Huyai, Munditevere 2024
Kukadzi 5–11: “Takasununguka kuSarudza Rusununguko uye Upenyu Hwokusingaperi, kuburikidza noMurevereri Mukuru.” 2 Nifai 1–2


“Kukadzi 5–11: ʻTakasununguka kuSarudza Rusununguko uye Upenyu Hwokusingaperi, kuburikidza noMurevereri Mukuru.ʼ 2 Nifai 1–2,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Kukadzi 5–11. 2 Nifai 1–2,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Adama naEva vachibuda muMubindu reEdeni

Adam and Eve [Adama naEva], naDouglas Fryer

Kukadzi 5–11: “Takasununguka kuSarudza Rusununguko uye Upenyu Hwokusingaperi, kuburikidza noMurevereri Mukuru”

2 Nifai 1–2

Dai waiziva kuti upenyu hwako hwava kusvika kumagumo, ndeapi mashoko ekupedzisira aungada kugovera kune avo vaunoda zvikurusa? Apo muporofita Rihai paakanzwa kuti akanga avakusvika pedyo nemagumo eupenyu hwake, akaunganidza mhuri yake pamwechete kekupedzisira. Akagoverana navo izvo Baba Vokudenga zvavakanga varatidza kwaari. Akapa uchapupu hwake hwaMesiasi. Akadzidzisa zvokwadi zvevhangeri izvo zvaaikoshesa kuvanhu vaaikoshesa. Akataura pamusoro perusununguko, kuteerera, Kuputsika kwaAdama naEva, rudzikinuro kuburikidza naJesu Kristu, uye nemufaro. Havasi vose vana vake vakasarudza kurarama nezvaakadzidzisa—hapana mumwe wedu anokwanisa kuitira vadikanwi vedu sarudzo idzi. Asi tinokwanisa kudzidzisa nekupa uchapupu hweMununuri, uyo anotiita kuti tive “takasununguka kusarudza rusununguko uye upenyu hwokusingaperi” (ona 2 Nifai 2:26–27).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

2 Nifai 1:13–29

Ndinokwanisa “kumuka! uye kusimuka kubva muguruva.”

Muna 2 Nifai 1:13–29, cherechedza mashoko akashandiswa naRihai kutsanangura mamiriro ezvepamweya aRamani naRemueri. Chii chinokubatsira kumuka kubva “muhope dzakadzama” dzezvemweya? Chii chinokubatsira kubvisa “ngetani” dzezvepamweya muupenyu hwako? Funga pamusoro peuchapupu hwaRihai mundima 15 uye kukoka kwake mundima 23. Ishoko ripi iro Baba Vokudenga ravainaro kwauri mundima idzi?

Shandisa zvinhu zvinooneka. Kushandisa zvinhu zvinooneka kunozobatsira vadzidzi kunzwisisa zvokwadi zvevhangeri uye kuzvirangarira kwenguva refu. Apo paunogadzirira kudzidzisa kubva muchidzidzo chino, funga pamusoro pekuti ndezvipi zvinhu zvinooneka zvaungakwanisa kushandisa. Semuyenzaniso, pamwe ngetani yemapepa inokwanisa kubatsira vadzidzi kunzwisisa mashoko aRihai muna 2 Nifai 1:13 kana 2 Nifai 2:27.

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

2 Nifai 2

Nokuda kwaJesu Kristu, ndakasununguka kusarudza rusununguko uye upenyu hwokusingaperi.

Mhuri yaRihai zvino yakanga yava munyika itsva, yaiva izere nemikana mitsva. Sarudzo dzavakaita munzvimbo itsva iyi dzaizova dzakakosha pakubudirira kwavo uye pamufaro wavo. Zvimwe ichi ndicho chikonzero chaita kuti Rihai adzidzise mwanakomana wake Jakobo pamusoro pekwaniso yokuzvisarudzira, kana kwaniso yokuita sarudzo, muna 2 Nifai 2. Apo paunonzvera ndima 11–30, nyora pasi mhinduro dzinobvira kumibvunzo iyi:

  • Sei kwaniso yokuzvisarudzira yakakosha zvikuru kuna Baba Vokudenga, kunyangwe zvazvo vamwe vanhu vachiishandisa nenzira dzine utsinye?

  • Muvengi anoedza sei kunetesa kana kuparadza kwaniso yokuzvisarudzira yako?

  • Ishe vanokubatsira sei “kusarudza rusununguko uye upenyu hwokusingaperi” (ndima 27)?

Heino imwe nzira yekudzidza pamusoro pekwaniso yokuzvisarudzira muna 2 Nifai 2: Tsvaka zvinhu zvakakosha kwatiri kuitira kuti tive nekwaniso yokuzvisarudzira uye kuitira kuti tigosvika pakwaniso yedu yehumwari. Semuenzaniso:

Chii chinozoitika kukwaniso yedu yokuzvisarudzira kana chimwechete kana zvakawanda zvezvinhu izvi zvikange zvisipo?

Ona Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Kwaniso Yekuzvisarudzira uye Kuzvidavirira,” Raibhurari yeVhangeri

2 Nifai 2:1–4, 6–25

Mwari vanokwanisa kushandura miedzo yangu kuita maropafadzo.

Rihai aiziva kuti mwanakomana wake muduku Jakobo akanga atambura “matambudziko” uye “rusuwo rukuru” muhuduku hwakwe (2 Nifai 2:1). Sei uchifunga kuti uchapupu hwaRihai muna 2 Nifai 2:1–3, 6–25 hwaizova hwakakosha kuna Jakobo? Sei hwakakosha kwauri? Tsvaga mashoko nendevo zvaunowana zvakanyanya kusimba. Mwari vakakumikidza sei matambudziko ako kuitira pundutso yako? (Ona 2 Nifai 2:2.)

