Huyai, Munditevere 2024
Zvita 16–22: “Huyai kuna Kristu, uye Mururamiswe maAri.” Moronai 10


“Zvita 16–22: ‘Huyai kuna Kristu, uye Mururamiswe maAri.’ Moronai 10,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Zvita 16–22. Moronai 10,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Jesu Achizviratidza kuvaNifai

That Ye May Know [Kuitira Kuti Imi Mugoziva], naGary L. Kapp

Zvita 16–22: “Huyai kuna Kristu, uye Mururamiswe maAri”

Moronai 10

Bhuku raMormoni rinovhura nevimbiso yaNifai yokutiratidza isu kuti “ngoni nyoro dzaIshe dziri pamusoro paavo vose vavakasarudza, nokuda kwerutendo rwavo” (1 Nifai 1:20). Bhuku iri rinovhara nekukoka kwakafanana kunobva kuna Moronai kwokuti “tirangarire kuti Ishe vanga vaine ngoni zvakadaii” (Moronai 10:2–3). Ndeipi mienzaniso yengoni dzaIshe yawakaona muBhuku raMormoni? Ungangofunga nezve nzira inengoni Mwari yavakatungamirira nayo mhuri yaRehi nemurenje uye mukuyambuka mvura zhinji, ngoni dzine unyoro dzaVakaratidza kuna Enosi apo mweya wake pawaida zvikurusa ruregerero, kana ngoni dzaVakaratidza kuna Aruma, muvengi mukuru weChechi uyo akazova mumwe wavadziviriri vayo aiva asingatyi. Kana kuti pfungwa dzako dzingatendeukira kungoni dzakaratidzwa vanhu neMuponesi akamuka kuvakafa apo Paakaporesa vairwara vavo uye nokuropafadza vana vadiki vavo. Pamwe chakanyanyisa kukosha ndechekuti, zvose izvi zvinokuyeuchidza “kuti Ishe vane ngoni zvakadii” kwauri, nokuti Bhuku raMormoni rakanyorerwa kukoka mumwe nemumwe wedu kuti agumuchire ngoni dzaMwari–kukokwa kwakataurwa zviri nyore mumashoko eruwoneko aMoronai, “Huyai kuna Kristu, uye mururamiswe maari” (Moronai 10:32).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Moronai 10:3–7

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Ndinokwanisa kuziva chokwadi chezvinhu zvose kuburikidza nesimba reMweya Mutsvene.

Vimbiso iri muna Moronai 10:3–7 yakashandura upenyu hwamamiriyoni avanhu napanyika pose. Yakashandura hwako sei? Apo paunoverenga Moronai 10:3–7, funga pamusoro pokunyatsoverenga kupfuura zvaungange wakamboita kare. Unokwanisa kuwongorora ndevo yoga yoga, uchizvibvunza mibvunzo yakafanana neiyi: Izvi zvinorevei? Ndingakwanisa sei kuita izvi zvirinani? Ndezvipi zviitiko zvandakava nazvo neizvi?

Apo paunofungisisa kutsvaka kwako pachako chokwadi chezvepamweya, zvingangobatsira kudzidza mawaniro akaita vamwe chokwadi kuburikidza nesimba reMweya Mutsvene. ­ ­ ­

Ungangotsvakawo izvo Mwari zvaVakadzidzisa pamusoro pechokwadi nokuverenga dzimwe dzendima dziri muNhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Chokwadi” (Raibhurari yeVhangeri). Ndezvipi zvinyorwa zvitsvene zvinoratidzika kuva zvakanyanya kukosha kwauri? Pamwe unokwanisa kusarudza chimwechete chokugoverana nemumwe munhu uyo ari kutsvakawo chokwadi kuburikidza neMweya.

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Seek Truth and Avoid Deception, [Tsvaka Chokwadi uye Dzivirira Unyengeri” Raibhurari yeVhangeri.

Nyora Pasi Manzwiro Ako. Kutendeutsirwa kuvhangeri raJesu Kristu zvinoreva zvose kuziva nekurarama vhangeri. Unozoita chimwe chinhu pane izvo zvaunodzidza kana ukazvinyora pasi. Kana uri kudzidzisa, koka vanhu vaunodzidzisa kunyora pasi manzwiro avo ezvepamweya.

Moronai 10:8-25

Mwari vakandipa zvipo zvepamweya.

Pane nzira dzakawanda idzo munhu “dzaangaramba nadzo … zvipo zvaMwari” (Moronai 10:8). Vamwe vanhu vanoramba kuti zvipo izvi zviriko. Vamwe vanoramba zvipo zvavo nokungozviregerera kana kutadza kuzvikudziridza. Apo paunoverenga Moronai 10:8–25, tsvaka zvokwadi zvinozokubatsira kuziva zvipo zvako zvepamweya uye kuzvishandisa kuropafadza vana vaMwari. Mibvunzo yakaita seiyi inokwanisa kubatsira: Zvipo zvepamweya chii? Zvinopuwa kuna ani? Sei zvichipuwa? Tinozvigamuchira sei? Unokwanisa here kufunga nezve mienzaniso yevanhu vanoshandisa zvipo zvakadorongodzwa muna Moronai 10:9–16?

