Huyai, Munditevere 2024
Kurume 25–31: “Achamuka … aine Kuporesa Mumapapiro Ake.” Isita


“Kurume 25–31: ʻAchamuka … aine Kuporesa Mumapapiro Ake.ʼ Isita,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Kurume 25–31. Isita,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Kristu akamuka kuvakafa naVaApositora Vake.

Christ and the Apostles [Kristu naVaApositora], naDel Parson

Kurume 25–31: “Achamuka … aine Kuporesa Mumapapiro Ake”

Isita

VaApositora vechinyakare vakanga vakashinga muzvapupu zvavo zvaJesu Kristu neKumuka Kuvakafa Kwake (ona Mabasa AvaApositora 4:33). Mamiriyoni anotenda muna Jesu Kristu uye vanoedza kuMutevera nokuda kwemashoko avo akanyorwa muBhaibheri. Asi vamwe vanhu vangangoshama kuti: Kana Jesu Kristu ari Muponesi wenyika yose, zvino sei zvapupu Zvake zvaingova pakati pavanhu vashomanana mudunhu diki rimwechete?

Bhuku raMormoni rinomira sechimwe, chapupu chinopwisa chokuti Jesu Kristu ndiye Muponesi wenyika, “achizviratidza kumarudzi ose” (peji yemusoro wenyaya yeBhuku raMormoni) uye achipa ruponeso kuna vose vanouya kwaAri. Pamusoro paizvozvo, chapupu chechipiri ichi chinojekesawo izvo zvinoreva ruponeso. Ichi ndicho chikonzero Nifai, Jakobo, Mormoni, uye nevaporofita vose vakashanda “neushingairi hukuru kuvezera mashoko aya pamahwendefa”—kuzivisa pachena kuzvizvarwa zvinotevera kuti naivowo “vaiziva nezva Kristu, uye … kuti vakanga vaine tariro yekubwinya kwake” (Jakobo 4:3–4). Mwaka uno weIsita, fungisisa pamusoro peuchapupu hwuri muBhuku raMormoni hwokuti simba reMuponesi riripo zvose kuvanhu vose uye kumunhu pachake—richinunura nyika yose uye richinunura iwe.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Nokuda kwaJesu Kristu, ndichamuka kuvakafa.

Itsika paIsita kufungisisa pamusoro peKumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu, asi chii chaizvo chazvinoreva kumuka kuvakafa? Inzwisiso dzipi dzinopuwa neBhuku raMormoni pamusoro pekumuka kuvakafa? Zvimwe pamwaka uno weIsita unokwanisa kunyora mudorongodzwa wezvokwadi pamusoro pekumuka kuvakafa izvo zvaunowana muna 2 Nifai 9:6–15, 22: Aruma 11:42–45; 40:21–25; 3 Nifai 26:4–5.

Unokwanisawo kunyora pasi kuti zvokwadi izvi pamusoro pekumuka kuvakafa zvinoshandura sei zviito zvako uye nzira yaunorarama nayo. Semuenzaniso, funga kuti ungapedzisa sei mitsetse iyi: Dai ndaiva ndisingazivi zvinhu izvi … uye Nokuti ndinoziva zvinhu izvi …

Rwiyo rwakaita serwokuti “Ndinoziva Mununuri Wangu Mupenyu” (Nziyo neDzeVana Vadiki, nhamba 74) runokwanisa kukubatsira kufunga pamusoro pokuti sei Kumuka Kuvakafa kweMuponesi kwakakosha kwauri Apo paunoimba, paunoteerera, kana kuverenga rwiyo urwu, ungangozvibvunza kuti, “Upenyu hwangu hwakasiyana sei nekuda kwokuti Jesu Kristu akamuka kuvakafa?”

- ­

Onawo Ruka 24:36–43; Mabasa AvaApositora 24:15; 1 VaKorinte 15:12–23 Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Kumuka Kuvakafa,” Raibhurari yeVhangeri.

Jesu Kristu akatora paAri zvivi zvangu, marwadzo angu, neurema hwangu.

Bhaibheri rinodzidzisa zvakajeka kuti Jesu Kristu akadzikinura zvivi zvedu? Bhuku raMormoni rinowedzera nzwisiso yedu yekuzvipira nekutambura kwaKristu munzira dzakakosha. Unokwanisa kuwana dzimwe dzedzidziso idzi muna Mosaya 3:7; 15:5–9; Aruma 7:11–13. Mushure mekunge waverenga ndima idzi, funga pamusoro pekunyora pasi izvo zvaunowana muchati rakaita seiri:

Chii chakatamburwa neMuponesi?

Sei Akatambura?

Izvi zvinoreva chii kwandiri?

Heino imwe nzira yekunzvera nayo ndima idzi: Tsvaka nziyo dzaunonzwa dzichienderana nemashoko adzinodzidzisa. Munongedzo “weMagwaro Matsvene” uri kumashure kwebhuku renziyo unokwanisa kubatsira. Ndedzipi ndevo kubva munziyo idzi uye mumagwaro matsvene dzinokubatsira kuvonga zvakanyanya kudzama kuzvipira kweMuponesi?

Onawo Muporofita Isaya 53; VaHeberu 4:14–16.

Jesu Kristu anokwanisa kundichenesa uye nokubatsira kundiruramisa.

Zvinokwanisa kutaurwa kuti Bhuku raMormoni irondedzero yevanhu vakashanduka nokuda kweRudzikinuro rwaJesu Kristu. Unokwanisa kuverenga zvimwe zvezviitiko izvi muna Mosaya 5:1–2; 27:8–28; Aruma 15:3–12; 24:7–19. Ungangofunga nezvemimwe mienzaniso yekunzverawo. Chii chaunocherechedza icho chakafanana muzviitiko izvi? Ndedzipi siyano dzaunocherechedza? Zviitiko izvi zvinokudzidzisa chii pamusoro pokuti Muponesi anokwanisa sei kukushandura?

