“Mambo Davidi,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)
“Mambo Davidi,” Nyaya dzeTestamente Yekare
1 Samueri 18–19; 31; 2 Samueri 1; 5; 11–12
Mambo Davidi
Matambudziko amambo
Mambo Sauro, mambo weIsraeri, akafadzwa nekukunda Goriati kwakaita Davidi. Sauro akagadza Davidi kuva mutungamiri pamusoro pemauto ake.
1 Samueri 18:5
Davidi aida Ishe uye aida kuita zvakarurama nguva dzose. Vanhu veIsraeri vaida Davidi.
1 Samueri 18:6–7
Sauro akaita godo uye akaedza kuuraya Davidi. Asi Davidi aitevera Ishe, uye Ishe vakamudzivirira kubva kuna Sauro
1 Samueri1 18:6–16; 19:1
VaIsraeri vakarwa muhondo zhinji. Rimwe zuva Sauro nevanakomana vake vakafa muhondo. Davidi aivada uye akasuwa zvikuru kunzwa nezverufu rwavo. Zvino vaIsraeri vaifanira kuva namambo mutsva. Ishe vakasarudza Davidi kuti ave mambo wavo. Vanhu vakafara.
1 Samueri 31:2–6; 2 Samueri 1:11–12; 5:1–5
Ishe vakaropafadza Mambo Davidi uye vakamutungamirira. Nerubatsiro rwaIshe, mauto aDavidi akakurira vavengi vavo.
2 Samueri 5:6–10, 17–25
Rimwe zuva apo Davidi paaifanira kuenda kuhondo, akasara kumba. Akaona mudzimai akanaka. Zita rake rainzi Bati-sheba, uye Davidi aida kuchata naye. Asi akanga akatochata kare naUria, uyo aiva musoja mumauto aDavidi.
2 Samueri 11:1–3
Davidi aida kuchata naBati-sheba, saka akatumira murume wake Uria kuhondo ine njodzi kuitira kuti Uria azourayiwa.
2 Samueri 11: 4–17
Nenguva pfupi Davidi akaziva kuti Uria akafa muhondo. Davidi akatuma varanda vake kuti vaunze Bati-sheba kumba kwake, uye akachata naye.
2 Samueri 11:24, 26–27
Asi Ishe havana kufara nezvakanga zvaitwa naDavidi. Ishe vakatuma Natani, muporofita, kuti anotaurira Davidi kukomba kwaiva kwakaita chivi chake. Davidi akava nekusuwa kukuru nezvaakanga aita kuna Uria naBati-sheba. Akanamata uye akatsanya kuti awane ruregerero kubva kuna Ishe.
2 Samueri 11:27; 12:1–13