Huyai, Munditevere 2024
Gumiguru 28–Mbudzi 3: “Ndinoda Kuti Ndinyengetedze Mose … kuti Mutendeuke.” Mormoni 1–6


Gumiguru 28–Mbudzi 3: “Ndinoda Kuti Ndinyengetedze Mose … kuti Mutendeuke.” Mormoni 1–6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

Gumiguru 28–Mbudzi 3. Mormoni 1–6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChech: 2024 (2023)

Mufananidzo
Mormoni achinyora pamahwendefa egoridhe

Mormon Abridging the Plates [Mormoni Achipfupisa Mahwendefa], naTom Lovell

Gumiguru 28–Mbudzi 3: “Ndinoda Kuti Ndinyengetedze Mose … kuti Mutendeuke”

Mormoni 1–6

Mormoni akatidzivirira kuziva “rondedzero izere” “yechiitiko chakaipisisa” chehunyangadzi nekudeurwa kweropa kwaakaona pakati pavaNifai (Mormoni 2:18; 5:8). Asi izvo zvaakanyora muna Mormoni 1–6 zvakakwana kutiyeuchidza kuti vanhu vaimbova vakarurama vanokwanisa kukanganisa uye vorasikirwa nerutendo rwavo. Pakati pehunyangadzi hwakapararira kudaro, hapana aikwanisa kupa mhosva Mormoni nokuva akaneta uye kunyangwe kuora mwoyo. Asi zvakadaro nemuzvose zvaakaona nezvaakasangana nazvo, haana kumborasikirwa nekuziva kwake kwengoni huru dzaMwari uye nokutenda kwake kuti rutendeuko ndiyo nzira yokudzigamuchira. Uye kunyangwe zvazvo vanhu vaMormoni pachake vakaramba kuteterera kwekuvakoka kwake kuti vatendeuke, aiziva kuti akanga ainavateereri vakawandisa vekunyengetedza. “Tarisai”, akazivisa, “ndiri kunyorera kumigumo yose yenyika.” Nemamwe mashoko, akanyora kwauri (ona Mormoni 3:17–20). Uye shoko rake kwauri, nhasi, ndiro shoko rimwechetero raikwanisa kunge rakaponesa vaNifai muzuva ravo: “Tendai vhangeri raJesu Kristu. … Tendeukai uye mugadzirire kumira pamberi pechigaro chekutonga chaKristu” (Mormoni 3:21–22).

Mazano ekudzidza Kumba uye kuChechi

Mormoni 1–6

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Ndinokwanisa kutevera Jesu Kristu zvisinei nezvinoitwa nevamwe vanhu.

Panguva yaakanga angova nemakore angangoita gumi, Mormoni akanga asiyana zvinoshamisa nevanhu vakamukomberedza. Apo paunoverenga Mormoni 1–6, tsvaka nzira idzo rutendo rwaMormoni munaJesu Kristu rwakamuita kuti ave akasiyana nevamwe uye rwakamupa mikana yekushandira nekuropafadza vamwe. Ndima dzinotevera dzinokwanisa kuita kuti utange:

Mormoni 1:2–3, 13– 17.Ndeupi musiyano waunoona pakati paMormoni nevanhu vake? Hunhu hupi hwaaiva nahwo hwakamubatsira kuti arambe akasimba panezvepamweya?

Mormoni 2:18–19.Mashoko api akashandiswa naMormoni kutsanangura nyika yaaigara mairi? Akaramba aine tariro sei zvisinei nezvakamukomberedza?

Mormoni 3:12Mormoni akanzwa sei pamusoro pevanhu vaiva vakamukomberedza? Chii chatingakwanisa kuita kuti tikudziridze mhando yerudo yaakanga ainayo?

Ndedzipi dzimwe ndima muna Mormoni 1–6 dzinoratidza rutendo rwaMormoni muna Jesu Kristu? Mikana ipi yaakapiwa nokuda kwokuti akasarudza kuramba akatendeka?

­ Ungapedzisa sei mitsetse yakaita seiyi? “ aiva muenzaniso kwandiri apo paaka . Izvi zvakandibatsira kuti ndide ku .”

Mormoni anokwanisa kunge akanzwa kuti muenzaniso wake wakanga usiri kuita mutsauko kuvanhu vake. Dai wakawana mukana wekutaura naMormoni, chii chawaizomuudza pamusoro pekuti muenzaniso wake wakaita mutsauko kwauri sei?

­

Batsira vamwe kuti vataure zvavanodzidza. Apo vanhu pavanogovera zvavakadzidza, vanosimbisa rutendo rwavo pachavo uye rutendo rwevamwe (ona Dzidziso neZvibvumirano 88:122). Edza kubvunza mhuri kana kirasi yako kuti ndezvipi zviitiko zvavakava nazvo pavakanzvera shoko raMwari.

Mufananidzo
VaNifai navaRamani vachirwisana

Battle [Hondo], naJoyce Cocco

Mormoni 2:10–15

Rusuwo rwohumwari rwunonditungamirira kuna Kristu uye kushanduko isingagumi.

Apo Mormoni paakaona rusuwo rwavanhu vake, akatarisira kuti vaizotendeuka. Asi “rusuwo rwavo rwaiva rwusiri rwerutendeuko” (Mormoni 2:13)—rwakanga rwusiri rusuwo rwohumwari asi rusuwo rwepanyika. Kuti unzwisise musiyano, funga pamusoro pekunyora pasi izvo zvaunodzidza kubva muna Mormoni 2:10–15 muchati yakaita seiyi:

Rusuwo rwohuMwari

Rusuwo rwepaNyika

Vanouya kuna Jesu (ndima 14)

Vanotuka Mwari (ndima 14)

Unoziva sei kana rusuwo rwako rwuri rwehumwari kana rwepanyika? Kana uri kuva nerusuwo rwepanyika, ungarwushandura sei kuva rusuwo rwohumwari?

