Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Genesi 14


DJS, Genesi 14:25–40 (enzanisa Genesi 14)

(Hushumiri hukuru kwaMerkizedeki hunotaurwa; masimba nemaropafadzo eHupirisita hwaMerkizedeki anotsanagurwa.)

25 Uye Merkizedeki akasimudza izwi rake uye akaropafadza Abrama.

26 Zvino Merkizedeki aive murume werutendo, aishanda kururama; uye ari mwana mudiki aitya Mwari, uye akamisa miromo yeshumba, uye akadzima hasha dzemoto.

27 Uye nokudaro, ave akabvumwa naMwari, akagadzwa semuhupirisita wepamusoro maererano nehurongwa hwechibvumirano icho Mwari chavakaita naEnoki,

28 Ihwo huri maererano nehurongwa hweMwanakomana waMwari; huri hurongwa hwakauya, kwete nemunhu, kana nokuda kwemunhu; kana nababa kana amai; kwete nekutanga kwemazuva kana kuguma kwemakore; asi kwaMwari;

29 Uye hwakapihwa kuvanhu nekudaidza kwezwi ravo pachavo, maererano nechido chavo, kune vakawanda vaitenda muzita ravo.

30 Nokuti Mwari vakatsidza kuna Enoki uye nokumbeu yake nemhiko yavo pachavo; kuti wose uyo ari kugadzwa maererano nehurongwa uhu nokudaidzwa anofanira kuve nesimba, nerutendo, rwekupaza makomo, nokuganura makungwa, kuomesa mvura, kudzibvisa munzira madzo;

31 Kunyadzisa mawuto emarudzi, kuganura nyika, kudimbura rose joto, kumira pamberi paMwari; kuita zvose zvinhu maererano nekuda kwavo, maererano nekuraira kwavo, kukurira hushe nemasimba; uye izvi nekuda kweMwanakomana waMwari uyo akange ariko hwaro hwenyika husati hwavepo.

32 Uye vanhu vaine rutendo urwu, vachiuya muhurongwa uhu hwaMwari, havana kufa uye vakatorwa kudenga.

33 Uye zvino, Merkizedeki akanga ari muhupirisita wehurongwa uhu; nokudaro akawana runyararo muSaremi, uye akadaidzwa kuti Jinda rerunyararo.

34 Uye vanhu vake vakashanda kururama, uye vakawana denga, uye vakatsvaga guta raEnoki iro Mwari ravakanga vatora kare, vachiripatsanura kubva panyika, varichengetedzera kumazuva ekupedzisira, kana magumo enyika;

35 Uye akati, uye akatsidza nemhiko, kuti matenga nenyika zvichauya pamwechete; uye vanakomana vaMwari vanofanira kuyedzwa saizvozvo nemoto.

36 Uye iyeyu Merkizedeki, ave adzika kururuma, akadaidzwa kunzi mambo wedenga nevanhu vake, kana, nemamwe mazwi, Mambo werunyararo.

37 Uye akasimudza izwi rake, uye akaropafadza Abrama, ari mupirisita wepamusoro, uye muchengeti wemba yekurongedzera zvinhu yaMwari.

38 Iyeyu uyo akanga asarudzwa naMwari kuti agashire zvegumi zvevarombo.

39 Nokudaro, Abrama aibhadhara kwaari chegumi chezvose zvaakanga ainazvo, zveupfumi hwose hwaaive nahwo, uhwo hwaakanga apihwa naMwari kupfuura hwaaida.

40 Uye zvakaitika kuti Mwari vakaropafadza Abrama, uye vakamupa upfumi, uye nokukudzwa, uye nyika dzive dzake nokusingapere; maererano nechibvumirano chaakanga aita nemaererano nemaropafadzo ayo aakanga aropafadzwa nawo naMerkizedeki.