Huyai, Munditevere 2024
Ndira 15–21: “Huyai uye Mudye Muchero.” 1 Nifai 6–10


“Ndira 15–21: ‘Huyai uye Mudye Muchero.’ 1 Nifai 6–10,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Ndira 15–21. 1 Nifai 6–10,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Chiratidzo chaRihai chemuti weupenyu

Lehiʼs Dream [Chiroto chaRihai], naSteven Lioyd Neal

Ndira 15–21: “Huyai uye Mudye Muchero”

1 Nifai 6–10

Chiroto chaRihai—nedanda resimbi, mhute dzerima, chivako chakapamhamha, uye muti une muchero “unotapira zvikurusa” zvacho—kukoka kunokurudzira kwekutambira maropafadzo erudo norudzikinuro rwekuzvipira zveMuponesi. Kuna Rihai, zvisinei, chiratidzo ichi chaivawo pamusoro pemhuri yake “Nokuda kwechinhu icho chandaona, ndine chikonzero chekufara muna Ishe nokuda kwaNifai uyewo nokwaSemu. … Asi tarisai, Ramani naRemueri, ndinotya zvikurusa nokuda kwenyu” (1 Nifai 8:3–4). Apo Rihai paakapedza kutsanangura chiratidzo chake, akateterera kuna Ramani naRemueri kuti “vaterere kumashoko ake, kuti zvimwe Ishe vangazovaitira ngoni” (1 Nifai 8:37). Kunyangwe kana dai wakanzvera chiratidzo chaRihai nguva zhinji, nguva ino funga pamusoro pacho nenzira yakaita Rihai—funga nezvemumwe munhu waunoda. Apo paunodaro, ruchengeteko rwedanda resimbi, njodzi dzechivako chakapamhama, uye kutapira kwemuchero zvinozonzwisiswa nenzira yakasiyana uye yakakosha. Uye unozonzwisisa zvakanyanya kudzama “manzwiro ose omubereki munyoro” uyo akatambira chiratidzo chinoshamisa ichi.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

1 Nifai 7:6–21

Ndinokwanisa kuregerera vamwe.

Chii chinokufadza pamusoro pemuenzaniso waNifai muna 1 Nifai 7:6–21? Tinoropafadzwa sei apo “patinoregererana zvechokwadi”? ­

1 Nifai 8

Kubatirira zvakasimba kushoko raMwari kunonditungamirira kuMuponesi uye kunondibatsira kunzwa rudo Rwake.

Chiratidzo chaRihai chinopa kokero yokufungisisa pamusoro pepauri murwendo rwako pachako rwokuva saKristu. Mutungamiri Boyd K. Packer vakati: “Uri machiri; tose tiri machiri. Chiroto chaRihai kana chiratidzo chedanda resimbi chine machiri zvinhu zvose … izvo Mutendi waMazuva Ekupedzisira zvaanoda kuti anzwisise muyedzo weupenyu” (“Lehi’s Dream and You,” New Era, Ndira. 2015, 2).

Apo paunonzvera, funga pamusoro pokuzadzisa chati rakaita serino iri.

Mufananidzo kubva kuchiratidzo chaRihai

Zvaunoreva

Mibvunzo yekufungisisa

Mufananidzo kubva kuchiratidzo chaRihai

Muti nemuchero wawo (1 Nifai 8:10–12)

Zvaunoreva

Mibvunzo yekufungisisa

Chii chandiri kuita kuti ndikoke vamwe kuti vadye parudo rwaMwari?

Mufananidzo kubva kuchiratidzo chaRihai

Rwizi (1 Nifai 8:13)

Zvaunoreva

Mibvunzo yekufungisisa

Mufananidzo kubva kuchiratidzo chaRihai

Danda resimbi (1 Nifai 8:19–20, 30)

Zvaunoreva

Mibvunzo yekufungisisa

Mufananidzo kubva kuchiratidzo chaRihai

Mhute yerima (1 Nifai 8:23)

Zvaunoreva

Mibvunzo yekufungisisa

Mufananidzo kubva kuchiratidzo chaRihai

Chivako chikuru uye chakapamhamha (1 Nifai 8:26–27, 33)

Zvaunoreva

Mibvunzo yekufungisisa

Unokwanisawo kutsvagurudza ndima dzinotevera kuti udzidze pamusoro pemapoka mana avanhu avo Rihai vaakaona: 1 Nifai 8:21–23, 24–28, 30, uye 31–33. Ndeipi misiyano yaunocherechedza pakati pamapoka aya? Sei vamwe vanhu vakabva mushure mokunge vasvika kumuti uye varavira muchero (ona ndima 24–28)? Chii chaunodzidza kubva pachiitiko ichi?

­

Kuti uwane chiitiko chinokubatsira kudzidza pamusoro pechiratidzo chaLehi, dzvanya pano.

Ita kuti vadzidzi vagoverane izvo zvavanowana ivo pachavo. Funga pamusoro pokukoka vadzidzi kuti vatsvagurudze mumagwaro matsvene vari voga zvokwadi zvavanowana. Somuenzaniso, unokwanisa kuvakoka kuti vatsvagurudze majerero emagwaro matsvene ari muchati vari voga kana kuti vari mumapoka madiki. Vanozorangarira nokukoshesa zvokwadi zvavanowana.

Mufananidzo
vanhu vakabata danda resimbi rinotungamirira kumuti woupenyu

Common Thread [Mafungiro Akafanana], naKesley naJesse Barrett

1 Nifai 10:2–16

Vaporofita vakare vaiziva pamusoro pebasa raJesu Kristu uye vakapupura neZvake.

