Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Genesi 19


DJS, Genesi 19:9–15 (enzanisa Genesi 19:5–10)

(Roti akaramba kuipa kweSodoma.)

9 Uye vakati kwaari, Mira kure. Uye vakanga vamushatirirwa.

10 Uye pakati pavo, Uyu munhu mumwechete akauya kuzogara mukati medu, uye zvino oda kuzviita mutongi; zvino tichamubata zvakaipa kupfuura avo.

11 Nokudaro vakati kumurume uyu, Tichatora varume, nevanasikana vako zvakare; uye tichaita navo zvatinoona zvakanaka kwatiri.

12 Zvino izvi zvakanga zviri maererano nekuipa kweSodoma.

13 Uye Roti akati, Tarisai zvino, ndine vanasikana vaviri avo vasati vaziva murume; nderegerei, ndapota, ndikumbire kuhama dzangu kuti ndisavaunze kunze kwamuri; uye imi musazoita kwavari izvo zvamunoona zvakanaka mumaziso enyu;

14 Nokuti Mwari havazoreverera muranda wavo muchinhu ichi; nokudaro, regai nditaure nehama dzangu, ikaka kamwechete-chete, kuti kuvarume ava musawana chamunoita. kuti vawane runyararo mumba mangu; nokuti ivo vauya pasi pemumvuri wedenga remba yangu.

15 Uye vakashatirirwa Roti uye vakasvika pekuda kutyora gonhi, asi ngirozi dzaMwari, dzaive varume vatsvene, vakatambanudza maoko avo uye vakadhonzera Roti mumba mavaive, uye ndokubva vapfiga gonhi.