Onawo Aruma 5:6–14; 13:11–12; 19:1–16; 22:1–26; 36:16–21; Eta 12:27; Moronai 10:32–33.

­

Mazano eidzisa Vana

Nokuda kwekuti Svondo ino iSvondo yechishanu yemwedzi, vadzidzisi vePuraimari vanokurudzirwa kushandisa zviitwa zvekudzidza zviri “muChiwedzerwa B: Kugadzirira Vana Kuramba Vari Mugwara reChibvumirano raMwari kweUpenyu Hwose.”

Nokuda kwokuti Jesu Kristu akamuka kuvakafa, ndinozomukawo kuvakafa.

  • Unokwanisa kushandisa “Chitsauko 53: Jesu Anoroverwa Pamuchinjikwa” uye “Chitsauko 54: Jesu Akamuka” (mubhuku reNyaya dzeTestamente Itsva, 136–38, 139–44) kuudza vana vako pamusoro peKumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu. Kana kuti ita kuti vana vako vakutaurire nyaya yacho, vachishandisa mifananidzo iri muzvitsauko izvi.

  • Kushanya kweMuponesi Akamuka kumaAmerica uchapupu hwakasimba hweKumuka Kuvakafa Kwake. Funga pamusoro pekuudza vana vako nezvazvo, uchishandisa 3 Nifai 1117. Kurudzira vana vako kuti vafungidzire izvo zvazvaizova zvakaita kubata maronda aJesu (ona 3 Nifai 11:14–15) kana kuva mumwe wevana vaAkaropafadza (ona 3 Nifai 17:21). Goveranai manzwiro enyu pamusoro paJesu Kristu neKumuka Kuvakafa Kwake.

  • Kuti ubatsire vana vako kuwana izvo zvinodzidziswa neBhuku raMormoni pamusoro pekumuka kuvakafa, unokwanisa kuvakoka kunyepedzera kuti iwe hapana chaunoziva pamusoro pazvo uye wovakumbira kuti vazvitsanangure kwauri. Vabatsire kutsvaka muna 2 Nifai 9:10–15; Aruma 11:41–45; uye Aruma 40:21–23 kuti vawane mhinduro kumibvunzo yakaita seiyi: Zvinorevei kumuka kuvakafa? Ndiani anozomuka kuvakafa? Vakokewo kuti vape uchapupu hweKumuka Kuvakafa kweMuponesi sechikamu chemhinduro yavo.

Jesu Kristu anoziva manyaradziro okundiita.

  • Mosaya 3:7 uye Aruma 7:11 dzinotsanangura zvimwe zvezvakaitwa neMuponesi sechikamu cheRudzikinuro Rwake. Ungangoverenga imwe yendima idzi kuvana vako uye wovakumbira kuti vateerere kunzwa mashoko anovaudza izvo Jesu zvaakatamburira isu. Zvino unokwanisa kuverenga Aruma 7:12 kuti uwane kuti sei Akatambura nazvo. Pupura kuti Jesu Kristu akanzwa marwadzo edu ose neurwere hwedu hwose kuitira kuti Agokwanisa kutinyaradza.

  • Vana vako vane rwiyo kana rumbo rwavanonyanya kufarira here pamusoro paJesu Kristu neRudzikinuro Rwake? Munokwanisa kurwuimba pamwechete—kana kudzidza rutsva. Taurai pamusoro pamashoko kana ndevo zviri mumashoko arwo izvo zvinokudzidzisai pamusoro penyaradzo uye runyararo zvatinopuwa neMuponesi.

Mufananidzo
Kristu achinamata muBindu reGetsemani

Gethsemane [Getsemani], naMichael T. Malm

Jesu Kristu anokwanisa kundichenesa uye nekundibatsira kuti ndishanduke.

  • Bhuku raMormoni rinopa mienzaniso yakawanda yevanhu vakashanduka nokuda kweRudzikinuro rweMuponesi. Zvimwe vana vako vanokwanisa kusarudza mumwechete wekudzidza pamusoro pake, sezvakaita Enosi (ona Enosi 1:2–8), Aruma Mudiki (ona Mosaya 27:8–24), kana vaAndi‑Nifai‑Rihai (ona Aruma 24:7–19). Munhu uyu kana boka iri rakashanduka sei nokuda kweRudzikinuro rwaJesu Kristu? Tingatevera sei mienzaniso yavo?

  • Iwe nevana vako munogonawo kuenzanisa chimwe chinhu chakachena uye chine tsvina motaura kuti zvinhu zvine tsvina zvinocheneswa sei. Verengai pamwechete Aruma 13:11–13. Chii chakaitwa naJesu kuitira kuti ticheneswe kubva muzvivi zvedu? Izvi zvinoita kuti tinzwe sei pamusoro pechivi? Zvinoita kuti tinzwe sei pamusoro peMuponesi?

­

Rarama zvakakodzera nhungamiro yeMweya. Mweya ndiwo mudzidzisi chaiwo. Apo paunotsvaka nhungamiro Yawo uye worarama zvakakodzera, Unozokupa pfungwa nemanzwiro pamusoro pekuzadzikisa zvidikanwi zvevanhu vaunodzidzisa.

Mufananidzo
Kristu achikwazisa vaNifai

Illustration of Christ with the Nephites [Mufananidzo waKristu navaNifai], naBen Sowards