Huyai, Munditevere 2024
Chivabvu 6–12: “Musimba raIshe.” Mosaya 7–10


“Chivabvu 6–12: ‘Musimba raIshe.’ Mosaya 7–10,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Chivabvu 6–12. Mosaya 7–10,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2024 (2024)

Mufananidzo
Amoni achidzidzisa Mambo Rimuhai

Minerva Teichert (1888–1976), Ammon before King Limhi [Amoni pamberi paMambo Rimuhai], 1949–1951, pendi yeoiri pabhodhi repuranga, mainji 35 7/8 × 48. Brigham Young University Museum yeArt, 1969.

Chivabvu 6–12: “Musimba raIshe”

Mosaya 7–10

Apo vanhu vaMambo Mosaya pavakanga vachinakirwa “nokuva nerunyararo rwenguva dzose” muZarahemura (Mosaya 7:1), pfungwa dzavo dzakatendeukira kune rimwe boka ravaNifai, iro makore mazhinji aiva apfuura rakanga rabva rikaenda kunogara munyika yaRihai-Nifai. Zvizvarwa zvakanga zvapfuura, uye vanhu vaMosaya vakanga vasina chavakanzwa kubva kwavari. Nokudaro, Mosaya akakumbira Amoni kuti atungamirire chikwata chaitsvaka kuti vawane vaNifai avo vakanga vabva. Chikwata chaitsvaka chacho chakawana kuti vaNifai, “nokuda kwezvitema” (Mosaya 7:24, vaiva vari muutapwa hwavaRamani. Asi nekusvika kwaAmoni nehama dzake, pakarepo pakava netariro yerusununguko.

Dzimwe nguva takafanana navaNifai vakatapwa ava, tichitambura nokuda kwezvivi zvedu, tichishama kuti tinozowana sei runyararo zvakare. Dzimwe nguva takaita saAmoni, tichinzwa kufemerwa kunanavira kuna vamwe uye pokupedzisira towana kuti kuedza kwedu kwakavakurudzira “kusimudza misoro [yavo], uye nokufara, uye nokuisa ruvimbo [rwavo] muna Mwari” (Mosaya 7:19). Zvisinei nemamiriro ezvinhu edu, tose tinofanira kutendeuka uye “kutendeukira kuna Ishe nechinangwa chakazara chemwoyo,” norutendo rwokuti “vanozotisunungura … [isu]” (Mosaya 7:33).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mosaya 7:14–33

Jesu Kristu ane simba rekundisunungura.

Kusangana naAmoni kwakapa Mambo Rimuhai tariro, uye aida kupa tariro iyoyo kuvanhu vake. Pamwe mashoko ake anokwanisa kukupawo tariro. Kuti unyatsonzwisisa, funga pamusoro pokuwongorora mamiriro ezvinhu avanhu vaRimuhai muna Mosaya 7:20–25. Zvino fungisisa mibvunzo iyi apo paunoverenga Mosaya 7:14–33:

  • Chii chakataurwa naRimuhai kuti asimbise rutendo netariro zvavanhu vake muna Kristu?

  • Ndedzipi ndevo dzinokubatsira kunzwa tariro? (ona ndima 19, 33).

  • Zviitiko zvipi zvakakubatsira kuvimba kuti Mwari vanokwanisa uye vanozokusunungura?

Onawo: “Mununuri waIsraeri,” Nziyo neDzeVana Vadiki,, nhamba 6.

Mosaya 7:26–27

Ndakasikwa “maererano nemufananidzo waMwari.”

Muna Mosaya 7:26–27, Rimuhai akatsanangura zvimwe zvezvokwadi zvakadzidziswa naAbinadai. Ndezvipi zvokwadi zvaunokwanisa kudoma mundima idzi? Zvokwadi izvi zvinoshandura sei nzira yaunoona nayo Mwari uye yaunozviona iwe pachako?