Moronai 10:30–33

Ndinokwanisa kururamiswa kuburikidza nenyasha dzaJesu Kristu.

Rairo yaMoronai “yokuuya kuna Kristu” inosanganisira zvakawanda kupfuura kudzidza uye nokufunga pamusoro Pake. Panokudaro, uku kukoka kwokuuya kuna Kristu muzvazvinoreva zvakazara zvikurusa sokukwanisika kwazvingaita—kuzova sezvaAri. Apo paunoverenga Moronai 10:30–33, cherechedza ndevo idzo dzinokubatsira kunzwisisa izvo zvazvinoreva kuuya kuna Kristu, maitirwo azvinoitwa kuti zvikwanisike, uye mhedzisiro yokuita kudaro.

Tarisa kumashure pakunzvera kwako kweBhuku raMormoni gore rino, uye wofungisisa izvo zvawakanzwa uye nokudzidza pamusoro paJesu Kristu. Semuenzaniso, Bhuku raMormoni rakakubatsira sei kuuya kwaAri? Rakakubatsira sei kuvimba zvakanyanya kuzara pangoni Dzake? Rakakubatsira sei “kusaramba” simba reMuponesi? Funga pamusoro pokugovera uchapupu hwako pachako hweBhuku raMormoni nemumwe munhu anofanira kuhunzwa, kusanganisira vadikanwi uye shamwari idzo dzingange dzisingazivi nezveshoko raro.

Mazano eKudzidzisa Vana

Moronai 10:3-4

Ndinokwanisa kuzvizivira kuti Bhuku raMormoni nderechokwadi.

  • Ungakwanisa sei kubatsira vana vako kutambira kukoka kwaMoronai kwokubvunza Mwari kana Bhuku raMormoni riri rechokwadi? Funga pamusoro pokupa zvidimbu zvepepa zvine mashoko okuti Verenga, Rangarira, Fungisisa, uye Kumbira akanyorwa pazviri. Vana vako vanokwanisa kuwana mashoko aya muna Moronai 10:3–4. Chii chatinofanira kuverenga, kurangarira, kufungisisa, uye kubvunza kuitira kuti tiwane kana kusimbisa uchapupu hwedu hweBhuku raMormoni? ­

  • Vana vako vanokwanisa kushandisa mifananidzo iri kumagumo kwechidzidzo chino kutaura pamusoro paMoronai achiviga mahwendefa egoridhe (onawo “Chitsauko 54: Vimbiso yeBhuku raMormoni,” Nyaya dzeBhuku raMormoni, 156). Vana vadikisa vangangonakidzwa nokunyepedzera kuva Moronai achinyora pamahwendefa uye nokuaviga. Goveranai uchapupu hwenyu hweBhuku raMormoni.

Moronai 10:8–19

Baba Vokudenga vanondipa zvipo zvepamweya.

  • Kuti udzidzise vana vako pamusoro pezvipo zvepamweya, unokwanisa kunyora nhamba 9 kusvika kuna 16 pazvidimbu zvemapepa uye woputira pepa roga roga sechipo. Vana vako vanokwanisa kutora majano kuputunura zvipo zvacho, vachiverenga ndima kubva muna Moronai 10:9–16 idzo dzinoenderana nenhamba dzacho, uye vachidoma chipo chezvepamweya choga choga. Unokwanisa kutaura pamusoro pamadiro anoita Baba Vokudenga kuti tishandise zvipo izvi kuropafadza vana Vavo. Unokwanisawo kubatsira vana vako kucherechedza zvipo izvo Baba Vokudenga zvavakavapa.

Moronai 10:32–33

Jesu Kristu anoda kuti ndiuye kwaAri.

  • Vana vako vanoziva here zvazvinoreva “kuuya kuna Kristu”? Pamwe unokwanisa kuverenga Moronai 10:32 uye wovakoka kudzokorora ndevo yacho newe. Vanokwanisa zvino kuvhara maziso avo apo paunoisa mufananidzo waJesu pane imwe nzvimbo mumupanda. Zvino ita kuti vavhure maziso avo, vawane mufananidzo wacho, vaungane pauri, uye vataure pamusoro penzira idzo dzatinokwanisa kuuya kuna Kristu. Pamwe zvinozobatsira kunyora pasi mubvunzo wokuti Zvinorevei kuuya kuna Kristu? Vabatsire kutsvagurudza Moronai 10:32–33 kuti vawane mhinduro dzinokwanisika (onawo Misimboti yeChitendero 1:3–4). Shandai pamwechete kudorongodza izvo Kristu zvaanoda kuti tiite uye izvo zvaAnovimbisa kutiitira.

  • Pamwe vana vako vanozonakidzwa nokugadzira uye nokushongedza mabheji ane chimiro chemwoyo anoti “Ndinoda Mwari nekugwinya kwangu kwose, pfungwa dzangu dzose, uye nesimba rangu rose” (ona Moronai 10:32). Apo pavanodaro, taura navo pamusoro pamataridziro atinoita Mwari kuti tinoVada.

Mufananidzo
Moronai achiviga mahwendefa egoridhe

Asati aviga rondedzero, Moronai akatikoka “kurangarira kuti Ishe vakanga vaine ngoni zvakadii” (Moronai 10:3)