Huyai, Munditevere 2024
Kubvumbi 1–7: “Yananiswai kuna Mwari kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu.” Jakobo 1–4


“Kubvumbi 1–7: ‘Yananiswai kuna Mwari kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu.’ Jakobo 1–4,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Kubvumbi 1–7. Jakobo 1–4,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
mudzimai akapfugama patsoka dzaJesu

Forgiven [Kuregererwa], naGreg K. Olsen Wakashandiswa nemvumo. www.GregOlsen.com

Kubvumbi 1–7: Yananiswai kuna Mwari kuburikidza neRuponeso rwaJesu Kristu

Jakobo 1–4

VaNifai vaiona Nifai “somudziviriri mukuru” wavo (ona Jakobo 1:10). Akanga avadzivirirawo kubva kunjodzi dzezvepamweya, achivayambira pamusoro pezvivi uye achivakurudzira kuti vauye kuna Kristu. Zvino basa iroro rakawira kuna Jakobo, uyo akanga akumikidzwa naNifai kuti ave mupirisita nemudzidzisi (ona Jakobo 1:18). Jakobo akanzwa kuti raiva basa rake rokuyambira avo vaiva “vavakutanga kushanda muzvivi ” panguva imwecheteyo achinyaradza “mweya yakakuvadzwa” yaavo vakanga varwadziswa nezvivi zvavamwe (ona Jakobo 2:5–9). Aizozviita zvose sei? Aizovanongedzera kuna Jesu Kristu—nokuda kwokuti mapoka ose aida ruponeso rweMuponesi (ona Jakobo 4). Seshoko raNifai uyo aivapo mberi kwake, uchapupu hwaJakobo hwakanga hwuri rairo “yekuyananiswa kuna [Mwari] kuburikidza nerudzikinuro rwaKristu” (Jakobo 4:11

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Jakobo 1:6–8, 15–19; 2:1–11

Ndine “basa rakabva kuna Ishe.”

Kuna Jakobo, kudzidzisa shoko raMwari kwaiva “basa rakabva kuna Ishe,” nokudaro akashanda neushingairi kuti “akudziridze chinzvimbo [chake]” (Jakobo 1:17, 19 Ndevo idzi dzakashandiswa naJakobo dzinorevei kwauri? Funga pamusoro peizvo zvinoitwa negirazi rinokudziridza zvinhu. Izvi zvinokupa here mamwe mazano? Apo paunofungisisa Jakobo 1:6–8, 15–19 uye 2:1–11, funga pamusoro pemabasa Ishe avangava nawo ako. Chii chaunonzwa kufemerwa kuita kuti “uakudziridze”?.

Jakobo 2:12–21

“Musarega rudado urwu rwemwoyo yenyu rwuchiparadza mweya yenyu!”

VaNifai vakanga vaine dambudziko nerudado uye nokunangisa pfungwa paupfumi (ona Jakobo 2:13), uye dambudziko iroro raiva risingori ravo chete kana rezuva ravo chete. Muvengi anokurudzira sei rudo rweupfumi nhasi? Mushure mokuverenga Jakobo 2:12–21, tsanangura mumashoko ako pachako kuti Mwari vanoda kuti uone sei upfumi hwezvenyama. ­ Chii chaunonzwa kufemerwa kuita pamusoro peizvo zvauri kudzidza?

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

Jakobo 2:22–35; 3:10–12

Ishe vanofara mukuzvibata.

Apo paunoverenga Jakobo 2:22–35; 3:10–12, chii chaunowana chinokubatsira kunzwisisa kuti sei kuzvibata kwakakosha zvikurusa kudaro kuna Mwari? Ndedzipi dzimwe mhedzisiro dzisina kunaka dzekusazvibata—muzuva raJakobo uye muzuva redu? Ndeapi maropafadzo ekurarama upenyu hwekuzvibata?

Gosa David A. Bednar vakadzidzisa kuti tinorarama, “munyika iyo iri kuramba ichinyanya kunyomba utsvene wekuberekana” (“We Believe in Being Chaste,” Liahona, Chivabvu 2013, 41–44). Unobatsira vamwe sei kunzwisisa kuti sei uchiteerera mutemo wekuzvibata? Nzvimbo yakanaka kutangira itsananguro yemwero waMwari pamanzwiro neukama hwezvepabonde iri “Your body is sacred” muna For the Strenth of Youth: A Guide for Making Choices (mapeji 22–29). Chii chimwe chaunowana mubhuku iri chinozokubatsira kutsanangura kuti sei uchirarama mutemo wekuzvibata?

­

Mwero waMwari weutsvene pane zvepabonde wakasiyana sei kubva kune mamwe mashoko aungangosangana nawo? Ndeapi maropafadzo ekurarama upenyu hwekuzvibata?

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Hunhu Hwakanaka,” Raibhurari reVhangeri.

Jakobo 4

Ndinokwanisa kuyananiswa naMwari kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu.

Jakobo akateterera vanhu vake kuti “vayananiswe kuna [Mwari] kuburikidza nerudzikinuro rwaKristu” (Jakobo 4:11). Imwe tsananguro yeshoko rokuti yananisa ndeyokudzorera kuushamwari kana kuruyanano. Apo paunofungisisa nezve upenyu hwako pachako, funga pamusoro penguva iyo yaungange wakanzwa kuva kure naBaba Vokudenga. Muponesi anokubatsira sei kudzorera ukama uhwu? Ndeipi rairo yaunokwanisa kuwana muchitsauko ichi inokubatsira kuyanana naMwari? (ona ndima 4–14).

