Huyai, Munditevere 2024
Kukadzi 19–25: “O Chikuru Sei Chirongwa chaMwari Vedu.” 2 Nifai 6–10


“Kukadzi 19–25: ‘O Chikuru Sei Chirongwa chaMwari Vedu.’ 2 Nifai 6–10,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Kukadzi 19–25. 2 Nifai 6–10,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Jesu achinamata muGetsemani

Not My Will, but Thine, Be Done [Kwete Chido Changu, asi Chenyu, Ngachiitwe], naHarry Anderson

Kukadzi 19–25: “O Chikuru Sei Chirongwa chaMwari Vedu”

2 Nifai 6–10

Kwakanga kwapfuura makore angangosvika makumi mana kubva apo mhuri yaRihai payaiva yabuda muJerusarema. Vaiva vari munyika itsva yavaiva vasingazivi, kure zvikurusa kubva kuJerusarema. Rihai akanga afa, uye mhuri yake yakanga yatotanga iro raizova gakava remazana amakore pakati pavaNifai—“avo vaitenda muyambiro nezvakazarurwa zvaMwari”—uye navaRamani, avo vaiva vasingatendi (2 Nifai 5:6). Jakobo, uyo aiva munun’una waNifai uye iyezvino aiva agadzwa semudzidzisi wavaNifai, aida kuti vanhu vechibvumirano vazive kuti Mwari havaizombofa vakavakanganwa, saka vaiva vasingafaniri kumbo Vakanganwa. Shoko iri zvirokwazvo tinorida nhasi (ona Dzidziso neZvibvumirano 1:15–16). “Ngativarangarirei … nokuti hatina kurashwa. … Dzakakura vimbiso dzaIshe,” Jakobo akataura pachena (2 Nifai 10:20–21). Pakati pevimbiso idzodzo, hapana yakakura kupfuura vimbiso “yerudzikinuro rusina mugumo” rwokukunda rufu negehena (2 Nifai 9:7). “Naizvozvo,” Jakobo akagumisa nokuti, “farai mumwoyo yenyu”! (2 Nifai 10:23).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

2 Nifai 6–8

Ishe vane ngoni kuvanhu Vavo uye vanozozadzikisa zvibvumirano Zvavo.

Kuti abatsire vanhu vake kunzwisisa kuti vaiva chikamu cheimba yaIsraeri uye kuti vaikwanisa kuvimba naMwari nevimbiso Dzavo, Jakobo akatapa huporofita hwaIsaya, uhwo hwakanyorwa muna 2 Nifai 6–8. Shoko iroro nderakowo, nokuda kwokuti Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vari chikamuwo chevanhu vechibvumirano vaMwari. Apo paunoverenga zvitsauko izvi, funga pamusoro pemibvunzo yakaita seinotevera:

  • Chii chandinodzidza pamusoro perudo rwerununuro rweMuponesi kwandiri? Ndeapi mashoko kana ndevo dzinotsanangura rudo zvakanyanya kunaka?

  • Chii icho Muponesi chaanopa kuvanhu vanoMutsvaka?

  • Chii chandinokwanisa kuita kuti “ndimirire” Muponesi nemaropafadzo akavimbiswa Ake ndiine rutendo rwakanyanya kukura?

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

2 Nifai 9:1–26

Jesu Kristu anondiponesa kubva muchivi uye rufu.

Imwe nzira yokutidzamisa ruvongo rwedu naJesu Kristu ndeyokufunga pamusoro peizvo zvingadai zvakaitika kwatiri pasina Iye. Apo paunoverenga 2 Nifai 9:1–26, funga pamusoro pokudorongodza kana kumaka muruvara rumwechete izvo zvinozoitika kwatiri pasina Rudzikinuro rwaJesu Kristu. Zvino, nerumwe ruvara, unokwanisa kudoma izvo zvatinokwanisa kugamuchira kuburikidza neRudzikinuro rweMuponesi. Maererano nezvaunoverenga, ungazotsanangura sei kuti sei tichida Rudzikinuro rwaJesu Kristu? Ndezvipi zvawawana izvo zvinokukurudzira kuti urumbidze “ungwaru hwaMwari, ngoni nenyasha dzavo”? (2 Nifai 9:8).

Pamusoro pokudzidzisa izvo Jesu Kristu zvaakatiponesa kubva kwazviri, Jakobo akapawo nzwisiso pamusoro pokuti Akazviita sei. Funga pamusoro pekunyora pasi izvo zvaunowana muna 2 Nifai 9:11–15, 20–24.

Jakobo akashamiswa zvikurusa nechirongwa chaMwari cherununuro zvokuti akadaidzira kuti: “O Chikuru Sei Chirongwa chaMwari.” Tsvaka daidziro dzake muna 2 Nifai 9 (zhinji dzacho dzinowanikwa mundima 8–20). Chii chaunodzidza kubva mundima idzi pamusoro pechirongwa chaMwari? Ndezvipi zviitiko zvakakubatsira kunzwa zvimwe zveizvo Jakobo zvaakanzwa? Sechikamu chokunamata nokunzvera kwako, funga pamusoro pokutsvaka rwiyo urwo rungangotaura manzwiro aunoita pamusoro paVo.

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri , “Rudzikinuro rwaJesu Kristu,” Raibhurari yeVhangeri.

2 Nifai 9:7

Rudzikinuro rweMuponesi haruna mugumo.

