Magwaro Matsvene
Mormoni 7


Chitsauko 7

Mormoni anokoka maRamani emazuva okupedzisira kuti vatende muna Kristu, vagamuchire vhangeri rake, vagoponeswa—Avo vose vanotenda Bhaibheri vanozotenda Bhuku raMormoni. Zvingangove makore 385 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvino, tarisai, ndichataura kune zvimwe zvizvarwa zvavanhu ava izvo azvakasara; kana zvikaitika kuti Mwari vavape mazwi angu, kuti vagoziva nezvezvinhu zvamadzibaba avo; hongu, ndinotaura kwamuri, imi vechizvarwa cheimba yaIsraeri; aya ndiwo mazwi andinotaura:

2 Zivai kuti muri aveimba yaIsraeri.

3 Zivai kuti munofanira kuuya mutendeuke, kana kuti hamuzoponeswa.

4 Zivai kuti munofanira kuisa pasi zvombo zvenyu zvehondo, uye musazofara zvakare mukudeura ropa, musazozvitora zvakare, kunze kwokunge Mwari vakurairai.

5 Zivai kuti munofanira akuziva madzibaba enyu, mutendeuke kubva muzvivi zvenyu nokuipa kwenyu, uye bmutende muna Jesu Kristu, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, uye kuti akauraiwa namaJuda, uye nesimba raBaba akamuka zvakare, nokudaro akawana ckukunda guva; uye maari kuruma kwerufu kuchamedzwa.

6 Uye anounza akumutswa kwevakafa, kunoita kuti munhu agomutswa kuti amire pamberi pachigaro bchokutonga kwake.

7 Uye akaunza arununuro rwepasi, runoita kuti uyo anozoonekwa basina mhosva pamberi pake nezuva rokutongwa cachazogara naMwari muumambo hwavo, kuti aimbe dzimbo dzisingaperi dzokumurumbidza dnavaimbi vokumusoro, kuna Baba, nokune Mwanakomana, nekune Mweya Mutsvene, zvinova Mwari emumwechete, fmukufara kusina magumo.

8 Nokudaro tendeukai, mubhabhatidzwe muzita raJesu, mugobatirira apavhangeri raKristu, iro richaiswa pamberi penyu, kwete bmuchinyorwa chino chete asi muchinyorwa chichauya kumaJentairi ckubva kumaJuda, chiri icho chinyorwa chichabva kumaJentairi chichiuya dkwamuri.

9 Nokuti tarisai, aizvi zvakanyorwa kuitira kuti imi bmuzvitende; kana mukatenda izvozvo muchatenda izviwo; uye kana muchinge matenda muchaziva zvakare nezvemadzibaba enyu, nemabasa anoshamisa zvikuru akaitwa nesimba raMwari pakati pavo.

10 Uye muchaziva zve kuti muri zvizvarwa zvembeu yaJakobo; naizvozvo munoverengwa pamwechete navanhu vechibvumirano chokutanga; uye mukava munotenda munaKristu, mukabhabhatidzwa, kekutanga nemvura, kwozouya moto noMweya Mutsvene, muchiteedza amufananidzo woMuponesi wedu, maererano neizvo akatituma, zvichazova zvichakunakirai nezuva rokutongwa. Ameni.