Huyai, Munditevere 2024
Zvita 2–8: “Kuitira Kuvachengeta muNzira Kwayo.” Moronai 1–6


“Zvita 2–8: ‘Kuitira Kuvachengeta muNzira Kwayo.’ Moronai 1–6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Zvita 2–8. Moronai 1–6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Aruma achibhabhatidza vanhu paMvura dzaMormoni

Minerva Teichert (1888–1976), Alma Baptizes in the Waters of Mormon [Aruma Anobhabhatidza muMvura dzaMormoni], 1949–1951, pendi yeoiri pabhodhi repuranga, mainji 35 7/8 × 48. Brigham Young University Museum yeArt, 1969

Zvita 2–8: “Kuitira Kuvachengeta muNzira Kwayo”

Moronai 1–6

Mushure mokupedza rondedzero yababa vake yavaNifai uye nekupfupisa rondedzero yavaJaredi, Moronai akafunga kuti basa rake rokuchengeta rondedzero rakanga rapera (ona Moronai 1:1). Chii chimwe chaivepo chekutaura pamusoro pemarudzi maviri ayo aiva aparadzwa zvachose? Asi Moronai akanga aona nguva dzedu (ona Mormoni 8:35), uye akafemerwa kuti “anyore zvimwezve zvinhu zvishoma, kuitira kuti pamwe zvingazova zvakakosha … nerimwe zuva ramagwana” (Moronai 1:4). Iye aiziva kuti rutsauko rwakapararira rwakanga rwuri kuuya, rwuchiunza kuvhiringidzika pamusoro pezvisungo zvehupirisita uye pamusoro pechitendero chose zvacho. Ichi chingangova chiriicho chikonzero chaakapa ruzivo rwaikajekesa pamusoro pesakaramende, rubhabhatidzo, kupa chipo cheMweya Mutsvene, uye maropafadzo okuungana navamwe vatendi kuitira “kuchengetana munzira kwayo, … vachivimba chete nemabasa akanaka aKristu, uyo aiva munyori nomupedzisi worutendo [rwedu]” (Moronai 6:4). Nzwisiso dzakakosha dzakaita seidzi dzinotipa chikonzero chokuva noruvongo kuti Ishe vakachengetedza upenyu hwaMoronai kuti agozokwanisa “kunyora zvimwezve zvinhu zvishoma” (Moronai 1:4).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Moronai 1

Ndinokwanisa kutevera Jesu Kristu zvisinei nerupikiso.

Apo paunoverenga Moronai 1, chii chinokukurudzira pamusoro porutendeko rwaMoronai kuna Ishe uye kudaidzo yake? Ndedzipi dzimwe nzira munhu “dzaangangoramba Kristu” nadzo? (Moronai 1:2–3). Fungisisa kuti unokwanisa sei kutendeka kuna Jesu Kristu, kunyangwe apo paunotarisana nemiedzo uye nerupikiso.

Moronai 2–6

Zvisungo zveHupirisita zvinofanira kuitwa sokuraira kunoita Ishe.

Moronai aiva ari kutiza kuti achengetedze upenyu hwake apo paakanyora zvitsauko izvi. Sei akaita hanya nokunyora pamusoro peruzivo rwemaitirwo ezvinhu sokuti zvisungo zvinoitwa sei? Fungisisa izvi apo paunoverenga Moronai 2–6. Sei uchifunga kuti ruzivo urwu rwakakosha kuna Ishe? Heino mimwe mibvunzo ingangotungamira kunzvera kwako:

Chisimbiso ((Moronai 2; 6:4).Mirairidzo yeMuponesi iri muna Moronai 2:2 inokudzidzisei pamusoro pechisungo chechisimbiso? Ungatsanangura sei zvazvinoreva “kushandurwa nokucheneswa nesimba reMweya Mutsvene”? (Moronai 6:4).

Kugadzwa kwehupirisita (Moronai 3).Chii chaunowana mundima iyi chinogona kubatsira mumwe munhu kugadzirira kuti agadzwe hupirisita? Chii chaunowana chinozobatsira mumwe munhu kugadzirira kuita chisungo?

Sakaramende (Moronai 4–5; 6:6).Chii chaunokwanisa kuita kuti sakaremende ive chinhu chakakoshesesa chezvepamweya chevhiki yako?

Rubhabhatidzo (Moronai 6:1–3).Chii chauri kuita kuti uenderere mberi nokuzadzikisa zvidikanwi zverubhabhatidzo?

Mufananidzo
musikana wechidiki achigamuchira ropafadzo

Jesu akadzidzisa kuti zvisungo zvinofanira kuitwa nemutoo upi.

Kubva pane zvawadzidza, unozoshandura sei nzira dzaunofunga pamusoro pezvisungo izvi, dzaunotora chinhanho muzvisungo izvi, kana dzaunogadzirira nadzo vamwe kuzvisungo izvi?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 84:20.

Itai mutambo wenyaya. Imwe nzira yakanaka zvikuru yokurangarira izvo zvauri kudzidza ndeye kuzvitsanangura kuna vamwe. Semuenzaniso, edzai kuita mitambo yakaita souyu: Shamwari haina chokwadi chokuti yagadzirira kubhabhatidzwa. Ungashandisa sei Moronai 6 kumubatsira?

Moronai 4:5

Kutora sakaramende inondibatsira kuswedera pedyo naJesu Kristu.

