Huyai, Munditevere 2024
Kubvumbi 29–Chivabvu 5: “Shanduko Huru.” Mosaya 4–6


“Kubvumbi 29–Chivabvu 5: ‘Shanduko Huru.’ Mosaya 4–6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Kubvumbi 29–Chivabvu 5. Mosaya 4–6,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Mambo Benjamini vachidzidzisa vanhu vavo

In the Service of Your God [Mukushandira Mwari Wenyu], naWalter Rane

Kubvumbi 29–Chivabvu 5: “Shanduko Huru”

Mosaya 4–6

Wakambonzwa here mumwe munhu achitaura uye ukanzwa kufemerwa kuti ushandure upenyu hwako? Zvimwe wakasarudza, nokuda kwezvawakanzwa, kurarama zvine mutsauko muduku—kana kunyangwe zvine mutsauko mukurusa. Mharidzo yamambo Benjamini yaiva iri mharidzo yerudzi irworwo, uye zvokwadi zvaakadzidzisa zvaiva neshanduro yerudzi irworwo kuvanhu vakazvinzwa. Mambo Benjamini akagoverana nevanhu vake izvo zvaakanga adzidziswa nengirozi—kuti maropafadzo anoshamisa aikwanisika kuburikidza “neropa rerudzikinuro raKristu” (Mosaya 4:2). Mashoko ake akashandura maonero ose avaizviita ivo pachavo (ona Mosaya 4:2), Mweya wakashandura zvido zvavo (ona Mosaya 5:2), uye vakaita chibvumirano naMwari kuti nguva dzose vaizoita chido Chavo (ona Mosaya 5:5). Aya ndiwo mashanduriro akaita mashoko aMambo Benjamini vanhu Vake. Anozokushandura sei?

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mosaya 4

Kuburikidza naJesu Kristu, ndinokwanisa kugamuchira uye kuchengetedza ruregerero rwezvivi zvangu.

Dzimwe nguva, kunyangwe apo pawakanzwa kuregererwa zvivi zvako, ungangonetseka kuchengeta manzwiro iwayo uye kuramba uri munzira yoururami. Mambo Benjamini akadzidzisa vanhu vake zvose magamuchiro uye machengetero ekuita ruregerero rwezvivi. Apo paunozvera chitsauko 4 chaMosaya funga pamusoro pekubvunza mibvunzo yakaita seiyi:

Ndima 1–8.Pasi pemamiriro ezvinhu api apo Mwari pavanopa ruregerero rwezvivi zvako? Chii chaunodzidza pamusoro Pavo mundima idzi icho chinokukurudzira kuti utendeuke? Unokwanisa kuziva sei kuti watendeuka?

Ndima 11–16.Maererano nendima idzi, chii chinoitika muupenyu hwedu kana tikaita zvinhu zvakatsanangurwa mundima 11? Iwe kana mumwe munhu waunoda, makambonzwa shanduko idzi here? Fananidza shanduko idzi kushanduko dzinotsanangurwa muna Mosaya 3:19.

Ndima 16–30.Kugoverana nevamwe zvauinazvo kungangokubatsira sei kuchengeta ruregerero rwezvivi zvako? Unokwanisa kushandisa sei ndima 27 kukuedza kwako kuva saKristu?

Munzwisiso ipi yatiri tose vapemhi? Maererano nendima idzi, tinofanira kubata sei vana vose vaMwari? (ona Mosaya 4:26). Ndiani anoda rubatsiro rwako?

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

Mosaya 4:5–10

Ndinotenda uye ndinovimba muna Mwari.

Kukoka kwaMambo Benjamini kwekutenda muna Mwari uye kuvimba naMwari kwakakosha nhasi sezvakwaiva kwakaita munguva dzakare. Apo paunoverenga Mosaya 4:5–10, tsvaka zvokwadi pamusoro paMwari izvo zvinokupa chikonzero chekuvimba Navo. Cherechedza kukoka kunopuwa naMambo Benjamini mundima 10. Sei kuvimba naMwari kuchizoita kuti zvive nyore kuita izvo Mambo Benjamini zvaanokoka kuti tiite?

Funga kutsvaka zvimwe zvezvinyorwa zvitsvene izvi kuti uite mudorongodzwa wehunhu hwaMwari: Jeremia 32:17; 1 Johane 4:8; 2 Nifai 9:17; Aruma 32:22; Mormoni 9:9; Eta 3:12; Dzidziso neZvibvumirano 19:1–3; 88:41. Unokwanisa kushandisa mudorongodzwa wako kuti ufunge nzira dzakasiyana-siyana dzekupedzisa mutsetse wakaita seuyu: “Nokuti ndinoziva Mwari variko , ndinokwanisa kuvimba Navo ku .”

Ruvimbo rwedu muna Mwari rwunowedzera apo patinova nezviitko Navo. Muna Mosaya 4:1–3, chii chakabatsira vanhu vaMambo Benjamini “kusvika paruzivo rwerunako rwaMwari”? (ndima 6). Funga pamusoro pezviitiko zvawakava nazvo naMwari. Zviitiko izvi zvakakudzidzisa chii pamusoro Pavo? Matanho api aurikutora (kana aungakwanisa kutora) kudzamisa kutenda kwako kana kuvimba kwako muna Mwari?

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri “Mwari Baba,” Raibhurari yeVhangeri, “Ndinoziva Baba Vangu Vapenyu,” Nziyo neDzeVana Vadiki,, nhamba 114.

Kugovera zviitiko zvinoera. Zvimwe zviitiko zvinonyanya kuera kana kuva zvako iwe pachako zvokuti haungazvigovere kuna vamwe. Apo paunokoka vamwe kuti vagovere zviitiko, usavamanikidza kugovera kana vasingadi.

