Huyai, Munditevere 2024
Mbudzi 18–24: “Kuitira Kuti Huipi Hugobviswa.” Eta 6–11


“Mbudzi 18–24: ʻKuitira Kuti Huipi Hugobviswa.ʼ Eta 6–11,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Mbudzi 18–24. Eta 6–11,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Magwa avaJaredi pagungwa

I Will Bring You Up Again out of the Depths [Ndinozokunyururai Zvakare kubva muUdzamu], naJonathan Arthur Clarke

Mbudzi 18–24: “Kuitira Kuti Huipi Hugobviswa”

Eta 6–11

Mazana emakore mushure mokunge vaJaredi vaparadzwa, vaNifai vakawana matongo emagariro avo echinyakare. Pakati pamatongo aya paiva nerondedzero yaiva isinganzwisisike—mahwendefa “egoridhe chairo” ayo aiva “akazara nerunyoro rwakavezerwa” uye vaNifai “vaiva nechido chisingayereki” chekuiverenga (Mosaya 8:9; 28:12). Nhasi une pfupiso yerondedzero iyi, uye inonzi bhuku raEta. Apo vaNifai pavakaiverenga, “vakazadzwa nerusuwo” kuti vazive nezvekuputsika kunosuwisa kwevaJaredhi. “Zvisinei zvakavapa ruzivo rwakawanda, urwo marwuri vakafara” (Mosaya 28:18). Newewo unogona kuwana nguva dzerusuwo mubhuku iri. Asi unokwanisawo kufara muchipo ichi cheruzivo. Moronai akanyora kuti, “hungwaru munaMwari kuti zvinhu izvi zvinofanira kuratidzwa kwamuri … kuitira kuti huipi hugobviswa, uye kuti nguva igosvika yokuti Satani ashaye simba pamwoyo yavana vavanhu” (Eta 8:23, 26).

Mazano ekudzidza Kumba uye kuChechi

Eta 6:1–12

Ishe vanozonditungamira nemurwendo rwangu rweupenyu hunofa.

Ungangowana nzwisiso dzezvepamweya kana ukaenzanisa rwendo rwavaJaredi vachiyambuka gungwa nerwendo rwako muupenyu. Semuenzaniso, chii Ishe chavakapa chinovhenekera nzira yako sematombo aiva mumagwa avaJaredi? Chii chingamiririrwa namagwa, kana nemhepo “inovhuvhuta yakananga kunyika yechipikirwa”? (Eta 6:8). Chii chaunodzidza kubva pazviito zvavaJaredi rwendo rusati rwaitika, mukati merwendo, uye mushure merwendo? Ishe varikukutungamirira sei wakananga kunyika yako yechipikirwa?

“Imbai rumbidzo kuna Ishe.” VaJaredhi vakaratidza ruvongo nerudo rwavo kuna Mwari kuburikidza nedzimbo uye rumbidzo (ona Eta 6:9). Ungangotsvaka kana kugadzira mikana yekushandisa mumhanzi neuchapupu hwemwoyo wose kurumbidza Mwari kumba uye kuchechi. Semuenzaniso, zvingangova zvakakodzera kuimba rwiyo rwerumbidzo sezvakaita “Tichaimba Tichikudza Zita raJesu” (Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 48) apo paunonzvera Eta 6:1–12.

Mufananidzo
Mhuri yavaJaredi mukati meigwa ravo

Baby on Board [Mwana ari Mukati], naKendal Ray Johnson

Eta 6:5–18, 30; 9:28–35; 10:1–2

“Famba wakazvininipisa pamberi paIshe.”

Kunyange zvazvo rudado nehunyangadzi zvichiratidzika sezvakawandisa munhoroondo yavaJaredi, kune mienzanisowo yeruninipo muzvitsauko izvi—kunyanya muna Eta 6:5–18, 30; 9:28–35; uye 10:1–2. Kufungisisa mibvunzo inotevera kunokwanisa kukubatsira kudzidza kubva pamienzaniso iyi: Sei vaJaredi ava vakazvininipisa mumamiriro ezvinhu aya? Vakaratidza sei runinipo rwavo? Mwari vakavaropafadza sei nokuda kwaizvozvo? Funga zvaungakwanisa kuita kuti “ufambe wakazvininipisa pamberi paIshe” nokuzvidira (Eta 6:17) pane kumanikidzwa kuzvininipisa (ona Mosaya 4:11–12; Aruma 32:14–18).

­

Eta 7–11

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Ndinokwanisa kuva mutungamiri akaita saKristu.

Zvitsauko 7–11 zvaEta zvinotaura nezve zvizvarwa zvingangoita makumi maviri nezvisere. Kunyange zvazvo pasina ruzivo rwakawanda rwunokwanisa kupuwa munzvimbo duku yakadaro, mutoo unobuda nokukurumidza pamusoro pemhedzisiro dzehutungamiri hwakarurama uye hwakaipa. Chii chaunodzidza pamusoro pehutungamiri kubva mumienzaniso—yakaipa uye yakanaka—yemadzimambo akadorongodzwa pazasi?

­ Funga pamusoro pekunzvera shoko rino—kunyanya nyaya dzaanotaura—uchitsvaka misimboti kana mitoo yehutungamiri hwakaita sehwaKristu. Ndepapi pawakaona misimboti kana mitoo iyi ichiratidzwa muvanhu vanotungamira?

