Huyai, Munditevere 2024
Gunyana 9–15: “Mashoko Akanaka eMufaro Mukuru.” Hiramani 13–16


“Gunyana 9–15: ʻMashoko Akanaka eMufaro Mukuru.ʼ Hiramani 13–16,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Gunyana 9–15. Hiramani 13–16,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Samueri muRamani achidzidzisa pachidziro

Samuel the Lamanite on the Wall [Samueri muRamani ari paChidziro], naArnold Friberg

Gunyana 9–15: “Mashoko Akanaka eMufaro Mukuru”

Hiramani 13–16

Nguva yokutanga iyo Samueri muRamani yaakaedza kugovera “mashoko akanaka” muZarahemura (Hiramani 13:7), akarambwa uye akatandanisirwa kunze navaNifai vaiva nemwoyo mikukutu. Ungangoti zvaiita sekunge vakanga vavaka chidziro chisingapindiki chakakomberedza mwoyo yavo icho chaivadzivirira kugamuchira shoko raSamueri. Samueri ainzwisisa kukosha kweshoko raakapupura uye akaratidza rutendo nokutevera murairo waMwari “wokuti aifanira kudzokera zvakare, uye anoporofita” (Hiramani 13:3). Sezvakangoita Samueri, isu tose tinosangana nezvidziro apo “patinogadzira nzira yaIshe” (Hiramani 14:9) uye tichiedza kutevera vaporofita Vavo. Uye saSamueri, isuwo tinopupura umboo hwaJesu Kristu, “uyo zvirokwazvo achauya,” uye tinokoka vose kuti “vatende pazita rake” (Hiramani 13:6; 14:13). Haasi munhu wose anozoteerera, uye vamwe vangangoshingaira kutipikisa. Asi avo vanotenda mushoko iri nerutendo muna Kristu vanowana kuti zvirokwazvo “mashoko akanaka emufaro mukuru.” (Hiramani 16:14).

Mazano ekudzidza Kumba uye kuChechi

Hiramani 13

Ishe vanopa yambiro kuburikidza nevaporofita Vavo.

Mumagwaro matsvene, vaporofita dzimwe nguva vanoenzaniswa navarindi vari pachidziro kana pashongwe avo vanoyambira nezvenjodzi (ona Muporofita Isaya 62:6; Muporofita Ezekieri 33:1–7). Apo paunonzvera mashoko aSamueri muna Hiramani 13, funga pamusoro pokuti akaita semurindi kwauri sei. Chii chaakataura chinoratidzika sechinoenderana nezuva redu? (ona kunyanya ndima 8, 21–22, 26–29, 31, uye 38). Semuenzaniso, chii chakadzidziswa naSamueri pamusoro perutendeuko? pamusoro peruninipo uye upfumi? pamusoro pekutsvaka rufaro “mukuita zvitema”?

Ungangotsvakawo mumashoko emusangano uchangopfuura kuti uwane yambiro dzimwechetedzo Ishe dzavakapa kuburikidza nevaporofita vemazuva ano. Chii chaunonzwa kufemerwa kuita pamusoro peyambiro idzi?

Tsvaka mitoo. Mutoo chirongwa kana muenzaniso unokwanisa kushandiswa senhungamiro yokuita chiitwa. Mumagwaro matsvene, tinowana mitoo inoratidza muitiro unoita Ishe basa Ravo, sezvakaita kutuma varanda vavo kunoyambira vanhu.

Mufananidzo
mhuri ichiona musangano mukuru

Apo patinoteerera kuvaporofita, vanozotinongedzera kuna Jesu Kristu.

Hiramani 13–15

Mufananidzo
seminary icon
Mwari vanondikoka kuti nditendeuke.

Yambiro dzaSamueri dzokutonga kwaMwari nguva dzose dzaisanganisira kokero inengoni yekutendeuka. Tsvaka kukoka uku nemose muna Hiramani 13–15 (ona kunyanya Hiramani 13:6–11; 14:15–19; 15:7–8). Chii chaunodzidza kubva mundima idzi pamusoro perutendeuko? Vamwe vanhu vanoona rutendeuko sechirango chinorwadza—chimwe chinhu chekunzvenga kuita. Mumafungiro ako, Samueri aida sei kuti vaNifai vaone rutendeuko?

­ ­ ­ ­ Chii chauri kutaurirwa neMweya Mutsvene icho chaunofanira kushandura? Funga pamusoro pekunyora pasi zvakazarurwa zvako pachako zvaunotambira.

Rutendeko rwakasiyana sei nekungoshandura maitiro ako? Sei zvakakosha kubvuma kukoka kwaMwari kwekutendeuka? ­

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri “Rutendeuko,” Raibhurari yeVhangeri.

Hiramani 14; 16:13–23

Mwari vakatumira zviratidzo nezvishamiso kuti zvipupure nezvekuzvarwa nokufa kweMuponesi.

Muna Hiramani 14, Samueri akatsanangura kuti Ishe vakapa zviratidzo zvokuzvarwa kweMuponesi uye nokufa kwake kuitira kuti vanhu “vagoziva nezve … kuuya kwake” uye “vatende pazita rake” (Hiramani 14:12). Apo paunonzvera Hiramani 14, cherechedza zviratidzo zvokuzvarwa kweMuponesi mundima 1–8 uye zviratidzo zvokufa Kwake mundima 20–28. Sei uchifunga kuti zviratidzo izvi zvinova nzira dzinoshanda dzekuratidza kuzvarwa nokufa kwaJesu Kristu?