Sei uchifunga kuti Ishe vanozoda mhuri yaRihai—uye nesu tose—kuti tizive zvokwadi zvinowanikwa muna 1 Nifai 10:2–16? Funga pamusoro pamabatsiriro aungaita vadikanwi vako kukoka Muponesi muupenyu hwavo.

1 Nifai 10:17–19

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Mwari vanozozarura chokwadi kwandiri kuburikidza nesimba reMweya Mutsvene.

Unopindura sei apo paunokumbirwa kurarama musimboti wevhangeri wausinganzwisisi? Mumagwaro matsvene anotevera, cherechedza misiyano iri pakati pemadaviriro akaita Nifai kuchiratidzo chaRihai (ona 1 Nifai 10:17–19; 11:1) uye daviro yaRamani naRemueri (ona 1 Nifai 15:1–10). Ndezvipi zvokwadi izvo Nifai zvaakanzwisisa zvakamutungamirira kuti adavire sezvaakaita?

Nemuenzaniso waNifai mupfungwa, ita mudorongodzwa wemisimboti yevhangeri yaunozoda kunzwisisa zviri nani. Chii chaunokwanisa kuita kuti uzviwanire mhinduro iwe pachako? ­

Sokuzvizivira kwakaita Nifai kuti mashoko ababa vake aiva echokwadi, tinokwanisa kuita zvimwechetezvo apo patinonzwa mashoko avaporofita nevaapositora. Chii chatakadzidziswa navaporofita navaapositora mumusangano mukuru uchangopfuura? Wakawana sei uchapupu hwako pachako hweizvo zvavakadzidzisa?

Onawo 1 Nifai 2:11–19; Dzidziso neZvibvumirano 8:1–3 Misoro yeNyaya yeVhangeri “Zvakazarurwa,” Raibhurari yeVhangeri.

­

Mazano eKudzidzisa Vana

1 Nifai 8

Kubatirira zvakasimba kushoko raMwari kunonditungamirira kwaVari uye kunondibatsira kunzwa rudo Rwavo.

  • Vana vako vangangonakidzwa nekudhirowa mufananidzo wechiratidzo chaRihai apo pamunoverenga 1 Nifai 8 pamwechete. Ita kuti vagoverane mifananidzo yavo, uye vabatsire kuziva kuti zviratidzo zviri muchiroto zvinomiririra chii (ona 1 Nifai 11:21–22; 12:16–18; 15:23–33, 36 uye peji yechiitwa yevhiki ino). Vakumbire kugoverana mhinduro zhinji dzose dzavanokwanisa kumubvunzo uyu: Chii chatinodzidza kubva kuchiratidzo chaRihai?

  • Une chimwe chinhu here chinokwanisa kumiririra danda resimbi riri muchiratidzo chaRihai, sezvakaita pombi kana rutanda? Ita kuti vana vabatirire parwuri apo paunenge uchivatungamirira muchitenderera mumupanda muchienda kumufananidzo weMuponesi. Sei danda resimbi rakakosha muchiratidzo chaRihai? (Ona 1 Nifai 8:20, 24, 30). Danda resimbi rakafanana sei neshoko raMwari?

  • Koka vamwe vevana vako kuverenga 1 Nifai 8:10–12 uye kutsanangura izvo Rihai zvaakaona. Kumbira vamwe kuverenga 1 Nifai 11:20–23 uye votsanangura izvo Nifai zvaakaona. Sei ngirozi yakaratidza Nifai mwana Jesu kumudzidzisa pamusoro perudo rwaMwari? Taura nevana vako pamusoro pamanzwiro avakaita rudo rwaMwari muupenyu hwavo. ­

1 Nifai 10:17–19; 11:1

Mwari vanozozarura chokwadi kwandiri kuburikidza nesimba reMweya Mutsvene.

  • Ungabatsire sei vana vako kuti vanzwisise izvo Nifai zvaakadzidzisa muna 1 Nifai 10:19? Pamwe unokwanisa kupetera mufananidzo weMuponesi kana chimwe chinhu chakakosha mukati mejira uye wokoka vana vako kuupetenura. Apo paunoverenga 1 Nifai 10:19, vanokwanisa kusimudza maoko avo apo pavanonzwa mashoko okuti “zvakapetenurwa” uye “Mweya Mutsvene.” Zvino unokwanisa kugovera chiitiko apo Mweya Mutsvene pawakakubatsira kuziva chokwadi.

  • Kumbira vana vako kuti vataure pamusoro pezvavanoita kuti vawane mhinduro kumibvunzo. Chii chingataurwa naNifai kana mumwe munhu akamubvunza mawaniro okuita mhinduro kumubvunzo pamusoro pevhangeri? Kurudzira vana kuti vazviwane kuburikidza nokuverenga 1 Nifai 10:17–19; 11:1.

  • Vana vako vakambonzwa here kuti Mweya Mutsvene wakavabatsira kuziva kuti chimwe chinhu chaiva chechokwadi? Ita kuti vagoverane chiitiko chavo. Chii chatingataura kushamwari inofunga kuti haikwanisi kugamuchira mhinduro kuburikidza neMweya Mutsvene? Chii chatinowana muna 1 Nifai 10:17–19 uye 11:1 chinokwanisa kubatsira shamwari iyoyo?

­

Mufananidzo
Chiratidzo chaRihai

The Tree of Life, [Muti weUpenyu], naAvon Oakeson