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

Mosaya 8:13–19

Ishe vanopa vaporofita, vaoni, uye vazaruri kuitira kupundutsa vanhu.

Apo Rimuhai paakanzwa uchapupu hwaAmoni hwekuti Ishe vakanga vamutsa muoni, Rimuhai “akafara zvikurusa, uye akapa ruvongo kuna Mwari” (Mosaya 8:19). Sei uchifunga kuti akanzwa saizvozvo? Chii chaunodzidza pamusoro pevaoni kubva mumashoko aAmoni Mosaya 8:13–19?

Nhasi, tinotsigira Vatungamiri Vokutanga neChikwata chevaApositora Gumi neVaviri savaporofita, vaoni, nevazaruri? Vakava “pundutso huru” kwauri sei? (Mosaya 8:18). Chii chavakakudzidzisa pamusoro paJesu Kristu?

Iwe, saAmoni, ungataura sei neushingi pamusoro pekudikanwa kwavaporofita, vaoni, uye nevazaruri? (ona Mosaya 8:13–18). Somuenzaniso, chii chaunokwanisa kugoverana nemhuri yako kana panhaurirano dzepaindaneti pamusoro pe:

  • Zvokwadi izvo zvakadzorerwa muzuva raJoseph Smith uye vamwe vaporofita vaIshe (sezvakaita hunhu hwaMwari, chimiro chehumwari chedu, kana mamiriro okusingaperi emhuri). Wongororo “yeKudzorerwa kweKuzara kweVhangeri raJesu Kristu” kana “Mhuri: Chiziviso kuNyika” (Raibhurari yeVhangeri) ingangokubatsira kufunga nezve zvimwe zvezvokwadi izvi.

  • Maropafadzo emirairo kana zvisungo (sezvakaita Shoko roUngwaru, mutemo wekuzvibata, kana kusunganidzwa kwemhuri).

Mwedzi wapera, takanzwa kubva kuvaporofita, vaoni, uye vazaruri mumusangano mukuru. Ndeapi mashoko akakukurudzira? Chii chaunozoita zvakasiyana maererano neizvo zvawakadzidza? Vaoni vaIshe vakataura chii pamusoro “pezvinhu izvo zvichauya”? (Mosaya 8:17).

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Vaporofita,” Raibhurari yeVhangeri.

Mosaya 9–10

Ndinokwanisa kutarisana nezvinetso zvangu “musimba raIshe.”

Zenefi akabvuma kuti zvikanganiso zvake zvakanga zvaisa vanhu vake mumamiriro ezvinhu akaoma. Asi pashure, panguva dzehondo navaRamani, akabatsira vanhu vake kutarisana nezvinetso zvavo norutendo muna Ishe. Apo paunoverenga Mosaya 9–10, tsvaka izvo vanhu vaZenifi zvavakaita kuti varatidze rutendo rwavo. Mwari vakavasimbisa sei? Vakakusimbisa sei iwe? Zvinorevei kwauri kuenda mberi “musimba raIshe”? (Mosaya 9:17; 10:10–11).

Mosaya 10:11–17

Sarudzo dzangu dzinokwanisa kushandura zvizvarwa.

Apo paunoverenga Mosaya 10:11–17, ona kuti zviito nemafungiro ezvizvarwa zvakare zvavaRamani zvakashandura sei zvizvarwa zvakatevera. Izvi zvinotaura chii pamusoro pokuti sarudzo dzako dzingashandura sei vamwe—kuzvakanaka kana zvakaipa—kusanganisira vanhu avo vasati vazvarwa?

Shandisa zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatika. Zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatika zvinoita kuti kudzidza kuve kunonakidza uye kusingakanganwiki. Pamwe mutsetse wemadhomino unokwanisa kuratidza kuti sarudzo dzavanhu dzinokwanisa kushandura zvizvarwa zvavo sei (ona Mosaya 10:11–17).

