Magwaro Matsvene
Mormoni 5


Chitsauko 5

Mormoni anotungamira zvakare maNifai nemauto avo mukurwa kweropa nekudeuka kweropa—Bhuku raMormoni richauya kuzopwisa yose Israeri kuti Jesu ndiye Kristu—Pamusana pekusatenda kwavo, maRamani achapararira uye Mweya ucharega kushanda navo—Vachatambira vhangeri kubva kumaJentairi mumazuva ekupedzisira. Zvingangove makore 375 kusvika ku384 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti ndakaenda mukati memaNifai, ndikatendeuka apamhiko chandakanga ndaita kuti handichazovayamura; uye vakandipa zvakare kuti nditungamire mauto avo, nokuti vaitarisira kwandiri sekunge ndingakwanise kuvabvisa mumatambudziko avo.

2 Asi tarisai, ndakanga andisina ruvimbo, nokuti ndaiziva kutonga kwaIshe kwaiuya kwavari; nokuti havana kunge vatendeuka muzvitadzo zvavo, asi vaingotambudzikira upenyu hwavo vasingadaidzire kuna Iye akavasika.

3 Uye zvakaitika kuti maRamani akativinga zvakare zvatakanga tatizira kuguta reJorodhani; asi tarisai, vakatinhirwa shure zvekuti havana kutora guta iri panguva iyoyo.

4 Uye zvakaitika kuti vakativinga zvakare, uye tikadzivirira guta iri. Uye kwakange kuine mamwe maguta akanga akachengetwa nemaNifai, kusimba kwawo kwakavatadzisa kuti vapinde mukati menyika, kuti vanoparadza vagari venyika yedu.

5 Asi zvakaitika kuti yose nzvimbo yataipfuura nemo, uye vanhu vemo vasina kuungana pamwechete, vakaparadzwa nemaRamani, uye misha yavo nemadhorobha avo, zve nemaguta zvakapiswa nemoto; saka mazana matatu emakore nemakumi manomwe ane mapfumbamwe akapfuura.

6 Uye zvakaitika kuti mugore remazana matatu nemakumi masere maRamani vakativinga zvakare kuzorwa, uye tikavarwisa pasina kutya takashinga; asi zvakashaya maturo, nokuti vakanga vakawanda zvekuti vaitoita zvekutsika maNifai netsoka.

7 Uye zvakaitika kuti takatiza zvakare, avo vakamhanya kupfuura maRamani vakapona, uye vakatadza kusiya maRamani vakarakashwa vakaparadzwa.

8 Uye zvino tarisai, ini Mormoni, handidi kuti ndimise mwoyo yevanhu nokuisa pamberi pavo ropa nokudeuka kweropa kwakadaro kuipa sezvakaiswa pamberi pemaziso angu; asi ini, nokuziva kuti zvinhu izvi zvakafanira chokwadi kuitwa kuti zvizivikanwe, nekuti zvose zvinhu zvakavanzwa azvinofanira kuziviswa pachena pamatenga edzimba—

9 Uye nokutiwo ruzivo rwezvinhu izvi rwakafanira akuuya kune vakasara vevanhu ava, nokumaJentairiwo, avo vakanzi naIshe vachaita kuti vanhu ava bvapararire, uye vanhu ava vasingazoverengwa sechinhu pakati pavo—naizvozvo cndinonyora chidimbu chete, ndisingaedze kupa rungano rwuzere rwezvinhu zvandaona, pamusana pemurairo wandatambira, nokutiwo musanyanye kusuwa zvakanyanya pamusoro pekuipa kwevanhu ava.

10 Uye zvino tarisai, izvi ndiri kuzvitaura kumbeu yavo, nekuvaJentairiwo vane hany’a nemba yaIsraeri, vanoziva nekuona kunobva maropafadzo avo.

11 Nokuti ndinoziva kuti ivavo vanosuwira dambudziko remba yaIsraeri; hongu, kuti vanosuwira kuparadzwa kwevanhu ava; vanosuwa kuti vanhu ava havana kutendeuka zvekuti vangadai vakagumbatirwa mumaoko aJesu.

12 Zvino zvinhu aizvi zviri kunyorerwa bvakasara vemba yaJakobo; uye zviri kunyorwa netsika iyi, nokuti zvinozivikanwa naMwari kuti kuipa kwavo hakuiti kuti zvinhu zviende kwavari; uye czvinovigwa kuna Ishe kuti zvigozouya nenguva yavo.

13 Uye uyu ndiwo murairo wandatambira; uye tarisai, zvichauya maererano nemurairo waIshe, kana azviona zvakafanira, muuchenjeri hwavo.

14 Uye tarisai, vachaenda kune avo avemaJuda vasingatende; uye pamusana pekuda uku vachaenda—kuti bvanyengetedzwe kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari vapenyu; kuti Baba vaunze, kuburikidza nekune Wavanodisisa, chinangwa chavo chikuru chokusingapere, mukudzorera pakare maJuda, kana imba yose yaIsraeri, kunyika yenhaka yavo, yavakapiwa naIshe Mwari vavo, mukuzadzikiswa ckwechibvumirano chavo.

15 Uye kutiwo mbeu yevanhu aava inyatsotenda zvizere vhangeri ravo, brichaenda kwavari richibva kumaJentairi; nokuti vanhu ava vachange cvakapararira, uye dvachave vatema, vane tsvina, uye vanhu vanosemesa, kupfuura chii zvacho chati chambove pakati pedu, hongu, kana chakambove pakati pemaRamani, uye zvichikonzerwa nokusatenda kwavo nokunamata mifananidzo.

16 Nokuti tarisai, Mweya waIshe wakatorega kare akushanda nemadzibaba avo; uye havana Kristu naMwari munyika; uye vanopupurutswa nemhepo kunge bhundi.

17 Vakambenge vari vanhu vaifadza, uye vaina Kristu asemufudzi wavo; hongu, vakanga vachitungamirwa naMwari Baba.

18 Asi zvino, tarisai, vave akutungamirwa naSatani, sekuurutswa kunoitwa hundi nemhepo, uye kana sekukandwa kunoitwa ngarava nemasaisai, kana isina mutsigiso, kana kuti isina chimwe chinhu chekuifambisa; uye sezvainenge yakaita, ndizvo zvavanenge vakaita.

19 Uye tarisai, Ishe vakavachengetera maropafadzo avo, avangadai vakagashira munyika, kuitira amaJentairi vachatora nyika.

20 Asi tarisai, zvichaitika kuti vachatinhwa vakapararaniswa nemaJentairi, uye shure kwekunge vatinhwa nekupararaniswa nemaJentairi, tarisai, zvino Ishe ndipo apavacharangarira bchibvumirano chaakaita naAbrahama nekuimba yose yaIsraeri.

21 Uye Ishe vacharangarirawo aminamato yevakarurama, yavakavaitira kwaari.

22 Uye zvino, imi maJentairi, mungamisikidzane sei nesimba raMwari, kunze kwekuti mutendeuke mubve kunzira dzenyu dzakaipa?

23 Hamuzive here imi kuti muri mumaoko aMwari? Hamuzive here iye ane simba rose, uye apakuraira kwake kukuru nyika bichapetwa serukukwe?

24 Naizvozvo, tendeukai imi, uye muzvirereke pamberi pake, nokuti angangouya akazokurangai—nokuti vakasara vembeu yaJakobo vangangofamba mukati menyu aseshumba, vakakubvarura bvarurai kuita zvidimbu, uye hapana anokuponesai.