“Shongwe yeBaberi,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)
“Shongwe yeBaberi,” Nyaya dzeTestamente Yekare
Genesi 11
Shongwe yeBaberi
Vanhu vachiedza kuvaka nzira yokuenda kudenga
Mushure memafashamu emvura, vanhu vakatanga kusateerera Mwari. Vamwe vavo vaiva vasingatendi muchirongwa chaMwari. Vasina kubvunza Mwari, vakatanga kuvaka shongwe yekuedza kuenda kudenga. Yaiva iri temberi yenhema yaidadzwa kunzi Shongwe yeBaberi.
Genesi 11:4, 9
Mwari havana kufadzwa nekuti vanhu vaiva vachivaka shongwe. Vakashandura mutauro wavo kuitira kuti vasakwanisa kunzwisisana. Nokuti vaisakwanisa kunzwisisana, vakamira kuvaka shongwe.
Genesi 11:6–8; Eta 1:33
Mwari vakaparadzira vanhu uye vakavatumira pasi rose kuti vanogara.
Genesi 11:9