Huyai, Munditevere 2024
Zvita 23–29: “Achauya muNyika Kuzonunura Vanhu Vake.” Kirisimasi


Zvita 23–29: ʻAchauya muNyika Kuzonunura Vanhu Vake.ʼ Kirisimasi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Zvita 23–29. Kirisimasi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Josefa, Maria, nemucheche Jesu mudanga rezvipfuwo

Behold the Lamb of God [Tarisai Gwayana raMwari], naWalter Rane

Zvita 23–29: “Achauya muNyika Kuzonunura Vanhu Vake”

Kirisimasi

Kubva kuna Nifai kusvika kuna Moronai, muporofita woga woga wemuBhuku raMormoni aiva akazvipira kuchinangwa chinoera chakapfupiswa papeji yemusoro wenyaya: yebhuku iri: “kupwiswa [kwavanhu vose] kwokuti Jesu ndiye Kristu.” Mumwe muporofita akaMuona semweya asati azvarwa panyika, uye mumwe akaona muchiratidzo hushumiri Hwake azvarwa panyika. Mumwe akamira pachidziro achiparidza zviratidzo zvekuzvarwa Kwake uye zvekufa Kwake, uye mumwe akapfugama pamberi pemuviri Wake wakamuka kuvakafa, achibata maronda aiva mumaoko Ake, mutsoka Dzake, uye nepadivi Pake. Vose vaiziva chokwadi chakakosha ichi “Hakuna imwe nzira kana mumwe mutoo uyo vanhu vanokwanisa kuponeswa nawo, asi chete kuburikidza neropa rinodzikinura raJesu Kristu, uyo … anouya kuzonunura nyika” (Hiramani 5:9).

Naizvozvo panguva ino yemwaka weKirisimasi, apo vatendi nemunyika mose pavanopemberera runako nerudo rwaMwari mukutumira Mwanakomana Wavo, fungisisa kuti Bhuku raMormoni rakasimbisa sei rutendo rwako muna Kristu. Apo paunofunga pamusoro pekuzvarwa Kwake, fungisisa kuti sei Akauya uye kuti kuuya Kwake kwakashandura sei upenyu hwako. Zvino unokwanisa kuwana mufaro wechokwadi weKirisimasi—chipo icho Jesu Kristu chaakapa kwauri.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Jesu Kristu akazvarwa kuti ave Muponesi wangu.

Itsika inoitwa kuverenga nyaya yekuzvarwa kweMuponesi muTestamente Itsva panguva yeKirisimasi, asi unokwanisawo kuwana huporofita hunobata mwoyo hwechiitiko ichi chinoera muBhuku raMormoni. Semuenzaniso, huporofita hwekuzvarwa uye hushumiri hweMuponesi hunowanikwa muna 1 Nifai 11:13–36; Mosaya 3:5–10; uye Hiramani 14:1–13. Ndeapi manzwiro pamusoro paJesu Kristu anouya kwauri apo paunoverenga ndima idzi uye nekufungisisa zvinoreva zviratidzo zvekuzvarwa Kwake? Uchapupu hwavaporofita ava hunosimbisa sei uchapupu hwako hwaKristu nebasa Rake?

Hedzino dzimwe pfungwa dzekukubatsira kuti unangise pfungwa dzako pana Jesu Kristu panguva yeKirisimasi:

  • ­ ­ -

  • ­

  • Funga pamusoro pekuronga zviitwa izvo iwe kana mhuri yako zvamunokwanisa kuita mumazuva anoteverwa neKirisimasi kuitira kunzwa Mweya waKristu, sezvakaita kushandira mumwe munhu kana kuimba nziyo dzeKirisimasi pamwechete. Ona LighttheWorld.org kuti uwane mamwe mazano.

Onawo Mateo 1:18–25; 2; Ruka 2; 3 Nifai 1:4–22

Jesu Kristu ndiye Mununuri weNyika.

Chikonzero chikuru chinoita kuti tipemberere kuzvarwa kwaJesu Kristu ndechokuda kwerudzikinuro rwekuzvipira Rwake. Nokuda kwekuzvipira ikoko, Anokwanisa kutiponesa kubva kuzvivi uye rufu, kutinyaradza mumatambudziko, uye nokutibatsira kuti “tiruramiswe maAri” (Moronai 10:32). Chii chawakadzidza kubva muBhuku raMormoni gore rino pamusoro pesimba reMuponesi rekukununura? Pane dzimwe rondedzero kana dzidziso here dzinonyanya kukosha kwauri? Funga pamusoro pekuti ndima dzinotevera dzinokudzidzisa chii pamusoro pebasa rerununuro reMuponesi: 2 Nifai 2:6; Aruma 7:7–13; 11:40; uye Hiramani 5:9; 14:16–17. Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti uMuratidze ruvongo rwako?

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Bhuku raMormoni rinopupura nezvaJesu Kristu.

“Imwe Testamente yaJesu Kristu” zvinoreva zvakawanda kupfuura kungova musoro wenyaya mudiki weBhuku raMormoni; chirevo chechinangwa charo chehumwari. Fungisisa izvo zvaunodzidza kubva mumagwaro matsvene anotevera pamusoro pechinangwa cheBhuku raMormoni chekupupura nezvaKristu; 1 Nifai 6:4; 19:18; uye 2 Nifai 25:23, 26; 33:4, 10.

