Huyai, Munditevere 2024
Ndira 22–28: “Kupakatidzwa neUrurami uye neSimba raMwari.” 1 Nifai 11–15


“Ndira 22–28: ‘Kupakatidzwa neUrurami uye neSimba raMwari.’ 1 Nifai 11–15,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Ndira 22-28. 1 Nifai 11-15,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
vanhu vachidya muchero wemuti weupenyu

The Love of God (Rudo rwaMwari), naSabrina Squires

Ndira 22–28: “Kupakatidzwa neUrurami uye neSimba raMwari”

1 Nifai 11–15

Kana Mwari vaine basa gurusa rokuti muporofita Wavo aite, kazhinji Vanopa muporofita iyeye chiratidzo chikurusa. Mosesi, Johane, Rihai, naJoseph Smith vose vakava nezviratidzo zvakadaro—zviratidzo zvakawedzera pfungwa dzavo uye zvakavabatsira kuona makuriro uye mashamisiro anonyatsoita basa raMwari.

Nifai akavawo nechimwe chezviratidzo zvinoshandura upenyu izvi. Akaona hushumiri hweMuponesi, ramangwana rezvizvarwa zvaRihai munyika yechipikirwa, uye namagumisiro ebasa raMwari mumazuva ekupedzisira. Mushure mechiratidzo ichi, Nifai aiva agadzirira zvirinani basa raiva mberi. Uye kuverenga pamusoro pechiratidzo ichi kunokwanisa kubatsira kukugadzirirawo—nokuti Mwari vanewo basa rokuti uite muumambo Hwavo. Muri pakati “pevatendi vechechi yeGwayana” vakaonekwa naNifai, “avo vaiva vakapararira pamusoro penyika yose; uye vaiva vakapakatidzwa neururami uye nesimba raMwari mukubwinya kukuru” (1 Nifai 14:14).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

1 Nifai 11

Mwari vakatumira Jesu Kristu sechiratidzo cherudo Rwavo.

Apo Nifai paakabvunza ngirozi pamusoro pezvinorehwa nemuti muchiratidzo chaRihai, ngirozi yaikwanisa kunge yakangoti, “Unomiririra rudo rwaMwari.” Pane kudaro, yakaratidza Nifai nhevedzano yezviratidzo nezviitiko kubva muupenyu hweMuponesi. Tsvaka zviratidzo nezviitiko izvi apo paunoverenga nekufungisisa 1 Nifai 11. Chii chaunowana chinokubatsira kunzwisisa kuti sei Jesu Kristu ari chiratidzo chikurusa cherudo rwaMwari?

­ Muponesi akakubatsira sei kunzwa rudo rwaBaba vako Vokudenga?

1 Nifai 12–14

Ndinokwanisa “kupakatidzwa neururami” nesimba.

Nifai haaizokwanisa kurarama kuti aone zvizhinji zvezvaakaona muchiratidzo chake. Sei uchifunga kuti zvaiva zvakakosha kuti Nifai azive zvinhu izvi? Sei zvakakosha kwauri kuti uzvizive? Bvunza mibvunzo iyi nguva yoga yoga yaunoverenga pamusoro pechimwe chinhu Nifai chaakaona muchiratidzo chake (ona 1 Nifai 12–14). Manzwiro api aunotambira pamusoro pebasa rako mubasa “guru uye … rinoshamisa” raIshe? (1 Nifai 14:7). Ndezvipi zvimwe zvezvinhu zvikuru uye zvinokahanidza zvaAkakuitira?

Funga kunyanya pamusoro pevimbiso iri muna 1 Nifai 14:14. Muponesi akazadzikisa sei vimbiso iyi muupenyu hwako? ­

1 Nifai 13:1–9; 14:9–11

Chii “chechi huru uye inosemesa” iyo yakaonekwa naNifai?

Mutungamiri Dallin H. Oaks vakatsanangura kuti “chechi huru uye inosemesa” iyo yakatsanangurwa naNifai inomiririra “dzidziso ipi zvayo kana sangano ripi zvaro rinopikisa tendero muna Mwari. Uye ‘utapwa’ uhwo ‘chechi’ iyi hwainotsvaka kuunza kuvatendi mahuri hauzova kunyanya husungwa hwenyama seutapwa hwepfungwa dzenhema” (“Stand as Witnesses of God,” Ensign, Kurume. 2015, 32). Muponesi anokubatsira sei kudzivirira—uye kupukunyuka kubva—kuutapwa hwepfungwa dzenhema?

1 Nifai 15:1–11

Mwari vanozondipindura kana ndikakumbira murutendo.

Wakambonzwa here sokunge waiva usiri kutambira zvakazarurwa zvako pachako—kuti Mwari vaiva vasiri kutaura newe? Irairo ipi iyo Nifai yaakapa kumadzikoma ake pavakanzwa sezvizvi? (Ona 1 Nifai 15:1–11.) Ungakwanisa kushandisa sei rairo yaNifai muupenyu hwako?”

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

1 Nifai 15:23–25

Kubatirira zvakasimba pashoko raMwari kunondibatsira kuramba runziro yaSatani.