Chii chaunokwanisa kuita kuti unzwisise zvirinani “rudzikinuro rusina mugumo” rwaJesu Kristu? (2 Nifai 9:7). Pamwe unokwanisa kutarisa pazvinhu izvo zvinoratidzika sezvisina mugumo muhuwandu—madzinde euswa mumafuro, tsanga dzejecha repamahombekombe egungwa, kana nyeredzi dziri mudenga. Rudzikinuro rweMuponesi haruna mugumo sei? Nderwe munhu pachake sei? Ndedzipi ndevo dziri muna 2 Nifai 9 dzinokubatsira kunzwa ruvongo nokuda kweizvo Muponesi zvaakakuitira?

2 Nifai 9:27–54

Ndinokwanisa kuuya kuna Kristu uye nokutevera chirongwa chaMwari.

Muna 2 Nifai 9, Jakobo akashandisa ndevo mbiri dzine simba uye dzinopikisana: “chirongwa chengoni cheMusiki mukuru” uye “icho chirongwa cheunyengeri cheuyo wakaipa” (2 Nifai 9:6, 28). Pamwe unokwanisa kudhirowa gwara uye worinyora kuti Chirongwa chaBaba Vokudenga. Zvino tsvagurudza 2 Nifai 9:27–52. Tsvaka yambiro nekukokwa izvo Jakobo zvaakapa kutibatsira kutevera chirongwa ichi. Nyora izvo zvaunowana kusara kwegwara. Satani anoedza sei kutitungamirira kure kubva kuchirongwa chaMwari? Chii chaunonzwa kufemerwa kuita mumhinduro kuyambiro nekukoka kwaJakobo?

2 Nifai 10:20, 23–25

Kuzvipira kwaJesu Kristu kunokwanisa kundiunzira mufaro.

Shoko raJakobo raiva remufaro. “Ndinotaura kwamuri zvinhu izvi,” akadaro, “kuti imi mugofara, uye mugosimudza misoro yenyu nariinhi nariinhi” (2 Nifai 9:3). Apo paunoverenga 2 Nifai 10:20, 23–25, chii chaunowana icho chinofadza mwoyo wako? Chii chaunozoita kurangarira zvinhu izvi apo paunonzwa kuora mwoyo?

Onawo Johane 16:33.

Mazano eKudzidzisa Vana

2 Nifai 9:6–10, 19–24

Jesu Kristu ndiye Muponesi wangu.

  • Unozobatsira sei vana vako kunzwisisa nokunzwa kuti vanoda Muponesi Jesu Kristu? Peji yechiitwa chevhiki inokwanisa kubatsira. Inoshandisa muenzaniso wakareruka wegomba nemanera. Funga pamusoro pokushandisa 2 Nifai 9:21–22 kutaura nevana vako pamusoro pokuti sei une ruvongo naJesu Kristu.

  • Imwe nzira yokubatsira vana vako kunzwisisa kuti sei tichida Muponesi ndeye kuvadzidzisa pamusoro peKuputsika. Unokwanisa kutaridza mufananidzo waAdama naEva, sezvakaita Leaving the Garden of Eden [Kubuda muBindu reEdeni] (Raibhurari yeVhangeri), uye mufananidzo waJesu Kristu pamuchinjikwa. Funga pamuso pokuvakumbira kutsanangura zviri kuitika mumufananidzo woga woga. Takafanana sei naAdama naEva? Pamwe 2 Nifai 9:6–10 inokwanisa kuvabatsira kuona izvo zvatinoitirwa naJesu Kristu. Funga pamusoro pokukoka vana kuti vagovere manzwiro avo pamusoro paJesu Kristu. Rumbo rwakaita seurwu: “Mununuri weIsraeri” (Nziyo neDzevana Vadiki, 8 rwunokwanisa kubatsira.

Dzidzisa chokwadi nenyaya nemienzaniso. Ita chokwadi kuti nyaya nemienzaniso zvaunoshandisa zvinodzidzisa chokwadi. Somuenzaniso, apo paunoshandisa peji yechiitwa chevhiki ino, dzidzisa kuti Jesu Kristu akauya “mugomba” kuzotibatsira munhanho yoga yoga yenzira apo patinokwira kubudamo.

2 Nifai 9:20, 28–29, 42–43, 49

“Mwoyo wangu unofara muururami.”

  • Kuti ukurudzire vana vako “[kufara] muururami” kana kuteerera Ishe nomufaro (2 Nifai 9:49), pamwe unokwanisa kugovera mienzaniso umo mwana maanoita sarudzo yakanaka kana sarudzo yakaipa. Koka vana kuti vasimuke apo sarudzo yacho painounza mufaro uye vagare pasi apo sarudzo yacho painounza rusuwo. Ndiriinhi patakanzwa mufaro nokuda kwokuti takaita sarudzo yokutevera Jesu Kristu?

  • Vana vako vangangotaura navanhu (kana vasina kudaro nechakare) vanofunga kuti mirairo yaIshe ndeye upenzi kana kuti haichashandi mazuva ano. Pamwe iwe navana vako munokwanisa kutaura pamusoro pamatsananguriro amungaita kuti sei tichifara kuchengeta mirairo. Sei zvakakosha kuvimba nerairo yaMwari kunyangwe dai tisingainzwisisi zvakazara? Unokwanisa kuvakurudzira kutsvaka muna 2 Nifai 9:20, 28–29, 42–43 kuti vawane rubatsiro nekufunga pamusoro pemibvunzo iyi uye nokuikurukura.

Mufananidzo
Jesu Kristu achiporesa vanhu

He Healed Many of Diverse Diseases [Akaporesa Vakawanda kubva kuZvirwere Zvakasiyana–siyana], naJ. Kirk Richards