Magwaro Matsvene
Abrahama 4


Chitsauko 4

VanaMwari vanoronga kusikwa kwenyika nehwose upenyu hurimo—Zvirongwa zvavo zvemazuva matanhatu ekusika zvinomiswa.

1 Uye zvino Ishe vakati: Ngatiende pasi. Uye vakaenda pasi apakutanga, uye ivo zvichireva vanaMwari, bvakaronga uye vakaumba matenga nenyika.

2 Uye nyika, mushure mekunge yaumbwa, yakanga isina chinhu uye isina chiso chirimo, nokuti vakanga vasati vaumba chinhu asi nyika; uye rima raitonga pamusoro chehudzamu, uye Mweya wavanaMwari wakanga awakapararira pachiso chemvura.

3 Uye ivo (vanaMwari) vakati: Ngakuve nechiedza; uye kukave nechiedza.

4 Uye ivo (vanaMwari) vakanzwisisa chiedza, nokuti chakanga chajeka; uye vakapatsanura chiedza, kana kuti vakakonzera kuti chipatsanurwe, kubva kurima.

5 Uye vanaMwari vakadaidza chiedza kuti Zuva, uye rima vakaridaidza kuti Usiku. Uye zvakaitika kuti kubvira manheru kusvika mangwanani vakadaidza kuti usiku, uye kubvira mangwanani kusvika manheru vakadaidza kuti zuva; uye uku ndiko kwaive kwekutanga, kana kuvamba, kweicho chavanoti zuva neusiku.

6 Uye vanaMwari vakatiwo; Ngakuve anemukaha pakati pemvura, uye richipatsanura mvura kubva kumvura.

7 Uye vanaMwari vakati vakaita mukaha, kuti upatsanure mvura yaive pasi pemukaha kubva pamvura yaive pamusoro pemukaha; uye zvakaitika saizvozvo, kana sekutaura kwavakanga vaita.

8 Uye vanaMwari vakadaidza mukaha iwoyo kuti aDenga. Uye zvakaitika kuti kubvira manheru kudakara mangwanani, vakadaidza kuti usiku; uye zvakaitika kuti kwaive kubvira mangwanani kusvika manheru kwavakadaidza kuti masikati; uye iyi yaive bnguva yechipiri kekuti vadaidze husiku nemasikati.

9 Uye vanaMwari vakataura vachiti: aMvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete panzvimbo bimwechete, uye nyika ngaiuye yakaoma; uye zvakaita saizvozvo sekutaura kwavakanga vaita;

10 Uye vanaMwari vakaitumidza zita nzvimbo yakaoma, Nyika; kuungana pamwechete kwemvura, vakaitumidza zita Mvura aHuru; uye vanaMwari vakaona kuti vateererwa.

11 Uye vanaMwari vakati: Ngatigadzirei nyika kuti iunze ahuswa; gwenzi rinobereka mhodzi; muti wemuchero unobereka muchero, yerudzi rwawo, mbeu yayo pachayo ichiburitsa yayo yakafanana naiyo pamusoro penyika; uye zvakaitika saizvozvo, kunyangwe sekutaura kwavakanga vaita.

12 Uye vanaMwari vakaronga kuti nyika iunze uswa kubva kumbeu yawo, uye gwenzi kuunza gwenzi kubva kumbeu yaro, ichibereka mbeu kubva kurudzirwayo, nenyika ichiunza muti kubva kumbeu yavo, uchiita muchero iyo mbeu yacho ichigona chete kuunza, yerudzi rwayo, uye VanaMwari vakaona kuti vateererwa.

13 Uye zvakaitika kuti vakaverenga mazuva; kubvira manheru kusvika mangwanani vakati usiku; uye zvakaitika, kubva mangwanani kusvika manheru vakati masikati; uye kakanga kari kechitatu.

14 Uye vanaMwari vakaronga azviyedza mumukaha yedenga, uye vakaita kuti iganhure masikati kubva kuusiku; uye vakazvironga kuti zvive zviratidzo uye zvemwaka, nezvemazuva nemakore;

15 Uye vakazvironga kuti zvive mwenje munzvimbo yedenga kuti zvipe chiedza panyika; uye zvakaitika saizvozvo.

16 Uye vanaMwari vakaronga zviyedza zvikuru zviviri, chiedza achikuru kuti chitonge masikati, uye chiedza chidiki kuti chitonge usiku; pamwe nechiedza chidiki vakaisawo nyenyedzi;

17 Uye vanaMwari vakazviisa munzvimbo yedenga, kuti zvipe chiedza panyika, nokutonga masikati neusiku, nekuita kuti zviganhure chiedza kubva murima.

