“Josefa muEgipita,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)
“Josefa muEgipita,” Nyaya dzeTestamente Yekare
Genesi 39–41
Josefa muEgipita
Nhapwa inova mutungamiri
Josefa akatengeswa senhapwa kumurume ainzi Potifari. Potifari aishandira Farao, mutongi weEgipita. Potifari akaona kuti Ishe vakabatsira Josefa. Akavimba naJosefa uye akamuita mutariri weimba yake uye nezvinhu zvose zvaaiva nazvo.
Genesi 39:1–6
Mudzimai waPotifari aifarira Josefa. Aida kuti Josefa atyore mirairo yaIshe naye. Josefa akamuudza kuti kwete.
Genesi 39:7–10
Mudzimai waPotifari akaramba kuteerera, saka Josefa akatiza. Akashatirirwa Josefa
Genesi 39:11–12
Akaratidza Potifari chipenga chechipfeko chaJosefa. Akanyepa kuna Potifari pamusoro paJoseph. Potifari akaisa Josefa mutirongo.
Genesi 39:13–20
Josefa akanga akaparadzaniswa kubva kumhuri yake. Akanga ava nhapwa, uye zvino akanga ava musungwa. Asi Ishe zvakadaro vakabatsira Josefa. Josefa haana kuora mwoyo. Ishe vakaropafadza murindi wetirongo kuti aone zvakanaka muna Josefa. Murindi akatanga kuvimba naye, saka akaita Josefa mutariri wavamwe vasungwa.
Genesi 39:21
Josefa akasangana navasungwa vaviri, mubiki wechingwa uye murunda mukuru, avo vakanga vashandira Farao. Vose vari vaviri vakanga vaita zviroto zvinoshamisa. Kuburikidza nesimba raIshe, Josefa akatsanangura zvairehwa nezviroto zvavo. Chiroto chemuranda mukuru chaireva kuti iye muranda mukuru aizosunungurwa. Pashure pamazuva matatu, akasunungurwa kuti anoshandira Farao zvakare.
Genesi 39:22–23; 40:1–21
Rimwe zuva Farao akatsamwiswa nezviroto zvake. Hapana akakwanisa kumuudza zvairehwa nezviroto zvake.
Genesi 41:1–8
Zvino muranda mukuru akarangarira kuti Josefa aikwanisa kutsanangura zviroto.
Genesi 41:9–13
Josefa akaunzwa kubva mutirongo kuti azotsanangura zviroto zvaFarao. Josefa akati zviroto zvaireva kuti Egipita yaizova namakore manomwe iine zvokudya zvakawandisa achiteverwa namakore manomwe enzara iine zvokudya zvishomashoma. Josefa akaudza Farao kuti Egipita yaifanira kuchengetedza zvokudya zvakawanda munguva yemakore akanaka.
Genesi 41:14–36
Farao akaziva kuti izvo zvaiva zvataurwa naJosefa pamusoro pezviroto zvake zvaiva chokwadi. Akasunungura Josefa kubva mutirongo uye akaita Josefa mutungamiri mukuru muEgipita. Kwamakore manomwe, Josefa akabatsira Egipita kuchengeta zvimwe zvokudya zvizhinji.
Genesi 41:37–53
Zvino nzara yakauya. Munguva iyi, hapana aikwanisa kurima zvokudya zvipi zvazvo. Vanhu vakaenda kuEgipita kunotenga zvokudya izvo Josefa zvaakanga achengeta. Nokuda kwaJosefa, vaEgipita vakachengetedza zvokudya zvakakwana kuvabatsira ivo uye nevamwe kurarama munguva yenzara.
Genesi 41:54–57