Mosaya 4:29–30

Ndinofanira kuchenjerera pfungwa dzangu, mashoko angu, uye zviito zvangu.

Mwari havatipe mudorongodzwa wezvivi zvose zvingavapo. Maerererano naMosaya 4:29–30, chii chaVanoita pane kudaro? Fungisisa kuti pfunga dzako, mashoko ako, uye zviito zvako zvinokushandura sei iwe pachako nevamwe. Zvinoshandura sei hukama hwako naMwari? “Unozvichenjerera [iwe pachako]” sei?

Mosaya 5:1–5

Mweya waIshe unokwanisa kukonzera shanduko hurusa mumwoyo mangu.

Chinhu chinoitika mazuva ose kunzwa vanhu vachitaura kuti, “Handikwanisi kushanduka. Izvi ndizvo zvandingori.” Mukusiyana, chiitiko chevanhu vaMambo Benjamini chinotiratidza kuti Mweya waIshe unokwanisa sei kushandura mwoyo yedu zvechokwadi. Apo paunoverenga muna Mosaya 5:1–5, funga pamusoro pekuti “shanduko huru” inotungamira kurutendeuko rwechokwadi yakaitika sei—kana kuti inokwanisa kuitika sei—muupenyu hwako. Funga pamusoro peshanduko dzisiri pachena dzinoitika zvishoma nezvishoma uyewo zviitiko “zvikuru.” Zviitiko izvi zvinokubatsira sei paunotarisana nemiedzo?

Onawo Ezekieri 36:26–27; Aruma 5:14.

Mufananidzo
Kristu achiporesa mukadzi anorwara

Healing Hands [Maoko Anorapa], naAdam Abram

Mosaya 5:5–15

Ndinotora pandiri zita raKristu apo pandinoita zvibvumirano Naye.

Chii chaunodzidza kubva muna Mosaya 5:7–9 pamusoro pezvazvinoreva kutora pauri zita raKristu? Minamato yesakaramende (ona Moronai 4–5) inodzidzisa chii pamusoro peizvi? Tinokwanisa kuratidza sei kuti “tiri” veMuponesi?

Mazano eKudzidzisa Vana

Mosaya 4:1–3, 10

Rutenduko runounza mufaro.

  • Kuti udzidzise pamusoro pemufaro werutendeuko, pamwe ungakwanisa kuti vana vako vaite kuti maoko avo ave anonamira kana kuva netsvina uye vocherechedza manzwiro avanoita mushure mekugeza. Zvino unokwanisa kuenzanisa izvozvo nemanzwiro akaita vanhu vari muna Mosaya 4:1–3 zvivi zvavo zvisati zvaregererwa uye mushure mokunge zvaregererwa. Govera uchapupu hwako hwesimba reMuponesi rekutichenesa panezvemweya.

  • Vana vako vanoziva here matendeukiro avangaita zvizere uye nemwoyo wose? Vabatsire kuwana izvo zvakaitwa nevanhu vaMambo Benjamini muna Mosaya 4:1–3, 10. Vanokwanisawo kuwongorora “Tendeuka, Rutendeuko” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene. Jesu Kristu anoita kuti rutendeuko rwukwanisike sei?

Mosaya 4:12–26

Vhangeri raJesu Kristu rinondikurudzira kubata vamwe nerudo uye netsitsi.

  • Kushandira vamwe kunoita kuti tinzwe zvakanaka. Zvimwe vana vako vanokwanisa kutaura pamusoro penguva iyo yavakada kana yavakashandira mumwe munhu uye kuti chiitiko ichocho chakaita kuti vanzwe sei. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvingangoita kuti vanhu vasada kushandira vamwe? Chii chatingataura kune mumwe munhu kuti timukoke kuti abatsire vanhu vanoshayiwa? Tsvaka mazano muna Mosaya 4:16–26.

  • Mambo Benjamini vakadzidzisa kuti apo patinouya kuna Kristu uye togashira ruregerero rwezvivi zvedu, “tinozadzwa nerudo rwaMwari” (Mosaya 4:12). Izvi zvinoita kuti tive nerudo uye tsitsi kune vamwe. Iwe nevana vako munokwanisa kutsvagurudza Mosaya 4:13–16, 26 kuti muwane ndevo dzinotsanangura makwanisiro atingaita kushandira vamwe. Vanokwanisa kuzoita mutambo wezvinhu izvi kana kudhirowa mifananidzo yazvo uye kufungidzira ndevo dzemumwe nemumwe. Tingakwanisa sei kuratidza rudo uye tsitsi kumba, kuchikoro, kana kuchechi?

Mufananidzo
musikana wechidiki achitamba nemwana

Jesu Kristu akatidzidzisa kuva netsitsi kune vamwe.

Mosaya 5:5–15

Apo pandinoita zvibvumirano naMwari, ndinotora pandiri zita raKristu.

  • Vana vako vangangonakidzwa nekugadzira mabheji anoratidza zita rekuti “Jesu Kristu” uye nokuapfeka pamusoro pemwoyo yavo (ona peji yechiitwa yevhiki rino). Pavanenge vachidaro, unokwanisa kuvaverengera Mosaya 5:12 uye wotaura pamusoro pekuti kuita zvibvumirano, kana vimbiso, naMwari kwakafanana sei nokuva nezita raKristu “rakanyorwa nguva dzose mumwoyo [yedu].”

Mufananidzo
Kristu achipa shiri zvokudya

In His Constant Care [Mukuriritira Kwake kweNguva Dzose]naGreg K. Olsen