Huyai, Munditevere 2024
Mbudzi 11–17: “Bvarura Chidzitiro Ichocho choKusatenda.” Eta 1–5


“Mbudzi 11–17: ‘Bvarura Chidzitiro Ichocho choKusatenda.’ Eta 1–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Mbudzi 11–17. Eta 1–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
VaJaredi vachifamba nemurenje

The Jaredites Leaving Babel [VaJaredi Vachibuba muBhabheri], naAlbin Veselka

Mbudzi 11–17: “Bvarura Chidzitiro Ichocho choKusatenda”

Eta 1–5

Apo pazviri chokwadi kuti nzira dzaMwari dzakakwirira kupfuura dzedu uye kuti nguva dzose tinofanira kuzviisa pasi pechido Chavo, Vanotikurudzirawo kufunga uye kuzviitira zvinhu isu pachedu. Ndicho chimwe chidzidzo Jaredi nemukoma wake chavakadzidza. Somuenzaniso, zano rokufamba kuenda kunyika itsva yaiva “yakanakisisa kupfuura pasi rose” rakataridzika sokutanga naJaredi, uye Ishe vakapa chikumbiro chacho, vachiti kumukoma waJaredi, “Nokudaro ndinozoita kwauri nokuda kwokuti nguva yakareba yose iyi iwe wangauchichema kwandiri”(ona Eta 1:38–43). Uye apo mukoma waJaredi paaida chiedza mukati memagwa ayo aizovatakura kuenda kunyika yechipikirwa yavo, Ishe vakabvunza mubvunzo uyo watinowanzobvunza kwaVari: “Chii chamunoda kuti ini ndiite?” (Eta 2:23). Vanoda kunzwa pfungwa dzedu nemazano edu, uye Vanozoteerera uye vopa rusimbiso Rwavo kana kutiraira zvakasiyana. Dzimwe nguva chinhu chete chinotiparadzanisa kubva kumaropafadzo atinotsvaka “chidzitiro chokusatenda,” chedu pachedu uye kana tikakwanisa “kubvarura chidzitiro ichocho” (Eta 4:15), tingangoshamiswa neizvo Ishe zvavanoda kutiitira.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Eta 1:33–43

Apo pandinochema kuna Ishe, Vanozova nemutsa pandiri.

Eta 1:33–43 dzinotaura nezve minamato mitatu yemukoma waJaredi. Chii chaunodzidza kubva kumhinduro yaIshe kumunamato woga woga? Funga pamusoro penguva apo pawakanzwa mutsa waIshe pawaichema kwaVari mumunamato. Ungangoda kunyora pasi chiitiko ichi uye wochigoverana nemumwe munhu uyo angangofanira kunzwa uchapupu hwako.

­

Eta 2; 3:1–6; 4:7–15

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Ndinokwanisa kugamuchira zvakazarurwa zveupenyu hwangu.

Mutungamiri Russel M. Nelson vakati: “Ndinokutetererai kuti muwedzere kwaniso yezvepamweya yenyu yokugamuchira zvakazarurwa. … Sarudzai kuita basa remweya rinodikanwa kuti muwane chipo cheMweya Mutsvene uye munzwe inzwi reMweya nguva zhinji uye zvakanyanya kujeka” (“Zvakazarurwa zveChechi, Zvakazarurwa zveUpenyu Hwedu,” Liahona, Kubvumbi 2018, 96).

Apo paunoverenga Eta 2; 3:1–6; 4:7–15, chii chaunodzidza pamusoro “pebasa rezvepamweya ” Mutungamiri Nelson ravakataura nezvaro? Unokwanisa kumaka nerumwe ruvara mibvunzo kana zvinetso mukoma waJaredi zvaakanga ainazvo uye izvo zvaakaita pamusoro pazvo, uye nerumwe ruvara unokwanisa kumaka mabatsiriro ayo Ishe avakamuita uye vakaita kuti chido Chavo chizivikanwe.

Heino mimwe mibvunzo yekufungisisa apo paunonzvera:

  • Chii chinokufadza pamusoro penzira iyo Ishe yavakapindura nayo mibvunzo yemukoma waJaredi muna Eta 2:18–25?

  • Ungashandisa sei Eta 3:1–5 kubatsira mumwe munhu arikudzidza manamatiro?

  • Chii chingangokudzivirira kubva mukugamuchira zvakazarurwa zvinobva kuna Ishe? (ona Eta 4:8–10). Unokwanisa sei kugamuchira zvakazarurwa kubva kwaVari kazhinji? (ona Eta 4: 7, 11–15).

  • Unofunga kuti zvinorevei “kubvarura chidzitiro chokusatenda” muupenyu hwako” (Eta 4:15).

Chii chimwe chaunodzidza kubva kumukoma waJaredi pamusoro pezvakazarurwa zvemunhu pachake?

­ Funga pamusoro pokudhirowa furemu yemufananidzo uye nokunyora zvinhu zvina zvegadziriro kudivi roga roga. Gadziriro iyi inokwanisa kukubatsira sei “kuwedzera kwaniso yako yokugamuchira zvakazarurwa”?

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Zvakazarurwa Zvemunhu Pachake,” Raibhurari yeVhangeri.

Eta 2:14–15; 3:1–20

Kuburikidza netsiudzo Yavo, Ishe vanondikoka kuti nditendeuke uye ndiuye kwaVari.

