Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Ruka 21


DJS, Ruka 21:24–26 (enzanisa Ruka 21:24–26)

(Jesu akatsanangura zviratidzo yekuuya kwake.)

24 Zvino zvinhu izvi akataura kwavari, maererano nokuparadzwa kweJerusarema. Uye ipapo vadzidzi vakamubvunza vachiti, Tenzi, tiudzei maererano nekuuya kwenyu.

25 Uye akapindura kwavari, uye akati, Muchizvarwa umo muchazadzikiswa nguva dzemaJentairi, kuchave nezviratidzo muzuva nemumwedzi, nemunyenyedzi; uye munyika, kushushikana kwemarudzi nokunetswa, segungwa nemasaisai achitinhira. Nenyika ichatambudzwa, uye nemvura dzeudzame hukuru;

26 Mwoyo yavanhu ichavatadzisa pamusana pekutya, uye nokuti varikutarisa izvo zvinhu zvirikuuya panyika. Nokuti masimba edenga achazunzwa.

DJS, Ruka 21:32 (enzanisa Ruka 21:32)

(Zvose zvinozadzikiswa kana nguva dzemaJentairi dzazadzikiswa.)

32 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chizvarwa chino, chizvarwa apo nguva dzemaJentairi dzichazadzikiswa, hachizopfuura kudakara zvose zvazadzikiswa.