Huyai, Munditevere 2024
Zvita 9–15: “Kristu NgaAkusimudzire.” Moronai 7–9


“Zviita 9–15: ‘Kristu NgaAkusimudzire.’ Moronai 7–9,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Zvita 9–15. Moronai 7–9,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Moronai achinyora pamahwendefa egoridhe

Minerva Teichert (1888–1976), Moroni: The Last Nephite [Moronai: MuNifai Wokupedzisira]1949–1951, pendi yeoiri pabodhi repuranga, mainji 34 3/4 × 47. Brigham Young University Museum yeArt, 1969

Zvita 9–15: “Kristu NgaAkusimudzire”

Moronai 7–9

Moronai asati agumisa rondedzero yatinoziva nhasi seBhuku raMormoni nemashoko ake pachake okupedzisira, akagovera mashoko matatu aibva kuna baba vake, Mormoni: nhaurwa “kuvateveri vanorunyararo vaKristu” (Moronai 7:3) uye tsamba mbiri idzo Mormoni dzaakanga anyora kuna Moronai. Pamwe Moronai akasanganisira mashoko aya muBhuku raMormoni nokuda kwokuti akasanoona fanano pakati penjodzi dzezuva rake nedzezuva redu. Apo mashoko aya paakanyorwa, vanhu vechiNifai vaiva varikutendeukira kure kubva kuMuponesi. Vazhinji vavo vakanga “varasikirwa nerudo, kune mumwe nomumwe wavo” uye vaifara “muzvinhu zvose kunze kweizvo zvakanaka” (Moronai 9:5, 19). Asi zvakadaro Mormoni aiva achiri kuwana chikonzero chokuva netariro, achitidzidzisa kuti tariro hairevi kushaya hanya kana kusava noruzivo pamusoro pematambudziko apanyika. Tariro inoreva kuva nerutendo muna Baba Vokudenga naJesu Kristu, avo simba ravo rinova rakakura uye risingaperi kupfuura matambudziko aya. Inoreva “kubatirira pachinhu chose chakanaka” (Moronai 7:19). Inoreva kurega Rudzikinuro rwaJesu Kristu “uye netariro yokubwinya kwake neyoupenyu hwokusingaperi, zvigare mupfungwa dzako” (Moronai 9:25).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Moronai 7:12–20

Chiedza chaKristu. chinondibatsira kuziva chokwadi kubva kune chisina kururama.

Vanhu vakawanda vanonetseka kuti, “Ndinokwanisa sei kuziva kana pfungwa ichibva kuna Mwari kana kuti mupfungwa dzangu pachangu?” kana kuti “Nehunyengeri hwakawanda kudaro nhasi, ndingakwanisa sei kuziva izvo zvakanaka kubva kune zvakaipa?” Mashoko aMormoni muna Moronai 7 anotipa misimboti yakati wandei yatinokwanisa kushandisa kupindura mibvunzo iyi. Itsvake kunyanya mundima 12–20. Ungangoshandisa zvokwadi izvi kukubatsira kuwongorora mashoko aunosangana nawo uye zviitiko zvaunova nazvo vhiki rino.

Onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Chiedza, Chiedza chaKristu,” Raibhurari yeVhangeri.

Moronai 7:20–48

Nokuda kwaJesu Kristu, ndinokwanisa “kubatirira pachinhu chose chakanaka.”

Mormoni akabvunza mubvunzo uyo unoratidzika sewakakosha zvikurusa nhasi: “Zvinokwanisika sei kubatirira pachinhu chose chakanaka?” (Moronai 7:20). Zvino akadzidzisa pamusoro porutendo muna Jesu Kristu, tariro, uye rudo rwakadzama. Apo paunoverenga ndima 20–48, tsvaka kuti hunhu hwoga hwoga hwunokubatsira sei kuwana uye “kubatirira” parunako urwo runouya kubva kuna Jesu Kristu. Sei hunhu uhwu hwakakosha kumudzidzi waJesu Kristu?

Moronai 7:44–48

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
“Rudo rwakadzama ndirwo rudo rwakarurama rwaKristu.”

Mormoni akacherechedza kuti rutendo rwedu netariro yedu muna Jesu Kristu zvinotitungamirira mukuva nerudo rwakadzama. Asi rudo rwakadzama chii? Ungangonyora kuti Rudo rwakadzama … uye zvino woverenga Moronai 7:44–48, uchitsvaka mashoko kana ndevo idzo dzinokwanisa kupedzisa mutsetse wacho. Apo paunopedza, kufunga pamusoro pokutsivanisa shoko rokuti Rudo rwakadzama nezita Jesu Kristu. Izvi zvinokudzidzisa chii pamusoro peMuponesi? Jesu Kristu akataridza sei rudo Rwake rwakarurama? Funga nezvemienzaniso kubva mumagwaro matsvene uye kuupenyu hwako pachako.

Mutungamiri Dallin H. Oaks vakacherechedza kuti: “Chikonzero icho rudo rwakadzama rusingambofi rwakakundikana uye chikonzero icho rudo rwakadzama rwakakura kupfuura kunyangwe zviito zvakakoshesesa zverunako … ndechokuti rudo rwakadzama, ‘rudo rwakarurama rwaKristu’ [Moronai 7:47], harusi chiito asi hunhu kana mamiriro okuva. … Rudo rwakadzama chimwe chinhu munhu chaanova” (“The Challenge to Become,” Ensign, Mbudzi. 2000, 34). ­ Rudo rwakadzama runoshandura sei udzidzi hwako? Ungakwanise sei “kunamatira kurudo rwakadzama”? (ndima 46).

