Huyai, Munditevere 2024
Chivabvu 13–19: “Chiedza … Chisingambokwanisi Kusvibiswa.” Mosaya 11–17


“Chivabvu 13–19: ‘Chiedza … Chisingambokwanisi Kusvibiswa.’ Mosaya 11–17,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Chivabvu 13–19. Mosaya 11–17,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2024 (2024)

Mufananidzo
Abinadai achipupura kuna Mambo Noa

Abinadi before King Noah [Abinadai pamberi paMambo Noa], naAndrew Bosley

Chivabvu 13–19: “Chiedza … Chisingambokwanisi Kusvibiswa”

Mosaya 11–17

Moto mikuru inokwanisa kutanga kubva papfarivari imwechete. Abinadai aingova murume mumwechete aipupura achipikisa mambo aiva nemasimba uye nedare rake. Mashoko ake akarambwa navakawanda, uye akatongerwa rufu. Asi uchapupu hwake hwaJesu Kristu, uyo anova “chiedza … chisingambokwanisi kusvibiswa” (Mosaya 16:9), hwakamutsa chimwe chinhu mukati memupirisita mudiki Aruma. Uye pfarivari yerutendeuko iyoyo yakakura zvishoma nezvishoma apo Aruma paakaunza vamwe vakawanda kurutendeuko nokurutendo muna Jesu Kristu Marimi emoto akauraya Abinadai pokupedzisira akadzima, asi moto werutendo urwo mashoko ake rwaakaunza rwaizova nehuridziro isingaperi pavaNifai—uye pavanhu vanoverenga mashoko ake nhasi. Vakawanda vedu hatizombotarisani neizvo chaizvo zvakatarisanwa nazvo naAbinadai nokuda kweuchapupu hwedu, asi tose tine nguva apo kutevera Jesu Kristu kunova chiyedzo cheushingi nerutendo rwedu. Zvimwe kunzvera uchapupu hwaAbinadai kunozosimbisa marimi euchapupu neushingi mumwoyo makowo.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

Mosaya 11–13; 17

Ndinokwanisa kurwira Jesu Kristu, kunyangwe apo pandinorwira ndiri ndoga.

Apo paunenge uchinzvera Mosaya 11–13; 17, tsvaka mifananidzo yaAbinadai muchidzidzo chino. Chii chaunodzidza pamusoro pekumira sechapupu chaKristu? Kunyanya, unokwanisa kunangisa kunzvera kwako pandima nemibvunzo yakaita seiyi:

Ndiriinhi pawakanzwa sokunge waiva wakamira woga mukurwira Muponesi nevhangeri Rake? Akakubatsira sei kunzwa kuti Aiva newe? Apo paunofungisisa izvi, unokwanisa kuverenga rondedzero yaElisha nemuranda wake mudiki muna 2 Madzimambo 6:14–17. Chii chinokukurudzira pamusoro perondedzero iyi?

­ Unokwanisa kutsvaka mumashoko erwiyo rwakaita sorwokuti “Ita Zvakanaka” kana “Ngatishingei” (Nziyo neDzeVana Vadiki, nhamba 18, 66), kuti uwane ndevo dzinokupa ushingi hwokurwira chokwadi.

Ungazoshandisa sei izvo zvawakadzidza kubva kuna Abinadai? ­ Ndeipi mimwe mienzaniso yaunokwanisa kufunga nezvayo?

Onawo VaRoma 1:16; 2 Timotio 1:7–8; Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Rutendo muna Jesu Kristu” Raibhurari yeVhangeri.

Dzidzisa neMweya. “Kudzidzisa vhangeri kwakasimba hakusi kunongoda kugadzirira chidzidzo chete asi kuzvigadzirira iwe pachako pane zvepamweya [kuti] unzwe uye nokutevera nhungamiro yeMweya apo paunodzidzisa” (Teaching in the Savior’s Way, 17).

Mosaya 12:19–37

Ndinofanira kushandisa mwoyo wangu kunzwisisa shoko raMwari.

Vapirisita vaMambo Noa vaiziva shoko raMwari. Vaikwanisa kutapa ndima dzemangwaro matsvene uye vachizviti vanodzidzisa mirairo. Asi zvakadaro, upenyu hwavo hwairatidzika kusashandurwa nevhangeri reMuponesi. Sei zvaiva zvakadaro?

Funga pamusoro peizvi apo paunoverenga Mosaya 12:19–37. Unofunga kuti zvinoreva chii kushandisa mwoyo wako kunzwisisa shoko raMwari? Ndeapi mashoko kana ndevo dzinokukurudzira kuita shanduro dzipi zvadzo munzira yaunodzidza nayo vhangeri?

Mosaya 13:11–26

Mirairo yaMwari inofanira kunyorwa mumwoyo mangu.

Fungisisa pamusoro pecherechedzo yaAbinadai yokuti mirairo yaiva “isina kunyorwa mumwoyo” yevapirisita (Mosaya 13:11). Ndevo iyi ingarevei? Apo paunoverenga Mosaya 13:11–26, funga pamusoro pokuti mirairo iyi yakanyorwa here mumwoyo mako.

Onawo Jeremia 31:31–34; 2 VaKorinte 3:3.

Mosaya 14:15

Jesu Kristu akanditamburira.

