Huyai, Munditevere 2024
Mbudzi 4–10: “Ndinotaura Kwamuri Sokunge Imi Muripo.” Mormoni 7–9


“Mbudzi4–10: ‘Ndinotaura Kwamuri Sokunge Imi Muripo.’ Mormoni 7–9,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Mbudzi 4–10. Mormoni 7–9,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Moronai achinyora pamahwendefa egoridhe

Moroni Writing on Gold Plates [Moronai achinyora pamahwendefa egoridhe], naDale Killborn

Mbudzi 4–10: “Ndinotaura Kwamuri Sokunge Imi Muripo”

Mormoni 7–9

Moronai aiziva manzwiro azvaiita kuva ega munyika inohunyangadzi—kunyanya mushure mokufa kwababa vake muhondo uye vaNifai vakaparadzwa. “Ndasara ndiri ndega,” akanyora. “Handina kana shamwari kana kwokuenda” (Mormoni 8:3, 5). Zvinhu zvingangova zvakataridzika sezvisina tariro, asi Moronai akawana tariro muMuponesi uye muuchapupu hwake hwokuti “chinangwa chokusingaperi chaIshe chichaenderera mberi” (Mormoni 8:22). Uye Moronai aiziva kuti chikamu chakakosha chezvinangwa zvokusingaperi izvozvo chaizova Bhuku raMormoni—rondedzero iyo zvino yaaiva opedzisa neushingairi, rondedzero iyo nerimwe zuva yaizounza vanhu vakawanda “kuruzivo rwaKristu” (Mormoni 8:16; 9:36). Rutendo rwaMoronai muvimbiso idzi rwakaita kuti zvikwanisike kwaari kuti azivise kuvaverengi veramangwana vebhuku iri kuti, “Ndinotaura kwamuri sokunge imi muripo,” uye “ndinoziva kuti imi muchava nemashoko angu” (Mormoni 8:35; 9:30). Iyezvino tinemashoko ake, uye basa raIshe ririkuenderera mberi, muchikamu nokuda kwokuti Mormoni naMoronai vakaramba vari muchokwadi kubasa ravo, kunyangwe pavaiva vari voga.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mormoni 7

“Tenda muna Jesu Kristu” uye “batirira pavhangeri [Rake].”

Mushure mokupfupisa rondedzero yavanhu vake, Mormoni akapa shoko rake remhedziso muna Mormoni 7. Unofunga kuti sei akasarudza shoko iri? Zvinorevei kwauri “kubatirira pavhangeri raKristu”? (Mormoni 7:8).

Mormoni 7:8–10; 8:12–16; 9:31–37

Bhuku raMormoni rakakosha zvikuru.

Mutungamiri Russell°M. Nelson vakabvunza kuti: “Kana waipuwa madhaimondi kana marubhi kana Bhuku raMormoni, chii chawaizosarudza? Zvechokwadi, ndechipi chinova chakakosha zvikurusa kwauri?” ­

Chii chaunowana muna Mormoni 7:8–10; 8:12–22; uye 9:31–37 chinokubatsira kunzwisisa kuti sei Bhuku raMormoni rakakosha muzuva redu? Sei rakakosha kwauri? Unogona kuwana dzimwe nzwisiso muna 1 Nifai 13:38–41[ 2 Nifai 3:11–12; uye Dzidziso neZvibvumirano 33:16; 42:12–13.

Mufananidzo
makopi eBhuku raMormoni mumitauro yakasiya-siyana

Zvinyorwa zvavaporofita vemuBhuku raMormoni zvinoshanda kwatiri

Mormoni 8:1–11

Ndinokwanisa kuchengeta mirairo kunyangwe apo vamwe pavanenge vasingaichengeti.

Pane dzimwe nguva ungangonzwa kuva wega mukuedza kwako kuchengeta mirairo. Chii chaunokwanisa kudzidza kubva kumienzaniso yaMoronai icho chinokwanisa kubatsira? (ona Mormoni 8:1–11). Kana waikwanisa kubvunza Moronai kuti akaramba akatendeka sei, chii chaunofunga kuti aizotaura?

Mormoni 8:26–41; 9:1–30

Bhuku raMormoni rakanyorerwa mazuva edu.

Jesu Kristu akaratidza Moronai izvo zvaizoitika apo Bhuku raMormoni paraizouya mberi (ona Mormoni 8:34–35, izvo zvakamutungamirira kuti ape yambiro dzoushingi dzezuva redu. Apo paunoverenga Mormoni 8:26–41 uye 9:1–30, fungisisa kuti mashoko ake angashanda sei kwauri. Semuenzaniso, mundima idzi Moronai akabvunza mibvunzo makumi maviri nemina. Umboo hupi hwaunoona mumibvunzo iyi hwokuti Moronai akaona zuva redu? Bhuku raMormoni rinokwanisa kubatsira sei nezvinetso izvo Moronai zvaakafanoona?

Teerera kuMweya Teerera kupfungwa dzako nemanzwiro ako, kunyangwe kana zvisingaenderani nezvauri kuverenga. Manzwiro aya angangova izvo Baba vako Vokudenga zvavanoda kuti udzidze. Semuenzaniso, ndeapi manzwiro aunawo mushure mokufungisisa mibvunzo iyo Moronai yaanobvunza muna Mormoni 9:1–30?

Mormoni 9:1–25

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Jesu Kristu ndiMwari wezvishamiso.