Apo paunofungisisa pamusoro peizvo zvawadzidza, funga pamusoro pemikana yauinayo yekutungamira kana kushandura vamwe mumba mako, munharaunda yako, mudaidzo yako yeChechi, uye zvichingodaro. Ungakudziridza sei hunhu hwehutungamiri hwakaita sehwaKristu, kunyangwe dai usina basa rehutungamiri chairo?

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri,“Kushandira muDaidzo dzeChechi” Raibhurari yeVhangeri.(ChurchofJesusChrist.org).

Eta 8:7–26

Ishe havashandi murima.

Apo vanhu pavanorangana kuchengeta zviito zvavo zvehunyangadzi zvakavandika, vanenge vari mumubatanidzwa wemuruvande. Pamusoro pemubatanidzwa wemuruvande unotsanangurwa muna Eta 8:7–18, mimwe mienzaniso inokwanisa kuwanikwa muna Hiramani 1:9–12; 2:2–11; 6:16–30; Mosesi 5:29–33. Funga pamusoro pokusiyanisa ndima idzi na2 Nifai 26:22–24, umo Nifai maakatsanangura muitiro unoita Ishe basa Ravo. Unofunga kuti sei Moronai akarairwa kuti anyore izvo zvaakaita pamusoro pemibatanidzwa yemuruvande?

Chii chawadzidza kubva mubhuku raEta icho chinokwanisa kukubatsira kuwana maropafadzo akatsanangurwa muna Eta 8:26?

Mazano eKudzidzisa Vana

Eta 6:1–12

Ndinokwanisa kuvimba naBaba Vokudenga kundinyaradza apo pandinenge ndichitya.

  • Munhu wose ane mazuva akaoma—kunyange vana vaduku. Pamwe unokwanisa kubatsira vana vako kuwana mashoko nendevo muna Eta 6:1–12 zvinoratidza kuti vaJaredi vaivimba sei naMwari munguva yemamwe mazuva akaoma chaizvo uye aityisa zvikurusa. Funga kugoverana nemumwe nemumwe zvimwe zviitiko apo Mwari pavakakubatsira munguva dzakaoma muupenyu hwako.

Eta 6:9, 12, 30; 7:27; 10:2

Kurangarira zvakaitwa naIshe kunounza ruvongo nerunyararo.

  • Mushure mekusvika zvakanaka munyika yechipikirwa, vaJaredi vakavonga zvikuru zvekuti “vakachema misodzi yemufaro” (Eta 6:12). Ungangokurudzira vana vako kuti vanzwe ruvongo rwemaropafadzo aMwari kuburikidza nekuvabatsira kuwana ndevo kubva muna Eta 6:9, 12 dzinoratidza mataridziro akaita vaJaredi ruvongo rwavo kuna Mwari. ­ Kumbira vana vako kuti vakuudze zvimwe zvinhu zvavanovonga nezvazvo.

  • Pamwe vana vako vanokwanisa kuverenga Eta 6:30; 7:27; uye 10:2 uye vawane izvo madzimambo aya akarurama zvaakarangarira. Zvakashandura sei nzira yavaitungamira nayo vanhu vavo? Iwe nevana vako mungakurukura nzira dzekuzvirangaridza nadzo izvo zvamakaitirwa naMwari. Semuenzaniso, zvimwe vanokwanisa kunyora pamusoro pazvo kana kudhirowa mifananidzo. Ungangopa pfungwa yekuti vave netsika yenguva dzose yekunyora pasi maropafadzo avanoona anobva kuna Mwari.

Eta 7:24-27

Ndinoropafadzwa apo pandinotevera muporofita waMwari.

  • Pamwe iwe nevana vako munganakidzwa nokuita mutambo wezvimwe zvinhu izvo muporofita zvaakatidzidzisa kuti tiite. Unokwanisa kunyangwe kuushandura kuita mutambo uyo wamunofungidzira kuti zviito zvaitwa zvinomiririrei. Izvi zvinokwanisa kugadzirira vana vako kukurukura kuti sei zvakakosha kutevera muporofita waMwari. Unokwanisa zvino kuverenga Eta 7:24–27 kuti uzive izvo zvakaitika apo vanhu pavakateerera muporofita waMwari. Tinoropafadzwa sei nokuda kwekutevera muporofita nhasi?

Eta 9:28–35; 11: 5–8

Ishe vane ngoni apo pandinotendeuka.

  • Kutsvaka mitoo unyanzvi hwekunzvera magwaro matsvene hunobatsira. Bhuku raEta rine mutoo wakadzokororwa unosimbisa ngoni dzaIshe. Kubatsira vana vako kuwana mutoo uyu, vakoke kuti vaverenge Eta 9:28–35 uye Eta 11:5–8, vachitsvaka fanano pakati perondedzero mbiri idzi. Chii chatinodzidza kubva munyaya idzi? Pamwe vanokwanisa kutsvaka mifananidzo muBhuku reMifananidzo yeVhangeri yevamwe vanhu mumagwaro matsvene vakatendeuka uye vakaregererwa.

Mufananidzo
Magwa avaJaredi pagungwa

Jaredite Barges [Magwa aVaJaredi], naGary Ernest Smith