubhadhara chegumi. Mibvunzo iyi inokwanisa kutungamirira kunzvera kwako:

  • Mutemo wechegumi chii? (Ona Dzidziso neZvibvumirano 119. “Pamhidziro” muchakazarurwa ichi inoreva mari inotambirwa. Nhengo dzose idzo dzinotambira mari dzinofanira kubhadhara chegumi.) Chegumi chakasiyana sei kubva kune mamwe marudzi ezvipo?

  • Chegumi chinoshandiswa kuitei? Unokwanisa kuwana chikamu chemudorongodzwa hwezvinoshandisirwa chegumi muMisoro yeNyaya yeVhangeri, “Chegumi” (Raibhurari yeVhangeri). Inzira dzipi dzawakaropafadzwa nadzo nokuda kwokuti nhengo dzeChechi dzinobhadhara chegumi?

  • Ndeapi maropafadzo anouya kuvanhu vanorarama mutemo wechegumi? (Ona 3 Nifai 24:7–12). ­ Tsvaka, kunyanya, maropafadzo anouya ayo asiri emari. Wakaona sei maropafadzo muupenyu hwako?

Ungangodawo kuverenga Marko 12:41–44. Nyaya iyi inokudzidzisa chii?

3 Nifai 25:5–6

Ishe vakatumira Eria kutendeutsira mwoyo wangu kumadziteteguru angu.

Muzuva redu, mwoyo yedu “inotendeutsirwa kumadzibaba [edu]” kuburikidza nebasa remutemberi uye renhoroondo yemhuri. Izvi zvakaitika kwauri sei? Apo paunoverenga 3 Nifai 25:5–6 uye Dzidziso neZvibvumirano 110:13–16, fungisisa pamusoro pokuti sei izvi chiri chikamu chakakosha kudaro chechirongwa chaMwari.

Onawo: “Ishe Vakandipa TemberiNziyo neDzeVana Vadiki, 188.

Mazano eKudzidzisa Vana

3 Nifai 23:1, 5

Ndinokwanisa kutsvagurudza magwaro matsvene neushingi.

  • Mirairidzo yeMuponesi iri muna 3 Nifai 23 inoratidza makoshero akaita magwaro matsvene kwaAri? Kuti ubatsire vana vako kuziva izvi, unokwanisa kuverenga 3 Nifai 23:1, 5 uchidudza uye wovakumbira kuti vateerere kushoko iro rinodzokororwa katatu. Kutsvagurudza kwakasiyana sei kubva mukungoverenga?

  • Pamwe iwe navana vako munokwanisa kunyora pasi chinyorwa chitsvene chamunonyanya kufarira uye mochiviga. Zvino munokwanisa kutora majano kuwana chinyorwa chitsvene chakavigwa chemumwe nemumwe wenyu, mozviverenga pamwechete, uye motaura pamusoro pokuti sei ndima idzi dzakakosha.

3 Nifai 24:8–12

Kubhadhara chegumi kunozarura mahwindo ekudenga.

  • Batsira vana vako kutsvagurudza 3 Nifai 24:8–12 kuti vawane nzira dzokupedzisa mutsetse uyu: Kana ndikabhadhara chegumi, Ishe vanozo … . Unokwanisawo kugovera chiitiko umo mawakaropafadzwa nokuda kwekubhadhara chegumi. Kana zvichizobatsira, funga pamusoro pokunyora huwandu hwemari hwushoma uye wobatsira vana vako kuti vaite svomhu vazive chegumi (chikamu chechigumi muzana) chokuzopa pahuwandu hwemari hwega hwega.

  • Peji yechiitwa chevhiki rino inokwanisa kubatsira vana vako kudzidza pamusoro penzira idzo Ishe dzavanoshandisa nadzo chegumi kuropafadza nhengo dzeChechi Yavo. Pamwe vanokwanisa kudhirowa mifananidzo (kana kuwana mifananidzo mumamagazini eChechi) enzira idzo chegumi chadzinovaropafadza nadzo.

3 Nifai 25:5–6

Baba Vokudenga vanoda kuti ndidzidze pamusoro pamadziteteguru angu.

  • Unozokurudzira sei vana vako kutsvagurudza nokudzidza pamusoro pamadziteteguru avo? Unokwanisa kukurudzira sei vana vako kuitira madziteteguru zvisungo apo pavanenge vakura? Funga pamusoro pokuvabatsira kutsvakugurudza 3 Nifai 25:5–6 kuti muwane chimwe chinhu chaizoitika mumazuva okupedzisira. Vana vadiki vanokwanisa kuisa maoko avo pamwoyo yavo nguva yoga yoga yavanonzwa shoko rokuti “mwoyo” apo paunoverenga ndima idzi. Unokwanisawo kuverenga pamusoro pamazadzikisirwo akaitwa huporofita uhwu muDzidziso neZvibvumirano 110:13–16 (onawo Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 95). Taurira vana vako pamusoro pokuti mwoyo wako wakatendeukira sei kumadziteteguru ako. Semuenzaniso, unokwanisa kugovera zviitiko zvipi zvazvo zvawakava nazvo pamusoro pamadziteteguru ako uye pakuvaitira zvisungo.

  • Batsira vana vako kuzadzikisa chati remhuri nemazita evabereki neavanambuya navanasekuru vavo. Ndedzipi nyaya dzaunokwanisa kugovera pamusoro pemumwe wemadziteteguru ako? Taridza mifananidzo kana zvichibvira. Munokwanisa kuimba pamwechete “Ishe Vakandipa Temberi” (Nziyo neDzeVana Vadiki, 120 uye wotaura navana vako pamusoro pokuti sei mhuri dzakakosha muchirongwa chaBaba Vokudenga.

Mufananidzo
Jesu achiverenga zvinyorwa zvavaNifai aina Nifai

Bring Forth The Record [Unzai Mberi Rondedzero, naGary L. Kapp.