Huyai, Munditevere 2024
Kubvumbi 15–21: “Vanoshanda Mandiri kuti Ndiite Maererano neChido Chavo.” Enos–Mashoko aMormoni


“Kubvumbi 15–21: ‘Vanoshanda Mandiri kuti Ndiite Maererano neChido Chavo.’ Enosi–Mashoko aMormoni,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Kubvumbi 15–21. Enosi–Mashoko aMormoni,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Enosi semukomana wechidiki nababa vake, Jakobo, naamai vake

Jacob and Enos [Jakobo naEnosi], naScott Snow

Kubvumbi 15–21: “Vanoshanda Mandiri kuti Ndiite Maererano neChido Chavo”

Enos–Mashoko aMormoni

Kunyangwe zvazvo Enosi akaenda kusango kunovhima mhuka kuti agutse nzara yapanyama, akagumisira agarako zuva rose uye neusiku nokuda kwokuti “mweya wake waiva nenzara.” Nzara iyi yakakonzera Enosi kuti “asimudze inzwi [rake] pamusoro zvokuti rakasvika kumatenga.” Akatsanangura chiitiko ichi somutsimba pamberi paMwari (ona Enosi 1:2–4). Kubva kuna Enosi tinodzidza kuti munamato kuedza nomwoyo wose kuswedera kuna Mwari uye nokutsvaka kuziva chido Chavo. Apo paunonamata nevavariro iyi, unozonyanya kukwanisa kuziva, sezvakaita Enosi, kuti Mwari vanokunzwa uye kuti zvechokwadi vane hanya pamusoro pako, vadikanwi vako, uye kunyangwe vavengi vako (ona Enosi 1:4–17). Apo paunoziva chido Chavo, unozonyanya kukwanisa kuita chido Chavo. SaMormoni, “ungangosaziva zvinhu zvose; asi Ishe vanoziva zvinhu zvose … ; naizvozvo, vanoshanda [mauri] kuti uite maererano nechido chavo” (Mashoko aMormoni 1:7).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Enosi 1:1–17

Mwari vanozonzwa nokupindura minamato yangu.

Zviitiko zvako nemunamato zvingangova zvisinganyanyi kushamisa sezvaEnosi, asi hazvisi zvinofanira kuva zvisina kunyanya kukosha pane zvake. Heino mimwe mibvunzo yekufunga pamusoro payo apo paunonzvera Enosi 1:1–17:

  • Ndeapi mashoko anotsanangura kuedza kwaEnosi apo paainamata?

  • Minamato yaEnosi yakashanduka sei kubva mundima 4 kuenda ku11?

  • Chii chandinodzidza kubva kuna Enosi chinokwanisa kundibatsira kunatsurudza minamato yangu?

Kugovera mibvunzo yokukurukura. Kana uri kudzidzisa vamwe, funga pamusoro pokuisa mibvunzo yaunoda kukurukura panzvimbo inoonekwa zvikuru kuitira kuti munhu wose agokwanisa kuiona. Izvi zvinobatsira vanhu kufungisisa mibvunzo uye kupa mhinduro dzakanyanya kufemerwa.

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

Enosi 1:1–4

Ishe vanokwanisa kundibatsira kukurudzira mhuri yangu kuita zvakanaka.

Pamwe kune mumwe munhu mumhuri yako uyo waunoshuva kubatsira kuuya kuna Kristu, asi unoshama kana kuedza kwako kuri kuita misiyano. Chii chaunokwanisa kudzidza kubva muna Enosi 1:1–4 pamusoro pehurudziro yaJakobo pamwanakomana wake Enosi? Semuenzaniso, ndevo yokuti “kukurudzira uye kutsiura kwaIshe” inorevei kwauri? Ungakwanisa kukoka sei hurudziro Yavo mumba mako?

Apo paunofunga pamusoro pemhuri yako pachako, funga nezve mibvunzo iyi nezvinyorwa izvi:

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Mhuri,” Raibhurari yeVhangeri.

Enosi 1:1–18

Ndinokwanisa kugamuchira rurengerero apo pandinoshandisa rutendo muna Kristu.

Pane dzimwe nguva ungangoshama kana zvivi zvako zvakaregererwa, kunyangwe mushure mokunge watendeuka pazvivi izvozvo. Ndedzipi nzwisiso dzaunowana kubva kuchiitiko chaEnosi muna Enosi 1:1–8? Enosi akataridza sei rutendo rwake muna Jesu Kristu asati uye mushure mokunge agamuchira ruregerero?

Jaromu–Omuni

Apo pandinoedza kuchengeta mirairo Yavo, Mwari vanozondiropafadza.

Mabhuku aJaromu naOmni ose anotsanangura ukama pakati peururami uye ubudiriri. Chii chaunodzidza kubva muna Jaromu 1:7–12; Omuni 1:5–7, 12–18? Tsananguro dzenyika dzeubudiriri dzakasiyana sei kubva kutsananguro yaIshe? Ishe vanobatsira vanhu Vavo sei kubudirira? (ona Aruma 37:13; 48:15–16).

Omuni 1:25–26

“Huyai kuna Kristu, uyo anova Mutsvene waIsraeri.”