Kunyangwe muporofita mukurusa semukoma waJaredi aifanira kutsiudzwa naIshe. Chii chaunodzidza kubva kuna Eta 2:14–15 pamusoro petsiudzo dzaIshe? Funga pamusoro pokuti tsiudzo yaIshe uye daviro yemukoma waJaredi zvingava zvakamubatsira sei kugadzirira zviitiko zvake muna Eta 3:1–20.

Eta 2:16–25

Ishe vanozondigadzirira kuyambuka “udzamu hukuru” hwangu.

Dzimwe nguva, kuyambuka “udzamu hukuru” ndiyo chete nzira yokuzadzikisa nayo chido chaMwari kwatiri. Unoona here fanano kuupenyu hwako muna Eta 2:16–25? Ishe vakakugadzirira sei kuzvinetso zvako? Chii chaVari kukukumbira kuita iyezvino kuti ugadzirire izvo zvaVanoda kuti uite mune ramangwana?

Shandisa izvo zvaunodzidza. Kunzvera vhangeri kunofanira kutikurudzira kushandura upenyu hwedu. Mushure mokuverenga Eta 4:11–12, ungangodorongodza dzimwe dzehurudziro muupenyu hwako uye wofunga kana dzichikukurudzira kuita zvakanaka. Ishanduro dzipi dzaunonzwa kukurudzirwa kuita?

Eta 5

Zvapupu zvinopupura nezvehuchokwadi hweBhuku raMormoni.

Apo paunoverenga huporofita hwaMoronai muna Eta 5, fungisisa pamusoro pechinangwa chaIshe mukugadzirira zvapupu zvakawanda zveBhuku raMormoni. Ndezvipi zvapupu zvakakukurudzira kuti utende kuti Bhuku raMormoni ishoko raMwari? Bhuku raMormoni rakakutaridza sei “simba raMwari uyewo shoko ravo”? (Eta 5:4).

Mazano eKudzidzisa Vana

Eta 1:33–37; 2:16–25; 3:1–6

Baba Vokudenga vanonzwa nokupindura minamato yedu.

  • Kana uchiziva mutauro uyo vana vako wavasingazivi, vape mirairidzo irinyore mumutauro iwoyo (kana kuti ridza zvakarekodhwa zvemumwe mutauro). Unokwanisa kushandisa izvi kutsanangura kuti sei mukoma waJarei akanamatira rubatsiro muna Eta 1:33–37. Simbisisa manzwiro akaita Ishe pamusoro pemunamato uyu uye madaviriro aVakaita (onawo “Chitsauko 50: Vajaredi Vanobva muBhabheri,” Nyaya dzeBhuku raMormoni, 143–44).

  • Vana vako vanokwanisa kunyepedzera kuvaka igwa apo paunoverenga Eta 2:16–17. Zvino iwe navana vako munokwanisa kuverenga pamusoro pematambudziko ayo vaJaredi avakaita nemagwa avo (ona Eta 2:19) uye nzira dzakasiyana Ishe dzavakapindura nadzo minamato yemukoma waJaredi (ona Eta 2:19–25; 3:1–6). Mufananidzo nepeji yechiitwa zviri kumagumo kwechidzidzo chino zvinokwanisa kukubatsira iwe navana vako kutaura nyaya yacho. Chii chatinodzidza kubva kumukoma waJaredi pamusoro pemunamato? Funga pamusoro pokugovera chiitiko umo mawakanamatira rubatsiro uye Baba Vokudenga vakakubatsira.

Eta 3:6–16

Ndakasikwa mumufananidzo waMwari

  • Apo pavanenge vachikura, vana vako vanozosangana nemashoko mazhinji emanyepo pamusoro paMwari, pamusoro pavo, uye pamusoro pemiviri yavo yenyama. Ungangovabvunza kuti vakubatsire kuwana zvokwadi nezve misoro yenyaya iyi muna Eta 3:6–16. Kuti usimbisise chokwadi chakadzidziswa muna Eta 3:13, 15, munokwanisa kutarisa mufananidzo weMuponesi pamwechete uye wokoka vana vako kunongedzera kunhengo dzakasiyana siyana dzemuviri Wake. Vanokwanisa zvino kunongedzera kunhengo imwecheteyo yemuviri wavo pachavo. Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo runechokuita nemiviri yedu, sezvakaita “Ishe Vakandipa Temberi” (Nziyo neDzevana Vadiki, 120. Iwe navana vako munokwanisa kufunga pamusoro pokuti sei muchivonga nemiviri yenyu.

Mufananidzo
mwana achimhanya mumunda

Takasikwa mumufananidzo waMwari

Eta 5

Zvapupu zvitatu zvakapupura nezve Bhuku raMormoni.

  • Moronai akaporofita kuti Zvapupu Zvitatu zvaizobatsira kumisa chokwadi cheBhuku raMormoni. Kuti udzidzise kuti chapupu chii, unokwanisa kukumbira vana vako kutsanangura chimwe chinhu chavakaona kana chakaitika kwavari icho vamwe chavasina kuona kana chisina kuitika kwavari. Zvino apo pamunoverenga Eta 5 pamwechete, munokwanisa kutaura pamusoro pokuti sei Mwari vachishandisa zvapupu mubasa Ravo. Munokwanisawo kugoverana maziviro amunoita kuti Bhuku raMormoni ndere chokwadi uye magovero amunokwanisa kuita uchapupu hwenyu navamwe.

Mufananidzo
Jesu achibata mabwe gumi namatanhatu pamberi pemukoma waJared

Sowest Thou More Than This [Wakadyara Iwe Zvakapfuura Izvi Here?], naMarcus Alan Vincent