Huyai, Munditevere 2024
Ndira 29–Kukadzi 4: “Ndinozokugadzirirai Nzira mberi Kwenyu.” 1 Nifai 16–22


Ndira 29–Kukadzi 4: ‘Ndinozokugadzirirai Nzira mberi Kwenyu.’ 1 Nifai 16–22,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Ndira 29–Kukadzi 4. 1 Nifai 16–22,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
vanhu vachiongorora Riahona

Ndira 29–Kukadzi 4: “Ndinozokugadzirirai Nzira mberi Kwenyu”

1 Nifai 16–22

Apo mhuri yaRihai payaifamba murwendo yakananga kunyika yechipikirwa, Ishe vakaita vimbiso iyi kwavari: “Ndinozokugadzirirai nzira mberi kwenyu, kana zvirizvo kuti imi muchachengeta mirairo yangu” (1 Nifai 17:13). Zviri pachena, kuti vimbiso iyoyo yaisareva kuti rwendo rwacho rwaizova nyore—nhengo dzemhuri dzaisabvumirana, uta hwakatyoka, vanhu vakatambura uye vakafa, uyezve vaifanira kuvaka ngarava kubva muzvinhu zvokushandisa zvavainotsvaka. Zvisinei, apo mhuri iyi payaitarisana nematambudziko kana mabasa airatidzika sokunge asingakwanisiki, Nifai aiziva kuti Ishe vaisambova vari kure. Aiziva kuti Mwari “vanoriritira [vatendi], nokuvasimbisa, uye nokupa nzira iyo kuburikidza nayo vaizokwanisa kubudirira pazvinhu izvo zvavakavaraira” (1 Nifai 17:3). Kana uchimboshamisika kuti sei zvinhu zvakaipa zvichiitika kuvanhu vakanaka saNifai nemhuri yake, unogona kuwana nzwisiso muzvitsauko izvi. Asi pamwe zvinonyanya kukosha, unozoona izvo vanhu vakanaka zvavanoita apo zvinhu zvakaipa pazvinoitika.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

1 Nifai 16–18

Muponesi anozondibatsira kutarisana nezvinetso zveupenyu.

Mhuri yaNifai yakatarisana nezvimwe zvinetso zvakaoma—sezvatinoita isu tose. Chii chaunokwanisa kudzidza kubva kuna Nifai pamusoro pokutarisana nematambudziko uine rutendo muna Jesu Kristu? Verenga pamusoro pezviitiko zvake muna 1 Nifai 16:17–32; 16:34–39; 17:7–16; 18:1–4; uye 18:9–22. Funga pamusoro pokunyora pasi izvo zvaunowana pasi pemisoro yenyaya yakaita seinoti: “Chinetso,” “Madaviriro Akaita Nifai,” uye “Mabatsiriro Akaita Ishe.” Chii chaunodzidza icho chaunokwanisa kushandisa kuzvinetso zvaunotarisana nazvo?

Mushure mokudzidza kubva kuna Nifai nemhuri yake, ungangonyora dzimwe pfungwa pazasi pemisoro yenyaya iyi: “Zvinetso Zvangu,” “Ndinozodavira Sei,” uye “Mabatsiriro Ishe aVanokwanisa Kundiita.” Apo paunodaro, unokwanisa kuverenga zvinyorwa zvitsvene zvakaita seizvi: Mateo 11:28–30; Johane 14:26–27; Mosaya 24:13–15. ­ ­

1 Nifai 16:10–16, 23–31; 18:11–22

Mwari vanonditungamirira kuburikidza nenzira duku uye dzakareruka.

Apo Mwari pavakatungamirira mhuri yaRihai kuenda murenje, Havana kuvapa mepu yairatidza ruzivo rwese rwerwendo rwacho. Panokudaro, Vakavapa Riahona kuvatungamirira zuva nezuva. Paunoverenga 1 Nifai 16:10–16, 23–31, uye 18:10–22, funga pamusoro pokuita mudorongodzwa wezvokwadi zvinoratidza matungamiriro anoita Mwari vana Vavo (semuenzaniso, 1 Nifai 16:10 inokwanisa kutidzidzisa kuti dzimwe nguva Mwari vanotitungamirira nenzira dzisingatarisirwi). Ndedzipi fanano dzaunoona pakati peRiahona uye neMweya Mutsvene? Ndedzipi “nzira duku” idzo dzaVakaunza nadzo “zvinhu zvikuru” muupenyu hwako?

Onawo Aruma 37:7, 38–47; Dzidziso neZvibvumirano 64:33–34.

Mufananidzo
Rihai achishandisa Riahona

If Ye Are Prepared Ye Shall Not Fear (Kana Makagadzirira Hamuzotyi), naClark Kelley Price

1 Nifai 17:1–6, 17–22

Zviedzo zvangu zvinokwanisa kuva ropafadzo.

Kunyangwe zvazvo Nifai namadzikoma ake vakanga vaine zviedzo zvimwechetezvo murenje, zviitiko zvavo zvaiva zvakasiyana. Unokwanisa kusiyanisa tsananguro yaNifai yokufamba murenje (ona 1 Nifai 17:1–6) netsananguro yemadzikoma ake (ona 1 Nifai 17:17–22). Chii chaizivikanwa kana chakaitwa naNifai icho chakamubatsira kuva namaonero akatendeka? Funga kunyora pamusoro pechiedzo chichangoitika kana chirikuitika iyezvino uine maonero erutendo neruvongo. Chii chaunonzwa kana kudzidza kubva kune izvi?