Kukoka kwokuti “Huyai kuna Kristu” kunowanikwa kakawanda muBhuku raMormoni. Chokwadi ndechekuti, chimwe chezvinangwa zvikuru zvebhuku iri ndeche kupa kukoka uku kumunhu wose. Apo paunoverenga Omuni 1:25–26, ndeapi mashoko kana ndevo zvaunowana izvo zvinotsanangura mauyiro okuita kuna Kristu? Chii chaunozoita kuti uuye kwaAri zvakanyanya kuzara?

Mufananidzo
Mormoni achiunganidza mahwendefa egoridhe

Mormon Compiling the Plates [Mormoni Achiunganidza Pamwechete Mahwendefa], naJorge Cocco

Mashoko aMormoni 1:1–8

Mwari vanozoshanda chokwadi kwandiri kana ndikachitsvaga nokushingaira.

Chimwe chikonzero icho Ishe vakafemera Mormoni kuti asanganisire mahwendefa madiki aNifai muBhuku raMormoni chaiva chokuti Mwari vaiziva kuti mapeji 116 akadudzirwa aizorashika (ona Dzidziso neZvibvumirano 10. Sei uchivonga kuti Mormoni akatevera rairo yaIshe yokusanganisira zvinyorwa izvi (zvaisanganisira 1 Nifai kusvika kuna Omuni)? Ndezvipi zvikonzero izvo Mormoni zvaakapa zvokuasanganisira? (ona Mashoko aMormoni 1:3–7). Ndiriini pawakaona Mwari vachishanda nemauri kana nemune vamwe?

Mazano eKudzidzisa Vana

Enosi 1:1–5

Ndinokwanisa kutaura naBaba Vokudenga kuburikidza nemunamato.

  • Unokwanisa kubatsira sei vana vako kuita kuti minamato yavo ive inoreva chinhu? Funga pamusoro pokuvaratidza mufananidzo waEnosi achinamata; ita kuti vatsanangure izvo zvavanoona. Zvino vanokwanisa kuvhara maziso avo uye vofungidzira kuti vari kutaura naBaba Vokudenga vakatarisana Navo. Chii chavanoda kutaura pamusoro pacho? Chii chaVangada kutaura kwavari?

  • Apo paunoverenga uchidudza Enosi 1:1–5, vana vaduku vanokwanisa kunyepedzera kuva Enosi nokuyedzesera kuvhima, kugwadama kuti vanamate, uye zvichingodaro. Vana vakuru vanokwanisa kuteerera kuti vanzwe shoko kana ndevo inotsanangura minamato yaEnosi. Mashoko aya anotiudza chii pamusoro peminamato yaEnosi? Govera chiitiko apo mweya wako “pawakanzwa nzara” uye iwe “ukachema” kuna Ishe (Enosi 1:4).

Mufananidzo
mhuri ichinamata

Sevana vaMwari, tinokwanisa kunamata kuna Baba vedu Vokudenga.

Enosi 1:2–16

Baba vedu Vokudenga vanonzwa nokupindura minamato yangu.

  • Unokwanisa kubatsira sei vana vako kunzwisisa kuti Baba Vokudenga vanozonzwa nokupindura minamato yavo? Funga pamusoro pokuvakoka kuti vadorongodze zvimwe zvinhu zvavanonamatira kazhinji. Zvino unokwanisa kuvabatsira kuwana izvo Enosi zvaakanamatira muna Enosi 1:2, 9, 13–14, uye 16 (onawo “Chitsauko 11: Enosi,” Nyaya dzeBhuku raMormoni, 30–31).

    Ndeapi aiva magumisiro eminamato yaEnosi? (ona ndima 6, 9, 11).

    Chii chatinodzidza kubva kuchiitiko chaEnosi pamusoro pokunatsurudza minamato yedu?

  • Imbai pamwechete rumbo pamusoro pemunamato, sezvakaita, “Munamato weMhuri” (Nziyo neDzeVana Vadiki,, 130). Pamwe vana vako vanokwanisa kusimudza maoko avo nguva yoga yoga yavanonzwa shoko rokuti “namatai” kana “munamato” kana rimwe shoko rakadzokororwa. Taurira vana vako pamusoro pedzimwe nzira idzo Baba Vokudenga dzavakapindura nadzo minamato yako.

Mashoko aMormoni 1:3–8

Ndinokwanisa kuropafadza vamwe apo pandinoteerera kuMweya Mutsvene.

  • Mormoni akatevera nhungamiro yeMweya Mutsvene yokusaganisira mahwendefa madiki aNifai Mubhuku raMormoni. Zvinhu zvose zvatakanzvera muBhuku raMormoni kusvika parizvino gore rino zvakauya kwatiri nokuda kwokuti Mormoni akaita sarudzo yokuteerera kuMweya. Unokwanisa kubatsira sei vana vako kudzidza pamusoro pokuteerera kuMweya? Vakoke kuti vatore zvijano zvokuverenga ndima kubva muna Mashoko aMormoni 1:3–8. Unokwanisa kutaura pamusoro peizvo zvavanodzidza kubva kundima yoga yoga. Vana vako vanokwanisa zvino:

    • Kugovera izvo zvavakadzidza kubva munyaya dziri muBhuku raMormoni gore rino (mifananidzo kubva kuHuyai, Munditevere inokwanisa kuvabatsira kurangarira).

    • ­

    • Taurai pamusoro pezviitiko umo mavakatungamirirwa neMweya kuita chimwe chinhu icho chakaropafadza mumwe munhu.

Mufananidzo
Enosi achinamata

Enos Praying [Enosi achinamata], naRobert T. Barrett