Mazano eKudzidzisa Vana

Mosaya 7:19

Mwari vakabatsira vanhu mumagwaro matsvene, uye Vanokwanisa kundibatsira.

  • Apo vanhu vake pavaiva mudambudziko, Mambo Rimuhai akagovera zvinyorwa zvitsvene kuti avake rutendo rwavanhu vake. Bvunza vana vako pamusoro penyaya dzemagwaro matsvene kana vanhu varimo avo vanovabatsira kuva nerutendo. Zvino unokwanisa kuverenga Mosaya 7:19 kwavari uye mowongorora nyaya dzinotaurwa mundima iyi (ona “Paseka” uye “VaIsraeri MurenjemuNyaya dzeTestamente Yakare). Pamwe vana vako vanozoda kuita mutambo wadzo. Ishe vakabatsira sei vanhu vari munyaya idzi? Vanokwanisa kutibatsira sei?

  • Kuti uwane mimwe mienzaniso yemabatsiriro Ishe avanotiita, sarudza dzimwe ndima “dzeNyaya dzeBhuku raMormoni”. Vabatsire kudoma mabatsiriro akaita Ishe vanhu muBhuku raMormoni—uye mabatsiriro aVanokwanisa kutiita.

Mosaya 8:16–18

Mwari vakatipa vaporofita, vaoni, navazaruri.

  • Imwe nzira yokudzidzisa nayo pamusoro pevaoni ndeye kuvaenzanisa kuzvinhu izvo zvinotibatsira kuona zviri nani, sezvakaita magirazi, mabhainokura, kana maikirosikopu. Zvino apo paunoverenga Mosaya 8:17 kuvana vako vanokwanisa kuisa maoko avo pamaziso ayo sokunge varikutarisa nemumabhainokura nguva yoga yoga yavanonzwa shoko rokuti “muoni” (onawo Mosesi 6:35–36). Taura navo pamusoro pezvinhu izvo Ishe zvavanobatsira vaporofita “kuona” izvo zvatisingakwanisi kuona. Chii icho vaporofita kana vaoni vedu, vakaita saJoseph Smith, chavakaratidza kwatiri?

  • Mushure mokuverenga Mosaya 8:16–18 nevana vako, unokwanisa kuvabatsira kufunga nezve nzira dzokupedzisa nadzo mutsetse wakaita sounoti Muoni akafanana … uyo anotibatsira…. Semuenzaniso, muoni akafanana nechiratidzo chemumugwagwa uyo anotinongedzera kuna Jesu.

  • Unokwanisawo kugadzira tsoka dzemapepa uye wokoka vana vako kuti vadhirowe mifananidzo padziri yezvinhu izvo vaporofita, vaoni, uye vazaruri zvavakatiraira kuita. Isa tsoka dzacho mugwara uchitenderedza mupanda, uye woita kuti vana vako vafambe nepatsoka idzi Muoni anokwanisa sei kuva “pundutso huru” kwatiri? (ona Mosaya 8:17–18).

Mosaya 9:14–18; 10:10–11

Apo pandinenge ndisina simba, Ishe vanokwanisa kundisimbisa.

  • Apo vana pavanotarisana nezvinetso, dzimwe nguva vanonzwa kusava nesimba uye sevasingakwanisi kuzvibatsira. Unozokwanisa kubatsira sei vana vako kuvimba nesimba raIshe? Unokwanisa kuvabvunza kuti chii chatinoita kuti tive takasimba panyama. Zvinorevei kuva “nesimba revanhu”? (ona Mosaya 10:11). Zvinorevei kuva “nesimba raIshe”? (ona Mosaya 9:17–18; 10:10). Tinogamuchira sei simba raIshe? Vana vako vanokwanisa kudhirowa mufananidzo wezvinhu izvo zvinovabatsira kugamuchira simba raIshe.

Mufananidzo
Joseph Smith ainaMoronai

Vision to Joseph Smith [Chiratidzo kuna Joseph Smith], naClark Kelley Price