Zvimwe zviratidzo zvemunhu pachake uye zvisinganyanyi kushamisa zvinokwanisa kukubatsira “kutenda pazita [reMuponesi].” Chii chaAkaita kusimbisa kutenda kwako?

Ndeipi yambiro inopuwa pamusoro pezviratidzo muna Hiramani 16:13–23? Unokwanisa sei kudzivirira mafungiro avanhu vakatsanangurwa mundima idzi?

Onawo Aruma 30:43–52.

Hiramani 15:3

Tsiudzo kubva kuna Ishe chiratidzo cherudo Rwavo.

Mashoko aSamueri ane tsiuro dzakakomba zhinji, asi Hiramani 15:3 inotipa maonero ezvinhu pamusoro petsiuro kubva kuna Ishe. Tsiuro kubva kuna Ishe ingakwanisa sei kuva chiratidzo cherudo Rwavo? Umboo hupi hwaunoona hwerudo nengoni zvaIshe muhuporofita neyambiro zvaSamueri?

­ ­

Hiramani 16

Vaporofita vanondinongedzera kuna Jesu Kristu.

Muna Hiramani 16, chii chaunodzidza kubva kuneavo vakatambira dzidziso dzaSamueri? Chii chaunodzidza kubva kuneavo vakamuramba? Funga pamusoro pekuti kutevera vaporofita vanorarama kwakubatsira sei kuswedera pedyo naJesu Kristu.

Mazano eKudzidzisa Vana

Hiramani 13:2–5

Mwari vanokwanisa kutaura kwandiri mumwoyo mangu.

  • Ungakwanisa sei kudzidzisa vana vako kuti Mwari vanokwanisa kutaura kumwoyo wedu, sezvaVakaita kuna Samueri? Pamwe unokwanisa kuvakumbira kuti vakuratidze nzira dzakasiyana dzekutaura nadzo usingashandise mashoko (sezvakaita kushandisa dzimwe nenhengo dzemuviri kana tarisiko yechiso) Izvi zvinokwanisa kutungamirira kuhurukuro pamusoro penzira dzakasiyana idzo Baba Vokudenga dzavanotaura nadzo nesu. Sechikamu chehurukuro ino, iwe nevana vako munokwanisa kutarisa pamufananidzo waSamueri muRamani (chidzidzo chino chine miviri) uye woverenga Hiramani 13:2­5 apo vana vako pavanenge vachiteerera kunzwa kuti Mwari vakaudza sei Samueri izvo zvokutaura.

  • Vakawanda vedu—kunyanya vana—tinoda rubatsiro rwekudzidza kuziva kuti Mwari vari kutaura nesu sei uye riinhi. Unokwanisa kuudza vana vako pamusoro penguva apo Mweya Mutsvene pawakakubatsira kuziva mumwoyo mako izvo Mwari zvavaida kuti uite kana kutaura. Tsanangura maziviro awakaita kuti Mwari vaiva vachitaura newe. Pamwe vana vako vanokwanisawo kugovera zvipi nezvipi zvezviitiko zvakafanana neizvi zvavakava nazvo.

Hiramani 14:2–7, 20–25

Vaporofita Vanodzidzisa pamusoro paJesu Kristu.

  • Kuimba pamwechete “Husiku Hutsvene” (Nziyo neDzevana Vadiki, 104) kungava nzira yakanaka yekudzidzisa vana vako izvo zvakadzidziswa naSamueri pamusoro paJesu Kristu. Kugovera “Chitsauko 40: Samueri muRamani Anotaura pamusoro paJesu Kristu” (Nyaya dzeBhuku raMormoni, 111–13) imwe nzira yakanaka. Chii chakadzidziswa naSamueri pamusoro peMuponesi? Pamwe ungakwanisawo kugovera izvo zvinodzidziswa navaporofita vamazuva ano pamusoro Pake. Mashoko avo anovaka sei rutendo rwedu maAri?

Hiramani 16:1–6

Ndinoropafadzwa apo pandinotevera muporofita.

  • Unokwanisa kuvaka ruvimbo rwevana vako mumuprofita nekuvaratidza mienzaniso yevanhu vaiva vakatendeka. Mimwe yemienzaniso iyi inowanikwa muna Hiramani 16:1, 5. Apo paunoverenga, vana vako vanokwanisa kusimuka pavanonzwa chimwe chinhu chakaitwa nevanhu apo pavakatenda mashoko aSamueri. Zvino, apo paunoverenga ndima 2 uye 6, vana vako vanokwanisa kugara pasi apo pavanonzwa chimwe chinhu chakaitwa nevanhu apo pavaiva vasingatendi. Tingakwanisa sei kuratidza kuti tinotenda mashoko emuporofita anorarama? Udza vana kuti unoropafadzwa sei apo paunotevera rairo yaIshe kuburikidza nevaporofita Vavo.

Mufananidzo
Samueri muRamani

Samuel the Lamanite [Samueri muRamani], naLester Yocum.