Huyai, Munditevere 2024
Ndira 8–14: “Ndinozoenda uye Ndonoita.” 1 Nifai 1–5


“Ndira 8–14: ‘Ndinozoenda uye Ndonoita.’ 1 Nifai 1–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Ndira 8–14. 1 Nifai 1–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Mhuri yaRihai ichifamba mugwenga

Lehi Traveling Near the Red Sea [Rihai Achifamba Pedyo neGungwa Dzvuku], naGary Smith

Ndira 8–14: “Ndinozoenda uye Ndonoita”

1 Nifai 1–5

Bhuku raMormoni rinotanga nerondedzero yemhuri chaiyo ichisangana namatambudziko chaiwo. Zvakaitika muna 600 Kristu Asati Azvarwa, asi pane zvinhu pamusoro perondedzero iyi zvingangoratidzika sezvakafanana nemhuri dzemazuva ano. Mhuri iyi yairarama munyika yohunyangadzi, asi Ishe vakavimbisa kwavari kuti kana vakazoVatevera, vaizovatungamirira kuruchengeteko. Vari munzira vakava nenguva dzakanaka uye nenguva dzakaipa; vakawana maropafadzo makuru uye nezvishamiso zvikuru, asi vakavawo nemakakatanwa akawanda uye negakava rakawanda. Kashoma zvikuru apo mumagwaro matsvene pamuine rondedzero yakadzama kudaro yemhuri iri kuedza kurarama vhangeri: vabereki vachinetseka kukurudzira rutendo mumhuri yavo uye vachinetsekana neruchengeteko rwavo, vana vachisarudza kuti vanozotenda vabereki vavo here, uye madzikoma nevanin’ina achibatana negodo negakava—uye dzimwe nguva vachiregererana. Asi mazviri zvose, mune simba mumienzaniso yerutendo rwemhuri isakarurama iyi.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

1 Nifai 1–5

Shoko raMwari “rakakosha zvikuru” kwandiri.

Rimwe shoko rinokosha muBhuku raMormoni ndere “ukoshi hukuru” hweshoko raMwari (1 Nifai 5:21). Apo paunoverenga 1 Nifai 1–5, tsvaka nzira idzo shoko raMwari dzarakaropafadza mhuri yaRihai ivo pachavo kana kuburikidza neimwe nzira (semuenzaniso, ona 1:11–15; 3:19–20; 5:10–22). Zvitsauko izvi zvinokudzidzisei pamusoro peshoko raMwari? Chii chaunowana chinokukurudzira kuti utsvagurudze mumagwaro matsvene?

­

1 Nifai 2

Ndinokwanisa kuwana nekusimbisa uchapupu hwangu apo pandinotendeukira kuna Ishe.

Nifai anozivikanwa nokuda kwerutendo rwakasimba rwake muna Ishe, asi akashanda kuti awane uchapupu hwake—sezvatinongoita tose. Chii chaunoverenga muna 1 Nifai 2 chinoratidza kuti sei Nifai akakwanisa kuwana uchapupu hwekuti mashoko ababa vake aiva echokwadi? Sei Ramani naRemueri vasina kuwana uchapupu uhwu? (Onawo 1 Nifai 15:2–11). Ndiriini pawakanzwa Ishe vachipfavisa mwoyo wako?

­

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

1 Nifai 3–4

Mwari vanozogadzira nzira yekuti ndiite chido Chavo.

Apo Ishe pavakaraira vanakomana vaRihai kuti vatore mahwendefa endarira, Havana kupa mimwe mirairidzo chaiyo yekuti vanozviita sei. Izvi zvinowanzova chokwadi kurairo yatinotambira kubva kuna Mwari, uye zvingangonzwika sokunge Anoda “chinhu chakaoma” (1 Nifai 3:5). Chii chinokukurudzira pamusoro pemhinduro yaNifai kumurairo waIshe unowanikwa muna 1 Nifai 3:7, 15–16?

Apo paunoverenga 1 Nifai 3–4, tsvaka matambudziko akasiyana-siyana ayo Nifai aakasangana nawo. Ishe “vakagadzirira nzira” sei yekuti Nifai “abudirire pachinhu icho [chavakaraira]”? Sei zvakakosha kwauri kuti uzive izvo Ishe zvavakaitira Nifai?

Imwe nzira ine simba iyo Mwari yavakatigadzirira kuti tichengete mirairo Yavo ndeye kuburikidza nekutumira Jesu Kristu kuti ave Muponesi wedu. ­ ­ Jesu Kristu akagadzirira sei nzira yemumwe nemumwe wedu? Uchiziva kuti Akakurira zvinhu zvose kuitira iwe, chii chaunonzwa kukurudzirwa kuti “uende uye unoita”?

Onawo Misoro yeNyaya yevhangeri, “Ruteerero” muRaibhurari yeVhangeri.

Shandisa nyaya nemienzaniso kudzidzisa misimboti yevhangeri. Apo paunogadzirira kudzidzisa, funga nezvezviitiko zvako pachako zvinokwanisa kuwedzera uchapupu hwechipiri kurondedzero dziri mumagwaro matsvene. Semuenzaniso, ndiriinhi apo Ishe pavakakugadzirira nzira yekuti uite chido Chavo?

Mufananidzo
Rihai naSaria vachikwazisa Nifai nemadzikoma ake

Their Joy Was Full [Mufaro Wavo Waiva Wakazara], naWalter Rane

1 Nifai 4:1–3; 5:1–8

Kuyeuka mabasa aMwari kunokwanisa kundipa rutendo rwekuteerera mirairo Yavo.

