Huyai, Munditevere 2024
Kurume 4–10: “Tinofara muna Kristu.” 2 Nifai 20–25


“Kurume 4–10:‘Tinofara muna Kristu.ʼ 2 Nifai 20–25,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Kurume 4–10. 2 Nifai 20–25,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
mhuri iri kunzvera

Kurume 4–10: “Tinofara muna Kristu”

2 Nifai 20–25

Zvinyorwa zvaIsaya zvinosanganisira yambiro dzakasimba, asi zvinopawo tariro nemufaro. Ichi ndicho chimwe chikonzero icho Nifai chaakazvisanganisira murondedzero yake: “Ndinonyora mamwe amashoko aIsaya,” akadaro, “kuitira kuti avo vapi zvavo … vachaona mashoko aya vagosimudza mwoyo yavo uye vagofara” (2 Nifai 11:8). Neimwe nzira, kukokwa kuverenga zvinyorwa zvaIsaya zvinoreva kukokwa kuti ufare. Unokwanisa kuwana rufaro, sezvakaita Nifai, muhuporofita hwaIsaya pamusoro pekuunganidzwa kweIsraeri, kuuya kwaMesiasi, uye runyararo rwemakore zviuru rwakavimbiswa kune vakarurama. Unokwanisa kufara nokuda kwekurarama muzuva rakaporofitwa iro Ishe “ravakamisa mureza wemarudzi, uye ravachaunganidza vakarashwa veIsraeri” (2 Nifai 21:12). Apo paunonzwa nyota yeururami, unokwanisa “nemufaro … kuchera mvura kubva mumatsime eruponeso” (2 Nifai 22:3). Nemamwe mashoko, unokwanisa “kufara muna Kristu” (2 Nifai 25:26).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

2 Nifai 21:22

Ndinokwanisa kuwana runyararo muna Jesu Kristu.

Vana vaRihai vaive nedambudziko regakava. Dambudziko iroro rakazonyanya kuipa muzvizvarwa zvaitevera, richitungamirira kuruparadzano, utapwa, rusuwo, uye noruparadzo. Uye gakava riri kuramba riri dambudziko nhasi.

Uine izvozvo zvose mupfungwa, funga pamusoro pehuporofita huri muna 2 Nifai 21–22. Funga pamusoro pemazadzikisiro arikuita Muponesi huporofita uhwu. Huporofita hunoti mhumhi “inozogara negwayana” hunorevei kwauri? (2 Nifai 21:6). Fungisisa izvo zvaunokwanisa kuita kuti uve muyananisi.

2 Nifai 21:9–12

Ishe varikuunganidza vanhu Vavo.

Nifai nemhuri yake vaiva zvapupu zvekupararira kweIsraeri (ona 2 Nifai 25:10). Zvino unokwanisa kutora chinhanho mukuunganidzwa kweIsraeri (ona 2 Nifai 21:12). Apo paunoverenga 2 Nifai 21:9–12, funga pamusoro pemabatsiriro aungakwanisa kuita kuzadzikisa huporofita hwunotsanangurwa nendima idzi.

Semuenzaniso, apo paunoverenga pamusoro “peenzaini” (mucherechedzo kana mureza) uyo unozosimudzwa kuunganidza vanhu vaMwari, funga pamusoro pekuti wakaona sei Mwari vachiunganidza vanhu Vavo, panyama uye pamweya. Chii chinokwezva vanhu kuna Ishe neChechi Yavo?

Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti ubatsire kuunganidza vanhu vaMwari?

2 Nifai 23–24

Hunyika hweBhabhironi hunozoputsika.

Umambo hweBhabhironi hwaiva huri tyisidziro huru yezvamatongerwo enyika uye yehondo kuIsraeri yechinyakare. Asi kuvanhu vaNifai—uye kwatiri nhasi—tyisidziro hurusa ndeizvo Bhabhironi zvainomiririra: hunyika nezvivi. Funga pamusoro pokuti yambiro dzaIshe muna 2 Nifai 23–24 dzingava dzakashandura sei avo vaitya kana vaiyemura kana vaivimba neupfumi nesimba zveBhabhironi (ona, semuenzaniso 23:6–9, 11, 19–22; 24:10–19). Ndezvipi zvimwe zvinhu zvakafanana nazvo zvatingangotya kana kuyemura kana kuvimba nazvo nhasi? Chii chaunonzwa kuti shoko raIshe kwauri ringangova rei muzvitsauko izvi? Funga pamusoro pemataridziro aungaita kuti “unofara muhukuru [hwaIshe]” (2 Nifai 23:3

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

2 Nifai 25:19–29

“Tinotaura nezvaKristu … Tinofara muna Kristu.”

Nifai aiva pachena pamusoro pekugovera zvaaitenda—kunyanya uchapupu hwake hwaJesu Kristu. Nemukunzvera kwako kwose kwe2 Nifai 25funga pamusoro pechido chaNifai “chekunyengetedza vana [vake] … kutenda muna Kristu, uye kuyananiswa kuna Mwari” (ndima 23). Chii icho Nifai chaaida kuti vanhu vazive pamusoro peMuponesi? (ona ndima 12–13, 16). Nifai akaedza sei kunyengetedza vanhu kuti vatende maAri? (ona ndima 19–29). Cherechedza ndima muchitsauko ichi dzinokunyengetedza kutenda uye kutevera Jesu Kristu.

