Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Genesi 50


DJS, Genesi 50:24–38 (enzanisa Genesi 50:24–26; onawo 2 Nifai 3)

(Mosesi, Aroni, naJoseph Smith vose vakataurwa muchiporofita chino naJosefa muEgipita. Zvakare Josefa akaporofita kuti Bhuku raMormoni richave shamwari kuzvinyorwa zvaJuda.)

24 Uye Josefa akati kuhama dzake, ini ndinofa, uye ndoenda kumadzibaba angu; uye ndinodzika muguva mangu nomufaro. Mwari vababa vangu Jakobo vave nemi, kuti vakubvisei mudambudziko mumazuva ehusungwa hwenyu; nokuti Ishe vandishanyira, uye ndikawana vimbiso yaIshe, kuti kubva muzvibereko zvemuchiuno changu, Ishe Mwari vachamutsa bazi rakarurama kubva muchiuno changu; uye kwauri, uyo baba vangu Jakobo waakati Israeri, muporofita; (kwete Mesia uyo anonzi Shiro;) uye muporofita uyu achabvisa vanhu vangu muEgipita mumazuva ehusungwa hwenyu.

25 Uye zvichaitika kuti vachapararira zvakare; uye rimwe bazi richapazuka, rigotakurwa kunyika iri kure; zvisinei vacharangarirwa muzvibvumirano zvaIshe, apo pachauya Mesia; nokuti achaburitswa pachena kwavari mumazuva ekupedzisira, muMweya wesimba; uye achavaburitsa murima achivaisa muchiedza; kunze kwerima rakavanzika, nekunze kwemuhusungwa vachienda murusununguko.

26 Muoni achasimudzwa naIshe Mwari vangu, uyo achave muoni akasarudzwa kuzvibereko zvechiuno changu.

27 Vanodaro Ishe Mwari vemadzibaba angu kwandiri, Muoni ndichamusimudza kubva kuzvibereko zvechiuno chako, uye achakudzwa zvikuru mukati mezvibereko zvechiuno chako; uye kwaari ndichapa murairo kuti achaita basa rezvibereko zvechiuno chako, hama dzake.

28 Uye achavaunza kuruzivo rwezvibvumirano izvo zvandakaita nemadzibaba ako; uye achaita ripi zvaro basa randichamutaurira.

29 Uye ndichamuita mukuru mumaziso angu, nokuti achaita basa rangu; uye achave mukuru kufanana neuyo wandati ndichasimudzira kwauri, kuti asunungure vanhu vangu, imba yaIsraeri, wakabuda munyika yeEgipita; nokuti muoni ndichamumutsa kuti aburitse vanhu vangu munyika yeEgipita; uye achadaidzwa kunzi Mosesi. Uye nezita rake achaziva kuti ndewemba yako; nokuti acharerwa nemwanasikana wamambo, uye achadaidzwa kunzi mwanakomana wake.

30 Uye zvakare, muoni ndichamumutsa muzvibereko zvechiuno chako, uye kwaari ndichapa simba rekuunza izwi rangu kumbeu yechiuno chako; uye kwete kuti aunze izwi rangu chete, vanodaro Ishe, asi kuti avapwise pamusoro pezwi rangu, iro richange rafanoenda mukati mavo mumazuva ekupedzisira;

31 Nokudaro zvibereko zvechiuno chako zvichanyora, uye zvibereko zvechiuno chaJuda zvichanyora; nezvibereko zvechiuno chako, uye neizvowo zvichanyorwa nezvibereko zvechiuno chaJuda, zvichakura pamwechete mukunyadzisa dzidziso dzenhema, uye nokunyaradza kupesana, nokuisa runyararo mukati mezvibereko zvechiuno chako, uye nokuvaunza kuruzivo rwemadzibaba avo mumazuva ekupedzisira; uye nokuruzivowo rwezvibvumirano zvangu, vanodaro Ishe.

32 Uye muhutera achaitwa akasimba, muzuva iroro apo basa rangu richaenda mukati mevanhu vangu vose, iro richavamutsiridza, avo vari vemba yaIsraeri, mumazuva emagumo.

33 Uye muoni iyeyo ndichamuropafadza, uye vanotsvaga kumuparadza vachanyadziswa; nokuti chivimbiso ichi ndinopa iwe; nokuti ndichakurangarira iwe kubva chizvarwa nechizvarwa; uye zita rake richanzi Joseph, uye richave zita rababa vake; uye achafanana newe; nokuti chinhu chichaunzwa naIshe nerwuoko rwake chichaunza vanhu vangu muruponiso.

34 Uye Ishe vakatsidza kuna Josefa kuti vachachengetedza mbeu yake narinhi, vachiti, Ndichamutsa Mosesi, uye tsvimbo ichave murwuoko rwake, uye achaunganidza pamwechete vanhu vangu, uye achavatungamira sehwai, uye acharova mvura yeGungwa Dzvuku netsvimbo.

35 Uye achatonga, uye achanyora izwi raIshe. Uye haazotaura mazwi mazhinji, nokuti ndichamunyorera mutemo wangu nemunwe weruoko rwangu. Uye ndichamuitira munhu anomutaurira, uye zita rake richanzi Aroni.

36 Uye zvichaitwa kwauri mumazuva ekumagumo zvakare, kunyangwe sekutsidza kwandakaita. Nokudaro Josefa akati kuhama dzake, Mwari chokwadi vachakushanyirai, uye vagokuburitsai munyika ino, kukuisai munyika yaakatsidza kuna Abrahama, uye nekuna Isaka, nekuna Jakobo.

37 Uye Josefa akasimbisa zvimwe zvinhu zvakawanda kuhama dzake, uye akatora chitsidzo kuvana veIsraeri, achiti kwavari, Mwari chokwadi vachakushanyirai, uye imi muchatakura mapfupa angu kubva ipapo.

38 Saizvozvo Josefa akafa ave nezana rine gumi remakore ekuberekwa; uye vakamuomesa, uye vakamuisa mubhokisi muEgipita; uye akachengetwa asina kuvigwa nevana vaIsraeri, kuti agozotakurwa uye achinoradzikwa muguva rina baba vake. Uye nokudaro vakayeuka chitsidzo chavakapika kwaari.