Huyai, Munditevere 2024
Kubvumbi 22–28: “Vakazadzwa noRudo kuna Mwari uye naVanhu Vose.” Mosaya 1–3


“Kubvumbi 22–28: ʻVakazadzwa noRudo kuna Mwari uye naVanhu Vose.ʼ Mosaya 1–3,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Kubvumbi 22–28. Mosaya 1–3,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Mambo Benjamini vachidzidzisa vanhu vavo

Receiving the Teachings of King Benjamin [Kugamuchira Dzidziso dzaMambo Benjamini], naMaria Alejandra Gil

Kubvumbi 22–28: “Vakazadzwa noRudo kuna Mwari uye naVanhu Vose”

Mosaya 1–3

Apo paunonzwa shoko rokuti mambo, ungangofunga nezvekorona, varanda, uye zvigaro zvoushe. Muna Mosaya 1–3, unozoverenga pamusoro perudzi rwakasiyana rwamambo. Pane kurarama nezvaibva mukushanda kwevanhu vake, Mambo Benjamini “akashanda namaoko [ake] pachake” ((Mosaya 2:14). Panzvimbo pekuti vamwe vamushandire, akashandira vanhu vake “nekugwinya kwose, nepfungwa dzose uye nesimba rose izvo Ishe [zvavakanga] vapa [kwaari]” (Mosaya 2:11). Mambo uyu akanga asingadi kuti vanhu vake vamunamate; panekudaro, akavadzidzisa kunamata Mambo wavo Wokudenga, Jesu Kristu. Mambo Benjamini akanzwisisa kuti “ndiIshe Wamasimba ose anotonga” (Mosaya 3:5), uyo akauya “pasi kubva kudenga” uye akaenda “mberi pakati pavanhu, … kuti ruponeso rwuuye kuvana vavanhu kunyangwe kuburikidza norutendo muzita rake” (Mosaya 3:5, 9).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mosaya 1:1–7

“Nzvera [magwaro matsvene] nokushingaira.”

Mundima idzi, cherechedza kuti rondedzero dzinoera dzakaropafadza sei vanhu vaMambo Benjamini. Upenyu hwako huri nani sei nokuda kwokuti une magwaro matsvene?

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

Mosaya 2:10–26

Apo pandinoshandira vamwe, ndiri kushandirawo Mwari.

Unofunga kuti Mambo Benjamini aizoti kudii kana waimubvunza kuti sei akashandira “nekugwinya kwake kwose, pfungwa dzake dzose uye nesimba rake rose”? (Mosaya 2:11). Fungisisa izvi apo paunoverenga Mosaya 2:10–26. Chii chakadzidziswa naMambo Benjamini chinokukurudzira kushandira vamwe nenzira inonyanya kuva nerevo? Semuenzaniso, zvinorevei kwauri kuziva kuti apo paunoshandira vamwe vanhu, unenge uchishandirawo Mwari? (ona Mosaya 2:17). Tsvaga femero pamusoro pokuti ungakwanisa sei kushandira mumwe munhu vhiki rino.

Kunyangwe apo patinoziva kuti tinofanira kushandira vamwe, dzimwe nguva tinotarisana nezvinetso. Imwe nzira yekunzvera Mosaya 2:10–26 ndeyekuita mudorongodzwa wezvokwadi zvakadzidziswa naMambo Benjamini zvinokwanisa kukubatsira kukunda zvinetso zvingangokutadzisa kushandira. Zviitiko zvipi zvakakuratidza kuti izvo zvakadzidziswa naMambo Benjamini ndezvechokwadi?

Onawo Mateo 25:40; Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Hushandiri,” Raibhurari yeVhangeri.

Mufananidzo
madzimai maviri achimbundirana

Apo pandinoshandira vamwe, ndiri kushandirawo Mwari.

Mosaya 2:38–41

Mufaro unobva mukuchengeta mirairo yaMwari.

Ungazotsanangura sei mufaro unobva mukuteerera Mwari? Pane ndevo here muna Mosaya 2:38–41 dzingakubatsira kutsanangura kuti sei uchichengeta mirairo Yake?

Mosaya 3:1–20

Ndinokwanisa kuva mutendi kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu.

Mambo Benjamini, sevaporofita vose, akapupura nezvaJesu Kristu kuitira kuti vanhu vake “vagotambira ruregerero rwezvivi zvavo, uye vagofara nomufaro mukurusa” (Mosaya 3:13). Heino mimwe mibvunzo yekufungisisa apo paunoverenga uchapupu hwaMambo Benjamini hweMuponesi muna Mosaya 3:1–20:

  • Chii chaunodzidza kubva pandima idzi pamusoro peMuponesi nebasa Rake?

  • Chii chandinodzidza kubva muna Mosiah 3:18–19 pamusoro pezvazvinoreva kuva mutendi?

  • Jesu Kristu akandibatsira sei kukunda zvivi, kushandura hunhu hwangu, uye ndigonyanya kuva semutendi?

Mosaya 3:5–21

“Ishe Wamasimba ose … achauya pasi kubva kudenga.”

Simba remagetsi rinokupa kwaniso yekuita chii? Upenyu hwako hungadai hwakasiyana sei dai ranga risipo? Mibvunzo iyi inokwanisa kukubatsira kufungisisa pamusoro pesimba rakatonyanya kukura iro rinokwanisa kuunzwa neMuponesi muupenyu hwako.