Apo Ramani naRemueri pavainzwa kuda kugununʼuna kana kunyunyuta, kazhinji vaiva naNifai naRihai pedyo vaivakurudzira uye nokuvatsigira. Apo paunonzwa kuda kugununʼuna, zvinokwanisa kubatsira kuverenga mashoko aNifai naRihai. Nifai naRihai vakaedza kubatsira vamwe sei kuvaka rutendo muna Mwari? (ona 1 Nifai 4:1–3; 5:1–8; onawo 1 Nifai 7:6–21). Chii chaunodzidza chinokwanisa kukubatsira apo paunonzwa kuda kuti ugununʼune kana kunyunyuta?

1 Nifai 4:5–18

“Ndakatungamirwa neMweya.”

Muna 1 Nifai 4:5–18, chii chinokufadza pamusoro pekwaniso yaNifai yekuziva nekutevera Mweya? Ungangonzvera shoko raMutungamiri Russell M. Nelson rinoti, “Zvakazarurwa zveChechi, Zvakazarurwa zveUpenyu Hwedu” (Liahona, Chivabvu 2018) kuti udzidze zvakawanda pamusoro pekutambira zvakazarurwa kubva kuna Ishe.

Mazano eKudzidzisa Vana

1 Nifai 2:16

Ndinokwanisa kuva neuchapupu hwangu.

  • Nifai akaziva sei kuti izvo zvakadzidziswa nababa vake zvaiva zvechokwadi? Batsira vana vako kuwana mhinduro kumubvunzo uyu muna 1 Nifai 2:16, 19. Vangangonakidzwawo nekunyora zviito zvaNifai pazvitina zvepurasitiki kana pazvimwe zvinhu uye zvino vovaka chimwe chinhu nezvinhu izvozvo. Izvi zvinokwanisa kutungamirira kunhaurirano pamusoro pemabatsirwo atinoitwa nezviito izvi kuvaka uchapupu.

  • Unokwanisa kuratidza vana vako mifananidzo kana zvinhu zvinobatwa zvinomiririra zvinhu zvavangangotsvaka uchapupu hwazvo, sezvakaita Bhuku raMormoni kana mufananidzo waJesu Kristu, wetemberi, kana wemuporofita anorarama. Vakoke kuti vanhonge chimwechete uye vagovere uchapupu hwavo hwechinhu ichocho. Unokwanisawo kuudza vana vako mawaniro awakaita uchapupu hwako. Sei tichida uchapupu hwedu pachedu?

1 Nifai 3–4

Mwari vanozondibatsira kuchengeta mirairo Yavo.

  • Funga pamusoro pekushandisa chimwechete kana zvakawanda zvezvishandiso izvi kubatsira vana vako kutaura pamusoro pemabatsiriro ayo Mwari avakaita Nifai kutora mahwendefa endarira: 1 Nifai 3–4; peji yechiitwa chevhiki rino uye “Chitsauko 4: Mahwendefa Endarira” (muNyaya dzeBhuku raMormoni, 8–12).

  • Iwe nevana vako mungangonakidzwa nekutamba mutambo wenyaya iri muna 1 Nifai 3:2–7. Pamwe unokwanisa kunyepedzera kuva Rihai wokumbira vana vako kuti vadzokere kuJerusarema kunotora mahwendefa endarira. Vakoke kuti vapindure mumashoko avo pachavo sokunge vaiva Ramani naRemueri kana Nifai. Ndezvipi zvimwe zvinhu Mwari zvavakatiraira kuti tiite? (ona mifananidzo 103–15 iri muBhuku reMifananidzo yeVhangeri kana Mosaya 18:8–10 kuti uwane mazano). Tingakwanisa sei kuva saNifai?

1 Nifai 3:19–22; 5:19–22

Magwaro matsvene ipfuma huru.

  • Magwaro matsvene aiva akakosha zvikuru kumhuri yaRihai. Kuratidza izvi, unokwanisa kukoka vana vako kuti vakubatsire kutaura kana kutamba mutambo wezvakaitwa naNifai nemadzikoma ake kuti vatore mahwendefa endarira: vakafamba nhambwe refu, vakasiya goridhe nesirivha ravo, uye vakavanda mubako kuti vaponese upenyu hwavo. Zvino unokwanisa kuverenga 1 NIfai 5:21 uye wotaura pamusoro pekuti sei magwaro matsvene aiva akakosha zvakadaro kumhuri yaRihai. Sei akakosha kwatiri? Tingakwanisa sei kubata magwaro matsvene sepfuma?

Mufananidzo
Nifai nemhuri yake vachinzvera mahwendefa

Nifai nemhuri yake vaikoshesa magwaro matsvene.

1 Nifai 4:6

Mweya Mutsvene uchanditungamirira apo pandinotsvaka kuita chido chaIshe.

  • Mushure mekuongorora pamwechete muna 1 Nifai 3 maedzero akaita Nifai nemadzikoma ake kutora mahwendefa endarira, verenga nevana vako 1 Nifai 4:6 kuti muwane izvo zvakaitwa naNifai zvakamubvumira kuzobudirira pokupedzisira. Zvino vana vako vanokwanisa kunyora mudorongodzwa wezvinhu izvo Mwari zvavanoda kuti vaite. Mweya Mutsvene unokwanisa sei kutibatsira mumamiriro ezvinhu aya?

Mufananidzo
Nifai akamira pedyo naRabani akadhakwa

I Did Obey the Voice of the Spirit [Ndakateerera kuInzwi reMweya], naWalter Rane