Onawo VaRoma 8:28.

2 Nifai 2:15–29

Kuputsika uye Rudzikinuro rwaJesu Kristu zvikamu zvakakosha muchirongwa chaBaba Vokudenga.

Vanhu vazhinji vanotenda kuti Kuputsika kwaiva njodzi chete uye kuti Eva naAdama vakaita chikanganiso chisingagumi apo pavakasarudza kudya muchero. Muna 2 Nifai 2:15–28, Rihai anodzidzisa chimwe chokwadi pamusoro peKuputsika—uye pamusoro perudzikinuro kuburikidza naKristu. Apo paunotsvakurudza ndima idzi, ita mudorongodzwa wezvokwadi pamusoro peizvo zvakaitika mubindu reEdeni. Mibvunzo yakaita seiyi inokwanisa kubatsira:

  • Sei Kuputsika kwaidikanwa?

  • Ibasa ripi rakaitwa naJesu Kristu mukukunda mhedzisiro dzeKuputsika?

  • Kunzwisisa Kuputsika nemazvo kunotibatsira sei kunzwisisa zvirinani kuda kwedu Jesu Kristu?

Mufananidzo
Jesu Kristu

Let Not Your Heart Be Troubled [Mwoyo Wako Ngaurege Kutambudzika], naHoward Lyon

Mazano eKudzidzisa Vana

2 Nifai 1:13, 15, 23

Jesu Kristu anondibatsira kukunda mhedzisiro dzezvivi.

  • Kubatsira vana vako kunzwisisa kukoka kwaRihai “kuzunza ngetani” dzechivi, pamwe munokwanisa kushanda pamwechete kugadzira ngetani kubva pazvidimbu zvemapepa. Pazvidimbu izvozvo, vana vako vanokwanisa kukubatsira kunyora zvimwe zvinhu izvo Satani zvaanotiedza kuti tiite. Zvino munokwanisa kuverenga pamwechete 2 Nifai 1:13, 15, 23 apo pavanenge vachiita mutambo wedzimwe dzendevo dziri mundima idzi—kusanganisira kuzunza ngetani yebepa. Chivi chakafanana sei nengetani? Jesu anotibatsira sei “kuzunza ngetani” dzechivi?

2 Nifai 1:20

Ndinoropafadzwa apo pandinoteerera mirairo yaMwari.

  • Zvingazobatsira vana vako here kuenzanisa mirairo yaMwari kushangu, ngowani, magirovhisi, kana kuti zvimwe zvinhu zvinotidzivirira? Pamwe ungakwanisa kuvaita kuti vapfeke zvimwe zvacho apo paunotaura pamusoro pekuti mirairo inotidzivirira sei. Zvino unokwanisa kuverenga 2 Nifai 1:20, uchisimbisa kuti “tinobudirira” (tinoropafadzwa kana kuchengetedzwa) apo patinochengeta mirairo. Govera chiitiko cheapo pawakaropafadzwa kana kuchengetedzwa kuburikidza nokutevera mirairo.

  • Kuratidza musiyano uripo pakati pekubudirira uye nekubviswa pana Mwari (ona 2 Nifai 1:20), iwe nevana vako munokwanisa kutarisa chimerwa chine utano hwakanaka uye shizha kana bazi rakadimburwa kubva pachimerwa chacho. Zvino vana vako vanokwanisa kuwongorora sarudzo idzo dzakaitwa naNifai nemadzikoma ake (ona 1 Nifai 2:11–16; 3:5–7; 18:9–11). Chii chaiva mhedzisiro yesarudzo idzi? Isarudzo dzipi dzinotibatsira kuramba takabatanidzwa kuna Mwari?

1 Nifai 2:11, 16, 27

Mwari vakandipa rusununguko rwekusarudza.

  • Kubatsira vana vako kunzwisisa izvo zvakadzidziswa naRihai pamusoro pepikiso uye nokuita sarudzo, munokwanisa kutamba mutambo umo maunotaura shoko (rakaita sokuti chiedza) uye vana vako votaura pikiso yaro (rima). Vabatsire kudzidza kuti sei pikiso dziri chikamu chechirongwa chaMwari apo pamunoverenga pamwechete 2 Nifai 2:11, 16. Zvino unokwanisa kugovera nyaya pamusoro pemwana anoedzwa kuti aite sarudzo isina kururama. Vana vako vanokwanisa kugovera kuti pikiso yesarudzo isina kururama chii uye voitamba mumutambo.

  • Kuti vadzidze nezve musiyano uripo pakati “perusununguko” “neutapwa” (2 Nifai 2:27), vana vako vanokwanisa kudhirowa mifananidzo yemhuka iri mukeji nemhuka iri munzvimbo yayo yechisikirwo. Imhuka ipi yakasununguka? Koka vana kuti vanongedze pamufananidzo kwawo apo paunoverenga shoko rekuti “sununguka” muna 2 Nifai 2:27. Pupura kuti Jesu Kristu anotisunungura.

  • Imbai pamwechete rumbo serwokuti “Ita Zvakanaka” (Nziyo nedzeVana Vadiki, nhamba 239). Chii chatinodzidza kubva murumbo rwacho pamusoro pokuita sarudzo?

Mufananidzo
Mhuri yaRihai yakapfugama pamahombekombe egungwa.

Lehi and His People Arrive in the New World [Rihai neVanhu Vake Vanosvika Munyika Itsva], naClark Kelley Price