Onawo 1 VaKorinte 13:1–13; Eta 12:33–34; “Rudo Mumba,” Nziyo neDzeVana Vadiki, 86, Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Rudo rwakadzama,” Raibhurari yeVhangeri.

Shandisa zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatika. Pamwe kufunga nezve chituru chine makumbo matatu kunokwanisa kukubatsira kunzwisisa zvakawanda pamusoro peukama pakati perutendo, tariro, uye rudo rwakadzama.

Moronai 9:3–5

Hasha dzinotungamirira kurusuwo nokutambura.

Mukusiyana neshoko raMormoni rerudo muna Moronai 7:44–48, Mwadhi yechipiri yaMormoni kuna Moronai inosanganisira yambiro pane chimwe chinhu icho vakawanda chavanonetsekana nacho nhasi—hasha. Maererano naMoronai 9:3–5, ndedzipi dzimwe dzemhedzisiro dzehasha dzavaNifai? Ndedzipi yambiro dzatinokwanisa kutora kubva mundima 3–5, 18–20, 23?

Moronai 9:25–26

Ndinokwanisa kuva netariro muna Kristu zvisinei nemamiriro ezvinhu angu.

Mushure mokunge atsanangura hunyangadzi hwaakanga aona, Mormoni akaudza mwanakomana wake kuti asasuwa. Chii chinokufadza pamusoro peshoko raMormoni retariro? Zvinorevei kwauri kuti Kristu “akusimudzire”? Ndehwupi hunhu hwaKristu uye nemisimboti yevhangeri Rake “zvigere mupfungwa dzako” uye zvinokupa tariro? (Moronai 9:25).

Mazano eKudzidzisa Vana

Moronai 7:33

Kana ndiine rutendo muna Jesu Kristu, ndinokwanisa kuita chipi nechipi zvacho chaAnoda kuti ndiite.

  • Funga pamusoro pokutarisa mifananidzo mishoma pamwechete iyo inoratidza mumwe munhu kubva mumagwaro matsvene achizadzikisa chimwe chinhu chakakosha (ona, semuenzaniso, Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 19; 70; 78; 81). Kuva nerutendo muna Jesu Kristu kunoita musiyano sei mumienzaniso iyi? Iwe navana vako munokwanisa kuverenga Moronai 7:33, muchitsvaka izvo zvatinokwanisa kuita apo patinenge tiine rutendo muna Jesu Kristu. Munokwanisawo kugoverana zviitiko apo Mwari pavakakuropafadzai nesimba rokuita chido Chavo.

Moronai 7:41

Kutenda muna Jesu Kristu kunokwanisa kundipa tariro.

  • Apo paunoverenga Moronai 7:41 kuvana vako, pamwe vanokwanisa kusimudza maoko avo apo pavanonzwa chimwe chinhu Mormoni chaakati tinofanira kutarisira. Vataurire pamusoro petariro yaunonzwa nokuda kwaJesu Kristu.

  • Iwe navana vako munokwanisa kufunga nezve mumwe munhu angangova aine nguva yakaoma nechimwe chinhu. Pamwe vana vako vanokwanisa kudhirowa mufananidzo wokupa munhu iyeye uyo unozomuyeuchidza kuti ave netariro muna Jesu Kristu.

Moronai 7:40–41; 9:25–26

Ndinokwanisa kuva netariro muna Jesu Kristu, kunyangwe munguva yezviedzo zvakaoma.

  • Kuti udzidzise vana vako pamusoro petariro muna Jesu Kristu, unokwanisa kuzadza nemvura mudziyo unoonekera zviri mukati uye woisa zvinhu zviviri mauri—chimwe chinoyangarara pamusoro uye chimwe chinonyura. Apo pamunoverenga pamwechete Moronai 7:40–41 uye 9:25–26, vana vako vanokwanisa kutsvaka izvo zvatinoitirwa netariro. Zvino vanokwanisa kuenzanisa chinhu chinoyangarara kumunhu ane tariro muna Kristu. “Anotisimudzira” sei apo patinotarisana nezviedzo zvakaoma? Batsira vana vako kufunga nezvenzira dzavanokwanisa kuchengeta nadzo Muponesi nedzidziso dzinokurudzira Dzake “mupfungwa [dzavo] nariinhi nariinhi.”

Moronai 7:45–48

“Rudo rwakadzama ndirwo rudo rwakarurama rwaKristu.”

  • Rumbo pamusoro perudo, sezvakaita “Rudo Mumba” (Nziyo neDzeVana Vadiki, 86), rungangotangisa hurukuro pamusoro pokuti rudo rwakadzama chii. Unokwanisa kuverenga kana kupfupisa Moronai 7:47 uye wokoka vana vako kudhirowa mifananidzo yavo pachavo vachiratidza rudo kune mumwe munhu. Vaudze kuti vaise mufananidzo wavo apo paunozovayeuchidza kuda vamwe sezvinoita Jesu.

  • Ungakwanisa kukurudzira sei vana vako kutsvaka uye nokukudziridza rudo rwakarurama rwaKristu muupenyu hwavo? Pamwe unokwanisa kuvabatsira kufunga nezve nzira idzo Jesu dzaakaratidza rudo rwakadzama (ona, semuenzaniso, Ruka 23:34; Johane 8:1–11; Eta 12:33–34). Tingakwanisa kutevera sei muenzaniso Wake?

Mufananidzo
Jesu Kristu

Portrait of Christ the Savior [Mufananidzo waKristu Muponesi], naHeinrich Hofmann