Moronai akapedzisa zvinyorwa zvababa vake neshoko rakasimba revanhu vemuzuva redu avo vasingatendi muzvishamiso (ona Mormoni 8:26; 9:1, 10–11). Sei uchinzwa kuti kutenda muzvishamiso kunodikanwa nhasi? Tsvagurudza Mormoni 9:9–11, 15–27 uye Moronai 7:27–29 uye wofungisisa mibvunzo yakaita seiyi:

  • Chii chandinodzidza pamusoro peMuponesi kubva mundima idzi?

  • Chii chandinodzidza pamusoro pezvishamiso, zvakare uye zvanhasi?

  • Ndedzipi pundutso dzokutenda kuti Jesu Kristu ndiMwari wezvishamiso? Ndedzipi mhedzisiro dzokusatenda izvi?

  • Ndezvipi zvishamiso—zvikuru uye zvidiki—izvo Muponesi zvaakaita muupenyu hwangu? Zvishamiso izvi zvinondidzidzisa chii pamusoro Pake?

Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti: “Muponesi neMununuri wedu, Jesu Kristu, anozoita mamwe amabasa Ake makuru-kuru pakati paiyezvino uye neapo paAnouya zvakare. Tinozoona zviratidzo zvinoshamisa zvekuti Mwari Baba neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu, vanotungamira pamusoro peChechi ino muhukuru uye mukubwinya” (“Revelation for the Church, Revelation for Our Lives,” Liahona, Kubvumbi 2018, 96). Chii chaunonzwa kuti zvimwe zvezvishamiso izvi zvingangova? Chii chaunokwanisa kuita kubatsira Muponesi kuzvizadzikisa?

Chii chaunodzidza pamusoro perutendo nezvishamiso kubva kuzviitiko zveVatendi muSamoa, Tonga, Fiji, uye Tahiti apo Mutungamiri naSisita Nelson pavakavashanyira? (ona Russell M. Nelson, “Kristu Akamuka; Rutendo maAri Rwunozosudurutsa Makomo,” Liahona, 101–4).

­ Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Zvishamiso,” Raibhurari yeVhangeri.

Mazano eKudzidzisa Vana

Mormonai 7:8–10

Bhuku raMormoni neBhaibheri zvinopupura nezvaJesu Kristu.

  • Kusimbisisa ukama pakati peBhaibheri neBhuku raMormoni, sezvakaita Moronai, unokwanisa kutamba mutambo wakaita seuyu nevana vako: Vakumbire kutaura kuti “Testamente Yekare, Testamente Itsva” apo paunosimudza Bhaibheri uye kuti “Imwe Testamente” apo paunosimudza Bhuku raMormoni. Unokwanisawo kusarudza zviitiko zvakati wandei izvo zvinopupurwa nezvazvo neBhaibheri uye neBhuku raMormoni—sezvakaita kuzvarwa, kufa, uye Kumuka Kuvakafa kwaJesu—uye koka vana vako kuti vawane mifananidzo yezviitiko izvi (somuenzaniso, muBhuku reMifananidzo yeVhangeri).

  • Kuti ubatsire vana vako kudzidza musimboti wechitendero wechisere, unokwanisa kunyora shoko roga roga pamapepa akasiyana. Koka vana vako kushanda pamwechete kuisa mashoko acho munhevedzano kwayo uye voudzokorora kakawanda.

Mormoni 8:1–7

Ndinokwanisa kuchengeta mirairo kunyangwe apo pandinonzwa ndiri ndega.

  • Muenzaniso waMoronai unokwanisa kukurudzira vana vako kuteerera mirairo yaMwari kunyange apo pavanonzwa vari voga. Mushure mokuverenga Mormoni 8:1–7 navo, vanokwanisa kugovera manzwiro avangadai vakaita dai vakanga vari Moronai. mundima 1, 3, ne4, chii icho Moronai chaakarairwa kuti aite, uye akateerera sei? Ungakwanisa sei kunyanya kuva saMoronai?

  • Pamwe iwe navana vako munokwanisa kutaura pamusoro pemamiriro ezvinhu umo mavanofanira kusarudza pakati pezvakanaka nezvakaipa apo pakunenge kusina munhu arikuvaona. Kuva nerutendo muna Jesu Kristu kunotibatsira sei mumamiriro ezvinhu aya? ­

Mormoni 8:24–26; 9:7–26

Jesu Kristu ndiye “Mwari wezvishamiso.”

  • Ungangoda kutsanangura kuvana vako kuti zvishamiso chimwe chinhu Mwari chavanoita kutaridza simba Ravo uye kuropafadza upenyu hwedu. Zvino unokwanisa kuverenga ndevo kubva muna Mormoni 9:11–13, 17 idzo dzinotsanangura zvimwe zvezvishamiso zvaMwari, uye vana vako vanokwanisa kufunga nezve zvimwe zvishamiso (mifananidzo kubva kuBhuku reMifananidzo yeVhangeri, sezvakaita nhamba 26, 40, 41, uye 83, inokwanisa kubatsira). Taura pamusoro pezvishamiso izvo Mwari zvavakaita muupenyu hwako.

  • Ratidza vana vako resepi, uye taura pamusoro peizvo zvinozoitika kana ukasiya ingiridhiendi yakakosha. Verengai pamwechete Mormoni 8:24 uye 9:20–21 kuti muwane “maingiridhiendi” anokwanisa kutungamirira kuzvishamiso zvinobva kuna Mwari.

Mufananidzo
Moronai achitarisa kuparadzwa kwavaNifai

Moroni Overlooking the Destruction of the Nephites [Moronai achitarisa kuparadzwa kwavaNifai], naJoseph Brickey