Huyai, Munditevere 2024
Kurume 18–24: “Iyi Ndiyo Nzira.” 2 Nifai 31–33


“Kurume 18–24: ‘Iyi Ndiyo Nzira.’ 2 Nifai 31–33,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Kurume 18–24. 2 Nifai 31–33,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Jesu Achidzidzisa vadzidzi Vake

Christ Teaching His Disciples (Kristu Achidzidzisa vadzidzi Vake), naJustin Kunz

Kurume 18–24: “Iyi Ndiyo Nzira”

2 Nifai 31–33

Pakati pamashoko akanyorwa okupedzisira aNifai, tinowana ziviso iyi: “Ishe vakandiraira, uye ini ndinofanira kuteerera” (2 Nifai 33:15 Iyi ipfupiso yakanaka youpenyu hwaNifai. Akaedza kunzwisisa chido chaIshe uye noushingi akachiteerera—kunyangwe izvi zvaireva kuisa upenyu hwake munjodzi kuti awane mahwendefa endarira kubva kuna Rabani, kuvaka ngarava nekuyambuka gungwa, kana kudzidzisa norutendeko dzidziso dzaKristu zviri pachena uye nesimba. Nifai aikwanisa kutaura nerunyengetedzo nezve kudikanwa “kwekuenderera mberi usingazungunuki muna Kristu,” nezve kutevera “nzira yakamanikana uye nhete iyo inotungamirira kuupenyu hwokusingaperi” (2 Nifai 31:20, 18), nokuda kwekuti ndiyo nzira yaakatevera. Aiziva kuburikidza nezvakaitika kwaari kuti nzira iyi, kunyangwe dzimwe nguva yakaoma, ine mufarowo, uye kuti “hapana imwe nzira kana zita rakapuwa pasi pedenga iro munhu raanokwanisa kuponeswa naro muumambo hwaMwari” (2 Nifai 31:21).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

2 Nifai 31

Jesu Kristu nedzidziso Yake ndiyo chete nzira yokuupenyu hwokusingaperi.

Kana waifanira kupfupikisa gwara rokuupenyu hwokusingaperi mumashoko mashomana, chii chaunozotaura? Cherechedza matsananguriro arakaitwa naNifai muna 2 Nifai 31. Funga pamusoro pokudhirowa gwara uye nokunyora nemugwara racho mimwe misimboti kana nhanho dzaunowana muzvitsauko izvi. Unokwanisa kuwedzera kumufananidzo wako pfupiso yako pachako yeizvo zvakadzidziswa naNifai pamusoro pemusimboti woga woga.

Apo paunoverenga 2 Nifai 31:18–20, wongorora kuedza kwako pachako “kushingirira” nemunzira yevhangeri.

Mufananidzo
mhuri ichinamata pamwechete

Kutevera dzidziso dzaJesu Kristu kunotitungamirira kuupenyu hwokusingaperi.

2 Nifai 31:4–13

Jesu Kristu akamisa muenzaniso wakarurama wekuteerera apo paAkabhabhatidzwa.

Kunyangwe rubhabhatidzo rwako rwakaitika nezuro kana kuti makore makumi masere akapfuura, yaiva iri nguva yakakosha. Wakapinda muchibvumirano chokusingaperi kuti utevere Jesu Kristu. Funga pamusoro perubhabhatidzo rwako apo paunoverenga pamusoro perubhabhatidzo rwoMuponesi muna 2 Nifai 31:4–13. Kupindura mibvunzo yakaita seiyi kungangobatsira:

  • Sei Kristu akabhabhatidzwa? Sei ndakasarudza kubhabhatidzwa?

  • Ndedzipi vimbiso dzandakaita apo pandakabhabhatidzwa? Chii icho Ishe chavanovimbisa mukudzosera? (ona ndima 12–13; onawo Mosaya 18:10, 13).

  • Ndinokwanisa kuratidza sei kuti ndichakazvipira kutevera Jesu Kristu?

2 Nifai 31:15–20

“Uyo anoshingirira kusvika kumagumo, mumwecheteyo achaponeswa.”

Apo paunoverenga 2 Nifai 31:15–20, zvibvunze, “Ndingaziva sei kana ndiri kushingirira kusvika kumagumo?” Chii chaunodzidza kubva kuna Nifai icho chinokubatsira kupindura mubvunzo uyu?

Gosa Dale G, Renlund vakadzidzisa kuti: “Kushingirira kusvika kumagumo haisi nhanho iri yoga mudzidziso dzaKristu—sokuti tinopedza nhanho ina dzokutanga uye zvino towira pasi, toruma mazino edu, uye tomirira kufa. Kwete, kushingirira kusvika kumagumo zvinoreva kudzokorora nesimba uye nechido nhanho dzacho” (“Lifelong Conversion” [Brigham Young University devotional, Sept. 14, 2021],2, speeches.byu.edu Unokwanisa kudzokorora sei nhanho dziri mudzidziso yaKristu (rutendo, rutendeuko, rubhabhatidzo, uye kugamuchira Mweya Mutsvene)?

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

2 Nifai 32; 33:2

Kuburikidza nemashoko aKristu uye neMweya Mutsvene, Mwari vanozonditaridza izvo zvokuita.

Wakambonzwa here kushaya chokwadi pamusoro penhanho dzinotevera muupenyu hwako? Vanhu vaNifai vakava nokunetsekana kumwecheteko (ona 2 Nifai 32:1). Tsvaka mhinduro dzaNifai muna 2 Nifai 32: 2–9. Ungataura sei mumashoko ako pachako izvo Nifai zvaakadzidzisa? Zviitiko zvipi zvakakudzidzisa kuti mashoko aNifai ndeechokwadi?