18 Uye vanaMwari vakatarisa zvinhu izvo zvavakanga vataura kusvika zvateerera.

19 Uye zvakaitika kuti zvive kubvira manheru kusvika mangwanani kuti kwaive usiku; uye zvakaitika kuti zvaive kubvira mangwanani kusvika manheru kuti aive masikati; uye kakanga kari kechina.

20 Uye vanaMwari vakati: Ngatigadzirei mvura kuti iunze zvakawanda zvisikwa zvinofamba zvine upenyu; neshiri, kuti dzigobhururuka pamusoro penyika munzvimbo isina chinhu yedenga.

21 Uye vanaMwari vakagadzira mvura kuti iunze ajekawacheka huru, uye nechose chisikwa chinofamba, izvo zvaiunzwa nemvura zvakawanda nerudzi rwazvo; nechose chine mapapiro mushure nerudzi rwazvo. Uye vanaMwari vakaona kuti vaizoteererwa, uye nokuti zano ravo rakanga rakanaka.

22 Uye vanaMwari vakati: Tichazviropafadza, uye toita kuti zvibereke uye zviwande, uye zvigozadza mvura iri mugungwa kana mvura ahuru; uye nokuita kuti shiri dziwande munyika.

23 Uye zvakaitika kuti aive manheru kusvika mangwanani avakadaidza kuti usiku; uye zvakaitika kuti kwaiva kubva mangwanani kusvika manheru kwakadaidza kuti masikati; uye kaive kechishanu.

24 Uye avanaMwari vakagadzira nyika kuti zvisikwa zvipenyu zverudzi rwazvo, mombe nezvinhu zvinokambaira, nemhuka dzenyika mushure merudzi rwadzo; uye zvikaita saizvozvo, sekutaura kwavakanga vaita.

25 Uye vanaMwari vakaronga nyika kuti iunze mhuka nerudzi rwadzo, nemombe nerudzi rwadzo, nechose chinokambaira pamusoro penyika nerudzi rwacho; uye vanaMwari vakaona kuti zvichateerera.

26 Uye vanaMwari avakarangana pakati pavo uye vakati: Ngatiendei pasi btinoumba munhu cnechimiro mufananidzo wedu, mushure memufananidzo wedu; uye tichavapa simba pamusoro pehove dzegungwa, nepamusoro peshiri yedenga, nepamusoro pemombe, nepamusoro pechinhu chose chinokambaira icho chinokambaira pamusoro penyika.

27 Saizvozvo, avanaMwari vakaenda pasi kunounza kuvepo kwemunhu nemufananidzo wavo, mufananidzo wavo vanaMwari kunomuumba, murume nemukadzi kunovaumba ivo.

28 Uye vanaMwari vakati: Tichavaropafadza. Uye vanaMwari vakati: Tichavaita kuti vabereke uye vawande, uye vazadze nyika, uye vaikurire, nokuve nehutongi pamusoro pehove dzegungwa nepamusoro peshiri yemhepo, nepamusoro pechinhu chose chipenyu chinofamba pamusoro penyika.

29 Uye vanaMwari vakati: Tarisai, tichavapa rose gwenzi rinobereka mbeu richauya pamusoro penyika yose, nemuti wose uchazove nemuchero pauri; hongu, muchero wemuti wabva mumbeu kwavari tinovapa zvichave akudya kwavo.

30 Uye kune yose mhuka yemunyika, nekushiri yose yedenga, nekune chose chinokambaira panyika, tarisai, tichazvipa upenyu, uye zvakare tichazvipa rose gwenzi rakasvibirira kuti zvidye, uye zvose zvinhu izvi zvicharongwa saizvozvo.

31 Uye vanaMwari vakati: Tichaita zvose zvatataura, uye tizvironge; uye tarisai, zvichateerera chaizvo. Uye zvakaitika kuti zvaive zvakabvira manheru kusvika mangwanani vakati usiku; uye zvakaitika kuti zvaibvira mangwanani kusvika manheru vakazvidaidza kuti masikati; uye vakaverenga akechitanhatu.