Nifai kazhinji akanga aine zvinhu zvekukurumidza kutaura kumadzikoma ake. Asi airatidzika kunyanya kuva nemanzwiro akasimba pamusoro pezvaaivaudza 1 Nifai 15:23–25. Raiva ripi shoko raNifai, uye unofunga kuti sei ainzwa zvakanyanya kusimba pamusoro paro?

Gosa David A. Bednar vakadzidzisa kuti “shoko raMwari” rinokwanisa kureva magwaro matsvene, mashoko evaporofita vanorarama, uye Jesu Kristu Pachake. Unofunga kuti zvinorevei “kubatirira zvakasimba” kumagwaro matsvene uye mashoko evaporofita vanorararma? Zvingangorevei “Kubatirira zvakasimba” kuna Jesu Kristu? Ungangotsvaka mhinduro dzinobvira kumibvunzo iyi mushoko raGosa Bednar “But We Heeded Them Not” (Liahona, Chivabvu 2022, 14–16).

Kubatirira zvakasimba kushoko raMwari kunokubatsira sei kukunda muvengi? Kuzadzisa tebhuru yakaita seiyi kunokwanisa kubatsira kuronga pfungwa dzako:

 … ndibatsirei kukunda rima remuyedzo? (ona 1 Nifai 12:17)

 … ndibatsirei “kusaterera” zvisina maturo uye nerudado zvenyika? (1 Nifai 12:18)

Kubatirira zvakasimba kumagwaro matsvene uye mashoko evaporofita vanorararma …

Kubatirira zvakasimba kuMuponesi …

Mufananidzo
mhuri ichiverenga magwaro matsvene

Magwaro akafanana nedanda resimbi rinotitungamirira kumuti weupenyu.

Mazano eKudzidzisa Vana

1 Nifai 11:16–33

Baba Vokudenga vakatumira Jesu Kristu nokuti Vanondida.

  • Kudzidzisa Nifai pamusoro perudo rwaMwari, ngirozi yakaratidza Nifai zviitiko kubva muupenyu hweMuponesi. Unokwanisa kuita zvimwechetezvo kuvana vako—vape mifananidzo yezviitiko zvakaonekwa naNifai muna 1 Nifai 11:20, 24, 27, 31, uye 33. (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri).30, 35, 39, 42, 57). Apo paunoverenga ndima idzi, batsira vana vako kuwana mufananidzo unoenderana nayo. Chii chatinodzidza pamusoro paJesu Kristu kubva mundima idzi nemifananidzo iyi?

  • Kuimba rumbo rwakaita serwokuti “Ndinoziva Mununuri Wangu Mupenyu” (Nziyo neDzeVana Vadiki, 34–35) kunokwanisa kubatsira vana vako kunzwa rudo rwaMwari. Mushure mokunge maimba, bvunza vana vako izvo zvavanodzidza kubva murumbo rwacho. Chii chimwe chatinodzidza pamusoro perudo rwaMwari kubva muna 1 Nifai 11:22–23?

Shandisa mifananidzo kubatsira vana kudzidza. Apo paunodzidzisa vana nyaya yegwaro dzvene, vabatsire kuifungidzira. Unokwanisa kushandisa mifananidzo, mavhidhiyo, zvidhori, zvipfeko, uye zvichingodaro.

1 Nifai 13:26–29, 35–36, 40

Bhuku raMormoni rinodzidzisa zvokwadi zvakakosha.

  • Kubatsira vana vako kukoshesa zvokwadi “zvakajeka uye zvakakosha” zviri muBhuku raMormoni, unokwanisa kudhirowa mufananidzo uye wokoka vana vako kuti vachinje kana kubvisa zvikamu zvemufananidzo kuuita kuti uratidzike zvakasiyana. Unokwanisa kushandisa izvi kudzidzisa kuti zvinhu muBhaibheri zvakashandurwa uye zvakabviswa nekufamba kwenguva. Verengai pamwechete 1 Nifai 13:40 uye mutaure pamusoro pekuti Bhuku raMormoni (“rondedzero idzi dzokupedzisira”) rinotibatsira sei kunzwisisa “zvinhu zviri pachena uye zvinokosha” zvakarasika kubva muBhaibheri (rondedzero “dzekutanga”). Ndezvipi zvokwadi “zvakajeka uye zvakakosha” zvawakadzidza kubva muBhuku raMormoni?

Mufananidzo
makopi eBhuku raMormoni mumitauro yakasiya-siyana

Bhuku raMormoni rinodzorera zvokwadi zvevhangeri zvakarasika munguva yeRutsauko.

1 Nifai 15:23–24

Kubatirira zvakasimba pashoko raMwari kunondibatsira kukunda miyedzo.

  • Ipa vana vako mukana wekugovera izvo zvavanorangarira pamusoro pechiratidzo chaRihai. Zvingangobatsira kushandisa mufananidzo, seuyo uri muchidzidzo chevhiki rakapera. Chii chaitadzisa vanhu kusvika pamuti? Chii chakavabatsira kusvika pauri? Ungangovakumbira kuti vatsvake danda resimbi mumufananidzo. Verengai pamwechete 1 Nifai 15:23–24 kuti muone kuti danda resimbi rinomiririrei uye kuti ringakwanisa kutibatsira sei.

Mufananidzo
Chiratidzo chaNifai chaMaria nemucheche Jesu

Nephiʼs Vision of Mary [Chiratidzo chaNifai chaMaria], naJames Johnson