Ngirozi iyo yakazviratidza kuna Mambo Benjamini yakataura nezvaJesu Kristu “saIshe Wamasimba ose,” zita rinoreva kuti Ane simba rose. Chii chaunodzidza kubva muna Mosaya 3:5–21 pamusoro pemashandisiro anoita Muponesi simba iroro? Wakaona sei simba reMuponesi muupenyu hwako uye nemuupenyu hwavanhu vakakukomberedza? Simba Rake rinokugonesa kuita chii uye kuva chii? Upenyu hwako hungadai hwakasiyana sei dai ranga risipo?

Mazano eKudzidzisa Vana

Mosaya 2:11–18

Apo pandinoshandira vamwe, ndiri kushandira Mwari.

  • Peji yechiitwa chevhiki rino ine korona iri nyore inokwanisa kugadzirwa nevana vako. Pamwe vangada kutora mijana yekumira pachigaro kana pachituru vachinyepedzera kuva Mambo Benjamini apo paunenge uchigovera zvimwe zvinhu Mambo Benjamini zvaakadzidzisa vanhu vake, zvinowanikwa muna Mosaya 2–3. Unokwanisawo kugoverana navo “Chitsauko 12: Mambo Benjamini” (Nyaya dzeBhuku raMormoni,) kuti uvape pfupiso yedzidziso dzaMambo Benjamini.

  • Mosaya 2:17 ingangova ndima yakanaka yekuti vana vako vadzidze. Unokwanisa kuvabatsira kuidzokorora mashoko mashoma panguva imwechete. Kana kuti unokwanisa kunyora ndima yacho pasi, uchisiya mashoko akakosha akati wandei, uye wokumbira vana vako kuti vawane mashoko asipo. Zvino unokwanisa kutaura nevana vako pamusoro pekuti sei Mwari vachida kuti tishandirane.

  • Unokwanisa kubatsira vana vako kutsvaga muna Mosaya 2:11–18 kuti vaone izvo Mambo Benjamini zvaakaita kushandira vamwe. Zvino vana vako vanokwanisa kunyora pazvidimbu zvemapepa dzimwe nzira dzavanokwanisa kushandira nadzo nhengo dzemhuri. Isa zvidimbu zvemapepa zvacho mumudziyo, wakaita sebhegi kana jagi, kuitira kuti vana vako vakwanise kutora chimwechete zuva roga roga uye voitira mumwe munhu chiito chehushandiri ichocho.

Vana vanobatsirwa nokudzokorora. Usatya kudzokorora zviitwa kakawanda, kunyanya nevana vadikisa. Kudzokorora kunozobatsira vana kuyeuka izvo zvavanodzidza.

Mufananidzo
vana vachipeta chidimbu chemucheka

Mambo Benjamini vakadzidzisa kuti tinokwanisa kushandira Mwari kuburikidza nekushandira vamwe.

Mosaya 2:19–25

Maropafadzo angu ose anobva kuna Baba Vokudenga.

  • Hushandiri hwaMambo Benjamini kuvanhu vake wakafemerwa neruvongo rwakadzama rwake kuna Mwari. Unozokurudzira sei manzwiro akafanana naiwayo muvana vako? Munokwanisa kuverenga pamwechete Mosaya 2:21 uye motanga mudorongodzwa wemaropafadzo atakapuwa naBaba Vokudenga. Zvino pamwe unokwanisa kuwedzera kumudorongodzwa wacho mamwe maropafadzo anofungwa nevana.

  • Heuno mutambo wamunokwanisa kutamba kubatsira vana vako kuona maropafadzo aBaba Vokudenga. Vana vanokwanisa kutambidzana mufananidzo weMuponesi apo pavanenge vachimba kana kuteerera rumbo rwuri pamusoro peruvongo. Mirai kuimba kana kumisa mumhanzi nguva nenguva, uye koka ani zvake akabata mufananidzo wacho kuti ataure pamusoro peropafadzo ravanovonga nezvaro. Maererano naMosaya 2:22–24, tingakwanisa sei kuratidza kuti tinotenda nemaropafadzo edu?

Mosaya 3:5–10, 19

Jesu Kristu anozondibatsira kuti ndive ndinonyanya kuva saIye.

  • Ngirozi yakaudza Mambo Benjamini zvokwadi zvakakosha pamusoro peupenyu nehushumiri hwaJesu Kristu. Pamwe iwe nevana vako mungakwanisa kutsvaka mifananidzo yezvimwe zvezviitiko zvakataurwa muna Mosaya 3:5–10 (ona, semuenzaniso, Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, manhamba 30, 41, 42, 57, 59). Apo paunoverenga Mosaya 3:5–10, vana vako vanokwanisa kusimudza maoko avo apo pavanonzwa chimwe chinhu mundima chinoratidzwa mune mumwe wemifananidzo.

  • Vana vako vakambobatsira here kugadzira zvokudya vachishandisa resipi? Pamwe unokwanisa kutaura pamusoro pechiitiko ichocho uye woshandisa Mosaya 3:19 kuti mufunge “resipi” yemakwanisiro atingaita kuva saJesu Kristu. Jesu anotibatsira sei kuti tive saIye?

Mufananidzo
Mambo Benjamini achiparidza kuvanhu vake

King Benjamin’s Address [Nhaurwa yaMambo Benjamini], naJeremy Winborg