Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Ruka 17


DJS, Ruka 17:21 (enzanisa Ruka 17:20–21)

(Umambo hwaMwari hwakatouya kare.)

21 Havazoti, Onai, pano! kana, Onai, apo! Nokuti, tarisai, umambo hwakatouya kare kwamuri.

DJS, Ruka 17:36–40 (enzanisa Ruka 17:37)

(Jesu anotsanangura mufananidzo werungano nezvekuunganidzwa kwevakarurama.)

36 Uye vakapindura uye vachiti kwaari, Ndekupi, Ishe, kwavachaendeswa?

37 Uye akati kwavari, Kwose uko kunenge kwakaunganwa; kana, nemamwe mazwi, pose zvapo panenge pakaungana vatendi, ikoko ndiko kuchaungana makondo pamwechete; kana, ikoko avo vakasara ndiko kwavachaungana pamwechete.

38 Izvi akataura, achireva kuungana kwevatendi vake; nekwengirozi dzichaburuka nekuunganidza vakasara kwadziri; mumwe kubva pamubhedha, mumwe kubva pachigayo, uye kwose zvako kwaanenge achida.

39 Nokuti zvirokwazvo kuchave nematenga matsva, uye nepasi idzva, umo munogara hururamo.

40 Uye hamuchazove nechinhu chisina kuchena; nokuti pasi richasakara, kunyangwe sehembe, mushure mekunge rasimba muhuori, nokudaro rinonyangadika, uye chigaro chetsoka chinosara chakacheneswa, chakasukwa kubva muzvitadzo zvose.