Ndedzipi dzimwezve nzwisiso dzaunowana kubva muna Mateo 5:23–24? Muponesi anokwanisa kukubatsira sei kuyanana naMwari—uye navamwe?

Onawo 2 Nifai 10:24.

Jakobo 4:8–18

Ndinokwanisa kudzivirira upofu hwezvepamweya nekunangisa pfungwa paMuponesi.

Apo Jakobo paaishanda kuti atendeudzire vanhu vake zvakanyanya kuzara kuna Ishe, akavayambira kuti vasava mapofu pane zvepamweya uye kuti vasashora “mashoko akajeka” evhangeri (ona Jakobo 4:13–14). Maererano naJakobo 4:8–18, chii chatinokwanisa kuita kuti tidzivirire upofu hwezvepamweya?

Apo paAkadzidzisa, Muponesi akashandisa enzaniso kuupenyu hwedu hwemazuva ese. Ngano dzemufananidzo dzaJesu dzakabatsira vanhu kuwana zvokwadi zvepamweya muzviitiko zvavo zvamazuva ose. Edza kuita zvimwechetezvo apo paunodzidzisa. Somuenzaniso, apo paunenge uchidzidzisa Jakobo 4:8–18, unokwanisa kubvunza vadzidzi kana vakambowongororwa maziso. Chiremba akawongorora sei kuona kwavo kwepanyama? Tingakwanisa sei kuwongorora kuona kwedu kwezvepamweya?

Mazano eKudzidzisa Vana

Jakobo 2:8

Mwari vanoporesa mweya wakakuvara.

  • Kubatsira vana vako kunzwisisa kuti “mweya wakakuvara” unokwanisa kuporeswa sei, munokwanisa kukurukura pamwechete kuti miviri yedu inokuvadzwa sei uye kuti chii chinoibatsira kupora. Pamwe vana vako vanokwanisa kutaura pamusoro penguva iyo yavakakuvara uye kuti chii chakavabatsira kupora. Unokwanisa nyangwe kuvaratidza mabhandeji kana mishonga sechikamu chehurukuro iyi. Pamwe ungangogoverana navo mabatsirirwo awakaitwa neMuponesi apo mweya wako pawaida kuporeswa.

Jakobo 2:17–19

Ndinokwanisa kubatsira vamwe vanoshaya apo pandinogoverana navo.

  • Vamwe vanhu munguva yaJakobo vaiva vakapfuma, asi vaiva vasingadi kugoverana izvo zvavakanga vainazvo navamwe. Apo paunoverenga dzidziso dzaJakobo kwavari dziri muna Jakobo 2:17–19, unokwanisa kupa vana vako mifananidzo kana zvinhu zvokubata izvo zvinoenderana namashoko kana ndevo dziri mundima idzi. Ungangotsanangura kuti uri kugoverana zvinhu izvi navo, pamwe unokwanisa kuvakoka kugoverana zvinhu zvacho newe kana pakati pavo ivo. Taura pamusoro pamanzwiro aunoita apo paunogoverana nevamwe. Chii chimwe chaunokwanisa kugoverana navamwe kuvabatsira kuti vanzwe kufara?

  • Mushure mokuverenga pamwechete Jakobo 2:17, pamwe vana vako vanokwanisa kudoma mamwe maropafadzo ayo Baba Vokudenga avakagoverana navo. Sei Vachida kuti tigoverane navamwe?

Jakobo 4:6, 10–11

Ndinokwanisa kusimbisa rutendo rwangu muna Jesu Kristu.

  • Rutendo rwaJakobo muna Kristu rwaiva rwakasimba zvokuti haruna kukwanisa kuzungunutswa. Kuti udzidzise vana vako mavakiro okuita rutendo rwakafanana nairworwo, unokwanisa kuvabvunza pamusoro pezvinhu zvatinoita kuti miviri yedu ive yakanyanya kusimba. Chii chatinokwanisa kuita kuti rutendo rwedu muna Jesu Kristu rwuve rwakanyanya kusimba? Verengai Jakobo 4:6 pamwechete kubatsira vana kuti vazive izvo Jakobo navanhu vake zvavakaita kuti rutendo rwavo rwuve “rusingazungunuki.”

  • Imwe nzira yekubatsira vana vako kunzwisisa zvazvinoreva kuva “vasingazungunuki” murutendo rwavo kungava kuwana muti mukuru uye wovakumbira kuzunza mapazi rimwechete nerimwechete. Zvino woita kuti vaedze kuzunza hunde yawo. Sei zvakanyanya kuoma kuzunza hunde? Ndedzipi ndevo dziri muna Jakobo 4:6, 10–11 dzinotsanangura izvo zvatinokwanisa kuita kuti rutendo rwedu muna Jesu Kristu rwuve rusingazungunuki?

    Mufananidzo
    muti mukuru uri mupaki

    Sehunde yemuti, rutendo rwedu muna Kristu runokwanisa kuva “rusingazungunuki.”

  • Kuti uwane dzimwe enzaniso dzokudzidzisa vana vako pamusoro perutendo rusingazungunuki muna Jesu Kristu, ona (Mateo 7:24–27).

Mufananidzo
Jakobo achinyora pamahwendefa egoridhe

I Will Send Their Words Forth (Jacob the Teacher) [Ndinozotumira Mashoko Avo Mberi] (Jakobo Mudzidzisi), naElspeth Caitlin Young