Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Genesi 9


DJS, Genesi 9:10–15 (enzanisa Genesi 9:3–9)

(Munhu anosungirwa kuzvitaurira pamusoro pekuponda uyewo nokuparadza upenyu hwemhuka.)

10 Asi, ropa renyama yose iyo yandakakupa yekudya, richadeurwa pamusoro pevhu, iro rinotora upenyu hwayo, uye ropa musazoridya.

11 Uye chokwadi, ropa harizodeurwa, kunze kwekudya chete, kunoraramisa upenyu hwenyu; uye ropa remhuka yose ndicharida pamaoko enyu.

12 Uye ani zvake anodeura ropa remunhu, nemunhu ropa rake richadeurwawo; nokuti munhu haachazodeura ropa remunhu.

13 Nokuti ndinokupa murairo, kuti yose hama yemunhu ichachengetedza upenyu hwemunhu, nokuti mufananidzo wangu ndakaita munhu.

14 Uye murairo ndinopa kwauri, Ivai nezvibereko uye muwande; unzai vakawanda panyika, uye muwande imomo.

15 Uye Mwari vakataura kuna Noa, uye nekuvanakomana vake vaaive navo, vachiti, Uye ini, tarisai, ndichamisa chibvumirano changu newe, icho chandakaita kuna baba vako Enoki, pamusoro pembeu yako shure kwako.

DJS, Genesi 9:21–25 (enzanisa Genesi 9:16–17)

(Mutwi wakaiswa mudenga sechiyeuchidzo chechibvumirano chaMwari kuna Enoki nekuna Noa. Mumazuva ekupedzisira kuungana kwevose vechechi yeDangwe [Zioni yaIshe munguva dzaEnoki; ona Mosesi 7] vachasangana nevakarurama vari pasi.)

21 Uye mutwi uchave mumakore; uye ini ndichatarisa pahuri, kuti ndigoyeuka chibvumirano chisingapere, icho chandakaita kuna baba vako Enoki; kuti, kana vanhu vachichengeta yose mirairo yangu, Zioni inouya zvakare panyika, Guta raEnoki iro randasimudzira kwandiri.

22 Uye ichi ndicho chibvumirano changu chisingapere, kuti apo vana vako vachagumbatira chokwadi, uye vachitarisa kumusoro, ipapo Zioni ichatarisa pasi, uye matenga ose achazunguzika nokufara, uye pasi richadedera nemufaro;

23 Uye gungano revose vechechi yedangwe richauya pasi kubva kudenga, uye rotora nyika, uye richavepo kudakara magumo auya. Uye icho ndicho chibvumirano changu chisingapere, icho chandakaita nababa vako Enoki.

24 Uye huta huchave mugore, uye ndichamisa chibvumirano changu kwauri, icho chandakaita pakati pangu newe, kuitira chose chisikwa chenyama chichave pamusoro penyika.

25 Uye Mwari vakati kuna Noa, Ichi ndicho chiratidzo chechibvumirano icho chandamisa pakati pangu newe; cheyose nyama ichave pamusoro penyika.