Muna Mosaya 14–15, cherechedza mashoko nendevo izvo zvinotsanangura Muponesi uye neizvo zvaAkakutamburira. Ndedzipi ndima dzinobatsira kudzamisa rudo noruvongo rwako kwaAri?

Mosaya 15:1–12

Jesu Kristu ndiye zvose Baba neMwanakomana sei?

Abinadai akadzidzisa kuti Mwari Mwanakomana—Jesu Kristu—aizova Mununuri (ona Mosaya 15:1), achigara munyama, achizova zvose munhu naMwari (ndima 2–3). AkaZviisa zvakazara pasi pechido chaMwari Baba (ndima 5–9). Nokuda kweizvi, Jesu Kristu ndiye zvose Mwanakomana waMwari uye mumiririri akarurama wepanyika waMwari Baba (ona Johane 14:6–10).

Jesu Kristu ndiyewo Baba mupfungwa yokuti apo patinenge tatambira rudzikinuro Rwake, tinova “zvibereko zvake” uye “vagari venhaka yeumambo hwaMwari” (Mosaya 15:11–12). Nemamwe mashoko, tinozvarwa patsva pamweya kuburikidza Naye (ona Mosaya 5:7).

Sei uchinzwa kuti zvakakosha kuziva zvokwadi izvi pamusoro paBaba Vekudenga naJesu Kristu? Uchapupu hwaAbinadai hwunosimbisa sei rutendo rwako maVari?

Mazano eKudzidzisa Vana

Mosaya 11–13; 17

Ndinokwanisa kurwira Jesu Kristu, kunyangwe apo pandinorwira ndiri ndoga.

  • Pane imwe nguva muupenyu hwedu, tose tinotarisana nekumanikidzwa kuita sarudzo idzo dzinopikisana nerutendo rwedu muna Jesu Kristu. Chii icho vana vako chavanokwanisa kudzidza kubva kuna Abinadai pamusoro pokumira sechapupu chaJesu Kristu, kunyangwe apo pazvinenge zvisingafarirwi navakawanda? Mufananidzo uri muchirongwa chino kana “Chitsauko 14: Abinadai naMambo Noa” (muNyaya dzeBhuku raMormoni, 38–42) zvinokwanisa kuvabatsira kufungidzira mupfungwa dzavo tsananguro iri muna Mosaya 11–13; 17. Vabvunze izvo zvavanoda pamusoro paAbinadai.

  • Vana vako vangangonakidzwa nekuita mutambo wezvikamu zvenyaya yaAbinadai. Zvino vanokwanisa kuita mitambo yezviitiko zvoupenyu chaizvo kuti vadzidzire izvo zvavangangoita kana vamwe vakada kuti vaite chimwe chinhu chisina kunaka. Kana kuti vanokwanisa kugovera zviitiko apo pavakava neushingi mukutevera Jesu Kristu. Abinadai akatevera Jesu Kristu sei? (ona Mosaya 13:2–9; 17:7–10). Sei Mambo Noa asina kuita izvo zvaaiziva kuti zvakanaka? (ona Mosaya 17:11–12).

Mosaya 12:33–36; 13:11–24

Ndinofanira kuteerera Mirairo ineGumi.

  • Vapirisita vaMambo Noa vaiziva mirairo asi havana kuita kuti “inyorwe mumwoyo yavo” (Mosaya 13:11). Unozobatsira sei vana vako kuziva mirairo uye kuida? Pamwe vanokwanisa kunyora mirairo kubva muna Mosaya 12:33–36 uye 13:11–24 pazvidimbu zvemapepa zvakachekwa kuita semwoyo. Apo pavanodaro, taura navo pamusoro pokuti mirairo iyi inoreva chii uye kuti vanoitevera sei. Tinonyora sei mirairo iyi mumwoyo yedu?

  • Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo pamusoro pemirairo. Maropafadzo api anouya kubva mukuchengeta mirairo?

Mufananidzo
Baba nemwanakomana vachiverenga magwaro matsvene

Magwaro matsvene anotidzidzisa mirairo yaMwari.

Mosaya 14; 16:4–9

Baba Vokudenga vakatuma Jesu Kristu kunditungamirira kudzokera kwaVari.

  • Kunyangwe zvazvo chiri chitsauko chipfupi, Mosaya 14 chine mashoko nendevo zvinotsanangura Jesu Kristu. Pamwe iwe nevana vako munokwanisa kuita mudorongodzwa wazvo apo pamunoverenga chitsauko chacho pamwechete. Zvino munokwanisa kutaura pamusoro pemanzwiro amunoita pamusoro peMuponesi apo pamunenge muchinzvera mashoko nendevo idzi.

  • Kuti adzidzise pamusoro paJesu Kristu, Abinadai akatapa muporofita Isaya, uyo akatienzanisa nemakwai akarashika. Pamwe vana vako vanokwanisa kugovera zviitiko apo pavakarasha chimwe chinhu kana pavakarasika ivo pachavo. Vakanzwa sei? Chii chavakaita? Zvino munokwanisa kuverenga pamwechete Mosaya 14:16 uye 16:4–9. Takafanana sei nemakwayi anotetereka kubva pana Mwari? Jesu Kristu anotibatsira sei kudzoka?

Mufananidzo
Abinadai achipupura kuna Mambo Noa

His Face Shone with Exceeding Luster [Kumeso Kwake Kukapenya Nokubwinya Kukurusa], naJeremy Winborg