Nguva yokufungisisa chinyararire. Kutora nguva yokufunga, kufungisisa, kufunga zvakadzama, kana kunyora kunokwanisa kutungamirira kukurudziro. Kunokwanisa kutibatsira kuona kuti dzidziso kana misimboti zvevhangeri zvinoenderana sei neupenyu hwedu. Apo paunodzidzisa vamwe, vape nguva yokufunga zvakadzama uye nokunyora manzwiro avo. Izvi zvinokwanisa kuwedzera chido chavo chokugovera pfungwa dzavo nemanzwiro avo navamwe.

1 Nifai 19:22–24; 20–22

Ndinokwanisa “kufananidza magwaro matsvene ose” kwandiri.

Nokuda kwokuti magwaro matsvene akanyorwa kare kare, zvingangoratidzika sokuti haana chekuita nesu nhasi. Asi Nifai aiziva zvirinani. “Ndakafananidza magwaro matsvene ose kwatiri,” akadaro, “kuitira kuti zvigova pundutso nedzidzo yedu” (1 Nifai 19:23). Ichi ndicho chimwe chikonzero Nifai chaakawana simba rezvepamweya rakawanda kudaro mumagwaro matsvene.

Funga pamusoro pemibvunzo yakaita seinotevera apo paunoverenga 1 Nifai 20–22:

1 Nifai 20:1–9.Ndima idzi dzinotidzidzisa chii pamusoro pevanhu munguva yaIsaya? Chii chaunowana chinoshanda kwauri?

1 Nifai 20:17–22.Ndima idzi dzinotidzidzisa chii pamusoro pokuti Baba Vokudenga vakatungamirira sei vanhu vomunguva yaIsaya? Vanokukoka sei kuVatevera?

Chii chimwe chaunowana muna 1 Nifai 20–22 icho chaunokwanisa “kufananidza” kwauri pachako?

Mazano eKudzidzisa Vana

1 Nifai 16:10, 28– 29; 18:8–13, 20–22

Apo pandinochengeta mirairo, Ishe vanozonditungamira.

  • Kana uine kambasi, mepu, kana chimwe chinhu chinotibatsira kuwana nzira yedu, unokwanisa kuchiratidza kuvana vako. Izvi zvinokwanisa kuva nzira yakanaka yokutanga hurukuro pamusoro peRiahona, iyo yaunokwanisa kuverenga pamusoro payo muna 1 Nifai 16:10, 28–29. Ndezvipi zvimwe zvikonzero kambasi kana mepu ingangotadza kushanda? Sei dzimwe nguva Riahona yaiva isingashandi kumhuri yaRihai (ona 1Nifai 18:9–12, 20–22). Chii icho Baba Vokudenga chavakatipa nhasi kutitungamirira kudzokera kwaVari?

  • Kuti ubatsire vana vako kushandisa izvo zvavanodzidza pamusoro peRiahona muna 1 Nifai 16:10, 26–31, 18:8–22, unokwanisa kuvakoka kufunga pamusoro pesarudzo yakakosha kana yakaoma. Chii icho Mwari chavakatipa kutitungamirira nhasi icho chinoshanda seRiahona? (Ona, semuenzaniso, Aruma 37:38–44.) Funga pamusoro pokugovera chiitiko chako pachako umo Baba Vokudenga mavakakutungamirira.

1 Nifai 16:21–32

Ndinokwanisa kuva muenzaniso wakanaka kumhuri yangu.

  • Apo pamunoverenga 1 Nifai 16:21–32 pamwechete, batsira vana vako kuziva kuti muenzaniso waNifai wakaropafadza sei mhuri yake. Izvi zvinokwanisa kutungamira kuhurukuro pamusoro pokuti tingava saNifai sei. Koka vana vako kuronga chimwe chinhu chavanokwanisa kuita kuti vave hurudziro yakanaka pane dzimwe nhengo dzemhuri.

1 Nifai 17:7–19; 18:1–4

Baba Vokudenga vanokwanisa kundibatsira kuita zvinhu zvakaoma.

  • Vana vanofarira kutaura nyaya. Unokwanisa kuvakoka kuti vakubatsire kutaura nyaya yaNifai achirairwa kuvaka chikepe (ona 1 Nifai 17:7–19; 18:1–4; onawo “Chitsauko 7: Kuvaka Ngarava,” muNyaya dzeBhuku raMormoni, 21–22 [Raibhurari yeVhangeri]. ­ Chii chakabatsira Nifai kuti ave neushingi apo madzikoma ake paakamunyomba nokuda kwekuedza kwake kuvaka chikepe?

  • Nifai akanga asingazive mavakiro okuita ngarava, saka akavimba nemurairidzo waibva kuna Ishe. Mushure mokuverenga 1 Nifai 18:1 newe, vana vako vanokwanisa kuzadzisa peji yechiitwa chevhiki ino. Apo pavanoita kudaro, taura navo pamusoro pokuti Baba Vokudenga vanokwanisa kutibatsira sei kuita zvinhu zvakaoma, sokubatsira kwaVakaita Nifai.

Mufananidzo
Nifai nemhuri yake vari muchikepe

They Did Treat Me with Much Harshness [Vakandibata neUkasha Hwakaipisisa], naWalter Rane