“Hagari,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)
“Hagari,” Nyaya dzeTestamente Yekare
Genesi 16
Haga
Chirongwa chaIshe kumwanasikana Wavo
Hagari aiva murandakadzi waSara. Sara aiva achembera uye akanga asina vana. Akaudza murume wake, Abrahama, kuti achate naHagari kuitira kuti vakwanise kuva nevana. Abrahama naHagari vakachata, uye nenguva pfupi Hagari aizova nemwana.
Genesi 16:1–3
Hagari naSara vakatanga kuitirana utsinye. Hagari akasarudza kutizira mugwenga.
Genesi 16:4–6
Apo Hagari paaifamba parwendo, akaneta uye akava nenyota zvikuru. Pekupedzisira, akasvika panzvimbo inemvura uye akazorora ipapo.
Genesi 16:7
Ishe vaiziva pamusoro pematambudziko aHagari uye vakanga vaine chirongwa chekumubatsira. Vakatuma ngirozi kuti imukumbire kuti adzokere kuna Abrahama naSara. Vakavimbisa kuti mhuri yaHagari yaizokura. Vakati mwana waaizovanaye aiva mukomana uye aifanira kumutumidza zita rokuti Ishmaeri.
Genesi 16:7–14
Hagari akavimba naIshe uye akateerera ngirozi. Akadzokera kuna Abrahama naSara. Hagari akazvara mwanakomana wake, uye zita rake rainzi Ishmaeri. Hagari akaziva kuti Ishe vaimutaririra.
Genesi 16:11, 15