“Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)
“Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego,” Nyaya dzeTestamente Yekare
Danieri 1; 3
Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego
Chiedzo chorutendo chinenjodzi
Mambo Nebukadnezari akavaka hofori yechifananidzo, chendarama uye akamanikidza vanhu vake kuti vachinamate. Kana vakaramba, vaizoiswa mubisiro remoto.
Danieri 1:6–7; 3:1–6
Shamwari dzaDanieri Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego vaida Mwari uye vakaramba kunamata mwari wenhema wamambo. Mambo akavashatirirwa.
Danieri 3:6–15
Shamwari nhatu idzi dzakataurira mambo kuti vaizonamata Mwari chete. Vaitenda kuti Mwari vaikwanisa kuvadzivirira. Asi kunyangwe dai Vaisavaponesa, vaizodzivirira izvo zvavaitenda.
Danieri 3:15–18
Mambo akashatirirwa zvikuru naShadraki, Meshaki, naAbedi‑nego. Akaita kuti vakandwe mubisiro remoto. Asi apo mambo paakatarisa mubisiro, akashamisika kuona munhu wokudenga ari mumoto nevarume vatatu ava. Havana kukuvadzwa nemoto.
Danieri 3:19–25
Mambo vakadaidza Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego, vakabuda mubisiro. Moto hauna kuvakuvadza kana kunyangwe kupisa mbatya dzavo
Danieri 3:26–27
Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego vakateerera mirairo yaMwari, kunyangwe apo upenyu hwavo pahwaiva munjodzi. Muenzaniso wavo wakabatsira mambo kutenda muna Mwari.
Danieri 3:28–29