Pamwe wakanzwa minamato yesakaramende kakawanda, asi kangani kaunonyatsofunga pamusoro peizvo zvinorehwa nemashoko acho? Pamwe unokwanisa kuedza kunyora pasi minamato miviri yesakaramende kubva mundangariro. Zvino enzanisa izvo zvawanyora naMoronai 4:3 uye 5:2. Wacherechedza here chimwe chinhu pamusoro peminamato iyi icho chawakanga usati wambocherechedza kare?

Funga kusanganisira rwiyo rwesakaramende mukunzvera kwako, sezvakaita “Onai Mununuri Afa” (Nziyo neDzeVana Vadiki, nhamba 30).

Moronai 6:4–9

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Vadzidzi vaJesu Kristu vanotaririra mweya yemumwe nomumwe wavo.

Sarudzo yokutevera Kristu ndeye munhu pachake, asi vamwe vedu vatendi vanokwanisa kubatsira kutichengeta “munzira yakarurama” (Moronai 6:4–5). Chii chakaitwa nenhengo dzeChechi munguva yaMoronai kusimbisana? Apo unoverenga Moronai 6:4–9, fungisisa nezve maropafadzo anouya kubva “mukuverengerwa pakati pavanhu vechechi yaKristu” (Moronai 6:4).

Ungangofungawo pamusoro pevanhu vanopinda kuwadhi kana kubazi rako. Pane mumwe here angangova nechidikanwi chakakosha cherudo rwako—pamwe mumwe munhu ari mutsva kana achangodzoka? Ungabatsira sei kuita kuti zviitiko zvavo kuchechi zvinyanye kuva seizvo zvakatsanangurwa naMoronai? ­

Apo paunofungisisa izvo zvazvinoreva “kugutswa neshoko rakanaka raMwari” (Moronai 6:4), zvingangobatsira kufunga pamusoro pekuda zvokudya kunoitwa nembesanwa kana nemwana mucheche—uye chii chinoitika kana zvikaregererwa. Tsvagurudza Moronai 6:4–9 kuti uwane mazano pamusoro pokuti unokwanisa kubatsira sei “kugutsa” vamwe panezvemweya. Vamwe vako vadzidzi vakabatsira sei kukugutsa?

Hazvisi pachena kumunhu wose kuti sei zvakakosha “kuverengerwa pakati pevanhu vechechi yaKristu” uye “kusangana pamwechete kazhinji” mumisangano yeChechi. ­

Mazano eKudzidzisa Vana

Moronai 2–6

Mweya Mutsvene chipo chinoera.

  • Mweya Mutsvene kana Mweya unotaurwa kazhinji muna Moronai 2–6. Pamwe unokwanisa kukumbira vana vako kuwana ndima yoga yoga inotaura neZvavo, uye dorongodza izvo zvavanodzidza pamusoro peMweya Mutsvene. Munokwanisawo kugoverana zviitiko apo pamakanzwa shanduro yeMweya.

Moronai 4:5

Ndinotora sakaramende kuratidza kuti ndinozorangarira Jesu Kristu nguva dzose.

  • Kuverenga minamato yesakaramende nevana vako kunokwanisa kutungamirira kuhurukuro pamusoro pokuti tingava sei nezviitiko zvakanyanya kukosha nesakaramende. Zvingangobatsira kuti vafungidzire kuti shamwari iri kuuya kumusangano wesakaramende kwenguva yokutanga. Tingazotsanangura sei kushamwari yedu kuti sakaramende chii uye kuti sei ichiera? Kurudzira vana vako kushandisa chimwe chinhu kubva muna Moronai 4 kana 5 mutsananguro dzavo. Vana vaduku vanokwanisa kushandisa peji yechiitwa chevhiki rino kana Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 108.

  • ­ Mungangodzidzira kugara neruremekedzo panguva yesakaramende.

Moronai 6:1–3

Ndinokwanisa kugadzirira kubhabhatidzwa.

  • Ndiani anokwanisa kubhabhatidzwa? Batsira vana vako kuwana mhinduro kumubvunzo uyu muna Moronai 6:1–3. Zvinorevei kuva “nemwoyo wakatyoka nomweya unozvidemba”? (Moronai 6:2). Izvi zvinotibatsira sei kugadzirira rubhabhatidzo? Funga pamusoro pokutaurira vana vako magadziriro okuita kubhabhatidzwa.

Moronai 6:4–6, 9

Tinoenda kuchechi kunotora sakaramende uye nokutsigirana.

  • Vana vako vanoziva here kuti sei uchida kuenda kuchechi? Kuverenga Moronai 6:4–6, 9 kunokwanisa kukupa mukana wokukurukura pamwechete zvimwe zvezvinhu zvatinoita kuchechi. Pamwe vanokwanisa kudhirowa mifananidzo yaivo pachavo vachiita zvinhu izvi (sezvakaita kunamata, kudzidzisa, kuimba, uye kutora sakaramende).

  • Mushure mokuverenga Moronai 6:4 pamwechete, iwe navana vako munokwanisa kutarisa pamifananidzo kana mienzaniso yezvokudya zvinogutsa muviri uye moenzanisa kugutsa miviri yedu “nokugutswa neshoko rakanaka raMwari.”  

Mufananidzo
Moronai akavanda mubako

Moroni in the Cave (Moronai ari muBako), naJorge Cocco