Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Mateo 6


DJS, Mateo 6:14 (enzanisa Mateo 6:13; zvakafanana nezvakashandurwa muna Ruka 11:4)

(Ishe havatipinze mukuyedzwa.)

14 Uye musatibvumire kuti tipinzwe mukuyedzwa, asi tiburitsei kubva mune zvakaipa.

DJS, Mateo 6:22 (enzanisa Mateo 6:22)

(Kana maziso edu ari pakubwinya kwaMwari chete, miviri yedu yose inozadzwa nechiedza.)

22 Chiedza chemuviri iziso; kana zvakadaro kana ziso rako rakatarisa pakubwinya kwaMwari chete, muviri wako wose uchazara nechiedza.

DJS, Mateo 6:38 (enzanisa Mateo 6:33)

(Tinofanira kutsvaga kutanga kuvaka umambo hwaMwari.)

38 Nokudaro, musatsvage zvinhu zvenyika ino asi tsvagai kutanga, kuvaka umambo hwaMwari, nokumisa kururama kwavo, uye zvose zvinhu izvi zvichapamhidzirwa kwamuri.