Vamwe vedu vanogona kusanzwa sevakashinga sezvaiva zvakaita Nifai pamusoro pekutaura nezvaKristu. Asi pamwe unokwanisa kuwana chimwe chinhu mudzidziso dzaNifai muna 2 Nifai 25:23–26 chinokukurudzira kuti utaure pamusoro Pake nevamwe zvakanyanya kuva pachena. Semuenzaniso, chirevo chaNifai chokuti “Tinofara muna Kristu” chingangokukurudzira kufunga pamusoro pekuti Muponesi anokuunzira sei mufaro—uye kuti ungagoverana sei mufaro iwoyo nevamwe.

­ ­ Ndeipi mikana yauinayo yokutaura nezva Kristu kune vamwe?

Chii chaunonzwa kukurudzirwa kutaurira vamwe pamusoro paJesu Kristu. Kana uchida mamwe mazano, ungangotsvaka “Kristu Anorarama: Uchapupu hwevaApositora” (Raibhurari yeVhangeri). Rwiyo rwakaita serwokuti “Ndinoziva Mununuri Wangu Mupenyu” (Nziyo nedzeVana Vadiki, nhamba 134) rwunokwanisa kukupa mamwe mazano.

Mazano eKudzidzisa Vana

2 Nifai 21:1–5

Jesu Kristu anozotonga muururami.

  • Kuti ubatsire vana vako kufungidzira ndima idzi, ona kana uchikwanisa kuwana muti wakatemerwa pasi kana bazi ririkukura kubva pamuti (kana kuti shandisa mufananidzo uri pazasi). Kana bazi riri muna 2 Nifai 21:1 richimiririra Jesu Kristu, ndima 2–5 dzinotidzidzisa chii pamusoro Pake?

Mufananidzo
chimerwa chidiki chiri kukura kubva pachigutsa chemuti

2 Nifai 21:6–9

Jesu Kristu anounza runyararo uye mufaro.

  • Ndima idzi 2 Nifai 21:6–9 dzinodzidzisa chii pamusoro peizvo zvinokwanisa kuitika apo munhu wose paanotevera Muponesi? (onawo 4 Nifai 1:15–18). Tingakwanisa sei kuita kuti musha wedu unyanye kuva seizvi? Vana vako vangangonakidzwa nekutarisa mifananidzo yemhuka dzakataurwa mundima ndima 6–7—mhuka idzo dzinowanzova vavengani asi dzisingazokuvadzani apo Jesu panouya zvakare (ona peji yechiitwa chevhiki rino). Vana vako vanokwanisawo kudhirowa mifananidzo yaivo pachavo nemhuka idzi vachigara naJesu murunyararo.

2 Nifai 21:11–12; 22

Ishe varikuunganidza vanhu Vavo.

  • Isaya akati Ishe vaizomisa “enzaini yemarudzi” kubatsira vanhu kuti vaungane kwaVari (ona 2 Nifai 21:11–12). Batsira vana vako kunzwisisa kuti enzaini yakafanana nemureza. Zvimwe vanozonakidzwa nekudhirowa mureza wavo pachavo. Vanokwanisa kusanganisira mifananidzo kana mashoko anomiririra zvikonzero zvavanouyira kuna Jesu Kristu neChechi Yake. Ita kuti vataure pamusoro pemireza yavo, uye vabatsire kufunga kuti vangakwanisa sei kubatsira vamwe “kuungana” kuna Jesu Kristu.

  • Mushure mekuverenga 2 Nifai 22:4–5 pamwechete, ungangotaura nevana vako pamusoro pezvimwe “zvezvinhu zvakanakisisa” zvakaitwa naIshe. Ndezvipi zvimwe “zvezviito zvaIshe pakati [pedu]” zvatinokwanisa kutaura pachena? ­ Munokwanisa kutora mijana kupedzisa mutsetse wakafanana nouyu: “Ndinotenda muna Kristu; Aka .” Tinokwanisa kubatsira sei vamwe kuziva pamusoro peizvo Muponesi zvaakatiitira?

2 Nifai 25:26

“Tinofara muna Kristu.”

  • Ungakwanisa kubatsira sei vana vako “kufara muna Kristu”? Pamwe unokwanisa kutaura nyaya pamusoro paJesu Kristu achiunza mufaro kune vamwe. Vana vako vanokwanisa kudoma nguva dzinofadza munyaya yacho. Zvino, apo pamunoverenga pamwechete 2 Nifai 25:26, vanokwanisa kutaura pamusoro pekuti sei “ vachifara muna Kristu.”

Pupurai nezva Kristu. Usangofungidzira kuti mhuri yako inoziva manzwiro aunoita pamusoro peMuponesi. Vataurire, uye ita kuti manzwiro ako pamusoro peMuponesi ashandure nzira yaunotaurirana navo.

Mufananidzo
vashumiri vachidzidzisa mhuri

I’ll Go Where You Want Me to Go [Ndinozoenda Kwamunoda Kuti Ndiende]naRamon Ely Garcia Rivas