Funga pamusoro pekunyora pasi mujonari kuti kunzvera Bhuku raMormoni gore rino kwakakuswededza sei pedyo naKristu. Zvikurudziro zvinotevera zvingangokubatsira:

  • “Chimwe chinhu chandakadzidza kana kunzwa pamusoro peMuponesi gore rino chaiva …”

  • “Kudzidza pamusoro peMuponesi muBhuku raMormoni kwakashandura nzira iyo yandi …”

  • “Munhu wandinonyanya kufarira [kana nyaya] muBhuku raMormoni akandidzidzisa kuti Muponesi …”

Zvimwe pane mumwe munhu angaropafadzwa nokuziva manzwiro aunoita pamusoro peBhuku raMormoni. Ungagovera sei zviitiko zvako neuchapupu hwako? Ungangonzwa kukurudzirwa kupa kopi sechipo cheKirisimasi. Apu yeBhuku raMormoni inoita kuti kugovera kuve nyore.

­ ­

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Bhuku raMormoni,” Raibhurari yeVhangeri.

­

Mazano eKudzidzisa Vana

Nokuda kwekuti Svondo ino iSvondo yechishanu yemwedzi, vadzidzisi vePuraimari vanokurudzirwa kushandisa zviitwa zvekudzidza zviri “muChiwedzerwa B: Kugadzirira Vana Kuramba Vari Mugwara reChibvumirano raMwari kweUpenyu Hwose.”

Jesu Kristu chipo chaBaba Vokudenga kwandiri.

  • Kubatsira vana vako kunangisa pfungwa pachipo icho Baba Vokudenga chavakatipa nekutumira Mwanakomana Wavo, unokwanisa kuputira mufananidzo waJesu Kristu sechipo cheKirisimasi. Iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro pezvipo zveKisimusi zvamunonyanya kufarira zvamakagamuchira kana zvamunotarisira kugamuchira. Zvino vanokwanisa kuputunura mufananidzo waKristu uye vokurukura kuti anga Ari sei chipo chakakosha kwatiri. - -

Jesu Kristu akazvarwa kuti ave Muponesi wangu.

  • Vana vako vangangonakidzwa nekugoverana newe izvo zvavanoziva pamusoro pekuzvarwa kwaJesu. Bhuku reMifananidzo yeVhangeri rine mifananidzo yakatiwandei iyo inokwanisa kuvabatsira kutaura nyaya yacho (ona nhamba 28, 29, 30, 31). Unokwanisawo kutarisa mifananidzo inoratidza upenyu hweMuponesi uye rudzikinuro rwekuzvipira rwake. Sei Baba Vokudenga vakatumira Jesu Kristu?

    Mufananidzo
    ngirozi
  • Vana vako vanganakidzwawo nekudhirowa mifananidzo yavo pachavo yekuzvarwa uye ushumiri hwaJesu. Zvimwe vanokwanisa kudhirowa izvo zvakatsanangurwa muna 1 Nifai 11:13–23; Mosaya 3:5–10; Hiramani 14:1–13; uye 3 Nifai 1:4–22. Zvino vanokwanisa kugoverana newe izvo zvinodzidziswa nemifananidzo yavo pamusoro paJesu Kristu.

  • Kusimbisa kuti Bhaibheri neBhuku raMormoni zvose zvinodzidzisa nezvekuzvarwa kwaJesu, unokwanisa kudorongodza zviitiko zvakatsanangurwa muna Ruka 2:4–14; Mateo 2:1–2; uye 3 Nifai 1:15, 19–21. Zvino vana vako vanokwanisa kutsvaka muzvinyorwa zvitsvene izvi kuti vaone kuti ndezvipi zviitiko zvakaitika muBetherehema, mumaAmerica, kana kwose kuri kuviri. Sei tichivonga nokuva neBhuku raMormoni sechapupu chechipiri chekuzvarwa kwaJesu?

Vana vanoda nyaya. Nyaya ndidzo dzimwe dzenzira dzakanakisisa dzekubatsira vana kudzidza nekurangarira zvokwadi. Apo paunogovera nyaya yekuzvarwa kwaJesu, funga pamusoro pekugovera nyaya dzinobva muupenyu hwako idzo dzakabatsira kusimbisa rutendo rwako muMuponesi.

Bhuku raMormoni rinopupura nezvaJesu Kristu.

  • Apo iwe nevana vako pamunopedzisa kunzvera kwenyu kweBhuku raMormoni gore rino, ingangova nguva yakanaka yekugoverana mumwe nemumwe nyaya kana ndima dzenyu dzamunonyanya kufarira kubva mubhuku rino rinoera. Kutarisa mimwe yemifananidzo iri muna Huyai, Munditevere kana Nyaya dzeBhuku raMormoni kunokwanisa kubatsira vana vako kurangarira zvavanga vachidzidza gore rino. Vabatsire kuona izvo nyaya idzi zvadzinotidzidzisa pamusoro paJesu Kristu.

  • Unokwanisawo kupa vana vako mufananidzo waJesu, kana kuita kuti vadhirowe wavo pachavo. Vakoke kuti vasimudze mifananidzo yavo nguva yoga yoga yavanonzwa zita raKristu apo paunoverenga 2 Nifai 25:23, 26. Pupura kuti Bhuku raMormoni rakanyorerwa kutibatsira “kutenda muna Kristu” (2 Nifai 25:23).

­

Mufananidzo
ngirozi ichiratidza Nifai Mhandara Maria muchiratidzo

Nephi’s Vision of the Virgin Mary [Chiratidzo chaNifai cheMhandara Maria], naJudith A. Mehr