Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Genesi 15


DJS, Genesi 15:9–12 (enzanisa Genesi 15:1–6)

(Abrahama akaona muchiratidzo Mwanakomana waMwari uye akaziva nezvekumuka kuvakafa.)

9 Uye Abrama akati, Ishe Mwari, mungandipe sei nyika ino senhaka yekusingapere?

10 Uye Ishe vakati, Kana dai wanga wakafa, zvakadaro handikwanise here kuipa kwauri?

11 Uye kana ukafa, zvakadaro uchaiwana, nokuti zuva ririkuuya, apo Mwanakomana weMunhu achave mupenyu; asi achave mupenyu sei kana asina kufa? anofanira kutanga amutswa.

12 Uye zvakaitika kuti, Abrama akatarisira uye akaona mazuva eMwanakomana weMunhu, uye akafara, mweya wake ukawana zororo, uye akatenda muna Ishe; uye Ishe vakazviverengera kwaari kuti kururama.