Onawo 2 VaKorinte 7:8–11.

Mormoni 3:3, 9

“Havana kuziva kuti ndiIshe vakanga vavaponesa.”

Mormoni akacherechedza kuti vaNifai vakanga vasingatambire nzira idzo Ishe dzavakanga vavaropafadza nadzo. Apo paunoverenga Mormoni 3:3, 9, ungangofungisisa kuti uri kutambira sei shanduro yaMwari muupenyu hwako. Maropafadzo api anouya apo paunotambira shanduro Yavo? Imhedzisiro dzipi dzinovapo pakusaVatambira? (ona Mormoni 2:26; Dzidziso neZvibvumirano 59:21).

Mormoni 5:8–24; 6:16–22

Jesu Kristu anomira nemaoko akazaruka kuti andigamuchire.

Kana uchimbonzwa kuora mwoyo pamusoro pezvivi zvako pachako, tsananguro yaMormoni yeMuponesi akamira “nemaoko akatambanudzwa kukugashira” inokwanisa kupa simbiso. Apo paunoverenga Mormoni 5:8–24 uye 6:16–22, chii chaunodzidza pamusoro pemanzwiro anoita Baba Vokudenga naJesu kwawuri, kunyangwe apo paunotadza? Wakanzwa sei Jesu Kristu achinanavira kwauri nemaoko akazaruka? Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita nokuda kwaizvozvo?

Mazano eKudzidzisa Vana

Mormoni 1:1–3; 2:1, 23–24; 3:1–3, 12, 17–22

SaMormoni, ndinokwanisa kutevera Jesu Kristu.

  • Nokuti Mormoni akanga ari mudikisa apo paakakudziridza rutendo rwake muna Kristu, anokwanisa kuva kurudziro kuvana vako. Pamwe unokwanisa kuverenga Mormoni 1:1–3 uye vana vako vanokwanisa kuteerera kunzwa kuti Mormoni akanga ava nemakore mangani apo Amaroni paakamupa basa rinokosha. Unokwanisawo kuvabatsira kuwana mundima idzi hunhu hwakaonekwa naAmaroni munaMormoni. Hunhu uhwu hunotibatsira sei kutevera Jesu Kristu?

    Mufananidzo
    Mormoni achiri mukomana mudiki

    Mormon Age 10 [Mormoni Aine Makore Gumi], naScott M. Snow

  • Nokuti Mormoni akatevera Jesu Kristu, akapuwa mikana yekushandira nekuropafadza vamwe. Unokwanisa kukoka vana vako kuti vaverenge imwechete kana kupfuura yendima dzinotevera uye wovabatsira kugovera izvo zvavanodzidza pamusoro paMormoni: Mormoni 1:1–3; 2:1, 23–24; uye 3:1–3, 12, 20–22 (onawo “Chitsauko 49 Mormoni neDzidziso Dzake,” Nyaya dzeBhuku raMormoni, 138–42). Akatevera sei Jesu Kristu? Rutendo rwake muna Jesu Kristu rwakabatsira kana kuropafadza sei vamwe? Rutendo rwedu rwungakwanisa sei kubatsira vanhu vatinoziva?

Mormoni 2:8-15

Rusuwo rwohumwari rwunonditungamirira kuna Kristu uye kushanduko isingagumi.

  • Pamwe unokwanisa kugadzira chati yakaita seiyo iri “muMazano Ekudzidza Kumba uye kuChechi” kubatsira vana vako kunzwisisa musiyano uri pakati perusuwo rwenyika nerwehumwari apo pavanoverenga Mormoni 2:8, 10–15. Zvino vanokwanisawo kutsvaka muna Mormoni 2:12 kuti vawane zvikonzero zvekuti sei rutendeuko ruchifanira kuita kuti “mwoyo [yedu] … ifare.” Tingakwanisa sei kuva nechokwadi chekuti rusuwo rwatinonzwa nokuda kwezvivi zvedu runotitungamirira kutsvaka rubatsiro rwaMwari kuti tishanduke?

Mormoni 3:3, 9

Baba Vokudenga vanondipa maropafadzo mazhinji.

  • Kukoka vana vako kudorongodza (kana kudhirowa mifananidzo) yezvimwe zvinhu zvavanovonga nezvazvo ingangova nzira yakanaka yokuvabatsira kunzwa kuvonga Mwari. Mushure mekunge vaita mudorongodzwa wacho, unokwanisa kuverenga Mormoni 3:3, 9 uye wotsanangura kuti Baba Vokudenga vakanga varopafadzawo vaNifai, asi vakanga vasina kuzviziva. Chii chatingaite kuratidza kuti tinovonga Baba Vokudenga nemaropafadzo edu?

Mormoni 3:12

Baba Vokudenga vanoda kuti ndide munhu wose.

  • Kunyange zvazvo vaNifai vakanga vakanyangara, Mormoni haana kumboregedza kuvada. Batsira vana vako kuwana mashoko anoti “ndichivada” uye “rudo” muna Mormoni 3:12. ­ Pupura nezverudo rwaMwari rwevana Vavo vose.

Mufananidzo
mahwendefa egoridhe

Bhuku raMormoni rakanyorwa “kuitira kuti imi mugotenda vhangeri raJesu Kristu” (Mormoni 3:21).