Funga pamusoro pokuita mudorongodzwa wesarudzo kana mamiriro ezvinhu (iyezvino uye mune ramangwana) umo maunoda nhungamiro yaMwari. Chii chaunokwanisa kudzidza kubva muna 2 Nifai 32 icho chinozokubatsira kubudirira mukugamuchira femero kubva kwaVari? Chii chinogona kutungamira vanhu kuti “vaomese mwoyo yavo kuMweya Mutsvene”? (2 Nifai 33:2).

Apo paunofungisisa nezve rairo yaNifai, funga pamusoro pamanzverero aunoita mashoko eMuponesi. Ungazoatsanangura here sokudya zvokuvaraidza nzara, kudya, kana kudya mabiko? Musiyano chii, mukufunga kwako? Funga pamusoro pokuti ungaita sei kuti chiitiko chako namashoko eMuponesi chinyanye kuva semabiko. Pamwe ungangowana mazano kubva kushamwari kana kunhengo yemhuri.

Kudya mabiko pamashoko aKristu Kune nzira dzakawanda dzokudya mabiko pamashoko aKristu, kusanganisira kunamatira femero, kubvunza mibvunzo usati watanga kunzvera kana paunenge uchinzvera, kutsanangura mashoko, kufungisisa, kutsvagurudza mumajerero, kutora manotsi, kutsvaka zvokwadi zvevhangeri, uye kushandisa magwaro matsvene kuupenyu hwako (ona 1 Nifai 19:23).

Unokoka sei Mweya Mutsvene kuti uve mufambidzani wako wenguva dzose muupenyu hwako, pane kuva mushanyi wenguva dziri kure? ­ ­

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri “Zvakazarurwa,” Raibhurari yeVhangeri.

2 Nifai 33

Bhuku raMormoni rinotinyengetedza tose kutenda muna Kristu.

Muna 2 Nifai 33, apo Nifai paaipedzisa zvinyorwa zvake, akatsanangura kuti sei aiva ari kunyora pakutanga. Ndezvipi zvikonzero zvaunowana muchitsauko ichi? Funga zvakadzama pamusoro penyaya nedzidziso izvo zvawakaverenga kusvikira iyezvino muna 1 Nifai uye 2 Nifai. Ndezvipi zvakanyanya kukukurudzira iwe uye rutendo rwako muna Kristu?

­

Mazano eKudzidzisa Vana

2 Nifai 31:4–13

Apo pandinobhabhatidzwa, ndiri kutevera Jesu Kristu.

  • Kune mufananidzo waJesu achibhabhatidzwa uri kumagumo echirongwa chechidzidzo chino. Pamwe vana vako vanokwanisa kuushandisa kukuudza izvo zvavanoziva pamusoro pechiitiko ichi (onawo Mateo 3:13–17). Sei Jesu achida kuti tibhabhatidzwe sezvaAkaitwa Iye? Vana vako vanokwanisa kuteerera kuti vawane zvikonzero zvacho apo pamunoverenga pamwechete zvikamu zva2 Nifai 31: 4–13. Zvingangova zvinobatsira kana mumwe munhu uyo achangobhabhatidzwa akakwanisa kugovera chiitiko chake.

2 Nifai 31

Jesu Kristu akandidzidzisa kuti ndinodzokera sei kuna Baba Vokudenga.

  • Kuti ubatsire vana vako kuona mupfungwa dzavo dzidziso dziri muna 2 Nifai 31, vanokwanisa kudhirowa gwara rine mufananidzo waKristu kumagumo kwaro. Unokwanisa kuvabatsira kuwana kana kudhirowa mifananidzo inomiririra nhanho pagwara iroro, sezvakaita rutendo muna Kristu, rutendeuko, rubhabhatidzo, chipo cheMweya Mutsvene, uye kushingirira kusvika kumagumo. Vanokwanisa kutendeka kumifananidzo yacho apo pamunoverenga 2 Nifai 31:17–20 pamwechete.

2 Nifai 32:3–5

Ndinokwanisa kudya mabiko pamashoko aKristu.

  • Kuti udzidzise pamusoro “pokudya mabiko” pamashoko aKristu, unokwanisa kukumbira vana vako kuti vataridze mumutambo kuti vanozodya mabiko sei pazvokudya zvavo zvavanonyanya kuda. Muna 2 Nifai 32:3, chii icho Nifai chaakati tinofanira kudya mabiko pachiri? Kudya mabiko pashoko raMwari kwakasiyana sei nokungoriverenga chete? Pamwe vana vako vanokwanisa kuratidza mumutambo misiyano yacho. Goverana navo maropafadzo awakatambira apo pawakadya mabiko pamagwaro matsvene.

2 Nifai 32:8–9

Baba Vokudenga vanoda kuti ndinamate nguva dzose.

  • Mushure mokuverenga 2 Nifai 32:8–9, taura nevana vako pamusoro pokuti sei Satani asingadi kuti tinamate. Sei Mwari vachida kuti “tinamate nguva dzose”? Vana vako vanokwanisa kuita mudorongodzwa kana kudhirowa mifananidzo yemamiriro ezvinhu umo mavanokwanisa kunamata. Zvino munokwanisa kuimba rumbo urwo rwunodzidzisa pamusoro pekunamata, sezvakaita “Wafunga Kunamata HereNziyo neDzeVana Vadiki, nhamba 223). Munokwanisa kutsivanisa mamwe emashoko ari murumbo rwacho nemashoko anobva mumidorongodzwa yavo. Mwari vanotiropafadza sei apo patinonamata nguva dzose?

Mufananidzo
Johane Mubhabhatidzi achibhabhatidza Jesu

To Fulfill All Righteousness (Kuzadzikisa Ururami Hwose), naLiz Lemon Swindle