Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Genesi 48


DJS, Genesi 48:5–11 (enzanisa Genesi 48:5–6)

(Mbeu yaJosefa ichave vatungamiri mukuunganidzwa kweIsraeri mumazuva ekupedzisira.)

5 Uye zvino, nezvevanakomana vako vaviri, Efraimi naManase, avo vakaberekwa kwauri munyika yeEgipita, ndisati ndauya kwauri muEgipita; tarisai, ndevangu, uye Mwari vemadzibaba angu vachavaropafadza; kunyangwe saRubeni naSimeoni vacharopafadzwa, nokuti ndevangu; nokudaro vachadaidzwa nezita rangu. (Nokudaro vakadaidzwa kunzi Israeri.)

6 Uye vana vako vauchazvara mushure mavo, vachave vako, uye vachadaidzwa nezita rehama dzavo, munhaka dzavo, mumarudzi; nokudaro vaidaidzwa kuti marudzi aManase naEfraimi.

7 Uye Jakobo akati kuna Josefa, Apo Mwari vemadzibaba angu vakazviratidza kwandiri muRuzi, munyika yeKanani; vakatsidza kwandiri, kuti vaizopa kwandiri, nekumbeu yangu, nyika kuti ive yedu narinhi narinhi.

8 Nokudaro, mwanakomana wangu akandiropafadza mukukukudza kuti uve muranda kwandiri, mukuponesa imba yangu kubva murufu;

9 Mukubvisa vanhu vangu, hama dzangu, munzara yakanga ichirwadza munyika; nokudaro Mwari vemadzibaba ako vachakuropafadza, nezvibereko zvechiuno chako, kuti vacharopafadzwa kupfuura hama dzako, nokupfuura imba yababa vako.

10 Nokuti iwe wakakunda, nemba yababa vako yakakotama kwauri, kunyangwe sezvazvakaratidzwa kwauri, usati watengeswa kuEgipita nemaoko evakoma vako; nokudaro hama dzako dzichakotama kwauri, kubva kuchizvarwa nechizvarwa, kuzvibereko zvechiuno chako narinhi;

11 Nokuti iwe uchave chiedza kuvanhu vangu, kuvasunungura mumazuva ekusungwa kwavo, kubva muhunhapwa; uye nokuunza ruponiso kwavari, apo vose pavanege vakotamira pasi nezvitadzo.